Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 UNOYEUKA HERE?

Unoyeuka Here?

Wakanyatsoverenga here magazini eNharireyomurindi emwedzi mishoma yapfuura? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

Inzira ipi isina kunaka yokushandisa Bhaibheri uye vaKristu vanofanira kuiona sei?

Vanhu vakawanda vanoshandisa Bhaibheri zvisizvo nokungorivhura voverenga mashoko avanotanga kuona, vachitenda kuti mashoko iwayo achavapa mazano avanenge vachida. VaKristu vechokwadi havatendi mashura. Asi vanodzidza Bhaibheri kuti vawane zivo yakarurama uye kuti vatungamirirwe naMwari.—12/15, peji 3.

“Nyika” ichapfuura chii?

“Nyika” ichapfuura inoreva vanhu vari munyika vasingaiti zvinodiwa naMwari. (1 Joh. 2:17) Pasi nevanhu vakatendeka zvicharamba zviripo.—1/1, mapeji 5-7.

Abheri anoramba achitaura nesu sei kunyange zvazvo akafa? (VaH. 11:4)

Anotaura nesu kuburikidza nokutenda. Tinogona kudzidza pakutenda kwake tomutevedzera. Muenzaniso wake uchiri kushanda nanhasi.—1/1, peji 12.

Ndezvipi zvinhu zvatisingafaniri kurega zvichitiendesa kure naMwari?

Zvimwe zvacho ndeizvi: basa redu, zvinotivaraidza uye zvinotizorodza, kuwadzana nehama yedu yakadzingwa, kushandisa zvigadzirwa zvemazuva ano, kuzvidya mwoyo nenyaya youtano, kunyanya kuda mari, uye kunyanya kukoshesa maonero edu kana kuti chinzvimbo chedu.—1/15, mapeji 12-21.

Tingadzidzei pakuzvininipisa kwaMosesi?

Mosesi haana kutanga kudada paakapiwa simba, haana kuzvivimba asi akavimba naMwari. Hatitombofaniri kuzvikudza nemhaka yezvatinogona kuita kana kuti chinzvimbo chatinenge tapiwa; asi tinofanira kuvimba naJehovha. (Zvir. 3:5, 6)—2/1, peji 5.

Vanenge vamutswa vachagara kupi?

Vashoma vanokwana 144 000 vachaenda kudenga. Asi vakawanda vachamutswa kuti vararamezve panyika vaine tarisiro yokurarama nokusingaperi.—3/1, peji 6.

Zvinorevei kuti vaIsraeri vaiva ‘nemwoyo isina kudzingiswa?’ (Jer. 9:26)

Vaiva nemwoyo yakaoma uye inopandukira saka vaifanira kubvisa chaiita kuti mwoyo yavo iome, iwo mafungiro avo, zvido, kana kuti zvavaivavarira izvo zvaipesana nezvaMwari. (Jer. 5:23, 24)—3/15, mapeji 9-10.

Jesu akaratidza sei kuti aiva noupenyu hunofadza uye hunogutsa?

Aiva nechinangwa chokuita kuda kwaMwari muupenyu hwake. Aida Baba vake zvikuru uye aida vanhu. Jesu aizivawo kuti aifarirwa uye aidiwa naBaba vake. Izvozvo ndizvo zvinoita kuti munhu ave noupenyu hunogutsa uye hunofadza.—4/1, mapeji 4-5.

Chikamu chesangano raMwari chepanyika chinosanganisirei?

Chinosanganisira Dare Rinodzora, matare emapazi, vatariri vanofambira, matare evakuru, ungano uye muparidzi wega wega.—4/15, peji 29.

Nei tingati Mwari haana kuratidza utsinye paakaranga vanhu?

Jehovha haafariri rufu rwomunhu akaipa. (Ezek. 33:11) Zvakaitwa naMwari zvinoratidza kuti anonyevera vanhu nerudo asati avaranga. Izvi zvinogona kutipa tariro yokupona pakutonga kuri kuuya.—5/1, mapeji 5-6.

VaIsraeri vaiuraya vanhu vaipara mhosva nokuvaturika pamatanda here?

Kwete. Mamwe marudzi ekare aiita izvozvo asi kwete vaIsraeri. Chatinoziva ndechokuti panguva inotaurwa muMagwaro echiHebheru, vanhu vaiita zvakaipa vaitanga vaurayiwa, pamwe pacho vachiita zvokutemwa nematombo. (Revh. 20:2, 27) Chitunha chacho chaibva chaturikwa padanda uye izvozvo zvaishanda seyambiro kune vamwe vaimuona.—5/15, peji 13.

Nei vanhu vasingakwanisi kuita kuti panyika pave norunyararo?

Kunyange zvazvo vanhu vakaita zvinhu zvakawanda, havakwanisi kudzora nhanho dzavo. (Jer. 10:23) Satani ndiye ari kutonga nyika, saka vanhu havakwanisi kuita kuti pave norugare. (1 Joh. 5:19)—6/1, peji 16.