Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

“Vanakomana vaMwari wechokwadi” vanotaurwa pana Genesisi 6:2, 4 vakararama nguva yeMafashamo isati yasvika ndivanaani?

Uchapupu huripo hunoratidza kuti pari kurehwa vanakomana vaMwari vemudzimu. Uchapupu hwacho ndehupi?

Ndima yechipiri inoti: “Vanakomana vaMwari wechokwadi vakaona vanasikana vevanhu, kuti vakanga vakanaka; vakatora madzimai, kureva ose avakasarudza.”—Gen. 6:2.

MuMagwaro echiHebheru, mashoko okuti “vanakomana vaMwari wechokwadi” uye “vanakomana vaMwari” anowanikwa pana Genesisi 6:2, 4; Jobho 1:6; 2:1; 38:7; uye Pisarema 89:6. Magwaro aya anoratidzei nezve“vanakomana vaMwari” ava?

Zviri pachena kuti “vanakomana vaMwari wechokwadi” vatinoverenga nezvavo pana Jobho 1:6 zvaive zvisikwa zvomudzimu zvakanga zvakaungana pamberi paMwari. Pakati pazvo paiva naSatani, uyo ‘aipota pota nenyika.’ (Job. 1:7; 2:1, 2) Saizvozvowo pana Jobho 38:4-7, tinoverenga nezve‘vanakomana vaMwari’ avo ‘vaishevedzera vachirumbidza’ ‘pakadzikwa naMwari zvigadziko’ zvenyika. Vanofanira kuva ngirozi, nokuti vanhu vakanga vasati vasikwa. Tine chokwadi kuti “vanakomana vaMwari” vanotaurwa pana Pisarema 89:6 ingirozi dzinogara kudenga naMwari, kwete vanhu.

Saka “vanakomana vaMwari wechokwadi” vanotaurwa munhoroondo iri pana Genesisi 6:2, 4 ndivanaani? Maererano nemashoko ari muBhaibheri ataurwa pamusoro apa, zvine musoro kuti titi nhoroondo iyi iri kutaura nezvevanakomana vaMwari vemudzimu vakauya pasi pano.

Vamwe zvinovaomera kubvuma kuti ngirozi dzingafarira kuita zvepabonde. Mashoko aJesu ari pana Mateu 22:30 anoratidza kuti ngirozi hadziiti zvepabonde uye hadziroorane. Asi pane dzimwe nguva ngirozi dzakava nemiviri yevanhu, dzikatodya nokunwa nevanhu. (Gen. 18:1-8; 19:1-3) Saka zvinonzwisisika kuti kana dzava nemiviri yakadaro yevanhu, dzinogona kurara nevakadzi.

Pane zvikonzero zvinobva muBhaibheri zvinoita kuti tibvume kuti ngirozi dzakamboita saizvozvo. Judha 6, 7 inoenzanisa varume vokuSodhoma neGomora, avo vaiva neruchiva rwenyama rwakanyanyisa, ne“ngirozi dzisina kuchengeta nzvimbo yadzo yepakutanga asi dzakasiya nzvimbo yadzo yokugara yakakodzera.” Ngirozi idzi dzakanga dzakafanana nevanhu vokuSodhoma ‘pakuita ufeve zvakanyanyisa uye kutsvaka kufadza nyama kusiri kwomusikirwo.’ Mashoko akada kufanana naiwayo ari pana 1 Petro 3:19, 20 anoratidza kuti ngirozi dzisina kuteerera dzakararama “mumazuva aNoa.” (2 Pet. 2:4, 5) Saka zvakaitwa nengirozi dzisina kuteerera dzakararama mumazuva aNoa zvinogona kufananidzwa nechivi cheSodhoma neGomora.

Saka izvi zvinobva zvava nemusoro kana tanzwisisa kuti “vanakomana vaMwari wechokwadi” vanotaurwa pana Genesisi 6:2, 4 dzaiva ngirozi dzakava nemiviri yenyama ndokuita unzenza nevakadzi.

 Bhaibheri rinoti Jesu “akaparidzira midzimu yaiva mujeri.” (1 Pet. 3:19) Izvi zvinorevei?

Muapostora Petro anoratidza kuti midzimu iyi ndeiya “isina kuteerera kare kushivirira kwaMwari pakwakanga kuchiri kumirira mumazuva aNoa.” (1 Pet. 3:20) Zviri pachena kuti Petro aitaura nezvezvisikwa zvemudzimu zvakasarudza kutsigira kupanduka kwaSatani. Judha anotaura nezvengirozi “dzisina kuchengeta nzvimbo yadzo yepakutanga asi dzakasiya nzvimbo yadzo yokugara yakakodzera,” achiti Mwari “akadzichengeta dzakasungwa nezvisungo zvisingagumi murima gobvu nokuda kwokutongwa kwepazuva guru.”—Jud. 6.

Zvisikwa zvomudzimu zvakaratidza sei kusateerera mumazuva aNoa? Mafashamo asati aitika, midzimu yakaipa iyi yakazvichinja kuti ive nemiviri yevanhu, izvo zvaipesana nezvayakanga yasikirwa naMwari. (Gen. 6:2, 4) Uyezve, kurara kwaiita ngirozi idzodzo nevakadzi kwakanga kusingaenderani nezvadzakasikirwa. Mwari haana kusika zvisikwa zvomudzimu kuti zvirare nevakadzi. (Gen. 5:2) Ngirozi idzi dzakaipa dzisingateereri dzichaparadzwa panguva yaMwari. Asi iye zvino, kuwirirana nezvinotaura Judha, dziri “murima gobvu,” jeri rekufananidzira.

Jesu akaparidzira riini “midzimu yaiva mujeri” iyi uye akazviita sei? Petro akanyora kuti zvakaitika pashure pekunge Jesu ‘aitwa mupenyu mumudzimu.’ (1 Pet. 3:18, 19) Cherechedzai kuti Petro akataura kuti Jesu “akaparidza.” Matauriro aakaita ekuti “aka-” anoratidza kuti kuparidza kwacho kwakaitwa Petro asati anyora tsamba yake yekutanga. Saka zvinoita sekuti pashure pekunge amutswa Jesu akazivisa midzimu yakaipa nezvekuparadzwa kwaichaitwa. Mashoko aakaparidza akanga asiri etariro. Aiva mashoko ekuparadzwa. (Jona 1:1, 2) Pashure pekunge Jesu aratidza kuti akanga akatendeka kusvika parufu uye amutswa, achiratidza kuti Dhiyabhorosi akanga asina simba paari, Jesu akakwanisa kutaura mashoko iwayo ekuparadzwa kwaizoitwa midzimu iyi yakaipa.—Joh. 14:30; 16:8-11.

Mune remangwana, Jesu achasunga Satani nengirozi idzodzo odzikanda mugomba rakadzikadzika. (Ruka 8:30, 31; Zvak. 20:1-3) Asi panguva ino midzimu iyi isingateereri ichiri murima gobvu rekufananidzira, uye ichatoparadzwa chete.—Zvak. 20:7-10.