Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha ‘Anonditakurira Mutoro Zuva Nezuva’

Jehovha ‘Anonditakurira Mutoro Zuva Nezuva’

Pasinei nokurwara zvikuru kwandinoita, ndinonyatsonzwa kuti Baba vedu vokudenga vane rudo Jehovha vanonditsigira muupenyu hwangu hwose. Uye kwemakore anodarika 20, ndiri kufara chaizvo kushumira Jehovha ndichipayona.

Ndakaberekwa muna 1956 ndiine chirwere chinoita kuti muzongoza uzvimbe nechekumusana (spina bifida). Izvi zvakaguma zvaita kuti zvindiomere kufamba uye zvakakonzera kuti ndive nezvimwe zvirwere zvakaipa.

Ndisati ndaberekwa, mamwe mamishinari eZvapupu zvaJehovha akatanga kudzidza nevabereki vangu Bhaibheri. Pandaikura, muUsakos, guta rataigara muNamibia maingova nevaparidzi vashomanana vaigara kure nokure. Saka taiita misangano yeungano semhuri. Ndava nemakore manomwe, ndakavhiyiwa ndikaiswa buri rokuti ndikwanise kurasa mvura. Ndava nemakore 14, ndakabatwa nechirwere chepfari. Chikoro chaive kure zvisingaiti uye sezvo ndaifanira kugara ndichipepwa nevabereki vangu, ndakatadza kuzopedza chikoro.

Zvisinei, ndakasarudza kuzvisimbisa pakunamata. Mabhuku edu akawanda echiKristu akanga asati ava kuwanikwa mumutauro wangu wechiAfrikaans. Saka ndakadzidza kuverenga Chirungu kuti ndikwanise kudzidza mabhuku edu akawanda. Ndakava muparidzi weUmambo ndikabhabhatidzwa ndava nemakore 19. Makore mana akazotevera, utano hwangu hwakandinetsa zvikuru uye ndaishushikana mupfungwa. Kutya vanhu kwaiita kuti ndirege kushingaira muushumiri munzvimbo yataigara yainge yakazara vanhu vokuziva.

Ndichangoti darikei makore 20, takatamira kuSouth Africa, uye ndiko kwandakatangira kupinda misangano neungano. Hakusi kufara kwandakaita! Zvisinei, ndaifanira kuvhiyiwa zvakare kuti ndikwanise kuva nepekubudisa napo tsvina.

Papera nguva yakati ndakazonzwa mutariri wedunhu achitaura nezvekupayona. Zvaakataura zvakandibaya pamwoyo. Ndaizviziva kuti utano hwangu hwakanga husina kutsarukana, asi ndakanga ndaona kundibatsira kwaiita Jehovha mumatambudziko akawanda. Saka ndakakumbira kuti ndaida kuva piyona wenguva dzose. Asi sezvo utano hwangu hwainge husina kuti tsvikiti, vakuru vakazeza kubvuma chikumbiro changu.

Kunyange zvakadaro, ndakaita basa rokuparidza Umambo maererano nezvose zvandaikwanisa. Ndichibatsirwa naamai vangu nevamwe, ndakakwanisa kusvitsa maawa anodiwa ekupayona mumwedzi mitanhatu. Izvi zvakanyatsoratidza chido chandaiva nacho chokupayona uye kuti ndaikwanisa kupayona pasinei nokurwara. Ndakakumbira zvakare, uye ndakabva ndabvumirwa. Musi wa1 September, 1988, ndakava piyona wenguva dzose.

Sezvo ndiri kupayona, ndinonyatsoona kuti Jehovha ari kunditsigira. Kudzidzisa vatsva chokwadi pane kuisa pfungwa dzangu pakurwara kwandinoita kunondichengetedza uye kunondibatsira kusimbisa ukama hwangu naJehovha. Zvinondifadza zvikuru kuti ndakabatsira vanhu vakawanda kuzvitsaurira nokubhabhatidzwa.

Handizivi kuti kurwara kwangu kuchandisvitsa kupi. Asi Jehovha ‘anonditakurira mutoro zuva nezuva.’ (Pis. 68:19) Anoita kuti ndikwanise kutsungirira, uye anoita kuti ndifare kuti ndiri mupenyu!