Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vabereki Nevana, Kurukurai Zvine Rudo

Vabereki Nevana, Kurukurai Zvine Rudo

“Munhu wose anofanira kukurumidza kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kuva nehasha.”—JAK. 1:19.

1, 2. Kazhinji vabereki vanonzwa sei nezvevana vavo uye vana vanonzwawo sei nezvevabereki, asi vanombosangana nedambudziko ripi?

“KUDAI waizoziva kuti vabereki vako vachafa mangwana, chii chawaizoda kunyanya kuvaudza?” Mubvunzo iwoyo wakabvunzwa vana vane mazana vokuUnited States. Pane kutaura nezvematambudziko uye kusawirirana kwavo nevabereki, vanenge 95 kubva muzana vakataura kuti vaizovaudza kuti: “Ndine urombo” uye kuti “Ndinokudai kwazvo.”—For Parents Only, rakanyorwa naShaunti Feldhahn uye Lisa Rice.

2 Vana vanowanzoda vabereki vavo uye vabereki vachidawo vana vavo. Izvi ndizvo zvazvakaita kunyanya mumhuri dzechiKristu. Kunyange zvazvo vabereki nevana vachida chaizvo kuva pedyo nepedyo, dzimwe nguva kukurukurirana kunogona kuoma. Asi kunyange pavanokurukura vachibudirana pachena, dzimwe nyaya hadzitaurwi zvachose. Chii chinoita kuti zvidaro? Ndezvipi zvimwe zvipingamupinyi zvinoita kuti vatadze kukurukurirana zvakanaka? Vangazvikunda sei?

Musarega zvimwe zvinhu kana kuita mazvake mazvake zvichikutadzisai kukurukura semhuri

‘TENGAI NGUVA’ YOKUKURUKURA

3. (a) Nei mhuri dzakawanda dzichiomerwa nekukurukurirana zvakanaka? (b) Nei kare mhuri dzevaIsraeri dzaisava nedambudziko rekuwana nguva yokuva pamwe chete?

3 Mhuri dzakawanda dzinoomerwa nokuwana nguva yakakwana yokukurukura zvinovaka. Asi hazvina kugara zvakadaro. Mosesi akarayira vanababa vechiIsraeri kuti: “Unofanira [kuroverera mashoko aMwari] mumwanakomana wako uye utaure nezvawo paunogara mumba mako nepaunofamba mumugwagwa nepaunorara pasi nepaunomuka.” (Dheut. 6:6, 7) Vana vaiswera naamai vavo pamba kana kuti nababa kumunda kana kuti kwavaishanda. Vabereki nevana vaiva nenguva yakawanda yokuva pamwe chete vachikurukura. Izvozvo  zvaiita kuti vabereki vazive zvaidiwa nevana vavo, zvavaifarira, uye unhu hwavo. Uyewo vana vaivawo nenguva uye mukana wokunyatsoziva vabereki vavo.

4. Nei mhuri dzakawanda dziine dambudziko rokukurukurirana mazuva ano?

4 Mazuva ano upenyu hwasiyana chaizvo! Mune dzimwe nyika vana vanotanga kuenda kukireshi vachiri vaduku chaizvo, dzimwe nguva vaine makore maviri chete. Vanababa navanaamai vakawanda havashandiri pamba. Vabereki nevana pavanozowana nguva shoma yokukurukura, nguva yacho inopedzerwa pamakombiyuta, terevhizheni, uye zvimwe zvigadzirwa zvemagetsi. Kakawanda, vana nevabereki vanoita mazvake mazvake, vachitoita sevasingazivani. Pamwe havatombokurukuri zvachose zvinhu zvinovaka.

5, 6. Vamwe vabereki ‘vanotenga sei nguva’ yokuti vave nevana vavo?

5 Munogona ‘kutenga nguva’ pane zvimwe zvinhu kuti muve pamwe semhuri here? (Verenga VaEfeso 5:15, 16.) Dzimwe mhuri dzinobvumirana kuti dzisanyanya kuona terevhizheni kana kushandisa kombiyuta. Vamwe vanoedza kuti kamwe chete pazuva, vadye pamwe chete. Uyewo kunamata kwemhuri kunoita kuti vabereki nevana vawane mukana wakazonaka wokuti vave shamwari dzepedyo uye wokukurukura zvakanakanaka zvinhu zvine chokuita nekunamata! Kunyange zvazvo kuronga awa imwe chete kana kupfuura pavhiki yokuita izvi kwakanaka, pane zvakawanda zvamunofanira kuita kuti mukurukure zvakadzama. Munotofanira kugara muchikurukura mazuva ose. Mwana wenyu asati aenda kuchikoro, taurai mashoko anokurudzira, kurukurai rugwaro rwezuva, kana kuti nyengeterai naye. Izvozvo zvinogona kumubatsira chaizvo zuva rose.

6 Vamwe vabereki vakatochinja mararamiro avanoita vachiitira kuti vapedze nguva yakawanda nevana vavo. Somuenzaniso, Laura, * amai vane vana vaviri, akasiya basa rake nechikonzero ichocho. Anoti:  “Mangwanani tose taimhanya-mhanya kuenda kubasa kana kuti kuchikoro. Pandaidzoka kumba manheru, ndaisvika mushandi atorarisa vana. Iye zvino tinorarama nemari shoma nokuti ndakasiya basa, asi ndinofunga kuti ndava kuziva zvinofungwa nevana vangu uye matambudziko avo. Pavanenge vachinyengetera ndinenge ndakateerera uye ndinokwanisa kuvabatsira, kuvakurudzira, uye kuvadzidzisa.”

‘KURUMIDZAI KUNZWA’

7. Vabereki nevana vanowanzochema-chema nezvei?

7 Pashure pokunge vanyori vebhuku rinonzi For Parents Only vabvunzurudza vechiduku vakawanda, vakaona chimwe chipingamupinyi panyaya yokukurukurirana. Vanoti: “Chichemo chikuru chevana nezvevabereki vavo chaiva chokuti, ‘Vabereki havateereri.’” Dambudziko iroro riri kwese. Vabereki vanogara vachichema-chemawo kuti vana vavo havateereri. Kuti mugare muchikurukura zvakanaka, nhengo imwe neimwe yemhuri inofanira kuteerera, kunyatsoteerera mumwe paanenge achitaura.—Verenga Jakobho 1:19.

8. Vabereki vanganyatsoteerera sei vana vavo pavanenge vachitaura?

8 Vabereki munonyatsoteerera here vana venyu pavanenge vachitaura? Izvozvo zvinogona kuoma kana makaneta kana kuti mwana wenyu achitaura zvinhu zvinoita sezvisina basa. Asi zvinhu zvinoita sezvisina basa kwamuri zvinogona kunge zvichikosha kwaari. “Kukurumidza kunzwa” kunoreva kunyatsoteerera zvaanotaura uyewo matauriro aanozviita. Inzwi rake uye zvaanoita muviri wake zvinogona kukubatsirai kuziva manzwiro ake. Zvinokoshawo kuti mumubvunze mibvunzo. Bhaibheri rinoti: “Pfungwa dzomunhu dzakaita setsime rine mvura yakadzika, asi munhu ane njere ndiye anoziva kudzibudisa.” (Zvir. 20:5, Today’s English Version) Njere neungwaru zvinotodiwa pakuita kuti mwana wenyu ataure zvaanofunga panyaya dzaangasanzwa akasununguka kutaura.

9. Nei vana vachifanira kuteerera vabereki vavo?

9 Vana, munoteerera vabereki venyu here? Shoko raMwari rinoti: “Mwanakomana wangu, teerera kuranga kwababa vako, uye usasiya mutemo waamai vako.” (Zvir. 1:8) Yeukai kuti vabereki venyu vanokudai uye vanoda kuti zvinhu zvikufambirei zvakanaka, saka zvakanaka kuti muvateerere uye muite zvavanotaura. (VaEf. 6:1) Zviri nyore kuti muvateerere kana muchikurukurirana zvakanaka uye muchiziva kuti vanokudai. Vaudzei manzwiro amunoita. Izvozvo zvichavabatsira kuti vakunzwisisei. Asi, nemiwo munofanira kuedza kuvanzwisisa.

10. Tinodzidzei panyaya iri muBhaibheri yaRehobhoamu?

10 Munofanira kungwarira mazano amunopiwa nevechiduku vezera renyu. Vanogona kukuudzai zvamunenge muchida, asi mazano avo angasakubatsirai zvachose. Angatokukuvadzai. Vechiduku vakawanda havana uchenjeri neruzivo zvine vanhu vakuru, saka havafungi nezveramangwana uye vangasaona migumisiro yezvavanoita. Yeukai muenzaniso waRehobhoamu, mwanakomana waMambo Soromoni. Paakava mambo wevaIsraeri, angadai akabatsirwa nokuteerera zano revarume vakuru. Asi akateerera zano roupenzi raakapiwa nemajaya aainge akura nawo. Izvozvo zvakaita kuti vanhu vakawanda vaaitonga vamupandukire. (1 Madz. 12:1-17) Pane kutevedzera muenzaniso wokusachenjera waRehobhoamu, shandai nesimba pakuita kuti mugare muchikurukura zvakanaka nevabereki venyu. Vaudzei zvamunofunga. Batsirwai nezano ravo, uye dzidzai kubva pauchenjeri hwavo.—Zvir. 13:20.

11. Chii chinogona kuitika kana vabereki vasiri nyore kutaura navo?

11 Vabereki, kana musingadi kuti vana  venyu vanotsvaga mazano kune vezera ravo, ivai vanhu vanotaurika navo. Imwe hanzvadzi ichiri kuyaruka yakanyora kuti: “Ndikangotaura zita remukomana chete vabereki vangu vanobva vatonetseka. Izvozvo zvinoita kuti ndinetseke uye ndisade kuramba ndichitaura.” Imwezve hanzvadzi yechiduku yakanyora kuti: “Vechiduku vakawanda vachiri kuyaruka vanoda mazano kubva kuvabereki vavo, asi kana vabereki vakasakoshesa zvavanenge vachitaura, vana vacho vachaenda kune vaya vachavateerera, kunyange kuvanhu vasina ruzivo.” Kana muine chido chokuteerera vana venyu muchiratidza kuti muri kunzwisisa chero zvavari kukuudzai, muchaona kuti vachataura zvavanofunga uye vachagamuchira mazano enyu.

‘NONOKAI KUTAURA’

12. Zvinoitwa nevabereki zvinogona sei kuvatadzisa kukurukura nevana vavo?

12 Chimwe chipingamupinyi pakukurukurirana chinovapo kana vabereki vakagumburwa nezvavanoudzwa nevana vavo. Zvinonzwisisika kuti vabereki vechiKristu vanoda kudzivirira vana vavo. ‘Mazuva ano okupedzisira’ ane ngozi dzakawanda, panyaya dzokunamata nepane zvimwewo. (2 Tim. 3:1-5) Zvisinei, vabereki pavanofunga kuti vari kudzivirira vana, vana vacho vanogona kufunga kuti vabereki vari kunyanyisa.

13. Nei vabereki vachifanira kungwarira kuti vasamhanyira kutaura maonero avo?

13 Vabereki vanoratidza kuti vakachenjera kana vakasamhanyira kutaura maonero avo. Chokwadi, hazvisi nyore nguva dzose kuramba makanyarara kana vana venyu vachikuudzai zvinhu zvinoshungurudza. Asi zvinokosha kuti munyatsoteerera musati mapindura. Mambo akachenjera Soromoni akanyora kuti: “Kana munhu achipindura nyaya asati ainzwa, ihwohwo upenzi kwaari uye kuzvinyadzisa.” (Zvir. 18:13) Kana mukaramba makadzikama, muchanzwa zvakawanda uye vana venyu vacharamba vachitaura. Munofanira kunzwa nyaya yacho yose musati matanga kupa rubatsiro. Zvimwe pavanotaura ‘mashoko okuvhurumuka’ vanenge vaine zviri kuvanetsa mumwoyo. (Job. 6:1-3) Sevabereki vane rudo, shandisai nzeve dzenyu kuti munzwisise uye rurimi rwenyu kutaura zvinovaka.

14. Nei vana vachifanira kunonoka kutaura?

14 Nemiwo vana, munofanira ‘kunonoka kutaura,’ kwete kukurumidza kuramba zvinotaurwa nevabereki venyu, nokuti vakapiwa basa naMwari rokukurovedzai. (Zvir. 22:6) Vanogona kunge vakambosanganawo nezvamuri kusangana nazvo iye zvino. Uyewo, vanotodemba zvavakakanganisa vachiri vaduku uye vanoda nemwoyo wose kukudzivirirai kuti musazviitawo. Saka onai vabereki venyu seshamwari, kwete vavengi. Vabereki venyu vanoda kukupai mazano, kwete kukukuvadzai. (Verenga Zvirevo 1:5.) ‘Kudzai baba venyu naamai venyu,’ movaratidza kuti munovada sokuda kwavanokuitai. Izvozvo zvichaita kuti zvivaitire nyore ‘kukurerai mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.’—VaEf. 6:2, 4.

‘NONOKAI KUVA NEHASHA’

15. Chii chichatibatsira kuti tirambe takadzikama tichiitira mwoyo murefu vaya vatinoda?

15 Kakawanda hatiratidzi mwoyo murefu kune vaya vatinoda. Muapostora Pauro akanyorera ‘vatsvene nehama dzakatendeka dzaiva pamwe naKristu dzokuKorose’ kuti: “Imi varume, rambai muchida madzimai enyu uye musaatsamwira kwazvo. Imi vanababa, musashusha vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.” (VaK. 1:1, 2; 3:19, 21) Pauro akakurudzira vaEfeso kuti: “Pfini dzose nokutsamwa nehasha nokupopota nokutuka ngazvibviswe kwamuri.” (VaEf. 4:31) Kuva  nemwoyo murefu, unyoro, uye kuzvidzora, izvo zvinoumba chibereko chomudzimu, kuchatibatsira kuti tidzikame kunyange patinenge tichinetseka.—VaG. 5:22, 23.

16. Jesu akaruramisa sei vadzidzi vake, uye nei izvozvo zvaishamisa?

16 Funga nezvemuenzaniso waJesu. Fungidzira kushungurudzika kwaaiita pakudya kwake kwemanheru kwekupedzisira aine vaapostora vake. Jesu aiziva kuti pasina nguva aizofa zvinorwadza uye zvishoma nezvishoma. Aizivawo kuti aitofanira kuramba akatendeka kuti atsvenese zita raBaba vake uye kuti vanhu vaponeswe. Asi vachidya kudaro, “pakavawo nenharo huru pakati [pevaapostora] pamusoro pokuti ndiani wavo aiita somukuru pane vose.” Jesu haana kuvapopotera kana kuvaitira hasha. Asi akavabatsira akadzikama. Jesu akavayeuchidza kuti vainge varamba vainaye panguva dzakaoma. Kunyange zvazvo Satani aida kuvazungura segorosi, Jesu akaratidza chivimbo chokuti vaizoramba vakatendeka. Akatoita sungano navo.—Ruka 22:24-32.

Munonyatsoteerera here vana venyu pavanenge vachitaura?

17. Chii chichabatsira vana kuti varambe vakadzikama?

17 Vana vanofanirawo kuramba vakadzikama. Kunyanya pavanenge vachiyaruka, vangafunga kuti kuudzwa zvokuita kunoratidza kuti vabereki vavo havavimbi navo. Kunyange zvazvo zvingaita saizvozvo, munofanira kuziva kuti zvinoitwa nevabereki imhaka yokuti vanokudai. Kana mukavateerera makadzikama uye mukaita zvavanotaura, vachakuremekedzai uye vachakuonai sevanhu vari kuziva zvavari kuita. Izvozvo zvinogona kuita kuti vawedzere kukupai rusununguko pane zvimwe zvinhu muupenyu. Kana mukazvidzora munenge maratidza kuti makachenjera. Chimwe chirevo chouchenjeri chinoti: “Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose, asi munhu akachenjera anoramba akadzikama kusvikira pakupedzisira.”—Zvir. 29:11.

18. Rudo runoita sei kuti mukurukurirane zvakanaka?

18 Saka vabereki nemi vana, tapota musaora mwoyo kana mumhuri menyu musiri kukurukurirana zvakanaka sezvamungada. Rambai muchishanda nesimba uye rambai muchifamba muchokwadi. (3 Joh. 4) Munyika itsva, vanhu vakakwana vachange vava kukwanisa kukurukura pasina kusanzwisisana uye kukakavadzana. Asi iye zvino, tose tinoita zvinhu zvatinozodemba. Saka musazeza kukumbirana ruregerero. Kanganwiranai nemwoyo wose. ‘Nyatsobatanidzwai pamwe chete murudo.’ (VaK. 2:2) Rudo rune simba. ‘Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa. Harutsamwi. Haruchengeti mafi. Runoshivirira zvinhu zvose, runotenda zvinhu zvose, rune tariro pazvinhu zvose, runotsungirira zvinhu zvose.’ (1 VaK. 13:4-7) Rambai muchiva nerudo uye muchakurukurirana zvakanaka, zvoita kuti mhuri yenyu ifare uye Jehovha akudzwe.

^ ndima 6 Zita rakachinjwa.