Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Koshesa Rupo Uye Kunzwisisa Kunoita Jehovha

Koshesa Rupo Uye Kunzwisisa Kunoita Jehovha

“Jehovha akanaka kune vose, ngoni dzake dziri pamabasa ake ose.”—PIS. 145:9.

1, 2. Shamwari dzaJehovha dzine mukana wei?

MUMWE muKristu anonzi Monika anoti: “Tava nemakore anenge 35 takaroorana. Tinonyatsozivana nemurume wangu. Asi kunyange zvazvo tava nemakore akawanda zvakadaro, tichiri kudzidzana!” Zviri pachena kuti izvi ndizvo zvinoitikawo kushamwari uye mhuri dzakawanda.

2 Tinoda chaizvo kunyatsozivana nevanhu vatinoda. Zvisinei, pashamwari dzose dzatingava nadzo, hapana inokosha zvakanyanya saJehovha. Hatizombofi takasvika pakuziva zvose nezvake. (VaR. 11:33) Tichava nemukana uye mufaro wokuramba tichiwedzera kukoshesa kwatinoita unhu hwaJehovha nokusingaperi.—Mup. 3:11.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Nyaya yapfuura yakatibatsira kuwedzera kukoshesa kwatinoita unhu hwaJehovha hwokuva anotaurika naye uye kusasarura. Ngatichikurukurai humwezve unhu hwaJehovha hunoita kuti timude hunoti, rupo uye kunzwisisa. Kana tikadaro, tichanyatsonzwisisa kuti “Jehovha akanaka kune vose, ngoni dzake dziri pamabasa ake ose.”—Pis. 145:9.

JEHOVHA ANE RUPO

4. Kuva nerupo kunonyatsorevei?

4 Zvinorevei kuva nerupo? Mhinduro yacho tinoiwana pamashoko aJesu ari pana Mabasa 20:35 inoti: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” Nemashoko iwayo, Jesu akaratidza zvinonyatsorehwa nekupa zvichibva pamwoyo. Munhu ane rupo anobatsira vamwe nokuvapa nguva yake, simba, uye zvinhu zvake asingatarisiri kubhadharwa uye anozviita achifara.  Chokwadi, kuva nerupo hakuonekwi nekukura kwechipo asi kunooneka nechinoita kuti ude kupa. (Verenga 2 VaKorinde 9:7.) Hapana ane rupo ‘saMwari wedu anofara’ Jehovha.—1 Tim. 1:11.

5. Jehovha anoratidza sei kuti ane rupo?

5 Jehovha anoratidza sei kuti ane rupo? Anopa vanhu vose zvinhu zvinokosha zvoupenyu, kusanganisira vaya vasati vava kumunamata. Chokwadi, “Jehovha akanaka kune vose.” ‘Anoita kuti zuva rake ribudire vanhu vakaipa nevakanaka uye achiita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.’ (Mat. 5:45) Ndicho chikonzero nei muapostora Pauro paaitaura nevasingatendi, akati Jehovha “akaita zvakanaka, achikupai mvura inobva kudenga nemwaka inobereka zvibereko, achizadza mwoyo yenyu kwazvo nezvokudya nomufaro.” (Mab. 14:17) Zviri pachena kuti Jehovha ane rupo kuvanhu vose.—Ruka 6:35.

6, 7. (a) Jehovha anonyanya kufarira kupa vanaani? (b) Taura muenzaniso unoratidza kuti Mwari anotarisira vanamati vake vakatendeka.

6 Jehovha anotonyanya kufarira kupa vanamati vake vakatendeka zvavanoda muupenyu. Mambo Dhavhidhi akati: “Ndaimbova jaya, asi zvino ndakwegura, handina kumboona munhu akarurama achisiyiwa zvachose, kana vana vake vachitsvaka zvokudya.” (Pis. 37:25) VaKristu vakawanda vakatendeka vakazvionera vega kuti Jehovha anovatarisira. Funga nezvemuenzaniso uyu.

7 Makore akapfuura, mumwe mushumiri wenguva yakazara anonzi Nancy akasangana nedambudziko. “Ndaifanira kubhadhara US$66 yerendi, uye mari iyoyo yaidiwa zuva raitevera chairo,” anodaro Nancy. “Ndaisaziva kuti mari yacho ndaizoiwana sei. Ndakanyengetera nezvedambudziko racho, ndokubva ndaenda kwandaishanda sahweta. Ndaisatarisira kupiwa mari yokutenda yakawanda manheru iwayo nokuti zuva iroro revhiki vanhu vakawanda havawanzouyi kuzotenga zvokudya. Zvakandishamisa kuti vanhu vakawanda vakauya kuresitorendi manheru iwayo. Pandakapedza basa, ndakaverenga mari yose yokutenda yandainge ndapiwa, ikakwana US$66.” Nancy ane chokwadi chokuti Jehovha akamupa zvaaida chaizvo.—Mat. 6:33.

8. Chipo chikuru chaJehovha chii?

8 Chipo chikuru chaJehovha chinogona kuwanikwa nemunhu wose. Chipo ichocho chii? Chibayiro chorudzikinuro cheMwanakomana wake. Jesu akati: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Joh. 3:16) Mundima iyi, shoko rokuti “nyika” rinoreva vanhu. Chokwadi, chipo chikuru chaJehovha chinogona kuwanikwa nemunhu wose anoda hake kuchigamuchira.  Vaya vanotenda muna Jesu vachawana upenyu huzhinji, upenyu husingaperi! (Joh. 10:10) Chokwadi hakuna humwe uchapupu hunopfuura uhwu hwokuti Jehovha ane rupo!

TEVEDZERA JEHOVHA PAKUVA NERUPO

VaIsraeri vaikurudzirwa kutevedzera rupo runa Jehovha (Ona ndima 9)

9. Tingatevedzera sei Jehovha pakuva nerupo?

 9 Tingatevedzera sei Jehovha pakuva nerupo? Jehovha “anotipa zvinhu zvose kwazvo kuti tifare”; saka tinofanira kuda “kugovana” nevamwe, kuti naivowo vafare. (1 Tim. 6:17-19) Tinopawo hama dzedu zvipo uye tinobatsira vanoshayiwa tichifara. (Verenga Dheuteronomio 15:7.) Chii chinogona kutibatsira kuramba tichiyeuka kuratidza rupo? Vamwe vaKristu vanoedza izvi: Pose pavanopiwa chipo, vanotsvaga mukana wokupawo mumwe munhu chipo. Muungano yechiKristu mune hama nehanzvadzi dzakawanda dzine rupo.

10. Ndeipi imwe nzira inokosha yokuratidza nayo rupo?

10 Imwe nzira yakanaka chaizvo yokuratidza nayo rupo kune vamwe ndeyokutaura uye kuita zvinovabatsira. Tingazviita sei? Nokushandisa nguva yedu nesimba pakubatsira vamwe uye pakuvakurudzira. (VaG. 6:10) Kana tichida kuona zvatiri kuita panyaya iyi, tingazvibvunza kuti: ‘Vamwe vanoona here kuti ndinoda kuzvipira kuvabatsira uye kuteerera zvichemo zvavo? Kana mumwe munhu akakumbira kundituma kana kuitirwa basa, ndinobvuma here kana ndichikwanisa? Ndakapedzisira riini kurumbidza nemwoyo wose nhengo yemhuri kana hama yechiKristu?’ Kana ‘tikagara tichipa,’ chokwadi tichava pedyo naJehovha uye neshamwari dzedu.—Ruka 6:38; Zvir. 19:17.

11. Ndedzipi dzimwe nzira dzatinogona kuratidza rupo kuna Jehovha?

 11 Tinogonawo kupa Jehovha. Magwaro  anotikurudzira kuti, “Kudza Jehovha nezvinhu zvako zvinokosha.” (Zvir. 3:9) ‘Zvinhu izvozvo zvinokosha’ zvinosanganisira zvinhu zvatinogona kushandisa mubasa rake zvakadai senguva yedu, simba, uye pfuma. Kunyange vana vaduku vanogona kudzidza kupawo chimwe chinhu kuna Jehovha. “Mhuri yedu painopa chipo kuImba yoUmambo, tinoita kuti vana vedu vaise mari yacho mubhokisi romupiro,” vanodaro vamwe baba vanonzi Jason. “Vanozvifarira nokuti, pavanenge vachiisa mari yacho, vari ‘kupa chimwe chinhu kuna Jehovha.’” Kana vana vakawana mufaro wokupa Jehovha vachiri vaduku, kazhinji vanozova nerupo pavanenge vakura.—Zvir. 22:6.

JEHOVHA ANONZWISISA

12. Kunzwisisa kuita sei?

12 Chimwe chinhu chinoita kuti tide Jehovha ndechokuti anonzwisisa. Kunzwisisa kuita sei? Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti ‘kunzwisisa’ muShanduro yeNyika Itsva rinoreva “kubvuma mafungiro evamwe.” (Tito 3:1, 2) Munhu anonzwisisa haasimbiriri pane zvinotaurwa nemutemo, haaomesi musoro uye haana utsinye. Asi, anoedza kuva munyoro pamabatiro aanoita vamwe, achifunga nezvemamiriro avo ezvinhu. Anobvuma kuteerera zvinotaurwa nevamwe, uye kana zvichiita, anobvuma kuita zvavanoda uye kuchinja zvaanotarisira.

13, 14. (a) Jehovha anoratidza sei kuti anonzwisisa? (b) Tingadzidzei nezvokunzwisisa kubva pane zvakaitirwa Roti naMwari?

13 Jehovha anoratidza sei kuti anonzwisisa? Anofungawo nezvemanzwiro evashumiri vake, uye anowanzobvuma kuvaitira zvavanomukumbira. Somuenzaniso, funga zvakaitwa naJehovha kumurume aiva akarurama, Roti. Jehovha paakanga ava kuda kuparadza maguta eSodhoma neGomora, akanyatsorayira Roti kuti atizire kumakomo. Zvisinei, nokuda kwechimwewo chikonzero, Roti akakumbira kutizira kune imwe nzvimbo. Pafunge, Roti akatokumbira Jehovha kuti achinje zvaainge arayira!—Verenga Genesisi 19:17-20.

14 Zviri nyore kuti munhu ati Roti aisava nokutenda kana kuti aisateerera. Ichokwadi kuti Jehovha aigona kumuchengetedza ari mupenyu ari chero kupi zvako, saka paisava nechikonzero chokuti Roti atye. Asi kunyange zvakadaro, Roti aingotya chete, uye Jehovha akamuteerera. Akabvumira Roti kuti atizire kuguta raainge aronga kuparadza. (Verenga Genesisi 19:21, 22.) Zviri pachena kuti Jehovha haaomeseri vanhu. Anobvuma mafungiro evamwe uye anonzwisisa.

15, 16. Mutemo waMosesi unoratidza sei kuti Jehovha anonzwisisa? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

15 Funga nezvemumwe muenzaniso unoratidza kuti Jehovha anonzwisisa uri muMutemo waMosesi. Kana muIsraeri aiva murombo zvokutadza kupa gwayana kana mbudzi sechibayiro, aigona kupa magukutiwa maviri kana hangaiwa mbiri. Asi zvakadini kana aiva murombo zvokutadza kuwana hangaiwa mbiri? Pakadaro, Jehovha aibvumira kuti murombo iyeye ape furawa shoma. Zvisinei, ona pfungwa iyi inokosha: yaisafanira kungova chero furawa, asi “furawa yakatsetseka,” yaishandiswa paiuya vaenzi vairemekedzwa. (Gen. 18:6) Nei izvozvo zvaikosha?—Verenga Revhitiko 5:7, 11.

16 Chimbozvitora sokuti uri muIsraeri uye uri murombo chaizvo. Sezvaunosvika patebhenekeri netufurawa twako kuti upe sechibayiro, unoona vaIsraeri vakapfuma vachiuya nezvipfuwo. Unganyara nechibayiro chako chefurawa chinoita sechisingakoshi. Asi unobva wayeuka kuti Jehovha anokoshesa chibayiro chako. Nei? Nokuti Jehovha aida kuti furawa yacho ive yemhando yepamusoro. Zvinotoita sokuti,  Jehovha aiti kumuIsraeri murombo: ‘Ndinozviziva kuti haukwanisi kundipa zvakawanda sezvinoita vamwe, asi ndinozivawo kuti uri kundipa zvakanaka chaizvo pane zvaunazvo.’ Chokwadi, Jehovha anonzwisisa mamiriro ezvinhu evashumiri vake uye zvavasingakwanisi.—Pis. 103:14.

17. Jehovha anoda kuti timuitire basa rakaita sei?

 17 Tinogona kunyaradzwa nokuziva kuti Jehovha anogamuchira basa ratinomuitira nemwoyo wose nokuti anonzwisisa. (VaK. 3:23) Imwe hanzvadzi yakura yokuItaly inonzi Constance yakati: “Kuudza vamwe nezveMusiki wangu ndizvo zvandagara ndichida kuita zvakanyanya. Ndosaka ndichiramba ndichiparidza uye ndichidzidzisa vanhu Bhaibheri. Dzimwe nguva ndinonetseka nokuti handichakwanisi kuita zvakawanda nemhaka yeutano. Asi ndinoziva kuti Jehovha anoziva zvandisingakwanisi kuita uye anondida uye anokoshesa zvandinoita.”

IVA ANONZWISISA SEZVINOITA JEHOVHA

18. Vabereki vangatevedzera sei Jehovha?

18 Tingatevedzera sei kunzwisisa kunoita Jehovha? Funga zvekare zvakaitwa naJehovha kuna Roti. Jehovha ndiye aifanira kuudza Roti kwokuenda, asi akateerera nomutsa Roti paaitaura manzwiro ake. Uye Mwari akabvuma chikumbiro chaRoti. Kana uri mubereki, ungatevedzera zvakaitwa naJehovha here? Unogona kuteerera zvinokumbirwa nevana vako here, uye kana zvichiita kubvuma zvavanoda? Panyaya iyi, Nharireyomurindi yaSeptember 1, 2007 yakati vamwe vabereki vangaitawo kuti vana vavo vataure pfungwa dzavo pavanenge vachidzika mitemo yepamba. Somuenzaniso, vabereki vangasarudza nguva chaiyo yokuti vana vange vava pamba uye ikodzero yavo kuti vadaro. Kunyange zvakadaro, vabereki vechiKristu vangadawo kunzwa zvinofungwa nevana vavo nezvenguva yavanenge vasarudza. Pamwe pacho vabereki vangasarudza kuchinja nguva yacho kana pasina mutemo weBhaibheri unotyorwa. Vabereki vangaona kuti pavanofungawo nezvezvinotaurwa nevana vavo panyaya yemitemo yepamba, zvinova nyore kuti vana vainzwisise uye vaiteerere.

19. Vakuru vangaedza sei kuva vanonzwisisa sezvinoita Jehovha?

19 Vakuru veungano vanoedza chaizvo kutevedzera Jehovha nokunzwisisa mamiriro ezvinhu ehama dzavo. Yeuka kuti Jehovha aikoshesa zvibayiro zvaipiwa kunyange nevaIsraeri vaiva varombo. Saizvozvowo, dzimwe hama nehanzvadzi hadzikwanisi kuita zvakawanda muushumiri zvimwe nemhaka yeutano kana kukwegura. Ko kana vachiodzwa mwoyo nezvavasingachagoni kuita? Vakuru vanogona kuvavimbisa nemutsa kuti Jehovha anovada nokuti vanopa zvakanaka chaizvo pane zvavanazvo.—Mako 12:41-44.

20. Kuva vanhu vanonzwisisa kunoreva here kuti tinofanira kubva tarega kuita basa raMwari? Tsanangura.

20 Ichokwadi kuti hatidi kufunga kuti kuva vanhu vanonzwisisa zvinoreva kubva tarega kuita basa raMwari kuti tingozviitira mutsa. (Mat. 16:22) Hatidi kuita zvishoma tichihwanda nerokuti tiri kuratidza kunzwisisa. Asi tose tinoda ‘kushanda nesimba’ tichitsigira Umambo. (Ruka 13:24) Chokwadi, tinoda kuva nemaonero ari pakati nepakati. Tinoda kushanda nesimba tisingazezi kuita basa redu. Asiwo, tinofanira kuyeuka kuti Jehovha haatikumbiri kuita zvakawanda kupfuura zvatinokwanisa. Tinogona kuva nechokwadi chokuti anofara kana tikamupa zvose zvakanaka zvatingava nazvo. Hazvifadzi here kushumira Tenzi anoonga uye anonzwisisa zvakadaro? Munyaya inotevera tichakurukura zvimwezve zvinhu zviviri zvinoita kuti tide Jehovha.—Pis. 73:28.

“Kudza Jehovha nezvinhu zvako zvinokosha.”—Zvir. 3:9 (Ona ndima 11)

“Zvose zvamunoita, zviitei nomweya wose.”—VaK. 3:23 (Ona ndima 17)