Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Makatsveneswa

Makatsveneswa

“Makagezwa mukachena, . . . makatsveneswa.” —1 VAK. 6:11.

1. Zvinhu zvipi zvisingafadzi zvakawanikwa naNehemiya paakadzoka kuJerusarema? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

VAGARI vomuJerusarema vari kukurukura zviri kuitika muguta ravo. Mumwe murume akaipa wokune imwe nyika ari kugara mune imwe imba yepatemberi. VaRevhi vari kusiya mabasa avo. Pane kuti vakuru vatungamirire pakunamata, vari kutoita zvavo zvebhizimisi paSabata. VaIsraeri vakawanda vari kuroorana nevanhu vasiri vaJudha. Izvi ndezvimwe zvinhu zvisingafadzi zvakawanikwa naNehemiya paakadzoka kuJerusarema gore ra443 B.C.E. rapfuura.—Neh. 13:6.

2. VaIsraeri vakava sei rudzi rutsvene?

2 VaIsraeri vaiva rudzi rwakazvitsaurira kuna Mwari. Muna 1513 B.C.E., vaIsraeri vaida chaizvo kuita zvaidiwa naJehovha. Vakati: “Tinoda kuita mashoko ose ataurwa naJehovha.” (Eks. 24:3) Saka Mwari akavatsvenesa, kana kuti akavasarudza kuti vave vanhu vake. Chokwadi iyi yaiva ropafadzo! Papfuura makore 40, Mosesi akavayeuchidza kuti: “Iwe uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako. Ndiwe wakasarudzwa naJehovha Mwari wako kuti uve rudzi rwake, pfuma chaiyo, pakati pemarudzi ose ari pamusoro penyika.”—Dheut. 7:6.

3. Kunamata kwevaJudha kwainge kwakamira sei Nehemiya paakadzoka kechipiri kuJerusarema?

3 Zvinosuruvarisa kuti kufarira kwaiita vaIsraeri kuti vaiva rudzi rutsvene hakuna kugara kwenguva refu. Kunyange zvazvo kwaiva nevamwe vanhu vaishumira Mwari, vaJudha vazhinji vainyanya kufunga nezvekuda kuonekwa sevatsvene, kana kuti vakazvipira, asi vasingaiti kuda kwaMwari. Nehemiya paakazosvika kuJerusarema kechipiri, painge papfuura makore anenge zana vaJudha vakatendeka vadzoka kubva kuBhabhironi kuti vadzorere kunamata kwechokwadi. Kushingaira kwerudzi urwu pakunamata kwainge kwadzikira zvekare.

4. Tichakurukura zvinhu zvipi zvingatibatsira kuti tirambe tiri vatsvene?

4 Sezvainge zvakaita vaIsraeri, Zvapupu zvaJehovha  mazuva ano zvakatsveneswawo naMwari. VaKristu vakazodzwa uye ve“boka guru” vatsvene, kana kuti vakasarudzwa kuti vaite basa dzvene. (Zvak. 7:9, 14, 15; 1 VaK. 6:11) Hapana anoda kurasikirwa neropafadzo yokuonekwa naMwari semutsvene sezvakazoita vaIsraeri. Chii chingatibatsira kuti tirambe tiri vatsvene uye kuti Jehovha arambe achitishandisa mubasa rake? Munyaya ino, tichakurukura zvinhu zvina zvatinogona kudzidza muchitsauko 13 chaNehemiya: (1) Usashamwaridzana nevakaipa; (2) tsigira zvinhu zvokunamata; (3) isa zvinhu zvokunamata pokutanga; uye (4) ramba uchizivikanwa semuKristu. Ngatikurukurei pfungwa idzi, imwe neimwe.

USASHAMWARIDZANA NEVAKAIPA

Nehemiya akaratidza sei kuti ainge akavimbika kuna Jehovha? (Ona ndima 5, 6)

5, 6. Eriyashibhi naTobhiya vaiva vanaani uye chii chingangodaro chaiita kuti vave shamwari?

5 Verenga Nehemiya 13:4-9. Tiri kurarama munyika ine vanhu vasina kuchena, saka hazvisi nyore kuti tirambe tiri vatsvene. Funga nezvaEriyashibhi naTobhiya. Eriyashibhi aiva mupristi mukuru uye Tobhiya aiva muAmoni uye anofanira kunge aivawo nechinzvimbo muhurumende yePezhiya yaitonga Judhiya. Tobhiya nevamwe vake vainge vapikisa basa rokuvaka masvingo eJerusarema raiitwa naNehemiya. (Neh. 2:10) VaAmoni vaisabvumidzwa munzvimbo yetemberi. (Dheut. 23:3) Saka nei mupristi mukuru akabvumira munhu akaita saTobhiya kugara muimba yokudyira yepatemberi?

6 Tobhiya ainge ava shamwari yepedyo yaEriyashibhi. Tobhiya nemwanakomana wake Jehohanani vainge vakaroora vakadzi vechiJudha, uye vaJudha vakawanda vaitaura zvakanaka nezvaTobhiya. (Neh. 6:17-19) Mumwe muzukuru waEriyashibhi ainge akaroora mwanasikana waSanibharati, gavhuna weSamariya, uyo aiva shamwari yepedyo yaTobhiya. (Neh. 13:28) Ushamwari uhwu hunogona kutibatsira kunzwisisa nei Mupristi Mukuru Eriyashibhi akabvumira munhu asingatendi uye aipikisa kuti amukanganise. Asi Nehemiya akaratidza kuvimbika kuna Jehovha nokukandira midziyo yose yaTobhiya kunze kweimba yokudyira.

7. Vakuru nevamwe vanoita sei kuti varambe vakachena kuna Jehovha?

7 Sevanhu vakazvitsaurira kuna Mwari, tinofanira kunyanya kuva vakavimbika kuna Jehovha. Hatigoni kuramba tiri vatsvene kwaari, kana tikasateerera mitemo yake yakarurama. Hatifaniri kurega ukama hwemhuri huchiita kuti tiputse mitemo yeBhaibheri. Vakuru vechiKristu vanotungamirirwa nekufunga kwaJehovha, kwete kwavo kana kuti manzwiro avo. (1 Tim. 5:21) Vakuru vanongwarira chaizvo kuti vasaita chero chinhu chingakanganisa ukama hwavo naMwari.—1 Tim. 2:8.

8. Vashumiri vose vaJehovha vakazvitsaurira vanofanira kuyeukei panyaya yeshamwari?

8 Tinofanira kuyeuka kuti “ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.” (1 VaK. 15:33) Vamwe vatine ukama navo vangasava shamwari dzakanaka. Eriyashibhi ainge amboratidza muenzaniso kuvanhu nokunyatsotsigira Nehemiya pakuvakazve masvingo eJerusarema. (Neh. 3:1) Asi nokufamba kwenguva, kushamwaridzana kwaaiita naTobhiya nevamwe kunofanira kunge kwakaita kuti aite zvinhu zvakaita kuti asava mutsvene kuna Jehovha. Shamwari dzakanaka dzinotikurudzira kuita zvinhu zvakanaka zvakadai sekuverenga Bhaibheri, kupinda misangano yechiKristu, uyewo kubuda muushumiri. Tinoda chaizvo uye tinokoshesa vomumhuri vanotibatsira kuita zvakanaka.

TSIGIRA ZVINHU ZVOKUNAMATA

9. Chii chaiita kuti basa risafamba zvakanaka patemberi, uye Nehemiya akapa ani mhosva?

9 Verenga Nehemiya 13:10-13. Zvinoita sokuti vanhu vakanga vasisiri kupa zvipo zvetemberi panguva yakazodzoka Nehemiya  kuJerusarema. Izvi zvainge zvava kuita kuti vaRevhi vasiye mabasa avo vachienda kunoshanda muminda yavo. Nehemiya akapa mhosva yacho vatevedzeri vevatongi. Kunenge kuti vakanga vasingachaiti basa ravo. Vangangodaro vaisatora zvegumi muvanhu kana kuti vaizvitora asi vorega kuzviendesa kutemberi, sezvavaifanira kuita. (Neh. 12:44) Saka Nehemiya akaronga kuti zvegumi zviunganidzwe. Akagadza varume vakatendeka kuti vatarisire zvinhu zvepatemberi zvakanga zvakachengetwa uye kuti zvaizogoverwa sei mune ramangwana.

10, 11. Vanhu vaMwari vane ropafadzo ipi pakutsigira kunamata kwechokwadi?

10 Pane zvatingadzidza here panyaya iyi? Hongu, nokuti tinoyeuchidzwa kuti tine ropafadzo yokukudza Jehovha nezvinhu zvedu zvinokosha. (Zvir. 3:9) Patinopa zvipo zvokutsigira basa raJehovha, tinenge tichingomupa zvinhu zvagara zviri zvake. (1 Mak. 29:14-16) Tingafunga kuti hatina zvakawanda zvokupa, asi kana tiine chido, tinogona kuwana chimwe chinhu chokupa.—2 VaK. 8:12.

11 Kwemakore, imwe mhuri yaiva nevana vasere yaigara ichikoka mamwe mapiyona chaiwo maviri ainge akwegura kuti auye kuzodya nayo kamwe chete pavhiki. Kunyange zvazvo mhuri iyi yainge yakakura, amai vacho vaigara vachiti, “Kuti zvokudya zvedu zvingabva zvapera nokungowedzera ndiro mbiri chete?” Kungopa vanhu zvokudya kamwe chete pavhiki kungaita sekusina basa, asi mapiyona iwayo aionga chaizvo mutsa waairatidzwa. Izvozvo zvakaita kuti mhuri iyi ibatsirwewo chaizvo. Mashoko anokurudzira uye zvaisangana nemapiyona aya zvakabatsira vana vemhuri iyi kuti vafambire mberi pakunamata. Vana vacho vose vakazopinda mubasa renguva yakazara.

12. Varume vakagadzwa muungano vanoratidza sei muenzaniso wakanaka?

12 Chimwe chidzidzo ndeichi: Varume vakagadzwa mazuva ano vanotungamirira pakutsigira kunamata kwechokwadi sezvaiitwa naNehemiya. Vamwe vari muungano vanobatsirwa nomuenzaniso wavo. Panyaya iyi, vakuru vanotevedzerawo muapostora Pauro. Aitsigira kunamata kwechokwadi uye aipa mazano anobatsira. Somuenzaniso, akataura mazano aigona kubatsira pakupa zvipo.—1 VaK. 16:1-3; 2 VaK. 9:5-7.

ISA ZVINHU ZVOKUNAMATA POKUTANGA

13. Vamwe vaJudha vaisaremekedza sei Sabata?

13 Verenga Nehemiya 13:15-21. Kana tikanyanya kubatikana nepfuma, tinogona kuzopedzisira taneta pakunamata. Maererano naEksodho 31:13, Sabata revhiki nevhiki  raiyeuchidza vaIsraeri kuti vaiva vanhu vatsvene. Zuva reSabata raifanira kuva rokunamata kwemhuri, kunyengetera, uye kufungisisa Mutemo waMwari. Asi vamwe vanhu vemunguva yaNehemiya vakanga vava kuona Sabata semamwe mazuva ose. Kunamata kwainge kusingachakosheswi. Nehemiya paakaona zvaiitika, akaita kuti magedhi eguta avharwe manheru ezuva rechitanhatu, akadzinga vanhu vaitengesa vokune dzimwe nyika, Sabata risati ratanga.

14, 15. (a) Chii chingaitika kwatiri kana tikanyanya kuda pfuma? (b) Tingapinda sei muzororo raMwari?

14 Tingadzidzei pane zvakaitwa naNehemiya? Chimwe chidzidzo ndechokuti hatifaniri kunyanya kuda pfuma. Kana tikadaro tingapedzisira tatsauswa pakunamata, kana kuti tisisashumiri Mwari nemwoyo wose, kunyanya kana tichinakidzwa nebasa redu. Yeuka nyevero yaJesu nezvekushandira vanatenzi vaviri. (Verenga Mateu 6:24.) Nehemiya ainge akapfuma asi akashandisa sei nguva yaaiva muJerusarema? (Neh. 5:14-18) Pane kuti aronge zvebhizimisi nevanhu vokuTire kana vamwewo, akazvipira kubatsira hama dzake uye kuita zvinhu zvaiita kuti zita raJehovha ritsveneswe. Mazuva ano vakuru vechiKristu nevashumiri vanoshumira, vanoisawo pfungwa dzavo pazvinhu zvinobatsira ungano, uye hama dzavo dzinovada nemhaka yemafungiro iwayo. Izvozvo zvinoita vanhu vaMwari vadanane, vave nerugare, uye vasava nechokutya.—Ezek. 34:25, 28.

15 Kunyange zvazvo vaKristu vasingafaniri kuchengeta Sabata revhiki nevhiki, Pauro anotiudza kuti “kuchine zororo resabata nokuda kwevanhu vaMwari.” Akawedzera kuti: “Munhu anenge apinda muzororo raMwari anenge azororawo pamabasa ake, sezvakaita Mwari pane ake.” (VaH. 4:9, 10) SevaKristu tinogona kupinda muzororo raMwari nokushanda tichitsigira chinangwa chake chinofambira mberi. Iwe nemhuri yako muri kuisa pokutanga kunamata kwemhuri, kupinda misangano, uye ushumiri hwomumunda here? Dzimwe nguva tingafanira kubudira pachena vatinoshandira kana kuti vatinoita navo bhizimisi, kunyanya kana vasingaremekedzi kunamata kwedu. Tingatofanira kuita setiri ‘kuvhara magedhi eguta uye kudzinga vanhu vokuTire’ kuitira kuti tiise zvinhu zvokunamata pokutanga muupenyu. Sezvo takatsveneswa naMwari, tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Mararamiro angu anoratidza here kuti ndakasarudzwa naJehovha kuti ndiite basa rake?’—Mat. 6:33.

RAMBA UCHIZIVIKANWA SEMUKRISTU

16. Zvii zvaiitwa nevaIsraeri mumazuva aNehemiya zvaigona kuita kuti vapedzisire vasisazivikanwe sevanhu vatsvene?

16 Verenga Nehemiya 13:23-27. Mumazuva aNehemiya, varume vechiIsraeri vairoora vakadzi vokune dzimwe nyika. Nehemiya paakauya kuJerusarema kokutanga, akaita kuti varume vakuru vose vasaine gwaro vachipika kuti vaisazoroora vakadzi vechihedheni. (Neh. 9:38; 10:30) Asi pashure pemakore mashoma, akazowana kuti varume vechiJudha vainge vasina kungotora madzimai okune dzimwe nyika chete asi kuti vainge vava kutorasikirwa nokuzivikanwa kwavo sevanhu vakatsveneswa naMwari. Vana vevakadzi ava vaisakwanisa kuverenga kana kutaura chiHebheru. Pavaizokura, vaizozviti vaIsraeri here? Kana kuti vaizozviona sevaAshdhodhi, vaAmoni kana kuti vaMoabhi? Sezvo vana ava vaisaziva chiHebheru, vaizokwanisa here kunzwisisa Mutemo waMwari? Vaizoziva sei Jehovha uye vaizosarudza sei kumushumira pane kushumira vanamwari venhema vainamatwa navanaamai vavo? Saka paida kutorwa matanho nokukurumidza, uye ndizvo chaizvo zvakaitwa naNehemiya.—Neh. 13:28.

Batsirai vana venyu kuti vave noukama naJehovha (Ona ndima 17, 18)

17. Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vave neukama naJehovha?

 17 Mazuva ano tinofanira kubatsira vana vedu kuti vazivikanwe sevaKristu. Vabereki, zvibvunzei kuti, ‘Vana vangu vanonyatsogona kutaura “mutauro wakachena” wechokwadi cheMagwaro here? (Zef. 3:9) Matauriro evana vangu anoratidza kuti vari kutungamirirwa nemudzimu waMwari here kana kuti wenyika?’ Usakurumidza kuora mwoyo kana ukaona kuti pane panoda kugadziriswa. Kudzidza mutauro kunotoda nguva, kunyanya kana paine zvinhu zvinovhiringa. Vana venyu vari kusangana nemiedzo yakawanda inoita kuti vaomerwe nokuramba vakatendeka. Saka pamunova neKunamata Kwemhuri uye pane mimwe mikana rambai muchiedza kuvabatsira kuti vave neukama naJehovha. (Dheut. 6:6-9) Varatidzei zvazvakanakira kusatevedzera zvinoitwa nenyika yaSatani. (Joh. 17:15-17) Uye shandai nesimba kuti musvike pamwoyo yavo.

18. Nei vabereki vechiKristu varivo vanonyatsokwanisa kubatsira vana vavo kuti vazvitsaurire kuna Jehovha?

18 Mwana mumwe nemumwe achasarudza ega kuti anoda kushumira Mwari here kana kuti kwete. Asi pane zvakawanda zvinogona kuitwawo nevabereki. Izvi zvinosanganisira kuva muenzaniso wakanaka, kunyatsovatsanangurira zvavasingafaniri kuita, uye kukurukura navo zvinogona kuzoitika kana vakaita zvimwe zvisarudzo. Vabereki, hapana mumwe munhu anokwanisa kunyatsobatsira vana venyu kuti vazvitsaurire kuna Jehovha kunze kwenyu. Munofanira kuvabatsira kuti vazivikanwe sevaKristu uye kuti varambe vakadaro. Ichokwadi kuti tose zvedu tinoda kungwarira kuti tisarasikirwe ‘nenguo dzokunze’ dzokufananidzira, kureva unhu uye zvinhu zvinoita kuti tizivikanwe sevateveri vaKristu.—Zvak. 3:4, 5; 16:15.

KUYEUKWA “NENZIRA YAKANAKA”

19, 20. Tingaita sei kuti tiyeukwe naJehovha “nenzira yakanaka”?

19 Mumwe akararama panguva yaNehemiya aiva muprofita Maraki uyo akanyora kuti “bhuku rokuyeuchidza rakatanga kunyorwa . . . nokuda kwevaya vanotya Jehovha nevaya vanofunga nezvezita rake.” (Mar. 3:16, 17) Mwari haazombokanganwi vaya vanomutya uye vanoda zita rake.—VaH. 6:10.

20 Nehemiya akanyengetera achiti: “Ndiyeukei, haiwa Mwari wangu, nenzira yakanaka.” (Neh. 13:31) Mazita edu achava mubhuku raMwari rokuyeuchidza sezvakaitwa Nehemiya kana tikaramba tichirega kushamwaridzana nevakaipa, tichitsigira zvinhu zvokunamata, tichiisa zvinhu zvokunamata pokutanga uye kana tikaramba tichizivikanwa sevaKristu. ‘Ngatirambei tichizviedza kuti tione kana tiri mukutenda.’ (2 VaK. 13:5) Kana tikaramba tiri vatsvene mukuona kwaJehovha, achatiyeuka “nenzira yakanaka.”