Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chengetedza Nhaka Yako Nokusarudza Nokuchenjera

Chengetedza Nhaka Yako Nokusarudza Nokuchenjera

“Semai zvakaipa, namatirai kune zvakanaka.”—VAR. 12:9.

1, 2. (a) Chii chakakubatsira kusarudza kushumira Mwari? (b) Mibvunzo ipi yatingabvunza nezvenhaka yedu inobva kuna Mwari?

VAKAWANDA vedu takaita chisarudzo chakanaka chokushumira Jehovha Mwari uye kunyatsotevera tsoka dzaJesu Kristu. (Mat. 16:24; 1 Pet. 2:21) Tinokoshesa chaizvo kuzvitsaurira kwatakaita. Hatina kusarudza izvozvo nokungodzidza magwaro mashoma asi nokunyatsodzidza Shoko raMwari. Izvi zvakaita kuti tidzidze zvinhu zvakawanda zvinosimbisa kutenda zvine chokuita nenhaka iyo Jehovha akavimbisa vaya ‘vanowana zivo pamusoro pake uye pamusoro pouya waakatuma, iye Jesu Kristu.’—Joh. 17:3; VaR. 12:2.

2 Kuti tirambe tiine ukama hwakanaka naBaba vedu vokudenga, tinofanira kuita zvisarudzo zvinovafadza. Saka nyaya ino ichakurukura mibvunzo iyi inokosha: Nhaka yedu chii? Tinofanira kuiona sei? Tingava sei nechokwadi chokuti tawana nhaka yedu? Chii chichatibatsira kusarudza nokuchenjera?

NHAKA YEDU CHII?

3. Inhaka ipi ichawanikwa (a) nevakazodzwa uye (b) ne“mamwe makwai”?

3 VaKristu vashomanana vanotarisira kuzowana “nhaka isingaori isina kusvibiswa uye isingasvavi,” ropafadzo yakakura yokutonga naKristu kudenga. (1 Pet. 1:3, 4) Kuti vawane nhaka iyoyo, vanofanira ‘kuberekwazve.’ (Joh. 3:1-3) Nhaka ye“mamwe makwai” aJesu ane mamiriyoni ari kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari pamwe nevakazodzwa ndeyei? (Joh. 10:16) Mamwe makwai achawana nhaka yakatadza kuwanikwa naAdhamu naEvha,  nhaka youpenyu husingaperi muparadhiso panyika, pasina kutambura, rufu kana kuchema. (Zvak. 21:1-4) Saka Jesu aigona kuvimbisa mutadzi akafa pamwe naye kuti: “Chokwadi ndinokuudza nhasi, Uchava neni muParadhiso.”—Ruka 23:43.

4. Makomborero api atinotova nawo iye zvino?

4 Kunyange iye zvino, tine zvimwe zvatiinazvo zvine chokuita nenhaka yedu. Tine rugare rwepfungwa uye ukama hwepedyo naMwari nokuti tinotenda mu“rudzikinuro rwakabhadharwa naKristu Jesu.” (VaR. 3:23-25) Tinonyatsonzwisisa zvipikirwa zvinokosha zviri muShoko raMwari. Uyezve, tinofara chaizvo nokuti tiri musangano rehama rinoratidza rudo riri munyika yose. Chokwadi takaropafadzwa kuva Zvapupu zvaJehovha! Izvi zvinoita kuti tikoshese nhaka yedu.

5. Satani ave achiedza kuitei kuvanhu vaMwari uye chii chinogona kutibatsira kumira takasimba pakurwisana nemanomano ake?

5 Zvisinei, kuti tirambe tiine nhaka yedu yakazonaka, tinofanira kuramba takangwarira mazano aSatani. Satani agara achiedza kuita kuti vanhu vaMwari vaite zvisarudzo zvingaita kuti varasikirwe nenhaka yavo. (Num. 25:1-3, 9) Satani akawedzera zvaanoita kuti atitsause nokuti anoziva kuti ava kuda kuparadzwa. (Verenga Zvakazarurwa 12:12, 17.) Kana tichida ‘kumira takasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi’ tinofanira kuramba tichikoshesa chaizvo nhaka yedu. (VaEf. 6:11) Panyaya iyi, zvakaitwa naIsau, mwanakomana wedangwe waIsaka, zvinotipa zvidzidzo zvinokosha zvatinofanira kufunga nezvazvo.

USAITE SEZVAKAITWA NAISAU

6, 7. Isau aiva ani uye ndeipi nhaka yaaizowana?

6 Makore anoda kusvika 4 000 akapfuura, Isaka naRibheka vakava nevana mapatya, Isau nomunin’ina wake Jakobho. Vana vacho pavaikura, vakava vanhu vakanyatsosiyana. “Isau akava murume anogona kuvhima, murume wesango, asi Jakobho murume asina chaanopomerwa, aigara mumatende.” (Gen. 25:27) Mumwe mushanduri weBhaibheri anonzi Robert Alter anoti shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “asina chaanopomerwa,” “rine pfungwa yokuperera kana kuti kusava nemhosva.”

7 Isau naJakobho pavainge vava nemakore 15, sekuru vavo Abrahamu vakafa, asi vimbiso yaJehovha kuna Abrahamu haina kuperera ipapo. Jehovha akaidzokorora kuna Isaka, paakataura kuti marudzi ose epanyika aizozvikomborera nokuvana vaAbrahamu. (Verenga Genesisi 26:3-5.) Vimbiso iyoyo inoratidza kuti Mesiya, “mwana” akatendeka anotaurwa pana Genesisi 3:15, aizouya nokuvana vaAbrahamu. Isau zvaaiva mwanakomana wedangwe waIsaka ndiye aiva nekodzero yepamutemo yokuwana vimbiso iyoyo. Iyi yaiva nhaka yakanaka chaizvo yaizowanikwa naIsau! Akaikoshesa here?

Usaita kuti nhaka yako inobva kuna Mwari ive pangozi

8, 9. (a) Isau akasarudzei panyaya yaiva nechokuita nenhaka yake? (b) Papera makore, Isau akazozivei nezvezvaainge asarudza uye akaita sei?

8 Rimwe zuva Isau paaibva musango, akaona Jakobho “achibika nyemba.” Isau akati “Ndapota, kurumidza, ndipewo zvitsvuku izvo ndidye—zvitsvuku zviri umo, nokuti ndaneta!” Jakobho akapindura Isau achiti: “Kutanga, nditengesere udangwe hwako!” Isau akasarudzei? Zvinoshamisa chaizvo kuti akati: “Udangwe hunondibatsireiko?” Isau akasarudza kuwana nyemba pane kuva nekodzero yokuva dangwe. Kuti ave nekodzero yacho zviri pamutemo, Jakobho akati: “Tanga  wandipikira!” Asingazezi, Isau akatengesa udangwe hwake. Zvadaro, “Jakobho akapa Isau chingwa nenyemba, akadya uye akanwa. Akabva asimuka akaenda. Naizvozvo Isau akazvidza udangwe hwacho.”—Gen. 25:29-34.

9 Papfuura makore, Isaka paakafunga kuti ainge ava kufa, Ribheka akaita urongwa hwokuti Jakobho awane udangwe hwaainge atengeserwa naIsau. Isau paakazoziva kuti zvaainge asarudza hwaiva upenzi, akateterera kuna Isaka achiti: “Ndikomborerei, iniwo, baba vangu! . . . Hamuna kundichengeterawo chikomborero here?” Isaka paakataura kuti aisagona kuchinja kukomborera kwaainge aita Jakobho, “Isau akachema kwazvo akasvimha misodzi.”—Gen. 27:30-38.

10. Jehovha akaona sei Isau naJakobho uye nei akadaro?

10 Mafungiro api aIsau anonyanya kuratidzwa muMagwaro? Akaratidza kuti kugutsa zvido zvenyama kwainyanya kukosha kwaari kupfuura kuwana makomborero aizobva panhaka yake. Isau haana kukoshesa kodzero yake youdangwe uye zviri pachena kuti aisanyatsoda Mwari. Uyezve Isau haana kufunga nezvokuti zvaaiita zvaizokanganisa sei vana vake. Asi Jakobho aikoshesa chaizvo nhaka yake. Somuenzaniso, Jakobho akaita maererano nezvaakaudzwa nevabereki vake pakusarudza mudzimai. (Gen. 27:46–28:3) Kusarudza kwakaita Jakobho kumirira uye kuzvipira kwakaita kuti Mesiya azouya nokudzinza rake. Mwari akaona sei Isau naJakobho? Achishandisa muprofita Maraki, Jehovha akati: “Ndakada Jakobho, ndikavenga Isau.”—Mar. 1:2, 3.

11. (a) Nei zvakaitwa naIsau zviine chidzidzo kwatiri isu vaKristu? (b) Nei Pauro akataura nezvezvakaitwa naIsau paaitaura nezveufeve?

11 Zvinotaurwa neBhaibheri nezvaIsau zvine zvazvinobatsira vaKristu mazuva ano here? Hongu zvinazvo. Muapostora Pauro akayambira vaainamata navo kuti vangwarire kuti “parege kuva nechifeve kana munhu asingaongi zvinhu zvitsvene, saIsau, uyo akatsinhanisa udangwe hwake nokudya kumwe chete.” (VaH. 12:16) Yambiro iyoyo ichiri kushanda kuvaKristu. Tinofanira kuramba tichikoshesa zvinhu zvitsvene kuti tisakundwa nezvido zvenyama torasikirwa nenhaka yedu inobva kuna Mwari. Nei Pauro akataura nezvezvakaitwa naIsau paaitaura nezveufeve? Nokuti kuva nemafungiro akaita seaIsau kunogona kuita kuti munhu asava nebasa nezvinhu zvitsvene achida mafaro akaipa akadai sekuita ufeve.

 GADZIRIRA MWOYO WAKO IYE ZVINO

12. (a) Satani anotiunzira sei miedzo? (b) Taura mienzaniso yemuMagwaro inogona kutibatsira patinenge tichifanira kuita zvisarudzo zvakaoma.

12 Sevashumiri vaJehovha, hatitsvaki mamiriro ezvinhu angaita kuti tiite ufeve. Asi tinonyengetera kuti Jehovha Mwari asatibvumire kukundwa nemuedzo kana mumwe munhu akatiedza kuti tisateerera. (Mat. 6:13) Sezvatinovavarira kuramba takaperera kuna Mwari munyika ino yakashata, Satani anogara achiedza kutinetesa pakunamata. (VaEf. 6:12) Dhiyabhorosi, mwari wenyika ino yakaipa, anoziva zvinodiwa nenyama yedu inotadza, saka anotiunzira miedzo inowanzosangana nevanhu vasina kukwana. (1 VaK. 10:8, 13) Somuenzaniso, ngatitii tasangana nemuedzo wokugutsa chido chatingava nacho asi tichizviita nenzira yakaipa. Waizoita sei? Waizokundwa zviri nyore nomuedzo wacho here saIsau kana kuti waizoukunda nokutiza sezvakaita mwanakomana waJakobho, Josefa, akaedzwa nemudzimai waPotifari?—Verenga Genesisi 39:10-12.

13. (a) Mazuva ano vakawanda vakaita sei saJosefa asi vamwe vakaita sei saIsau? (b) Mienzaniso yevaya vanoita saIsau inoratidza kuti chii chinokosha chaizvo chatinofanira kuita?

13 Hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda dzakasangana nemamiriro ezvinhu adzaifanira kusarudza kuti dzoita saIsau here kana kuti saJosefa. Vazhinji vakaratidza kuchenjera, vakaita kuti Jehovha afare. (Zvir. 27:11) Zvisinei, pavakasangana nemuedzo, vamwe vatinonamata navo vakaita saIsau, vakakundikana kuchengetedza nhaka yavo inobva kuna Mwari. Gore negore, vakawanda pane vanogadzwa matare uye vanodzingwa vanenge vaita unzenza. Zvinokosha chaizvo kuti tigadzirire mwoyo yedu iye zvino tisati tava mumamiriro ezvinhu angakanganisa kuperera kwedu! (Pis. 78:8) Tinogona kutora matanho maviri anozotibatsira kuti tikunde muedzo uye anozotibatsira kusarudza nokuchenjera.

FUNGISISA UYE GADZIRIRA KUZOKUNDA MUEDZO

Tinogona kugara tagadzirira kuti tirwisane nemiedzo nokutsvaka uchenjeri hunobva kuna Jehovha

14. Tinogona kubatsirwa ‘kusema zvakaipa, tonamatira kune zvakanaka’ nokufungisisa mibvunzo ipi?

14 Danho rokutanga nderokufungisisa nezvemigumisiro yezvatinoita. Kana tichida chaizvo Jehovha uyo anotipa nhaka yedu, tichakoshesawo zvakanyanya nhaka iyoyo inobva kwaari. Hachisi chokwadi here kuti hatidi kugumbura munhu watinoda? Tinoedza kuita zvinomufadza. Saka tinofanira kuwana nguva yokufungisisa zvingapedzisira zvaitika kwatiri uye kune vamwe kana tikakundwa nemuedzo wokugutsa zvido zvenyama zvisina kuchena. Tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Udyire hwangu hungakanganisa sei ukama hwangu naJehovha? Kuita zvakaipa kungarwadzisa sei mhuri yangu? Kungarwadzisa sei hama nehanzvadzi dzangu muungano? Ndingagumbura vamwe here?’ (VaF. 1:10) Tingazvibvunzawo kuti: ‘Kungofadza nyama zvishoma nenzira yakaipa kunoenderana here nokurwadziwa kwandinozoita? Ndinoda here kupedzisira ndaita saEsau, ndichichema chaizvo pandinozoona kuipa kwezvandinenge ndaita?’ (VaH. 12:17) Kufungisisa mibvunzo yakadaro kuchatibatsira ‘kusema zvakaipa, tonamatira kune zvakanaka.’ (VaR. 12:9) Kana tichinyatsoda Jehovha, izvozvo zvichaita kuti tibatisise nhaka yedu.—Pis. 73:28.

15. Chii chichatisimbisa kuti tizokunda miedzo inogona kukanganisa kunamata kwedu?

15 Danho rechipiri nderokugara tagadzirira kuti tizokunda muedzo. Jehovha ane urongwa hwakawanda hwaakaita hunotibatsira kuti tigare takagadzirira kurwisana nemiedzo iri munyika ine ngozi pakunamata kwedu. Urongwa hwake hunosanganisira  kudzidza Bhaibheri, misangano yechiKristu, ushumiri uye munyengetero. (1 VaK. 15:58) Pose patinonyengetera kuna Jehovha uye patinoshingaira muushumiri hwedu hwechiKristu, tinoita setiri kuzvisimbisa kuti tikunde miedzo. (Verenga 1 Timoti 6:12, 19.) Kana tichida kuva vakagadzirira kukunda muedzo, tinofanira kutoshanda nesimba. (VaG. 6:7) Izvozvo zvinoratidzwa muchitsauko chechipiri chaZvirevo.

“RAMBA UCHIZVITSVAKA”

16, 17. Tingaitei kuti tikwanise kuita zvisarudzo nokuchenjera?

16 Zvirevo chitsauko 2 inotikurudzira kuti tive nouchenjeri uye mano okufunga. Zvinhu izvi zvichaita kuti tikwanise kusarudza chakanaka kana chakaipa, uye kuzvidzora kana kuti kuda kuzadzisa zvishuwo zvenyama. Asi tinogona kubudirira chete kana tiine chido chokushanda nesimba. Bhaibheri rinoratidza kukosha kwechokwadi ichocho parinoti: “Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, ukachengeta mirayiro yangu, kuti unyatsoteerera uchenjeri nenzeve dzako, kuti uite kuti mwoyo wako ude ungwaru; uyezve, kana ukachemera kunzwisisa, ukashevedzera kuti uwane ungwaru, kana ukaramba uchizvitsvaka sesirivha, ukaramba uchizvitsvaka sepfuma yakavanzwa, ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, uye uchawana zivo pamusoro paMwari. Nokuti Jehovha anopa uchenjeri; mumuromo make munobuda zivo noungwaru.”—Zvir. 2:1-6.

17 Saka kuti tikwanise kuita zvisarudzo nokuchenjera tinofanira kuita zvinotaurwa muna Zvirevo. Tinogona kubudirira kumira takasimba tichirwisana nemiedzo kana tikabvumira kuti zvinotaurwa naJehovha zviumbe munhu watiri nechomukati, kana tikaramba tichinyengetera kuti titungamirirwe naMwari uye kana tikaramba tichitsvaka zivo yaMwari setiri kutsvaka matombo anokosha akavanzwa.

18. Watsunga kuramba uchiitei uye nei wasarudza izvozvo?

18 Jehovha anopa zivo, kunzwisisa, ungwaru uye uchenjeri vaya vanoshanda nesimba kuti vawane zvipo izvi. Kana tikazvitsvaka chaizvo uye tikazvishandisa, tichawedzerawo kuswedera pedyo naiye anotipa zvipo izvozvo, Jehovha. Ukama hwedu hwepedyo naJehovha Mwari huchatidzivirirawo patichasangana nemuedzo. Kuswedera pedyo naJehovha uye kutya kumugumbura zvichaita kuti tisaite zvakaipa. (Pis. 25:14; Jak. 4:8) Dai ushamwari hwedu naJehovha uye kushandisa uchenjeri hwaanotipa zvikaita kuti tose tirambe tichiita zvisarudzo zvinomufadza uye tichengetedze nhaka yedu.