Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Wakashandurwa Here?

Wakashandurwa Here?

“Shandurwai nokuchinja pfungwa dzenyu.”—VAR. 12:2.

1, 2. Marererwo edu uye kwatinogara zvingaita sei pamararamiro edu?

ZVATINOITA muupenyu zvinonyanya kubva pakuti takarerwa sei uye kuti tinogara kupi. Mapfekero edu, zvatinofarira kudya uye unhu hwedu zvinosiyana-siyana. Nei zvakadaro? Izvi zvinogona kukonzerwa nevanhu vatinogara navo uye mamiriro edu ezvinhu muupenyu.

2 Zvisinei, pane zvinhu zvinonyanya kukosha kupfuura kusarudza zvokudya uye mapfekero edu. Somuenzaniso, patinokura tinoudzwa kuti zvimwe zvinhu zvakarurama uye zvinobvumirwa asi zvimwe zvakaipa uye hazvibvumirwi. Zvizhinji zvacho munhu anozvisarudzira uye vanhu vanowanzosarudza zvakasiyana. Zvisarudzo zvedu zvinogonawo kuratidza zvakaita hana yedu. Bhaibheri rinoti kazhinji ‘vanhu vemamwe marudzi vasina mutemo vanoita zvinhu zvomutemo maererano nemasikirwo avakaitwa.’ (VaR. 2:14) Asi zvinoreva here kuti kana pasina mutemo waMwari wakajeka, tinogona hedu kungoita zvinhu maererano nemarererwo atakaitwa kana kuti zvinoitwa kwatinogara?

3. Zvikonzero zvipi zviviri zvinoita kuti vaKristu vasangotevedzera zvinowanzonzi nevanhu zvakarurama?

3 Pane zvikonzero zviviri zvinokosha zvinoita kuti vaKristu vasadaro. Chokutanga, Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti: “Kune nzira yakarurama mukuona kwomunhu, asi kuguma kwayo inzira dzorufu.” (Zvir. 16:25) Nemhaka yokuti tine chivi, hatikwanisi kunyatsosarudza zvinhu zvinonyatsotibatsira pakutungamirira nhanho dzedu zvakanaka. (Zvir. 28:26; Jer. 10:23) Chechipiri, Bhaibheri rinoratidza kuti Satani, “mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino,” ndiye ari kukanganisa uye kudzora mafungiro evanhu. (2 VaK. 4:4; 1 Joh. 5:19) Saka, kana tichida kuti Jehovha atikomborere uye atifarire, tinofanira kuteerera zano riri pana VaRoma 12:2.Verenga.

4. Munyaya ino tichakurukurei?

 4 Pane pfungwa dzinokosha dziri muna VaRoma 12:2 dzatinofanira kunyatsoongorora. (1) Nei tichifanira ‘kushandurwa’? (2) Kushandurwa kunosanganisirei? uye (3) Tingashandurwa sei? Ngatikurukurei mibvunzo iyi.

NEI TICHIFANIRA KUSHANDURWA?

5. Mashoko aPauro ari pana VaRoma 12:2 akanyanya kunyorerwa vanaani?

5 Mashoko omuapostora Pauro ari mutsamba yake kuvaRoma haana kunyorerwa vanhu vasingatendi kana kuti voruzhinji, asi hama dzake dzechiKristu dzakazodzwa. (VaR. 1:7) Akavakurudzira kuti vashandurwe uye kuti varege “kuzvienzanisa nemamiriro ezvinhu epanguva ino.” KuvaKristu vaiva muRoma panguva iyoyo, munenge muna 56 C.E., “mamiriro ezvinhu” aisanganisira tsika, maitiro uye zvaitarisirwa nevaRoma kuti ndizvo zvinofanira kuitwa. Shoko rakashandiswa naPauro rokuti “regai” rinoratidza kuti vamwe vavo vakanga vachiri kukanganiswa nemamiriro ezvinhu epanguva iyoyo. Kare ikako, hama nehanzvadzi dzedu dzaikanganiswa sei?

6, 7. Mumazuva aPauro, magariro uye manamatiro evanhu vaiva muRoma aiita sei kuti vaKristu vaomerwe?

6 Mazuva ano, vanhu vanoshanyira guta reRoma vanowanzoona zvisaririra zvetemberi, makuva, zvivako zvekare, nzvimbo dzaiitirwa mitambo, nezvimwewo. Zvimwe zvacho ndezvemunguva yevaKristu vepakutanga. Zvisaririra izvi zvinoita kuti tinzwisise magariro uye manamatiro evanhu vemuRoma yekare. Mabhuku enhoroondo anotaurawo nezvemitambo yokuurayana, makwikwi engoro dzemabhiza, uye mimwe mitambo nenziyo dzaitaura zvinhu zvakasiyana-siyana, zvimwe zvacho zvichitonyadzisa. Roma yakanga yakabudirirawo pane zvokutengeserana, saka vanhu vaiva nemikana yakakura yokubudirira mune zvoupfumi.—VaR. 6:21; 1 Pet. 4:3, 4.

7 Kunyange zvazvo vaiva netemberi dzakawanda uye vainamata vanamwari vakawanda, vaRoma vakawanda vaisamboedza kuva neukama hwepedyo navanamwari vavo. Kunamata kwavo kwainyanya kusanganisira tsika dzavaigara vachiita dzakadai sedzaiitwa paizvarwa munhu, pairoorana vanhu uye parufu. Zvose izvi zvinofanira kunge zvaiita kuti vaKristu vaiva muRoma vaomerwe. Vakawanda vavo vaimboita zvinhu izvi, saka vaifanira kushandurwa kuti vave vaKristu vechokwadi uye kushandurwa kwacho kwaisazogumira pazuva rokubhabhatidzwa.

8. Nyika ine ngozi sei kuvaKristu mazuva ano?

8 Sezvainge zvakaita nyika munguva yeRoma, nyika yanhasi inewo ngozi kuvaKristu vakazvitsaurira. Nei zvakadaro? Nokuti mudzimu wenyika unooneka muzvinhu zvakawanda. (Verenga VaEfeso 2:2, 3; 1 Johani 2:16.) Zuva nezuva tinosangana nevanhu vanoratidza mafungiro, tsika uye  zvido zvenyika uye izvozvo zvinoita kuti tigare tiri mungozi yokuita zvinoitwa nenyika. Saka tinotofanira kuteerera zano rakafemerwa rokuti tirege “kuzvienzanisa nemamiriro ezvinhu epanguva ino” uye kuti ‘tishandurwe.’ Tinofanira kuitei?

TINOFANIRA KUSHANDURWA PACHII?

9. Vakawanda vakachinja sei kuti vakwanise kubhabhatidzwa?

9 Munhu paanodzidza Bhaibheri oshandisa chokwadi chaanodzidza, anotanga kufambira mberi pakunamata. Kufambira mberi ikoko kunooneka nokuchinja kwaanoita upenyu hwake zvichienderana nezvaadzidza. Anosiya dzidziso dzenhema uye unhu husina kunaka hwaaimbova nahwo ova neunhu hwakafanana nehwaKristu. (VaEf. 4:22-24) Gore negore tinofara kuona mazana ezviuru zvevanhu vachifambira mberi saizvozvo vobhabhatidzwa vachiratidza kuzvitsaurira kuna Jehovha Mwari. Chokwadi izvi zvinoita kuti mwoyo waJehovha ufare. (Zvir. 27:11) Zvisinei, tinofanira kuzvibvunza kuti: Kuchinja ikoko kwakakwana here?

Vakawanda vanofanira kubva munyika yaSatani voshandurwa (Ona ndima 9)

10. Kushandurwa kwakasiyana papi nokuvandudzika?

10 Kushandurwa hakungorevi kufambira mberi kana kuti kuvandudzika. Chigadzirwa chinogona kunyorwa kana kuti kushambadzirwa kuti chavandudzwa asi pasina chambonyanya kuchinja. Chinogona kunge changowedzerwa chinhu chimwe chete kana kuti chaputirwa zvinoyevedza. Pashoko rokuti “shandurwai,” riri muduramanzwi reBhaibheri rinonzi Vine’s Expository Dictionary pane tsanangudzo yokuti: “Pana VaRoma 12:2 kuita zvinoenderana nenguva yatiri [kana kuti mamiriro ezvinhu] kunosiyaniswa nokushandurwa (kana kuti kuchinjwa zvauri) nechomukati nokuchinjwa pfungwa uchibatsirwa nesimba reMudzimu Mutsvene.” Saka kushandurwa kunofanira kuitwa nemuKristu hakungogumiri pakurega tsika dzakaipa, matauriro asina kunaka uye unzenza. Vamwe vanhu vasingazivi Bhaibheri vanoedza chaizvo kuti vasaita zvinhu izvozvo. Saka kushandurwa kunofanira kuitwa nevaKristu kunosanganisirei?

11. Pauro akaratidza kuti kushandurwa kunoitwa sei?

11 Pauro akanyora kuti: “Shandurwai nokuchinja pfungwa dzenyu.” MuBhaibheri, shoko rokuti “pfungwa” rinosanganisira mafungiro edu, maitiro uye simba redu rokufunga. Kwokutanga kwetsamba yake kuvaRoma, Pauro akataura nezvevanhu vairatidza “mafungiro akaipa.” Vanhu ivavo vaiva ‘nekusarurama, uipi, kuchochora, ushati, vakazara neshanje, umhondi, kukakavadzana, unyengeri’ nezvimwewo zvakaipa. (VaR. 1:28-31) Tinogona kuona kuti nei Pauro akakurudzira vaya vakakura vachigara nevanhu vakadaro asi vakazova vashumiri vaMwari kuti vaifanira ‘kushandurwa’ uye ‘kuchinja pfungwa dzavo.’

‘Kutsamwa kwose nehasha nokupopota nokutuka ngazvibviswe kwamuri.’—VaEf. 4:31.

12. Mafungiro api aunoona ane vanhu mazuva ano, uye mafungiro iwayo angakanganisa sei vaKristu?

 12 Zvinosuwisa kuti tinorarama nevanhu vanoita zvakataurwa naPauro. Vanhu vakadaro vanofanira kunge vachifunga kuti kurarama uchitevedzera mitemo ndekwechinyakare. Vadzidzisi nevabereki vakawanda vane pfungwa yokuti vana vanogona havo kuita chero zvavada. Vanoona sokuti hapana chinonzi chakaipa uye chinonzi chakanaka. Kunyange vakawanda vanoti vanonamata vanofunga kuti vane rusununguko rwokuita zvavanofunga kuti zvakarurama, uye vanofunga kuti havafaniri havo kuteerera Mwari nemirayiro yake. (Pis. 14:1) Mafungiro iwayo anogona kukanganisa vaKristu vechokwadi. Vamwe vanenge vasina kungwarira vanogona kutanga kuvawo nemaonero akadaro pazvinhu zvokunamata. Vangaramba kutevedzera maitirwo ezvinhu muungano uye vangatanga kugunun’una kana paine zvavasingafariri. Kana kuti vangasava nechokwadi chokuti zano reBhaibheri panyaya yezvinovaraidza, kushandisa Indaneti uye dzidzo yepamusorosoro, rinoshanda.

13. Nei tichifanira kunyatsozviongorora?

13 Saka kuti tisaenzaniswa kana kuti tisaumbwa nenyika, tinofanira kunyatsoongorora mafungiro uye manzwiro edu omukati, zvinangwa uye tsika dzedu. Zvinhu izvozvo zvingasaonekwa nevanhu. Vamwe vangatiudza kuti tiri kuita zvakanaka. Asi isu chete ndisu tinoziva kana takanyatsobvumira kuti zvatakadzidza muBhaibheri zvitishandure pazvinhu izvi zvinokosha uye kuita kuti zvirambe zvichitishandura.—Verenga Jakobho 1:23-25.

KUSHANDURWA KWACHO KUNOITWA SEI?

14. Chii chingatibatsira kuti tishandurwe?

14 Tinofanira kushandurwa nechomukati, saka kuti tidaro, tinoda chimwe chinhu chinonyatsopinda mukatikati medu. Chii chingatibatsira? Patinodzidza Bhaibheri, tinodzidza kuti Jehovha anoda kuti tive vanhu vorudzii. Zvatinoita pane zvatinoverenga zvichatibatsira kuona zviri mumwoyo medu. Izvi zvichatibatsira kuona zvatinofanira kuita kuti tiite ‘zvinodiwa naMwari zvakakwana.’—VaR. 12:2; VaH. 4:12.

15. Kuumbwa naJehovha kunoita kuti tishandurwe sei?

15 Verenga Isaya 64:8. Mufananidzo wakataurwa nemuprofita Isaya unoita kuti tifunge chimwe chinhu chinokosha. Muumbi wedu, Jehovha anotiumba sei, isu ivhu? Chokwadi Jehovha haachinji zvakaita miviri yedu, kuti zvimwe titaridzike zvakanaka kupfuura zvatiri. Asi anotichinja zvatiri nechomukati. Kana tikabvuma kuumbwa naye, tinoshandurwa nechomukati kana kuti pakunamata, uye izvi ndizvo chaizvo zvatinoda kuti tisakanganiswa nenyika. Kuumbwa kwacho kunoitwa sei?

16, 17. (a) Tsanangura zvinoitwa nemuumbi paivhu raanoshandisa kuumba mudziyo wakanaka. (b) Shoko raMwari rinotibatsira sei kuti tishandurwe kuva vanhu vanokosha kuna Jehovha?

16 Muumbi anoshandisa ivhu remhando yepamusoro kana achida kuumba mudziyo wakanaka. Asi pane zvinhu zviviri zvaanofanira kuita. Anofanira kutanga arichenesa kuti abvise marara. Zvadaro, anofanira kurisanganisa nemvura yakaringana orikanya kuitira kuti rizobudisa mudziyo wakanaka.

17 Ona kuti ivhu racho rinofanira kunge rakachena uye kuti mvura inobatsira kuti ribudise mukanyiwa wakanaka unodiwa pakugadzira mudziyo kunyange usingatani kuputsika. Tinoona here kufanana kwazvakaita nemashandiro anoita Shoko raMwari muupenyu hwedu? Rinogona kutibatsira kubvisa mafungiro ataiva nawo  tisati taziva Mwari uye kuti tishandurwe kuva vanhu vanokosha kwaari. (VaEf. 5:26) Funga kuti kangani tichikurudzirwa kuverenga Bhaibheri zuva nezuva uye kugara tichipinda misangano yechiKristu uko kwatinodzidza Shoko raMwari. Nei tichikurudzirwa kuita zvinhu izvi? Nokuti patinodaro tinenge tichibvuma kuumbwa naJehovha.—Pis. 1:2; Mab. 17:11; VaH. 10:24, 25.

Kushandurwa kuchakubatsira kuti ugadzirise matambudziko zviri nani kupfuura zvawaiita kare (Ona ndima 18)

18. (a) Nei tichifanira kufungisisa kana tichida kuti Shoko raMwari ritibatsire uye ritishandure? (b) Mibvunzo ipi ingatibatsira?

18 Kuti Shoko raMwari ritishandure, hatifaniri kungogumira pakugara tichiverenga uye kudzidza Bhaibheri. Vakawanda vanoverenga Bhaibheri nguva nenguva uye vanoziva chaizvo zvarinotaura. Zvimwe wakambosangana nevanhu vakadaro muushumiri. Vamwe vanotokwanisa kutaura ndima dzeBhaibheri nomusoro. * Asi izvozvo zvingasanyanya kuvabatsira kuti vachinje mafungiro uye mararamiro avo. Saka chii chimwe chinodiwa? Kuti munhu abatsirwe neShoko raMwari uye rimushandure, anofanira kuita kuti ripinde mumwoyo make. (VaG. 6:6) Saka tinofanira kuwana nguva yokufungisisa zvatinenge tichidzidza. Zvingava zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Ndinonyatsobvuma here kuti zvandiri kudzidza haisi dzidzisowo zvayo yechitendero? Handina kuona here kuti zvandiri kudzidza ichokwadi? Uyewo, ndingashandisa sei zvandiri kudzidza muupenyu hwangu ndisingazvioni sezvinhu zvandinofanira kungodzidzisawo vamwe? Ndinoona here kuti Jehovha anenge achitotaura neni?’ Kufungisisa mibvunzo iyi kunogona kutibatsira kuti tidzamise kuda kwatinoita Jehovha. Kana zvatinodzidza zvikasvika pamwoyo saizvozvo, zvichaita kuti tichinje.—Zvir. 4:23; Ruka 6:45.

19, 20. Izano ripi reBhaibheri rinogona kunyatsotibatsira?

19 Kugara tichiverenga Shoko raMwari uye kurifungisisa kuchatibatsira kuramba tichiita zvatingava takatoita: ‘Kupfekenura unhu hwekare nemabasa ahwo, topfeka unhu hutsva, huri kuitwa hutsva pachishandiswa zivo yakarurama.’ (VaK. 3:9, 10) Chokwadi tinogona kuramba tichibudirira patinonyatsonzwisisa uye kuona kushanda kweShoko raMwari. Unhu hutsva hwechiKristu hwatinenge tava nahwo huchatidzivirira pamazano aSatani ounyengeri.

20 Muapostora Petro anotiyeuchidza kuti ‘Sevana vanoteerera, regai kuzvienzanisa maererano nokuchiva kwamaimbova nakwo kare, asi ivaiwo vatsvene pamufambiro wenyu wose.’ (1 Pet. 1:14, 15) Kuita zvose zvatinogona kuti tibvise mafungiro ataiva nawo uye kubvuma kushandurwa kuchaita kuti tive nemakomborero sezvatichaona munyaya inotevera.

^ ndima 18 Ona muenzaniso uri muNharireyomurindi yaFebruary 1, 1994, peji 9, ndima 7.