Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Mufananidzo Uyu Wakanaka!”

“Mufananidzo Uyu Wakanaka!”

Kangani pawakataura mashoko aya pawaivhura magazini yokudzidza ichangobuda, zvimwe uri woga kana kuti nevamwe? Mifananidzo iyi yakanaka inonyatsogadzirwa nechinangwa. Inobatsira pakudzidzisa nokuti inoita kuti tifunge. Inonyanya kubatsira patinenge tichigadzirira uye patinenge tichipindura paChidzidzo cheNharireyomurindi.

Somuenzaniso, funga kuti mufananidzo uri panotangira nyaya imwe neimwe yokudzidza wakaisirwei. Unorevei? Unoenderana sei nemusoro wenyaya kana kuti nerugwaro ruri kutungamirira? Fungawo kuti mimwe mifananidzo yose inoenderana sei nenyaya iri kukurukurwa uye kuti inokubatsira sei muupenyu hwako.

Muitisi weChidzidzo cheNharireyomurindi achapa ungano mukana wokutaura nezvemufananidzo mumwe nomumwe kuti unopindirana sei nezviri kudzidzwa kana kuti ivo pachavo vanobatsirwa sei nawo. Mimwe mifananidzo inenge iine mashoko anoratidza kuti mufananidzo wacho uri kuenderana nendima ipi. Pane mimwe yacho, muitisi angasarudza kuti yokurukurwa pandima ipi. Kuita izvi kuchaita kuti munhu wose anyatsobatsirwa nemifananidzo yakaitirwa kubatsira muverengi kuti aite seari kuona zvidzidzo zviri muShoko raMwari.

Imwe hama yakati, “Kana waverenga nyaya inonwisa mvura, mifananidzo yakaita sekirimu yaiswa pamusoro pekeke.”