Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA YOUPENYU

Chinoita Kuti Upenyu Hwedu Huve Nechinangwa

Chinoita Kuti Upenyu Hwedu Huve Nechinangwa

PANDAKANGOSUNUNGUKA mwanakomana wangu Gary muna 1958, ndakaona kuti pane chakanga chisina kumira zvakanaka paari. Zvisinei, zvakatora mwedzi gumi kuti vanachiremba vazive kuti airwara nei uye zvakatorazve makore mashanu kuti vanachiremba vokuLondon vave nechokwadi chokuti aiva nechirwere chacho. Pashure pemakore mapfumbamwe Gary aberekwa, ndakarwadziwa chaizvo Louise paakaberekwa achiratidza kuti aitova nedambudziko iri kupfuura hanzvadzi yake.

Vanachiremba vakandiudza zvine mutsa kuti “vana venyu vose vane chirwere chinonzi LMBB * uye hachirapiki.” Panguva iyoyo chirwere ichi chainge chisati chava kunyanya kuzivikanwa. Chirwere ichi chinosanganisira kutadza kuona zvakanaka kunoguma noupofu, kufutisa, zvigunwe zvakawandisa, kunonoka kukura, kutadza kushandisa nhengo dzemiviri zvakanaka, chirwere cheshuga, osteoarthritis, uye dambudziko reitsvo. Saka zvaizenge zvakaoma kutarisira vana vangu. Imwe ongororo ichangobva kuitwa inoratidza kuti munhu mumwe pavanhu 125 000 muBritain ane chirwere ichi kunyange zvazvo vamwe vakawanda vangangova nacho asi chisina kunyanyisa.

JEHOVHA AKAVA ‘NZVIMBO YEDU YAKAKWIRIRA YAKACHENGETEKA’

Ndichangoroorwa, ndakataura nemumwe weZvapupu zvaJehovha uye ndakabva ndangoona kuti zvaaitaura chaiva chokwadi. Asi murume wangu aisafarira zvachose. Basa rake raiita kuti tigare tichitama saka ndaisakwanisa kupinda misangano. Zvisinei, ndakaramba ndichiverenga Bhaibheri uye ndichinyengetera kuna Jehovha. Zvainyaradza chaizvo kuverenga mashoko okuti “Jehovha achava nzvimbo yakakwirira yakachengeteka yomunhu wose akadzvinyirirwa” uye kuti ‘haazosiyi vaya vanomutsvaka!’—Pis. 9:9, 10.

Gary aisanyatsoona, saka paainge ava nemakore matanhatu akaendeswa kuchikoro chevasinganyatsooni kubhodhingi nechokumaodzanyemba muEngland. Aigara achindifonera paaiva nezvaimunetsa uye ndakakwanisa kumubatsira kunzwisisa dzidziso dzokutanga dzeBhaibheri. Makore mashoma Louise aberekwa, ndakarwara nemultiple sclerosis uye fibromyalgia. Gary akadzoka kumba kubva kuchikoro ava nemakore 16. Zvisinei, ainge achiwedzera kusaona zvakanaka uye akazonzi ava bofu muna 1975. Muna 1977 murume wangu akatitiza.

Pakangodzoka Gary, takatanga kupinda neungano yaiva nerudo uye ndakabhabhatidzwa muna 1974. Ndakaonga chaizvo mumwe mukuru paakabatsira Gary paaiva mumakore ake okuyaruka. Zvimwe Zvapupu zvaindibatsira mabasa epamba uye werufeya yakazopedzisira yava kubhadhara vashanu vavo vaindibatsira. Uku kwave kuri kukomborerwa chaiko!

Gary akaramba achifambira mberi muchokwadi uye akabhabhatidzwa muna 1982. Aiva neshungu dzokuva piyona webetsero, saka ndakasarudza kubatana naye mubasa iroro uye ndakaramba ndichidaro kwemakore. Mwanakomana wangu akafara chaizvo pane imwe nguva paakabvunzwa nomutariri wedunhu kuti, “Gary, unodii kuva piyona wenguva dzose?” Mashoko iwayo akakurudzira Gary uye muna 1990 akagadzwa kuva piyona wenguva dzose.

 Gary akaitwa oparesheni muhudyu kaviri, yokutanga yakaitwa muna 1999 uye yechipiri muna 2008, asi Louise aiva nezvinetso zvoutano zvakanyanya. Akaberekwa ari bofu uye pandakaona aine chigunwe chechitanhatu paimwe yetsoka dzake, ndakabva ndaziva kuti aivawo neLMBB. Kuongororwa kwaakaitwa kwakaratidzawo kuti dzimwe nhengo dzake dzomukati dzainge dzakakanganisikawo. Kubva paakaberekwa, akaitwa maoparesheni akakura kusanganisira mashanu akaitwa muitsvo dzake. Anewo chirwere cheshuga saGary.

Louise anogara atsanangurira vanachiremba nevavanoshanda navo zvaakasarudza panyaya yokurapwa asingawedzerwi ropa nokuti anoziva kuti pamaoparesheni aanoitwa panogona kuva nematambudziko. Izvi zvinoita kuti anzwisisane navose vanomutarisira.

UPENYU HWEDU HUNE CHINANGWA

Tine zvakawanda zvatinoita pamba pedu kuti tinamate Jehovha. Ndaiwanzopedza maawa akawanda ndichiverengera Gary naLouise kusati kwava nezvigadzirwa zvemagetsi zvemazuva ano. Iye zvino kwava nemaCD, maDVD uye zvakarekodhwa zvinowanikwa pawww.pr418.com zvinoita kuti tive nepurogiramu yevhiki nevhiki yokudzidza Bhaibheri panguva dzakasiyana uye tinokwanisa kupindura pamisangano yechiKristu.

Tinotenda chaizvo chokwadi chinokosha chiri muShoko raJehovha rakafemerwa!

Dzimwe nguva Gary anoisa mhinduro dzake mumusoro uye kana aine hurukuro paChikoro chaMwari Choushumiri, anokwanisa kuipa nemusoro. Akagadzwa kuva mushumiri anoshumira muna 1995 uye anogara aine zvokuita paImba yoUmambo, achigamuchira vanhu vomuungano uye achibatsira pakutarisira gudzanzwi.

Zvimwe Zvapupu zvinobuda naGary muushumiri zvichimusunda ari muwiricheya yake nokuti ane arthritis. Imwe hama yakamubatsira kuitisa chidzidzo cheBhaibheri nemunhu anofarira. Gary akakurudzirawo mumwe muKristu ainge asingachaiti basa kwemakore 25. Vose vari vaviri vava kupinda misangano yechiKristu.

Louise paaiva nemakore mapfumbamwe akadzidziswa kuruka naambuya vake uye ini nemumwe mukadzi aimutarisira takamudzidzisa kumenda. Kuruka kunomunakidza chaizvo zvokuti anoruka magumbezi evana ane mavara mavara uye anorukirawo vanhu vakura vomuungano. Anogadzirawo makadhi okunyorera kwaziso aanonamira mifananidzo. Vanhu vaanopa makadhi aya vanoakoshesa chaizvo. Louise akadzidzira kutaipa paaiva nemakore okuma13. Iye zvino anoshandisa kombiyuta inobudisa inzwi kugara achinyorerana tsamba dzepakombiyuta neshamwari. Louise akabhabhatidzwa aine makore 17. Panoitwa mishandirapamwe, tinonakidzwa nokutora upiyona hwebetsero pamwe chete. Sezvinoitwa naGary, Louise anoyeuka magwaro nomusoro kuti aratidze kutenda zvakavimbiswa naMwari munyika itsva umo “maziso emapofu achasvinudzwa” uye musina “mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”—Isa. 33:24; 35:5.

Tinotenda chaizvo chokwadi chinokosha chiri muShoko raJehovha rakafemerwa! Tinoonga chaizvo kutsigirwa kwatinoitwa neungano yedu, nokuti dai isipo taisambokwanisa kuita zvakawanda zvatinoita. Uye upenyu hwedu hwava nechinangwa nemhaka yokubatsirwa kwatinoitwa naJehovha.

^ ndima 5 Chirwere cheLaurence-Moon-Bardet-Biedl chakatumidzwa zita iri kubva pamazita avanachiremba vana vakatanga kuziva nezvacho uye munhu anova nechirwere ichi kana baba namai vaine majini anochikonzera. Mazuva ano chinonyanya kuzivikanwa seBardet-Biedl. Hachirapiki.