Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Simbisai Imba Yenyu Nokukurukurirana Zvakanaka

Simbisai Imba Yenyu Nokukurukurirana Zvakanaka

“Shoko rinotaurwa panguva yaro yakakodzera rakafanana nemaapuro endarama ari mundiro dzakavezwa dzesirivha.”—ZVIR. 25:11.

1. Vamwe vakaroorana vakabatsirwa sei nokukurukurirana zvakanaka?

“ZVIRI nani kupedza nguva ndiine mudzimai wangu pane kuipedza nemumwe munhu,” yakadaro imwe hama yokuCanada. “Kana ndiinaye kufara kwandinoita kunowedzera uye kurwadziwa kwandingava nakwo kunodzikira.” Mumwe murume wokuAustralia akanyora kuti: “Mumakore 11 atave takaroorana, hapana kana zuva rimwe rakapfuura ndisina kumbotaura nemudzimai wangu. Hatinetseki kana kutyira kuti imba yedu ingaparara. Chikonzero chikuru ndechokuti tinogara tichikurukura zvinovaka.” Imwe hanzvadzi yokuCosta Rica yakati: “Kukurukurirana zvakanaka hakuna kungosimbisa imba yedu chete; asi kwatiswededza pedyo naJehovha, kwatidzivirira kuti tisapinda mumiedzo, kwaita kuti tibatane uye tiwedzere kudanana.”

2. Zvii zvinogona kuita kuti mutadze kukurukurirana zvakanaka?

2 Iwe nemumwe wako munokurukura zvakanaka here, kana kuti munonetseka kuti mukurukure zvinovaka? Zvinhu hazvingambotadzi kuomawo nokuti murume nomudzimai vanhu vanotadza, vane unhu hwakasiyana, hunosanganisira maitiro anoratidza zvinoitwa kwavakabva uye marererwo avakaitwa. (VaR. 3:23) Uyewo murume nemudzimai vanosiyana pamatauriro avanoita pfungwa dzavo. Ndokusaka John M. Gottman naNan Silver vanotsvakurudza nezvevanhu vakaroorana vanoti: “Kuti imba yenyu igare kwenguva refu, zvinotoda kuti mushinge, mutsidze mumwoyo, uye mumire makasimba.”

3. Chii chakabatsira vakaroorana vakawanda kuti vasimbise dzimba dzavo?

3 Chokwadi, kuti imba ibudirire zvinotoda kushanda nesimba. Asi izvozvo zvinozoita kuti pave nemufaro  usingataurike. Murume nemudzimai vanodanana vanogona kunakidzwa neupenyu. (Mup. 9:9) Funga nezvaIsaka naRibheka avo vaidanana chaizvo. (Gen. 24:67) Kunyange pashure penguva yakareba varoorana, hapana chinoratidza kuti kudanana kwavo kwakambodzikira. Mazuva ano vakawanda vari kugarisanawo saizvozvo. Chii chinoita kuti vadaro? Vakadzidza kubudirana pachena pavanotaura zvavanofunga uye manzwiro avo, asi vachizviita nemutsa, vachiratidza kunzwisisa, rudo, kuremekedzana zvikuru uye kuzvininipisa. Sezvatichaona iye zvino, kana vanhu vakaroorana vakava neunhu uhwu hunokosha, zvichava nyore kuti vagare vachikurukurirana.

RATIDZAI KUTI MUNE NJERE

4, 5. Kuva nenjere kungabatsira sei murume nemudzimai kuti vanyatsonzwisisana? Ipa mienzaniso.

4 Zvirevo 16:20 inoti, “Munhu anoratidza kuti ane njere panyaya achawana zvakanaka.” Chokwadi mashoko iwayo anoshanda kune vakaroorana uye muupenyu hwemhuri. (Verenga Zvirevo 24:3.) MuShoko raMwari ndimo matinonyanya kuwana njere neuchenjeri. Genesisi 2:18 inotiudza kuti Mwari akasika mukadzi kuti ave mukwanisi wemurume, haana kuvasika vakafanana. Izvozvo zvinooneka pakutaura kwaanoita nemurume wake. Ichokwadi kuti vanhu vanosiyana, asi vakadzi vanowanzofarira kutaura nezvemanzwiro avo uye nezvevamwe vanhu. Mudzimai anoda chaizvo kuti murume wake ataure naye achiratidza rudo uye ushamwari, nokuti izvozvo zvinoita kuti anzwe achidiwa. Asi varume vakawanda havadaro, vanowanzofarira kukurukura nezvemabasa, matambudziko uye nzira dzokuagadzirisa nadzo. Uye varume vanoda kuremekedzwa.

5 “Murume wangu anoda kumhanyira kugadzirisa matambudziko pane kunditeerera ndichitaura,” yakadaro imwe hanzvadzi yokuBritain. “Izvi zvinogona kundivhiringa chaizvo nokuti ndinenge ndichingoda kunzwirwa tsitsi.” Mumwe murume akanyora kuti: “Patakaroorana, ndaiwanzova nekatsika kekumhanyira kugadzirisa chero dambudziko raisangana nemudzimai wangu. Zvisinei, ndakazoona kuti aingoda kuteererwa chete.” (Zvir. 18:13; Jak. 1:19) Murume ane njere anofunga nezvemanzwiro emudzimai wake uye anoedza kuita zvinoenderana nezvaanenge achida. Anoitawo kuti mudzimai wake azive kuti anokoshesa zvaanofunga uye manzwiro ake. (1 Pet. 3:7) Mudzimai anoedzawo kunzwisisa maonero emurume wake. Kana murume nemudzimai vakaratidza kuti vanonzwisisa uye vakanyatsoita zvavanonzi neMagwaro vaite, imba yavo ichayemurika chaizvo. Uyewo, vachakwanisa kushanda vose pakuita uye kuzadzisa zvisarudzo zvakanaka, zvinoratidza kuchenjera.

6, 7. (a) Zano riri pana Muparidzi 3:7 ringabatsira sei murume nemudzimai kuti varatidze kuti vane njere? (b) Mudzimai angaratidza sei kuti akangwara, uye murume anofanira kuedza kuitei?

6 Murume nemudzimai vane njere vanozivawo kuti pane “nguva yokunyarara nenguva yokutaura.” (Mup. 3:1, 7) “Iye zvino ndava kuziva kuti pane nguva isina kukodzera kutanga dzimwe nyaya,” yakataura kudaro imwe hanzvadzi yava nemakore gumi yakaroorwa. “Kana murume wangu akawandirwa nebasa kana zvimwewo zvokuita, ndinombomira kutaura dzimwe nyaya. Izvozvo zvava kuita kuti tikurukure zvakanakanaka.” Madzimai akangwara anotaurawo nenyasha, achiziva kuti shoko rakanyatsosarudzwa “rinotaurwa panguva yaro yakakodzera” rinofadza uye rinokosheswa.—Verenga Zvirevo 25:11.

Zvinhu zviduku zvinogona kubatsira chaizvo murume nemudzimai

7 Murume wechiKristu haafaniri kungoteerera mudzimai wake chete asi anofanirawo kuedza kunyatsotaura manzwiro aanoita. Mumwe mukuru ava nemakore 27 akaroora akati: “Ndinotofanira kushanda kuti ndiudze mudzimai wangu zvinenge zviri kutsi kwemwoyo.” Hama yava nemakore 24 yakaroora yakati: “Ndinogona kuchengeta zvinhu mumwoyo ndichifunga kuti, ‘Kana ndikasataura nyaya iyi zvichabva zvangopera.’ Asi ndakazoona  kuti kuratidza manzwiro angu hazvirevi kuti handisi murume. Pandinonetseka kutaura manzwiro angu, ndinonyengetera kuti ndiwane mashoko akanaka okutaura uye nzira yakanaka yokuataura nayo. Ndinobva ndatura befu ndotanga kutaura.” Zvinobatsirawo kuziva nguva yakanaka yokutaura, zvimwe murume nemudzimai pavanenge vari voga vachikurukura rugwaro rwezuva kana kuti vachiverenga Bhaibheri.

8. Chii chimwe chinogona kuita kuti murume nemudzimai vechiKristu vave nechido chokuita kuti imba yavo ibudirire?

8 Zvinokoshawo kuti murume nemudzimai vanyengetere uye vave nechido chokunatsiridza kukurukurirana kwavanoita. Kuchinja zvamaimboita kunogona kunge kwakaoma. Asi kana murume nemudzimai vachida Jehovha, vakakumbira mudzimu wake, uye vachiona imba yavo seurongwa hutsvene, vanova nechido chakanaka chisina vakawanda. Mumwe mudzimai ave akaroorwa kwemakore 26 akanyora kuti: “Ini nemurume wangu tinokoshesa maonero anoita Jehovha kuroorana, saka hatitombofungi zvekuparadzana. Izvi zvinoita kuti tishande nesimba pakugadzirisa matambudziko edu nokuakurukura.” Kuvimbika kwakadaro uye kuzvipira kuna Mwari kunomufadza uye kunounza makomborero akazonaka.—Pis. 127:1.

WEDZERAI KUDANANA

9, 10. Murume nemudzimai vangaita sei kuti vawedzere kudanana?

9 Rudo, “chisungo chakakwana chokubatana,” ndirwo runonyanya kukosha mumba. (VaK. 3:14) Rudo rwechokwadi runowedzera kana murume nemudzimai vakaramba vakabatana, mukufara nemukutambudzika. Ushamwari hwavo hunosimba chaizvo uye vanokoshesa nguva yavanenge vari pamwe chete. Wanano dzakadaro dzinosimbiswa, kwete nezvinhu zvikuru, sezvinoratidzwa mumafirimu, asi nezvinhu zviduku zvakadai sekumbundirana, mashoko emutsa, kuitira mumwe wako chinhu chakanaka, kunyemwerera kana kumubvunza nemwoyo wose kuti “waswera sei?” Zvinhu zviduku izvozvo zvinogona kubatsira chaizvo murume nemudzimai. Mumwe murume nemudzimai vave vakaroorana kwemakore 19 uye vachifara vanofonerana kana kutumirana mameseji mukati mezuva ‘kuti vangoziva kuti zvinhu zviri sei.’

10 Rudo runoitawo kuti murume nemudzimai varambe vachidzidzana. (VaF. 2:4) Izvozvo zvinoita kuti vawedzere kudanana pasinei nezvavanokanganisa. Imba ine vanhu vanofara inosimba nekupindana kwemakore. Saka kana wakaroora kana kuroorwa zvibvunze kuti: ‘Ndinonyatsoziva mumwe wangu zvakadii? Ndinonyatsonzwisisa manzwiro ake uye  zvaanofunga here? Ndinofunga nezvemumwe wangu kakawanda sei, zvimwe ndichifungisisa unhu hwakaita kuti ndimude?’

REMEKEDZANAI

11. Kuti murume nemudzimai vagare vachifara nei zvichikosha kuti varemekedzane? Taura muenzaniso.

11 Kunyange mhuri inofara chaizvo ine matambudziko ayo uye vaviri vanodanana vangasawirirana pane zvose. Abrahamu naSara vaisawiriranawo pane zvose. (Gen. 21:9-11) Asi izvozvo zvaisakanganisa imba yavo. Nemhaka yei? Vairemekedzana uye vaikudzana. Somuenzaniso, Abrahamu aiti kuna Sara “ndapota.” (Gen. 12:11, 13) Sara aiteererawo Abrahamu uye aimuona sa“ishe” wake. (Gen. 18:12) Kana murume nemudzimai vasingaremekedzani, zvinowanzooneka nematauriro avanoita uye inzwi ravo. (Zvir. 12:18) Kana vakasagadzirisa dambudziko ravo, imba yavo inogona kuparara.—Verenga Jakobho 3:7-10, 17, 18.

12. Nei murume nemudzimai vanenge vachangochata vachifanira kushanda nesimba kuti vakurukure vachiremekedzana?

12 Murume nemudzimai vanenge vachangochata vanofanira kushanda nesimba kuti vataure nemutsa uye vachiremekedzana, kuitira kuti vakwanise kukurukurirana vakasununguka uye vachibudirana pachena. “Kunyange zvazvo makore okutanga maroorana achinakidza, pamwe pacho munogona kuvhiringidzana,” akayeuka kudaro mumwe murume. “Paunotanga kunyatsoona zvakaita mudzimai wako, tsika dzake, zvaanoda uye manzwiro ake, uye iye achidarowo kwauri, zvinhu zvinogona kumboti netsei! Zvisinei, kana mukaedza kuwana nzira yokugadzirisa nayo zvinhu, muchikwanisa kutoseka zvamunenge makanganisirana, uye kana mukava neunhu hunoita kuti mutsige hwakadai sekuzvininipisa, mwoyo murefu, uye kuvimba naJehovha, muchabatsirwa chaizvo.” Ichocho ichokwadi!

RATIDZAI KUZVININIPISA KWECHOKWADI

13. Nei kuzvininipisa kuchikosha kuti imba isimbe uye pave nemufaro?

13 Kukurukurirana zvakanaka kwakaita sekarwizi kanoyerera zvakanakanaka kachipfuura nemupaki. ‘Kuzvininipisa’ kunobatsira chaizvo pakuita kuti kukurukurirana kurambe kuchifamba zvakanaka sokuyerera kwekarwizi ikako. (1 Pet. 3:8) Imwe hama yave yakaroora kwemakore 11 yakati: “Kuzvininipisa ndiyo nzira inoita kuti mukurumidze kugadzirisa kusawirirana nokuti kunoita kuti uti,  ‘Ndine urombo.’” Mumwe mukuru ave akaroora kwemakore 20 uye achifara akati: “Dzimwe nguva mashoko okuti ‘Ndine urombo’ ane simba kupfuura kuti ‘Ndinokuda.’” Akawedzerawo kuti: “Munyengetero unobatsira chaizvo kuti tikurumidze kuzvininipisa. Ini nemudzimai wangu patinonyengetera kuna Jehovha pamwe chete, tinoyeuchidzwa nezvekusakwana kwedu uye mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari. Izvozvo zvinondibatsira kuti ndione zvinhu nenzira yakanaka.”

Rambai muchikurukurirana zvakanaka mumba menyu

14. Kuzvikudza kunogona sei kukanganisa imba?

14 Zvisinei, kuzvikudza hakumboiti kuti muyanane. Kunotadzisa kukurukura nokuti kunoita kuti musava nechido uye ushingi hwokukumbira ruregerero. Pane kutaura achizvininipisa kuti, “Ndine urombo, ndapota ndiregererewo,” munhu anozvikudza anopa tuzvikonzero. Pane kubvuma zvaanokanganisa, anotaura zvinokanganiswa nevamwe. Kana akakanganisirwa, pane kuti atsvage rugare, anotogumbuka, achitodzorera nemashoko anorwadza kana kungoti kwindi. (Mup. 7:9) Chokwadi kuzvikudza kunogona kuparadza imba. Zvakanaka kuyeuka kuti “Mwari anoshora vanozvikudza, asi anoratidza mutsa usina kukodzera kuwanwa kune vanozvininipisa.”—Jak. 4:6.

15. Tsanangura kuti kushandisa zano riri pana VaEfeso 4:26, 27 kungabatsira sei murume nemudzimai kugadzirisa kusawirirana kungamuka.

15 Asi kufunga kuti hatizombofi takazvikudza kuzvinyengera. Panomuka dambudziko tinofanira kukurumidza kurigadzirisa pane kuzvikudza. Pauro akaudza vaainamata navo kuti: “Zuva ngarirege kuvira makatsamwa, uyewo musabvumira Dhiyabhorosi nzvimbo.” (VaEf. 4:26, 27) Kukundikana kuteerera Shoko raMwari kunogona kuita kuti mungoshungurudzike nezvese zvese. “Ini nemurume wangu pane pamwe patisina kushandisa zano riri pana VaEfeso 4:26, 27,” yakachema-chema kudaro imwe hanzvadzi. “Izvozvo zvaiita kuti ndisarara zvakanaka!” Zvakanaka chaizvo kuti mukurumidze kukurukura matambudziko muine chinangwa chokuyanana! Chokwadi, murume nemudzimai vangada kupanana kanguva kekuti hasha dziserere. Zvakakodzerawo kunyengeterera kubatsirwa naJehovha kuti muve nepfungwa dzakanaka. Izvi zvinoda kuti muzvininipise, nokuti zvinokubatsirai kuisa pfungwa padambudziko renyu pane kufunga nezvemanzwiro amunoita, izvo zvingaita kuti dambudziko racho ritowedzera.—Verenga VaKorose 3:12, 13.

16. Kuzvininipisa kungabatsira sei murume kana mudzimai kuti akoshese unhu hwakanaka uye unyanzvi zvine mumwe wake?

16 Kuzvininipisa uye kuva nemwero kunogona kubatsira murume kana mudzimai kuti afunge nezveunhu hwakanaka uye unyanzvi zvine mumwe wake. Somuenzaniso: Mudzimai angava nematarenda aanoshandisa kuti mhuri ibatsirwe. Kana murume wake achizvininipisa uye aine mwero, haazofungi kuti ava kukundwa asi achatomukurudzira kushandisa unyanzvi hwake, izvo zvinoratidza kuti anomukoshesa. (Zvir. 31:10, 28; VaEf. 5:28, 29) Uyewo mudzimai anozvininipisa uye ane mwero haazoshamisiri neunyanzvi hwake kana kutarisira murume wake pasi. Ivo ‘inyama imwe,’ saka chinorwadza mumwe chinorwadza vose.—Mat. 19:4, 5.

17. Chii chinogona kuita kuti dzimba dzemazuva ano dzifare uye dzikudze Mwari?

17 Hapana mubvunzo kuti munoda kuti imba yenyu ive seiya yaAbrahamu naSara kana kuti yaIsaka naRibheka, imba inofara, inogara kwenguva refu, uye inorumbidza Jehovha. Kana zvakadaro, rambai muchiona urongwa hwemba sezvinoita Mwari. Shandisai Shoko rake kuti muwane njere uye uchenjeri. Ivai nerudo rwechokwadi, “iwo murazvo waJah” nokukoshesana. (Rwiyo 8:6) Shandai nesimba kuti muzvininipise. Remekedzanai. Kana mukaita izvi, imba yenyu ichaita kuti mufare uye ichafadza Baba venyu vokudenga. (Zvir. 27:11) Chokwadi unganzwa sezvakaita mumwe murume ave akaroora kwemakore 27 uyo akanyora kuti: “Handizivi kuti ndaizorarama sei ndisina mudzimai wangu. Imba yedu iri kuramba ichisimba zuva nezuva. Izvi imhaka yokuti tinoda Jehovha uye tinogara tichikurukura pamwe chete.”