Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bvuma Kuumbwa Nechirango chaJehovha

Bvuma Kuumbwa Nechirango chaJehovha

“Muchanditungamirira nezano renyu, uye pashure paizvozvo muchandiendesa kukubwinya.”—PIS. 73:24.

1, 2. (a) Munhu anofanira kuitei kuti ave noukama hwepedyo naJehovha? (b) Tichabatsirwa sei nokuongorora nhoroondo dzeBhaibheri dzinotaura zvakaitwa nevanhu pavakarangwa naMwari?

“KUSWEDERA pedyo naMwari kwakandinakira. Ndakaita Changamire Ishe Jehovha nzvimbo yangu yokupotera.” (Pis. 73:28) Mashoko aya anoratidza kuti munyori wepisarema aivimba naMwari. Chii chakaita kuti azotaura mashoko iwayo ane simba? Pakutanga akarwadziwa mwoyo paakaona rugare rwevanhu vakaipa. Akachema-chema achiti: “Chokwadi ndakachenesa mwoyo wangu pasina uye ndakageza maoko angu mukusava nemhosva pasina.” (Pis. 73:2, 3, 13, 21) Zvisinei, paakazopinda “munzvimbo tsvene yaMwari,” akakwanisa kugadzirisa mafungiro ake ndokuramba aine ukama hwepedyo naMwari. (Pis. 73:16-18) Izvi zvakadzidzisa murume iyeye aitya Mwari chidzidzo chinokosha chokuti: Kana munhu achida kuva noukama hwepedyo naJehovha anofanira kuwadzana nevanhu vaMwari, kugamuchira zano uye kurishandisa.—Pis. 73:24.

2 Isuwo tinoda kuva noukama hwepedyo naMwari wechokwadi mupenyu. Kuti tiite izvozvo, zvinokosha kuti tibvume kuumbwa naye paanotipa zano kana kuti paanotiranga kuti tive vanhu vaanofarira. Munguva dzekare, Mwari akaratidza kuti ane ngoni nokupa munhu ega ega uye marudzi mikana yokubvuma kurangwa naye. Zvavakaita pavakarangwa zvakanyorwa muBhaibheri “kuti tirayiridzwe” uye “kuti tinyeverwe isu tasvikirwa nokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino.” (VaR. 15:4; 1 VaK. 10:11) Kuongorora nyaya idzi kuchaita kuti tinzwisise zvakaita Jehovha uye kucharatidza kuti tingabatsirwa sei nokuumbwa naye.

 KURATIDZA KUNOITA MUUMBI SIMBA RAKE

3. Rugwaro rwaIsaya 64:8 naJeremiya 18:1-6 anoratidza sei kuti Jehovha ane simba pavanhu? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

3 Isaya 64:8 inoratidza kuti Jehovha ane simba pamunhu ega ega uye pamarudzi, ichiti: “Haiwa Jehovha, imi muri Baba vedu. Isu tiri ivhu, imi muri Muumbi wedu; tose zvedu tiri basa roruoko rwenyu.” Muumbi anogona kushandisa ivhu kuumba chero mudziyo waanoda. Ivhu harigoni kusarudza kuti ringaumbiswei. Ndizvo zvakaitawo vanhu naMwari. Vanhu havana kodzero yokuudza Mwari maumbiro aanofanira kuvaita kungofanana neivhu riri mumaoko emuumbi.—Verenga Jeremiya 18:1-6.

4. Mwari anomanikidza vanhu kana marudzi kuti vabvume kuumbwa naye here? Tsanangura.

4 Jehovha akaratidza kuti anokwanisa kuita sezvinoitwa nemuumbi kuivhu pane zvaakaitira vaIsraeri vekare. Asi Jehovha akasiyana nemuumbi chaiye. Muumbi anogona kushandisa ivhu kuumba chero mudziyo waanoda. Jehovha anomanikidza here vanhu kana marudzi kuti vabvume kuumbwa naye zvoita kuti vamwe vave vakanaka uye vamwe vakaipa? Bhaibheri rinoti kwete. Jehovha akapa vanhu chipo chinokosha chaizvo chokuzvisarudzira zvavanoda. Haashandisi masimba ake kumanikidza vanhu kuti vamuteerere. Vanhu vanofanira kuzvisarudzira voga kuumbwa neMusiki, Jehovha.—Verenga Jeremiya 18:7-10.

5. Jehovha anoshandisa sei simba rake vanhu pavanoramba kuumbwa naye?

5 Asi zvakadini kana vanhu vakaramba kuumbwa neMuumbi Mukuru? Pakadaro Mwari anoratidza sei simba rake? Chimbofunga zvinoitwa nemuumbi kana ivhu racho risisaiti kuumba zvaanga achida. Anogona kurishandisa kuumba mumwe mudziyo kana kuti kurirasa. Zvisinei, kazhinji kana ivhu risisaiti zvachose, muumbi ndiye anenge aine mhosva. Asi izvozvo hazvishandi kuna Mwari, muumbi wedu. (Dheut. 32:4) Kana munhu akasabvuma kuumbwa naJehovha, munhu iyeye ndiye anenge ane mhosva. Jehovha anoratidza simba rake sezvinoita muumbi nokuchinja mabatiro aanoita vanhu zvichienderana nokuti vanobvuma here kana kuti vanoramba kuumbwa naye. Vaya vanobvuma kuumbwa anovashandisa zvakanaka. Somuenzaniso, vaKristu vakazodzwa ‘midziyo yengoni’ yakaumbwa kuti ive ‘midziyo, inoshandiswa zvinokudzwa.’ Asi vaya vanoramba kuumbwa naMwari vanopedzisira vava “midziyo yokuitirwa hasha yakaitwa kuti ikodzere kuparadzwa.”—VaR. 9:19-23.

6, 7. Mambo Dhavhidhi naMambo Sauro vakaita sei zvakasiyana pavakapiwa zano naJehovha?

 6 Jehovha anoumba vanhu nekuvapa zano kana kuvaranga. Tinogona kuona kuti akaratidza sei simba rake pavanhu vaanoumba pane zvaakaita kumadzimambo maviri okutanga aIsraeri, Sauro naDhavhidhi. Mambo Dhavhidhi paakaita upombwe naBhati-shebha, zvinhu hazvina kumufambira zvakanaka iye nevamwe. Kunyange zvazvo Dhavhidhi aiva mambo, Jehovha akamuranga zvakasimba. Mwari akatuma muprofita wake Natani kuna Dhavhidhi nemashoko anorwadza. (2 Sam. 12:1-12) Dhavhidhi akaita sei? Akazvidemba zvikuru, akapfidza uye Mwari akamunzwira ngoni.—Verenga 2 Samueri 12:13.

 7 Asi Mambo Sauro uyo akazotsiviwa naDhavhidhi, haana kuteerera paakapiwa zano. Jehovha akanga arayira Sauro zvakajeka achishandisa muprofita Samueri kuti aparadze vaAmareki vose nezvipfuwo zvavo. Sauro haana kuteerera murayiro uyu waMwari. Haana kuuraya mambo wacho  Agagi, uye zvipfuwo zvakanaka. Akazviitirei? Chimwe chikonzero chaiva chokuti aida kukudzwa. (1 Sam. 15:1-3, 7-9, 12) Sauro paakapiwa zano, aifanira kurigamuchira obvuma kuumbwa neMuumbi Mukuru, Jehovha. Asi akaramba kuumbwa. Akatotanga kupa tuzvikonzero achiti zvaakaita zvainge zvakarurama nokuti zvipfuwo zvacho zvaigona kushandiswa sezvibayiro uye akaona sokuti zano raSamueri raisashanda. Jehovha akamuramba uye Sauro haana kuzovazve noukama hwakanaka naMwari wechokwadi.—Verenga 1 Samueri 15:13-15, 20-23.

Sauro akaona zano raakapiwa serisingashandi uye akariramba. Akaramba kuumbwa naJehovha! (Ona ndima 7)

Dhavhidhi akazvidemba zvikuru uye akagamuchira zano. Akabvuma kuumbwa naMwari. Iwe unobvuma here? (Ona ndima 6)

MWARI HAASARURI

8. Tinodzidzei pane zvakaitwa nevaIsraeri Jehovha paaivaumba?

8 Jehovha anopawo marudzi mukana wokubvuma kurangwa naye. Muna 1513 B.C.E., vaIsraeri vainge vasunungurwa muuranda muIjipiti vakaita sungano naMwari. VaIsraeri vaiva rudzi rwakasarudzwa naMwari uye vaiva neropafadzo yokuumbwa noMuumbi Mukuru, Jehovha. Zvisinei, vakaramba vachitadzira Jehovha, vachitonamata vanamwari vemarudzi akanga akavapoteredza. Jehovha akaramba achituma vaprofita vake kuti vabatsire vaIsraeri kuti vachinje mararamiro avo asi havana kuteerera. (Jer. 35:12-15) VaIsraeri vaifanira kurangwa zvakaomarara nemhaka yokuoma musoro kwavo. Semudziyo wakakodzera kuparadzwa, umambo hwokumusoro hwemadzinza gumi hwakakundwa nevaAsiriya uye umambo hwezasi hwemadzinza maviri hwakakundwawo nevaBhabhironi. Chokwadi izvi zvinofanira  kutidzidzisa chidzidzo chakakosha! Kubvuma kuumbwa naJehovha ndiko kuchaita kuti tibatsirwe.

9, 10. VaNinivhi vakaita sei pavakanyeverwa naMwari?

9 Jehovha akapawo vanhu vaigara muguta guru reAsiriya rainzi Ninivhi mukana wokuti vateerere nyevero yake. Akaudza Jona kuti: “Simuka, uende kuNinivhi guta guru, urizivise kuti kuipa kwavo kwasvika pamberi pangu.” Ninivhi rainge ratongerwa kuparadzwa.—Jona 1:1, 2; 3:1-4.

10 Zvisinei, Jona paakazivisa mashoko okuparadzwa, “vanhu vomuNinivhi vakatanga kutenda muna Mwari, vakazivisa kuti vanhu vatsanye uye vapfeke masaga, kubvira kumukuru wavo kusvikira kumuduku wavo.” Mambo wavo “akabva asimuka pachigaro chake choumambo, akabvisa nguo yake yebasa, akapfeka masaga, akagara pasi mumadota.” VaNinivhi vakabvuma kuumbwa naJehovha uye vakapfidza. Jehovha haana kuzovaparadza.—Jona 3:5-10.

11. Zvakaitirwa vaIsraeri uye vaNinivhi naJehovha zvinoratidza unhu hwake hupi?

11 VaIsraeri vakarangwa naJehovha pasinei nokuti vaiva rudzi rwakasarudzwa. VaNinivhi vakanga vasiri rudzi rwakasarudzwa, asi Jehovha akaita kuti vaudzwe kuti vaizoparadzwa uye akavanzwira ngoni pavakabvuma kuumbwa naye. Mienzaniso miviri iyi inonyatsoratidza kuti Jehovha Mwari wedu ‘haana waanosarura.’—Dheut. 10:17.

JEHOVHA ANONZWISISA UYE ANOGONA KUCHINJA ZVAANENGE ASARUDZA

12, 13. (a) Nei Mwari achichinja zvaanenge asarudza kana vanhu vakabvuma kuumbwa naye? (b) ‘Kuzvidemba’ kunoita Jehovha kwakarevei kuna Sauro uye kuNinivhi?

12 Zvinoitwa naMwari pakutiumba zvinoratidza kuti anonzwisisa uye anogona kuchinja zvaanenge asarudza. Izvi tinozviona dzimwe nguva Jehovha paanosarudza kuitira vanhu chimwe chinhu maererano nekutonga kwake kwakarurama asi ozochinja nokuti vanhu vacho vanenge vachinja maitiro avo. Magwaro anotaura nezvamambo wokutanga waIsraeri kuti Jehovha ‘akazvidemba kuti akanga aita kuti Sauro atonge samambo.’ (1 Sam. 15:11) Vanhu veNinivhi pavakapfidza ndokusiya kuita zvakaipa, Bhaibheri rinoti: “Mwari wechokwadi akazvidemba pamusoro pedambudziko raakanga ataura kuti aizovaunzira; akarega kuriunza.”—Jona 3:10.

13 Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “akazvidemba” rine chokuita nokuchinja mafungiro kana kuti kuchinja zvaunenge uchida kuita. Jehovha akachinja mafungiro aaiita nezvaMambo Sauro, akamuramba. Kuchinja kwakaita Jehovha yakanga isiri nyaya yokuti ainge akanganisa paakasarudza Sauro, asi kuti Sauro haana kuva nokutenda uye haana kuteerera. VaNinivhi pavakapfidza, Mwari wechokwadi akazvidemba pakuti akachinja zvaaida kuvaitira. Zvinonyaradza chaizvo kuziva kuti Muumbi wedu Jehovha anonzwisisa, ane ngoni nenyasha, uye anoda kuchinja zvaanenge asarudza kana vanoita zvakaipa vakaita zvakanaka!

TISARAMBA KURANGWA NAJEHOVHA

14. (a) Mazuva ano Jehovha anotiumba sei? (b) Tinofanira kuita sei Jehovha paanotiumba?

14 Mazuva ano Jehovha anonyanya kutiumba achishandisa Shoko rake, Bhaibheri uye sangano rake. (2 Tim. 3:16, 17) Hatifaniri here kugamuchira chero zano kana chirango chatingapiwa pachishandiswa nzira idzi? Pasinei nokuti tava nenguva yakareba sei tabhabhatidzwa, kana kuti tine ropafadzo dzakawanda zvakadii musangano, tinofanira kuramba tichigamuchira zano raJehovha, tobvuma kuumbwa naro kuti tive midziyo inokudzwa.

15, 16. (a) Ipfungwa dzipi dzisina kunaka dzinogona kuva nemunhu kana asisina dzimwe ropafadzo? Taura muenzaniso. (b) Chii chinogona kutibatsira kuti tikurire pfungwa dzisina kunaka kana tarangwa?

 15 Tinogona kurangwa nokupiwa mirayiridzo kana kuti nokururamiswa. Asi dzimwe nguva, tinogona kupiwa chirango nokuti tinenge tiine zvatakanganisa. Chirango chakadaro chingaita kuti tirasikirwe neropafadzo. Funga nezvaDennis * uyo aishumira semukuru. Ane zvaakakanganisa pakusarudza panyaya dzebhizimisi uye akatsiurwa. Dennis akanzwa sei, manheru akaziviswa ungano kuti akanga asisiri mukuru? “Ndakaona sokuti handichabatsiri zvachose,” anodaro. “Mumakore 30 ainge apfuura, ndainge ndava neropafadzo dzakawanda. Ndainge ndava piyona wenguva dzose, ndashanda paBheteri, ndava mushumiri anoshumira uye ndava mukuru. Ndainge ndichangobvawo kupa hurukuro yangu yokutanga pagungano reruwa. Zvose zvakangoerekana zvapera. Ndakanyara chaizvo uye ndakafunga kuti ndakanga ndisisatombobatsiri zvachose musangano.”

16 Dennis aifanira kuchinja, osiya zvakaipa zvainge zvakonzera kuti aruramiswe. Asi chii chakamubatsira kuti asarambe achinetseka? Anoti: “Ndainge ndakatsunga kuramba ndichiita zvinhu zvine chokuita nokunamata. Uye chimwe chaikosha kwaiva kutsigirwa kwandaiitwa nehama dzechiKristu, uye kukurudzirwa kwandaiitwa nemabhuku edu. Nyaya yaiti ‘Wakamboshumira Here? Ungashumirazve Here?’ yaiva muNharireyomurindi yaAugust 15, 2009 yainge yakaita setsamba yandakanyorerwa ichipindura minyengetero yangu. Zano randakanyanya kufarira raiva rokuti, ‘Paunenge usina mabasa auri kuita muungano, simbisa ukama hwako naMwari.’” Dennis akabatsirwa sei nechirango? Pashure pemakore, anoti “Jehovha akandikomborerazve neropafadzo yokuva mushumiri anoshumira.”

17. Kudzinga kunogona kubatsira sei mutadzi kuti apengenuke? Taura muenzaniso.

17 Jehovha anopawo chirango achishandisa urongwa hwokudzinga muungano. Kudzinga mutadzi kunodzivirira ungano uye kunogona kumubatsira kuti apengenuke. (1 VaK. 5:6, 7, 11) Robert ainge akadzingwa kwemakore anoda kusvika 16 uye panguva yose iyoyo vabereki vake nevana vomumhuri mavo vakanyatsoshandisa murayiro uri muShoko raMwari wokusawadzana nevanhu vanoita zvakaipa uye kusatombovakwazisa. Iye zvino Robert ava nemakore adzorerwa uye ari kuita zvakanaka chaizvo pakunamata. Paakabvunzwa kuti chii chakaita kuti adzoke kuna Jehovha uye kuvanhu vake kwapera makore akawanda kudaro, akati zvakaitwa nemhuri yake zvakamubatsira chaizvo. “Kudai mhuri yangu yakawadzana neni kunyange zvishoma, kana kungoda kunzwa kuti ndakadii, izvozvo zvingadai zvakandigutsa uye zvimwe shungu dzokuda kuwadzana nevamwe dzingadai dzisina kuita kuti ndidzoke kuna Mwari.”

18. Tinofanira kuratidza kuti tiri ivhu rakaita sei Jehovha paanenge achitiumba?

18 Isu tingasafanira hedu kupiwa chirango chakadaro, asi Jehovha paanenge achitiumba sevhu riri mumaoko ake, ticharatidza kuti tiri ivhu rakaita sei? Tichaita sei kana tapiwa chirango? Tichaita saDhavhidhi here kana kuti Sauro? Muumbi wedu Mukuru ndiye Baba vedu. Usambofa wakakanganwa kuti “Jehovha anotsiura waanoda, sokutsiura kunoita baba mwanakomana wavanofarira.” Saka “usaramba kuranga kwaJehovha; uye usasema kutsiura kwake.”—Zvir. 3:11, 12.

^ ndima 15 Mazita akachinjwa.