Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Batsirwa Nendima dzeBhaibheri Dzinoratidza Musiyano Wezvinhu

Batsirwa Nendima dzeBhaibheri Dzinoratidza Musiyano Wezvinhu

Haubvumi here kuti hakuna mumwe Mudzidzisi akamborarama panyika anopfuura Jesu? Zvimwe wakamboedza kutevedzera madzidzisiro aaiita akadai sokushandisa mibvunzo uye mifananidzo. Asi wakambofunga here kuti kakawanda aidzidzisa achiratidza kusiyana kwakaita zvinhu?

Vanhu vakawanda pavanenge vachitaura vanoratidza kusiyana kwakaita zvinhu. Zvimwe unotombozviitawo usiri kuzvifunga. Ungati, “Vakati michero yose yakaibva; asi iyi haina.” Kana kuti, “Ainyara chaizvo achiri mudiki, asi iye zvino asununguka chaizvo.”

Paunotaura seizvi, unotanga wataura pfungwa yacho; woshandisa mashoko akadai sokuti asi, kana kuti zvisinei, wozoratidza musiyano wacho nokuwedzera mamwe mashoko. Paunotaura uchidaro, zvinonyatsonzwika uye zvinogona kubatsira vamwe kunzwisisa zvauri kutaura.

Kunyange zvazvo mune mimwe mitauro kana kuti tsika, vanhu vasingatauri vachiratidza kusiyana kwakaita zvinhu, zvakanaka kuti tizive kukosha kwematauriro aya. Nei tichidaro? Nokuti matauriro aya akazara muShoko raMwari rakafemerwa. Jesu aiwanzotaura achiratidza kusiyana kwakaita zvinhu. Somuenzaniso akati: “Vanhu havabatidzi rambi voriisa pasi pedengu rokuyeresa, asi pamusoro pechigadziko cherambi.” “Handina kuuya kuzoparadza [Mutemo], asi kuzozadzisa.” “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Usaita upombwe.’ Asi ini ndinoti kwamuri, munhu wose anoramba akatarira mukadzi . . . ” “Zvakanzi, ‘Ziso rinotsiviwa neziso uye zino nezino.’ Zvisinei, ini ndinoti kwamuri: Musadzivisa munhu akaipa; asi munhu wose anokurova nembama padama rako rokurudyi, umupewo rimwe racho.”—Mat. 5:15, 17, 27, 28, 38, 39.

Mune mamwe mabhuku eBhaibheri munoshandiswawo misiyano yakadaro. Matauriro aya anogona kukubatsira kunzwisisa pfungwa iri kutaurwa kana kuti kusimbisa nzira iri nani yokuita chimwe chinhu. Kana uri mubereki, funga nezverugwaro urwu: “Imi vanababa, musatsamwisa vana venyu, asi rambai muchivarera mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.” (VaEf. 6:4) Zano romuapostora Pauro raizongova rouchenjeri uye rechokwadi kudai akagumira pakuti baba (kana kuti amai) vanofanira kurera mwana mukuranga kwaMwari. Asi pfungwa yacho inonyatsojeka nokusiyanisa kwaakaita kuti ‘musavatsamwisa asi varerei mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.’

Muchitsauko ichocho, Pauro akazonyora kuti: “Hatirwi neropa nenyama, asi . . . nemasimba emidzimu yakaipa ari munzvimbo dzomumatenga.” (VaEf. 6:12) Musiyano uyu unogona kukubatsira kunzwisisa kuti uri muhondo huru. Haisi hondo yokurwisana nevanhu; asi ndeyokurwisana nemidzimu yakaipa.

 BATSIRWA NOKUSIYANISA

Mubhuku reBhaibheri iroro raVaEfeso, uchaona kuti Pauro akashandisa unyanzvi uhwu hwokusiyanisa pfungwa mbiri. Kufunga nezvekusiyanisa kwaaiita zvinhu kunogona kutibatsira kunyatsonzwisisa zvaaireva uye zvatinofanira kuita.

Chati iri munyaya ino ine ndima dziri muna VaEfeso chitsauko 4 ne5 dzinoratidza kusiyana kwakaita zvinhu. Unogona kunakidzwa uye kubatsirwa nokuongorora chati iyi. Paunoverenga ndima imwe neimwe, funga nezveupenyu hwako. Zvibvunze kuti: ‘Mafungiro angu akamboita sei? Ndinoita sei pamamiriro ezvinhu akadai kana kuti akada kufanana nawo? Vamwe vangafunga kuti idivi ripi rinoratidza zvandiri?’ Kana ukaona kuti pane paunofanira kugadzirisa edza kupagadzirisa. Kusiyanisa ikoko ngakukubatsire.

Kana kuti munogona kushandisa chati iyi pakunamata kwemhuri. Munogona kutanga nokuverenga magwaro acho ose. Zvadaro, mumwe wenyu anogona kutaura chikamu chokutanga chorugwaro, vamwe vobva vataura pfungwa iri kusimbiswa muchikamu chechipiri. Izvi zvingaita kuti munakidzwe semhuri nokukurukura kuti mungabatsirwa sei nechikamu chechipiri. Chokwadi kuongorora kusiyanisa pfungwa uku kunogona kubatsira vaduku nevakuru kuti varambe vaine mararamiro echiKristu mumhuri uye kumwewo.

Unogona here kuyeuka chikamu chechipiri chemusiyano?

Paunoziva kubatsira kunoita unyanzvi hwokusiyanisa, zvichakuitira nyore kuona pahunenge hwakashandiswa muBhaibheri uye unogona kuona kuti hunobatsira chaizvo muushumiri hwechiKristu. Somuenzaniso, unogona kutaura kuna saimba kuti: “Vanhu vakawanda vanoti mweya womunhu haufi, asi onai kuti Shoko raMwari rinoti chii pano.” Kana kuti paunenge uchiitisa chidzidzo cheBhaibheri, unogona kubvunza kuti: “Vanhu vakawanda vari munzvimbo ino vanoti Mwari naJesu munhu mumwe; asi taonei muBhaibheri? Imi munodavira kuti chii?”

Chokwadi Magwaro ane misiyano yakawanda inodzidzisa, inogona kutibatsira kufamba munzira yaMwari. Uye tinogona kuishandisa kubatsira vamwe kuti vazive chokwadi chiri muBhaibheri.