Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA IRI PAKAVHA: UNOGONA KUVIMBA NECHITENDERO CHAKO HERE

Nei Uchifanira Kuongorora Chitendero Chako?

Nei Uchifanira Kuongorora Chitendero Chako?

Ngatitii une chirwere chinouraya uye unofanira kuvhiyiwa. Waizoda kuvhiyiwa nachiremba waunonyatsovimba naye, nokuti upenyu hwako hunenge huri mumaoko ake. Kwaisazova kuchenjera here kuti uongorore zvaakamboita pakurapa chirwere chacho?

Saizvozvowo, kuchenjera kuti unyatsoongorora chitendero chako. Kana uine chitendero chako, zvinoreva kuti uri kuisa upenyu hwako hweramangwana mumaoko echitendero ichocho. Izvi zvinosanganisira tariro yako yokuponeswa.

Jesu akatipa zvinotibatsira kuona kana chitendero chedu chiri chechokwadi. Akati: “Muti mumwe nomumwe unozivikanwa nechibereko chawo.” (Ruka 6:44) Somuenzaniso, paunoongorora chimwe chitendero kana kuti chechi, chibereko chipi chaunowana? Vatungamiriri vacho vanongonyanya kutaura nyaya dzemari here? Vanhu vechitendero chacho vanotevedzera zvinotaurwa neBhaibheri panyaya dzehondo uye tsika here? Uyewo, pane here chitendero chinogona kuvimbwa nacho? Tinokukurudzira kuti uongorore nyaya dzinotevera.

“Muti mumwe nomumwe unozivikanwa nechibereko chawo.”—Ruka 6:44