Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA YOUPENYU

Kuteerera Jehovha Kwakandiwanisa Makomborero Akawanda

Kuteerera Jehovha Kwakandiwanisa Makomborero Akawanda

“Chidzidzo chakanaka chaizvo chatinodzidza kuna Noa,” vakadaro baba vangu. “Noa akateerera Jehovha uye aida mhuri yake, uye vose vakapona pakauya Mafashamo nekuti vakapinda muareka.”

NDIZVO zvandichiri kuyeuka nezvababa pauduku hwangu. Baba munhu aizvininipisa uye aishanda nesimba uye kuda kwavaiita zvakarurama kwakaita kuti vabve vangofarira mashoko eBhaibheri pavakaanzwa muna 1953. Kubvira ipapo, vakaedzawo kutidzidzisa zvavakanga vachidzidza. Pakutanga amai vangu vakanga vasingadi kusiya tsika dzekuchechi yavo yeRoma. Asi nokufamba kwenguva, vakatangawo kubvuma dzidziso dzeBhaibheri.

Zvakanga zvakaomera vabereki vangu kudzidza nesu. Amai vakanga vasinganyatsogoni kuverenga nokunyora uye Baba vaiswera vachifondoka muminda. Dzimwe nguva vaiuya vakaneta zvokuti vaibatwa nehope tichidzidza. Asi zvavaiita zvakazotibatsira. Ndini ndaiva dangwe saka ndakabatsira kudzidzisa munun’una wangu nehanzvadzi dzangu mbiri. Zvimwe zvandaivadzidzisa zvaisanganisira zvaiwanzotaurwa naBaba nezvekuda kwaiita Noa mhuri yake, izvo zvaakaratidza nokuteerera Mwari. Ndaifarira nyaya iyoyo yemuBhaibheri zvikuru. Pasina nguva, tose takanga tava kupinda misangano paImba yoUmambo iri muRoseto degli Abruzzi, guta riri mumhenderekedzo megungwa reAdriatic kuItaly.

Muna 1955 ndichingova nemakore 11 takaenda nechekumavirira kuseri kwemakomo kwatakanopinda gungano redu rokutanga naamai vangu, raiitirwa muRome. Kubvira ipapo, ndakaona kuti magungano chimwe chezvinhu zvinokosha paupenyu hwomuKristu.

Gore rakatevera ndakabhabhatidzwa, uye pasina nguva ndakatanga basa renguva yakazara. Pandakanga ndava nemakore 17, ndakava piyona chaiye muLatina, kumaodzanyemba kweRome, kure nekumba nemakiromita angasvika 300. Iguta rakanga risina nguva ravakwa saka vanhu vaiteerera vasingatyi zvaifungwa nevavakidzani vavo. Ini nemumwe wandaipayona naye tainakidzwa nekupa vanhu mabhuku akawanda anotsanangura Bhaibheri, asi sezvo ndaiva muduku ndaisuwa kumba zvisingaiti. Kunyange zvakadaro ndaida kuratidza kuteerera nekuita basa randakanga ndapiwa.

Musi wedu wemuchato

 Ndakazoendeswa kuMilan kuti ndinobatsira kugadzirira Gungano Renyika Dzakawanda rakaitwa muna 1963 raiti “Mashoko Akanaka Asingaperi.” Pagungano, ndakashanda nevamwe vakawanda, kusanganisira Paolo Piccioli, hama yechiduku yaibva kuFlorence. Pazuva rechipiri Paolo akapa hurukuro yaikurudzira yaitaura nezvekusaroora. Ndinoyeuka ndichiti nechomumwoyo, ‘Hama iyi haimbofi yakaroora.’ Zvisinei, takatanga kunyorerana tsamba uye takazoona kuti taiwirirana pane zvakawanda zvakadai sezvinangwa, kuda kwataiita Jehovha, uye kuda kumuteerera nomwoyo wose. Takazoroorana muna 1965.

KUPARIDZIRA VAFUNDISI

Ndakaita makore gumi ndiri piyona wenguva dzose muFlorence. Zvaifadza chaizvo kuona ungano dzichikura uye kuona kufambira mberi kwaiita vechiduku. Ini naPaolo tainakidzwa nekukurukura navo nyaya dzine chokuita nekunamata uye kumbotandara navo, uye Paolo aifarira kutamba navo nhabvu. Zvechokwadi ndaida chaizvo kuva nemurume wangu, asi ndaionawo kuti vechiduku ivavo nemhuri dzaiva muungano dzaibatsirwawo nekuva naye.

Ndinofara pandinofunga nezvezvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda zvataiitisa. Mumwe wavo ndiAdriana, uyo aiudzawo dzimwe mhuri mbiri zvaakanga achidzidza. Mhuri dzacho dzakaronga kuva nemusangano nemupristi kuti vakurukure dzidziso dzemuchechi mavo dzakaita seUtatu uye kusafa kwemweya. Pakauya mabhishopi matatu kumusangano uyu. Vaitsanangura zvakanga zvisinganzwisisiki uye vaipikisana zvokuti vadzidzi vedu veBhaibheri vakangozvionera kuti zvaipesana nedzidziso dzakajeka dzeBhaibheri. Zvechokwadi musangano uyu wakaita kuti vamwe vachinje. Nokufamba kwenguva, vangasvika 15 vomumhuri idzi vakava Zvapupu.

Ichokwadi kuti nzira dzatava kushandisa iye zvino pakuparidza dzasiyana zvikuru nedzekare. Kare ikako, Paolo akanga ava nyanzvi pakutaura nevapristi uye akasangana navo kakati wandei. Ndinoyeuka paakambotaura navo pamberi pevanhu vakanga vasiri Zvapupu. Takatozoona kuti vanhu vacho vaipikisa vakanga vagara varonga kuti vamwe vaiva muvateereri vabvunze mibvunzo yavaiti ndiyo yakaoma. Zvisinei, nyaya yacho yakavaendera nepasipo. Mumwe munhu akabvunza kana chechi ichifanira kupindira mune zvematongerwo enyika, sezvayagara ichiita kwemakore. Mubvunzo iwoyo wakabva waisa vapristi pakaoma. Magetsi akabva adzima musangano ukabva wangonzi wapera. Papera makore akati, takazoziva kuti zvakanga  zvagara zvarongwa kuti magetsi aizodzimwa kana nyaya yacho yaisazoenda nepavaitarisira.

BASA REDUNHU UYE BHETERI

Patakanga tava nemakore gumi taroorana takakokwa kuti tizoshanda basa remudunhu. Paolo aishanda basa rinobhadhara saka izvi zvakanga zvisiri nyore. Asi takanyengetera nezvazvo, tikaenda kunoita basa iri. Taifara chaizvo pataitandara nemhuri dzainge dzatigamuchira. Manheru taiwanzodzidza navo, tapedza Paolo aizobatsira vana kuita basa ravo rokuchikoro, zvikuru-kuru masvomhu. Paolo aifarirawo kuverenga saka ainakidzwa nekutaura zvaainge averenga zvinonakidza uye zvinovaka. Misi yeMuvhuro, taiwanzoenda kunoparidza mumaguta akanga asina Zvapupu, tichikoka vanhu kuhurukuro yaizopiwa manheru.

Taida chaizvo kuva nevechiduku, uye Paolo aifarira kutamba navo nhabvu

Tangoita makore maviri mubasa remudunhu, takakokwa kuti tizoshanda kuBheteri kuRome. Paolo aizoshanda kudhipatimendi rezvemitemo, uye ini kuDhipatimendi reMagazini. Kuchinja kwakanga kusiri nyore asi chataida kuva vanhu vanoteerera. Zvaifadza kuona bazi richikura zvishoma nezvishoma uye kuwedzera kunoshamisa kweZvapupu muItaly. Panguva iyoyo ndipo pakanyoreswa Zvapupu zvaJehovha zviri pamutemo muItaly. Kushanda paBheteri kwaitifadza.

Paolo aifarira basa rake repaBheteri

Pataive paBheteri, nyaya yezvatinotenda pamusoro peropa yakatsviriridza muItaly. Kutanga kwema1980, pane nyaya yerudzi urwu yakanetsa mumatare. Mumwe murume nomudzimai wake Zvapupu vaipomerwa kuti vakaurayisa mwanasikana wavo, kunyange zvazvo akanga afa nechirwere cheropa chokuzvarwa nacho chinowanzowanikwa nevakawanda munharaunda yeMediterranean. Hama nehanzvadzi dzepaBheteri dzakabatsira magweta aimiririra vabereki ava vechiKristu. Pakashandiswa katurakiti neMukai! yakatobudisirwa nyaya iyoyo kubatsira vanhu kuziva zvakaitika uye kunzwisisa zvinotaura Shoko raMwari nezveropa. Mwedzi iyoyo, Paolo aiwanzoshanda kwamaawa 16 pazuva pasina kumbozorora. Ndakaita zvandaigona kumutsigira pabasa rake raikosha.

KUMWE KUCHINJAZVE KWEUPENYU

Takanga tava nemakore 20 takaroorana zvinhu pazvakachinja tisingambofungiri. Ndakanga ndava nemakore 41 uye Paolo akanga ava ne49 pandakamuudza kuti ndaifunga kuti ndakanga ndava nepamuviri. Mudhayari rake, ndakaona papeji yezuva iroro pakanyorwa kuti: “Munyengetero: Kana chiri chokwadi, tibatsirei kuti tirambe tiri mubasa renguva yakazara, tisanete pakunamata uye tibatsirei kuti tiratidze nezvatinoita kuti tiri vabereki vakanaka. Kupfuura zvose, ndibatsirei kushandisa  kana zvishomanana hazvo zvezvinhu zvandaidzidzisa pachikuva makore 30 apfuura.” Ndichifunga nezvezvakazoitika, Jehovha akapindura munyengetero wake, uye wangu.

Kuzvarwa kwaIlaria kwakachinja upenyu hwedu zvikuru. Kutaura chokwadi paiva nenguva dzataimboora mwoyo, sezvinotaura Zvirevo 24:10 kuti “Wakaora mwoyo pazuva rokutambudzika here? Simba rako richava shoma.” Asi takaramba tichitsigirana uye tichikurudzirana.

Ilaria anofara zvikuru nekuti akaberekwa nevabereki Zvapupu vaigara vakabatikana mubasa renguva yakazara. Hapana paakambonzwa sekuti haana vabereki; akakura mumhuri yakangoitawo sedzimwe. Ndaiswera ndiinaye ndichimutsigira. Manheru Paolo paaiuya kumba, aiwanzova nebasa rakawanda rekuita, asi aiwana nguva naye, achitamba naye uye achimubatsira kuita basa rekuchikoro. Pamwe pacho aitozosara achishanda kusvika kuma2 kana kuti kuma3 kuti apedzise basa rake. Ilaria aiwanzoti, “Baba ndiyo shamwari yangu yepamwoyo.”

Kuti tibatsire Ilaria kuti aite zvakanaka dzimwe nguva taitofanira kumuranga, dzimwe nguva zvakasimba. Ndinoyeuka mumwe musi paakaitira shamwari yake zvakaipa vachitamba vose. Takamutsanangurira tichishandisa Bhaibheri kuti sei aisafanira kudaro. Takaitawo kuti akumbire ruregerero kushamwari yake isu tiripo.

Ilaria anoti anotenda chaizvo kuda ushumiri kwaiita vabereki vake. Iye zvino akaroorwa uye anonyatsonzwisisa kukosha kwazvakaita kuteerera Jehovha uye kutevedzera zvaanotaura.

KUTEERERA KUNYANGE MUNGUVA DZEKUSUWA

Muna 2008, Paolo akabatwa chirwere chegomarara. Pakutanga zvaiita sekuti chirwere ichi chakanga chisingazomuurayi, uye aindikurudzira zvikuru. Takatsvaka nzira dzakanakisisa dzekurapa uye taiita minyengetero mirefu naIlaria kuna Jehovha tichimukumbira kuti atibatsire kutarisana neramangwana. Kunyange zvakadaro zvakandisuwisa kuona munhu aiva akasimba achipera simba zvishoma nezvishoma. Paakazofa muna 2010 zvakandirwadza zvikuru. Zvisinei, ndinonyaradzwa zvikuru pandinofunga nezvezvatakaita pamakore 45 ataiva pamwe chete. Takaitira Jehovha zvose zvataigona. Ndinoziva kuti zvatakaita hazvizombokanganwiki. Uye ndakamirira nemaziso matsvuku kuzoona Paolo achimutswa, sezviri mumashoko aJesu ari pana Johani 5:28, 29.

“Nanhasi ndichiri kungoda nyaya yaNoa sezvandaiita ndichiri kasikana. Shungu dzangu hadzina kuchinja”

Nanhasi ndichiri kungoda nyaya yaNoa sezvandaiita ndichiri kasikana. Shungu dzangu hadzina kuchinja. Ndichine shungu dzekuteerera Jehovha, pane chero chandinenge ndanzi ndiite. Ndine chokwadi chekuti chero zvipingamupinyi, kana zvandinorasikirwa nazvo hazvienzaniswi nemakomborero andinopiwa naMwari wedu ane rudo. Ndakazvionera kuti ichi ichokwadi, uye handizvidembi.