Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Tiudzei, Zvinhu Izvi Zvichaitika Rini?”

“Tiudzei, Zvinhu Izvi Zvichaitika Rini?”

“Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho?”—MAT. 24:3.

1. Kufanana nevaapostora tine chido chokuzivei?

JESU ainge ava kupedza ushumiri hwake panyika uye vadzidzi vake vaida chaizvo kuziva kuti zvii zvaizoitika mune ramangwana. Saka kwasara mazuva mashoma kuti afe, vaapostora vake vana vakamubvunza kuti: “Zvinhu izvi zvichaitika rini, uye chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho?” (Mat. 24:3; Mako 13:3) Jesu akavapindura nokutaura uprofita hune zvakawanda, huri muna Mateu 24 ne25. Muuprofita ihwohwo, Jesu akataura zvinhu zvakawanda zvinokosha zvaizoitika. Zvaakataura zvinokosha chaizvo kwatiri nokuti tinodawo kuziva kuti zvii zvichaitika mune ramangwana.

2. (a) Mumakore apfuura, tange tichiedza kunyatsonzwisisei? (b) Tichakurukura mibvunzo mitatu ipi?

2 Mumakore apfuura, vashumiri vaJehovha vave vachinyatsoongorora uprofita hwaJesu hune chokuita nemazuva okupedzisira. Vave vachiedza kunyatsonzwisisa nguva yaizozadziswa mashoko aJesu. Kuti tione kuti kunzwisisa kwedu kwakaramba kuchijeka sei, ngatikurukurei mibvunzo mitatu. “Kutambudzika kukuru” kunotanga rini? Jesu anotonga “makwai” ne“mbudzi” rini? Jesu ‘anosvika’ kana kuti anouya rini?—Mat. 24:21; 25:31-33.

KUTAMBUDZIKA KUKURU KUNOTANGA RINI?

3. Kare taifungei nezvenguva yekutambudzika kukuru?

3 Kwemakore akawanda, taifunga kuti kutambudzika kukuru kwakatanga muna 1914 pakatanga Hondo Yenyika I uye kuti ‘mazuva iwayo akatapudzwa’ naJehovha muna 1918 pakapera hondo kuitira kuti vakazodzwa vainge vachiri panyika vawane mukana wokuparidza mashoko akanaka kumarudzi ose. (Mat. 24:21, 22) Paizopera basa iroro rokuparidza, umambo hwaSatani hwaizoparadzwa. Saka taifunga kuti kutambudzika kukuru kune zvikamu zvitatu: Kwaizotanga muna 1914 kusvika 1918, kwaizombomiswa muna 1918 zvichienda mberi, uye kwozoguma paAmagedhoni.

4. Kunzwisisa chii kwakaita kuti tizonyatsojekerwa neuprofita hwaJesu hwemazuva okupedzisira?

 4 Zvisinei, patakaongorora zvakare uprofita hwaJesu, takanzwisisa kuti chimwe chikamu cheuprofita hwaJesu hwemazuva okupedzisira chine kuzadziswa kuviri. (Mat. 24:4-22) Hwakazadziswa kekutanga muJudhiya munguva yevaapostora uye hwaizozadziswa munyika yose mumazuva edu. Kunzwisisa izvozvo kwakaita kuti zvimwe zvinhu zvakawanda zvijeke. *

5. (a) Inguva ipi yakaoma yakatanga muna 1914? (b) Nguva iyoyo yenhamo inoenderana nenguva ipi munguva yevaapostora?

5 Takanzwisisawo kuti chikamu chokutanga chekutambudzika kukuru hachina kutanga muna 1914. Nei zvakadaro? Nokuti uprofita hweBhaibheri hunoratidza kuti kutambudzika kukuru kuchatanga nokurwiswa kwechitendero chenhema, kwete nokurwisana kwemarudzi. Saka zviitiko zvakatanga muna 1914 zvaisava kutanga kwekutambudzika kukuru, asi “kutanga kwemarwadzo enhamo.” (Mat. 24:8) “Marwadzo enhamo” aya anoenderana nezvakaitika muJerusarema neJudhiya kubva muna 33 C.E. kusvika muna 66 C.E.

6. Chii chicharatidza kuti kutambudzika kukuru kwatanga?

 6 Chii chicharatidza kuti kutambudzika kukuru kwatanga? Jesu akagara ataura kuti: “Pamunoona chinhu chinonyangadza chinokonzera kuparadzwa, chakataurwa nezvacho pachishandiswa muprofita Dhanieri, chimire panzvimbo tsvene, (anoverenga ngaashandise ungwaru,) panguva iyoyo vari muJudhiya ngavatange kutizira kumakomo.” (Mat. 24:15, 16) Uprofita ihwohwo, ‘hwokumira panzvimbo tsvene’ hwakazadziswa kekutanga muna 66 C.E. uto reRoma (“chinhu chinonyangadza”) parakarwisa Jerusarema netemberi yaro (nzvimbo yaionekwa setsvene nevaJudha). Uprofita ihwohwo, ‘hwokumira panzvimbo tsvene’ huchatozadziswa zvakanyanya Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose (“chinhu  chinonyangadza” chemazuva ano) paricharwisa chiKristudhomu (chinoonekwa sechitsvene nevanozviti vaKristu) uye paricharwisa vamwe vose vari muBhabhironi Guru. Kurwisa ikoko kunotsanangurwawo pana Zvakazarurwa 17:16-18. Ndiko kuchava kutanga kwekutambudzika kukuru.

7. (a) ‘Vanhu vakaponeswa’ sei pakaparadzwa Jerusarema? (b) Chii chatinotarisira kuti chichaitika munguva yemberi?

 7 Jesu akagara ataurawo kuti: “Mazuva iwayo achatapudzwa.” Izvozvo zvakazadziswa kekutanga, muna 66 C.E. uto reRoma parakangoerekana rarega kurwisa guta. VaKristu vakazodzwa vaiva muJerusarema neJudhiya vakabva vatiza kuti ‘vaponeswe.’ (Verenga Mateu 24:22; Mar. 3:17) Saka chii chatinotarisira kuti chichaitika pakutambudzika kukuru kuri kuuya? Jehovha ‘achatapudza’ mazuva okurwiswa kwechitendero chenhema kuchaitwa neSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose, kuti chitendero chechokwadi chisaparadzwe pamwe chete nechenhema. Izvozvo zvichaita kuti vanhu vaMwari vaponeswe.

8. (a) Chii chichaitika pachapera chikamu chokutanga chokutambudzika kukuru? (b) Zvinoita sekuti nhengo yokupedzisira yevane 144 000 ichawana mubayiro wayo wokudenga rini? (Ona mamwe mashoko.)

   8 Chii chichaitika pachapera chikamu chokutanga chokutambudzika kukuru? Mashoko aJesu anoratidza kuti pachava nenguva yakati Amagedhoni isati yatanga. Zvii zvichaitika panguva iyoyo? Mhinduro yacho yakanyorwa pana Ezekieri 38:14-16 uye Mateu 24:29-31. (Verenga.) * Pashure paizvozvo pachava nehondo yeAmagedhoni, kutsviriridza kwekutambudzika kukuru. Hondo iyoyo inoenderana nekuparadzwa kweJerusarema muna 70 C.E. (Mar. 4:1) Kutambudzika kukuru kuchatsviriridza paAmagedhoni uye kuchange kuri kutambudzika “kusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika.” (Mat. 24:21) Hondo yacho yapera, Kutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru kuchatanga.

9. Uprofita hwaJesu hune chokuita nokutambudzika kukuru hunoita kuti vanhu vaJehovha vaite sei?

 9 Uprofita uhwu hune chokuita nokutambudzika kukuru hunotisimbisa. Nei tichidaro? Nokuti hunoita kuti tive nechokwadi chokuti pasinei nekuomerwa kwatingasangana nako, vanhu vaJehovha, seboka, vachapona pakutambudzika kukuru. (Zvak. 7:9, 14) Asi chikonzero chikuru chinotifadza ndechokuti paAmagedhoni, Jehovha achareverera uchangamire hwake uye achatsvenesa zita rake dzvene.—Pis. 83:18; Ezek. 38:23.

JESU ANOTONGA MAKWAI NEMBUDZI RINI?

10. Kare taifunga kuti kutongwa kwemakwai nembudzi kunoitika rini?

10 Iye zvino ngatifungei nezvenguva yaizozadziswa chimwe chikamu cheuprofita hwaJesu, chemufananidzo wokutongwa kwemakwai nembudzi. (Mat. 25:31-46) Kare taifunga kuti kutongwa kwevanhu kuti makwai kana kuti imbudzi kwaizoitwa munguva yose yemazuva okupedzisira kubvira muna 1914. Taiti vaya vairamba mashoko oUmambo uye vaifa kutambudzika kukuru kusati kwatanga vaifa vari mbudzi, vasina tariro yokumutswa.

11. Nei zvinganzi kutongwa kwevanhu semakwai kana kuti mbudzi kwaisagona kunge kwakatanga muna 1914?

11 Mugore ra1995, Nharireyomurindi yakaongororazve Mateu 25:31, iyo inoti: “Mwanakomana womunhu paanosvika achibwinya, aine ngirozi dzose, achabva agara pachigaro chake choumambo chinobwinya.” Yakati Jesu akava mambo weUmambo hwaMwari muna 1914, asi haana kugara “pachigaro chake choumambo chinobwinya” kuti atonge “marudzi ose.” (Mat. 25:32; enzanisa naDhanieri 7:13.) Zvisinei mufananidzo wemakwai nembudzi unoratidza Jesu achiita basa rokutonga. (Verenga Mateu 25:31-34, 41, 46.) Sezvo Jesu ainge asati ava mutongi wemarudzi ose muna 1914, kutonga kwake vanhu semakwai kana kuti mbudzi kwaisagona kunge kwakatanga gore iroro. * Saka kutonga kwaJesu kuchatanga rini?

12. (a) Jesu achatanga kutonga marudzi ose rini? (b) Zviitiko zvipi zvinotsanangurwa pana Mateu 24:30, 31 uye Mateu 25:31-33, 46?

  12 Uprofita hwaJesu hwemazuva okupedzisira hunoratidza kuti achatanga kutonga marudzi ose kana chitendero chenhema chaparadzwa. Sezvataurwa  mundima 8, zvimwe zvinhu zvichaitika panguva iyoyo zviri pana Mateu 24:30, 31. Kana ukanyatsoongorora ndima idzodzo, uchaona kuti Jesu akataura zviitiko zvakafanana nezvaakataura mumufananidzo wemakwai nembudzi. Somuenzaniso, Mwanakomana womunhu achauya achibwinya uye aine ngirozi; madzinza nemarudzi ose achaunganidzwa; vaya vachatongwa kuti makwai ‘vachasimudza misoro yavo’ nokuti vanenge vava kuwana “upenyu husingaperi.” * Vaya vachatongwa kuti imbudzi ‘vachazvirova vachichema,’ nokuti vachaona kuti vava ‘kuzogurwa nokusingaperi.’—Mat. 25:31-33, 46.

13. (a) Jesu achatonga vanhu kuti makwai kana kuti imbudzi rini? (b) Kunzwisisa izvi kunoita kuti tione sei ushumiri hwedu?

13 Saka izvi zvinorevei? Jesu achatonga vanhu vemarudzi ose kuti makwai kana kuti imbudzi paachauya munguva yokutambudzika kukuru. Zvadaro, kutambudzika kukuru pakuchange kwava kupisa pahondo yeAmagedhoni, vaya vakaita sembudzi ‘vachagurwa’ nokusingaperi. Kunzwisisa izvozvo kunoita kuti tione sei ushumiri hwedu? Kunotibatsira kuti tione kukosha kwebasa redu rokuparidza. Nguva yokuti vanhu vachinje mafungiro avo uye vatange kufamba mumugwagwa “wakatetepa unoenda kuupenyu” icharamba iripo kutozosvika pachatanga kutambudzika kukuru. (Mat. 7:13, 14) Ichokwadi kuti iye zvino vanhu vangaita semakwai kana kuti sembudzi. Asi tinofanira kuyeuka kuti mutongo wokupedzisira  wokuti makwai ndeapi uye mbudzi ndedzipi uchapiwa munguva yokutambudzika kukuru. Saka, tine chikonzero chakanaka chokuramba tichipa vanhu vakawanda mukana wokuteerera uye wokubvuma mashoko oUmambo.

Nguva yokuti vanhu vachinje mafungiro avo icharamba iripo kutozosvika pachatanga kutambudzika kukuru (Ona ndima 13)

JESU ANOSVIKA KANA KUTI ANOUYA RINI?

14, 15. Magwaro api mana anotaura nezvekuuya kuchaita Kristu kuzotonga munguva yemberi?

 14 Kuongororazve uprofita hwaJesu kunoratidza here kuti kunzwisisa kwedu nguva yezvimwe zviitiko zvinokosha kungada kugadziridzwa? Uprofita ihwohwo hunotipa mhinduro yacho. Ngationei kuti tinoiwana sei.

15 Muchikamu cheuprofita hwake huri pana Mateu 24:29–25:46, Jesu ainyanya kutaura nezvezvichaitika mumazuva ano okupedzisira uye pakutambudzika kukuru kuri kuuya. Mundima idzodzo, Jesu anotaura nezve“kuuya” kwake kana kuti kusvika kanokwana kasere. * Akataura nezvekutambudzika kukuru achiti: “Marudzi . . . achaona Mwanakomana womunhu achiuya ari pamakore.” “Hamuzivi kuti Ishe wenyu ari kuuya zuva ripi.” “Mwanakomana womunhu ari kuuya paawa yamusingafungi kuti ndiyo.” Uye mumufananidzo wake wemakwai nembudzi, Jesu akati: ‘Mwanakomana womunhu achasvika achibwinya.’ (Mat. 24:30, 42, 44; 25:31) Imwe neimwe yendima idzi ina inotaura nezvekuuya kuchaita Kristu kuzotonga munguva yemberi. Ndedzipi dzimwe ndima ina muuprofita hwaJesu dzinotaura nezvekuuya kana kusvika kwake?

16. Ndeapi mamwe magwaro anotaura nezvekuuya kwaJesu?

16 Jesu akataura nezvemuranda akatendeka, akangwara achiti: “Anofara muranda iyeye kana tenzi wake akamuwana achiita saizvozvo paanosvika.” Mumufananidzo wemhandara, Jesu akati: “Pavakanga vachienda kunotenga, muroori akasvika [“akauya,” Kingdom Interlinear].” Mumufananidzo wematarenda, Jesu akataura kuti: “Pashure penguva refu, tenzi wevaranda ivavo akauya.” Mumufananidzo iwoyo, tenzi wacho akatizve: “Pakusvika kwangu ndingadai ndiri kugamuchira mari yangu.” (Mat. 24:46; 25:10, 19, 27) Ndima idzi ina dzinotaura nezvenguva ipi yokuuya kwaJesu?

17. Taiti chii nezvekuuya kwaJesu kunotaurwa pana Mateu 24:46?

 17 Kare takambotaura mumabhuku edu kuti ndima idzi ina dzatapedzisira nadzo dzinotaura nezvekusvika kana kuti kuuya kwaJesu kwaakaita muna 1918. Somuenzaniso, funga nezvemashoko aJesu ane chokuita ne“muranda akatendeka, akangwara.” (Verenga Mateu 24:45-47.) Tainzwisisa kuti ‘kusvika’ kunotaurwa mundima 46 kwaiva nechokuita nenguva yakauya Jesu kuzoongorora manamatiro evakazodzwa muna 1918 uye kuti kugadzwa kwomuranda pazvinhu zvose zvaTenzi kwakaitika muna 1919. (Mar. 3:1) Zvisinei, kuongororazve uprofita hwaJesu kunoratidza kuti tinofanira kugadziridza kunzwisisa kwatinoita nguva yezvimwe zviitiko zvouprofita hwaJesu. Nei tichidaro?

18. Kuongorora uprofita hwaJesu hwose kunoita kuti titi chii nezvekuuya kwaJesu?

18 Mundima dziri pamashure paMateu 24:46 shoko rokuti “kuuya” rinongoreva kuuya kwaJesu achizopa mutongo pakutambudzika kukuru. (Mat. 24:30, 42, 44) Uyewo sokukurukura kwataita  mundima 12, ‘kusvika’ kwaJesu kunotaurwa pana Mateu 25:31 kunoreva nguva imwe chete iyoyo yokutongwa kwomunguva yemberi. Saka zvine musoro kutaura kuti kusvika kwaJesu kuti azogadza muranda akatendeka pazvinhu zvake zvose, kunotaurwa pana Mateu 24:46, 47, kunorevawo kuuya kwaachaita munguva yemberi, pakutambudzika kukuru. * Chokwadi, kuongorora uprofita hwose hwaJesu kunoratidza kuti ndima imwe neimwe pandima idzi sere inotaura nezvekuuya kwake kwomunguva yemberi kuzotonga pakutambudzika kukuru.

19. Takurukura kugadziridzwa kupi kwemanzwisisiro edu, uye mibvunzo ipi ichapindurwa munyaya dziri kutevera?

19 Saka tingati tadzidzei? Kwatangira nyaya ino tabvunza mibvunzo mitatu. Tatanga nokukurukura kuti kutambudzika kukuru hakuna kutanga muna 1914 asi kuti kuchatanga Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose paricharwisa Bhabhironi Guru. Taonawo kuti nei tichiti kutonga kwaJesu makwai nembudzi hakuna kutanga muna 1914 asi kuti kuchaitika pakutambudzika kukuru. Uye tazoonawo nei tichiti Jesu haana kuuya kuzogadza muranda akatendeka pazvinhu zvake zvose muna 1919 asi kuti achazviita munguva yokutambudzika kukuru. Saka mhinduro dzemibvunzo yacho yose mitatu ndeyekuti zvose zvichaitika panguva iri mberi yokutambudzika kukuru. Kugadziridzwa uku kwemanzwisisiro edu kunoita kuti tinzwisise sei mufananidzo wemuranda akatendeka? Uyewo kunoita kuti tinzwisise sei mimwe mifananidzo yaJesu iri kuzadziswa munguva ino yekuguma? Mibvunzo iyi inokosha ichakurukurwa munyaya dziri kutevera.

 

^ ndima 4 Ndima 4: Mamwe mashoko ari muNharireyomurindi yaFebruary 15, 1994, mapeji 8-21 uye yaMay 1, 1999, mapeji 8-20.

^ ndima 8 Ndima 8: Chimwe chiitiko chinotaurwa mundima idzi ‘ndechokuunganidzwa kwevakasarudzwa.’ (Mat. 24:31) Saka, zvinoita sekuti vakazodzwa vose vanenge vachiri panyika pachapera chikamu chokutanga chekutambudzika kukuru vachaenda kudenga hondo yeAmagedhoni isati yatanga. Izvi zvinogadziridza zvakataurwa nezvenyaya iyi pachikamu chakanzi “Mibvunzo Inobva Kuvaravi” chaiva muNharireyomurindi yaAugust 15, 1990, peji 30.

^ ndima 11 Ndima 11: Ona Nharireyomurindi yaOctober 15, 1995, mapeji 18-28.

^ ndima 12 Ndima 12: Ona nyaya yakafanana naiyoyo pana Ruka 21:28.

^ ndima 15 Ndima 15: Mashoko okuti “kuuya” uye “kusvika” akashandurwa kubva pashoko rimwe chete rechiGiriki rokuti, er′kho·mai.

^ ndima 18 Ndima 18: Sezvataona, shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “paanosvika” pana Mateu 24:46, rakafanana nerakashandurwa kuti “kuuya” pana Mateu 24:30, 42, 44.