Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kupayona Kunosimbisa Ukama Hwedu naMwari

Kupayona Kunosimbisa Ukama Hwedu naMwari

“Zvakanaka kuimbira Mwari wedu.”—PIS. 147:1.

1, 2. (a) Chii chinoitika patinofunga uye patinotaura nezvemunhu watinoda? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Tichakurukura mibvunzo ipi?

PATINOFUNGA uye patinotaura nezvomunhu watinoda, ushamwari hwedu naye hunogona kusimba. Ndizvo zvazvinoitawo patinofunga uye patinotaura nezvaJehovha Mwari. Dhavhidhi paaiva mufudzi aipedza usiku hwakawanda achitarira denga rizere nenyeredzi uye achifungisisa nezvekushamisa kunoita Musiki waro. Akanyora kuti: “Pandinoona matenga enyu, iwo mabasa eminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi zvamakagadzira, munhuwo zvake chiiko zvamunomufunga, nomwanakomana womunhu wepanyika zvamunomutarisira?” (Pis. 8:3, 4) Uye muapostora Pauro paakafunga nezvokuzadziswa kunoshamisa kwechinangwa chaJehovha chine chokuita naIsraeri waMwari, akati: “Haiwa, pfuma yaMwari nouchenjeri nezivo zvakadzama sei!”—VaR. 11:17-26, 33.

2 Patinoita ushumiri, tinofunga uye tinotaura nezvaJehovha. Izvozvo zvine zvazvakanakira. Vakawanda vanoita ushumiri hwenguva yakazara vakaona kuti chimwe chikomborero chavanowana nokupedza nguva yakawanda muushumiri ndechokuti vanowedzera kuda Mwari. Pasinei nokuti uri mubasa renguva yakazara kana kuti ndizvo zvauri kuvavarira, funga izvi: Ushumiri hwenguva yakazara hungasimbisa sei ukama hwako naJehovha? Kana uri piyona, zvibvunze kuti, ‘Chii chichandibatsira kuti ndirambe ndiri mubasa iri rine mubayiro?’ Kana usati wava kupayona, zvibvunze kuti, ‘Zvii zvandingaita kuti nditange kupayona?’ Ngatikurukurei kuti basa renguva yakazara rinosimbisa sei ukama hwedu naMwari.

 BASA RENGUVA YAKAZARA UYE UKAMA HWEDU NAMWARI

3. Tinobatsirwa sei nokutaura nezvemakomborero oUmambo ari mberi patinenge tiri muushumiri?

3 Kukurukura nevamwe nezvemakomborero oUmambo ari mberi kunotiswededza pedyo naJehovha. Rugwaro rwupi rwaunofarira kushandisa paunenge uchiparidza paimba neimba? Zvimwe unofarira Pisarema 37:10, 11; Dhanieri 2:44; Johani 5:28, 29 kana kuti Zvakazarurwa 21:3, 4. Pose patinokurukura nevamwe vimbiso idzi, tinoyeuchidzwa kuti Mwari wedu ane rupo zvechokwadi ndiye mupi we“zvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana.” Izvi zvinotiswededza pedyo naye.—Jak. 1:17.

4. Nei kunzwisisa kwedu kuti Mwari akanaka kuchiwedzera patinoona kusaziva chokwadi kunoita vanhu vari munyika?

4 Patinoona kusaziva chokwadi kunoita vanhu vatinoparidzira, tinobva tawedzera kuonga chokwadi. Vanhu vari munyika havana chinovatungamirira chavanovimba nacho chinovabatsira kuti vabudirire uye vafare. Vakawanda vanonetseka kuti ramangwana ravo rakadii uye havana tariro. Vanoda kuziva kuti chinangwa choupenyu ndechei. Kunyange vakawanda vanoita zvechitendero havanyatsozivi Magwaro. Vakangoita sevanhu vaiva muNinivhi. (Verenga Jona 4:11.) Patinopedza nguva yakawanda muushumiri, tinonyatsoona musiyano uri pakati pevanhu vatinoparidzira nevanhu vaJehovha. (Isa. 65:13) Tinoona kuti Jehovha akanaka pakuti haangotipi zvatinoda pakunamata chete, asi kuti anokokawo vose kuti vanyaradzwe uye vave netariro yechokwadi.—Zvak. 22:17.

5. Kubatsira vamwe pane zvokunamata kunoita kuti tione sei matambudziko edu?

5 Kubatsira vamwe pakunamata kunoita kuti tisanyanya kunetseka nematambudziko edu. Mumwe piyona wenguva dzose anonzi Trisha akaona kuti ichi ichokwadi vabereki vake pavakarambana. Anoti: “Ndicho chinhu chakanyanya kundirwadza chaizvo muupenyu hwangu.” Rimwe zuva ainge akasuruvara chaizvo uye asingadi kubuda muushumiri, asi akazosarudza kuenda kunodzidza Bhaibheri nevamwe vana vatatu vaitova nedambudziko rakakura kupfuura rake. Baba vevana ava vainge vavasiya uye vana vacho vaishungurudzwa nomukoma vavo. Trisha anoti: “Dambudziko rangu kana kuti kushungurudzika kwandaiita pakanga pasina zviripo kana tichienzanisa nedambudziko ravo. Pataidzidza, zviso zvavo zvairatidza kufara chaizvo uye vaiseka. Vana ivavo vaiva chipo chaibva kuna Jehovha kunyanya pazuva iroro.”

6, 7. (a) Kutenda kwedu kunosimbiswa sei patinodzidzisa vamwe chokwadi cheBhaibheri? (b) Kukoshesa kwatinoita uchenjeri hwaMwari kunoita sei patinoona vanhu vanodzidza Bhaibheri vachichinja upenyu hwavo nokushandisa zvinotaurwa neMagwaro?

6 Patinodzidzisa vamwe chokwadi cheBhaibheri, kutenda kwedu kunosimba. Muapostora Pauro akanyora nezvevamwe vaJudha vomunguva yake vaisaita zvavaiparidza achiti: “Iwe unodzidzisa mumwe munhu, hauzvidzidzisi here?” (VaR. 2:21) Izvi zvakasiyana chaizvo nezvinoitwa nemapiyona mazuva ano. Kazhinji, vane mikana yakawanda yokudzidzisa vamwe chokwadi uye kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri. Kuti vanyatsobudirira, vanofanira kugadzirira chidzidzo chimwe nechimwe uye pamwe pacho vanotsvakurudza kuti vapindure mibvunzo. Mumwe piyona anonzi Janeen anoti: “Pose pandinowana mukana wokudzidzisa vamwe chokwadi, ndinonzwa sokuti chokwadi ichi chiri kurovererwa mupfungwa nomumwoyo mangu. Izvi zvinoita kuti kutenda kwangu kurambe kuchikura.”

7 Kuona vatinodzidzisa Bhaibheri vachichinja upenyu hwavo nokushandisa zvinotaurwa neBhaibheri kunoita kuti tiwedzere kukoshesa uchenjeri hwaMwari. (Isa. 48:17, 18) Izvi zvinotibatsira kuti tiwedzere kutsunga kuramba tichishandisa zvinotaurwa neBhaibheri  muupenyu hwedu. Mumwe piyona anonzi Adrianna anoti: “Upenyu hwevanhu hunogona kuipa pavanovimba nouchenjeri hwavo. Asi pavanotanga kuvimba nouchenjeri hwaJehovha, upenyu hwavo hunotanga kuchinja.” Phil anotiwo: ‘Unoshamiswa nokuona kuti vanhu vanochinja sei upenyu hwavo vachibatsirwa naJehovha.’

8. Kushanda neshamwari dzakanaka muushumiri kunotibatsira sei?

8 Kushanda neshamwari dzakanaka muushumiri kunotisimbisa pakunamata. (Zvir. 13:20) Mapiyona akawanda anopedza nguva yakawanda nevamwe vaevhangeri. Izvi zvinoita kuti pave nemikana yakawanda ‘yokukurudzirana.’ (VaR. 1:12; verenga Zvirevo 27:17.) Mumwe piyona anonzi Lisa anoti: “Kubasa vanhu vanowanzoita makwikwi uye vanoitirana godo. Zuva nezuva unenge uine vanhu vanoita makuhwa uye vanotaura zvisina kunaka. Vanotoita zvose zvavanogona kuti vave pamberi pevamwe. Dzimwe nguva unosekwa kana kunyombwa pamusana peunhu hwako hwechiKristu. Asi kushanda muushumiri nevamwe vaKristu kunokurudzira chaizvo. Panopera zuva ndinodzoka kumba ndazorodzwa pasinei nokuti ndaneta zvakadini.”

9. Kupayona newatakaroorana naye kunoita kuti imba yedu iite sei?

9 Patinopayona newatakaroorana naye imba yedu inobva yasimba. (Mup. 4:12) Madeline uyo anopayona nemurume wake anoti: “Ini nemurume wangu tine nguva yakawanda yokukurukura zvinenge zvaswera zvichiitika muushumiri kana kuti chimwe chinhu chatinenge taona pakuverenga Bhaibheri chatingashandisa muushumiri. Gore roga roga ratinopayona tose tinowedzera kudanana.” Trisha anotiwo: “Ini nomurume wangu hatidi kuva nezvikwereti, saka hatinetsani nenyaya dzemari. Tine purogiramu  yakafanana youshumiri, saka tinodzokera tose kune vanhu vanenge vafarira uye vatinodzidza navo Bhaibheri, izvo zvinotibatsira kuti tiwedzere kudanana uye tiswedere pedyo naJehovha.”

Kuva nezvakawanda zvokuita mubasa renguva yakazara kunoita kuti uve neupenyu hunogutsa (Ona ndima 9)

10. Kana tichiisa Umambo pokutanga uye tichiona kutsigirwa kwatinoitwa naMwari, kuvimba kwatinoita naJehovha kunoita sei?

10 Kuvimba kwatinoita naJehovha kunowedzera patinoisa zvinhu zvoUmambo pokutanga, toona kutsigirwa kwatinoitwa naJehovha, uye kupindura kwaanoita minyengetero yedu. Ichokwadi kuti vaKristu vose vakatendeka vanovimba naJehovha. Asi vaya vari mubasa renguva yakazara vanoona kuti kuvimba naJehovha kunovabatsira kuti varambe vari mapiyona. (Verenga Mateu 6:30-34.) Curt, uyo anopayona uye anoshanda somutsivi wemutariri wedunhu akanzi anoshanyira ungano yaiva kure uye zvaitoda maawa maviri nehafu kuti asvike ikoko nemotokari. Iye nomudzimai wake, uyo anopayonawo, vaiva nepeturu yaingokwana kuenda chete uye painge pachine vhiki kuti azotambira mari. Curt anoti, “Ndakatanga kunetseka kana ndainge ndaita chisarudzo chakanaka.” Pashure pokunge vanyengetera, vakafunga kuti vaikwanisa kuita basa racho vachivimba kuti Mwari aizovatarisira. Pavainge vava kuda kuenda, imwe hanzvadzi yakati yaiva nechipo chayaida kuvapa. Chipo chacho chaiva chemari yaikwanirana neyavaida kuti vazodzoka kumba. Curt anoti, “Kana zvinhu zvakadai zvichiwanzoitika kwauri, zviri nyore kuona kuti Jehovha ndiye ari kukutarisira.”

11. Ndeapi mamwe makomborero anowanikwa nemapiyona? Tsanangura.

11 Mapiyona anowanzoona kuti paanoshanda nesimba mubasa raJehovha uye paanoramba achiva pedyo naye, anoramba achiwana makomborero asingaperi. (Dheut. 28:2) Asi kupayona kunewo matambudziko ako. Hapana mushumiri waMwari asingasangani nematambudziko anokonzerwa nokupanduka kwaAdhamu. Mamwe matambudziko angaita kuti mapiyona ambomira kupayona, asi matambudziko iwayo anogona kudziviswa kana kuti kugadziriswa. Chii chingabatsira mapiyona kuti arambe achifara mubasa rawo?

KURAMBA URI MUBASA RENGUVA YAKAZARA

12, 13. (a) Piyona anofanira kuitei kana achiomerwa nokusvitsa maawa ake? (b) Nei zvichanyanya kukosha kuva nepurogiramu yokuverenga Bhaibheri zuva nezuva, kudzidza uri woga uye kufungisisa?

12 Mapiyona akawanda ane zvakawanda zvokuita. Zvingasava nyore kuti zvose zvinoda kuitwa zviitwe, saka zvinokosha kuva munhu akarongeka. (1 VaK. 14:33, 40) Kana piyona achiomerwa nokusvitsa maawa, angada kuongororazve kuti ari kushandisa sei nguva yake. (VaEf. 5:15, 16) Angazvibvunza kuti: ‘Ndiri kupedza nguva yakadini pakuzvivaraidza? Ndinofanira kuwedzera kuzvidzora here? Ndingada kugadzirisa purogiramu yangu yokubasa here?’ Hapana muKristu angaramba kuti zviri nyore kuti munhu awedzere zvokuita papurogiramu yake, saka vaya vari mubasa renguva yakazara vangada kugara vachiongorora purogiramu yavo uye kuchinja kana paine zvinoda kuchinjwa.

13 Purogiramu yapiyona inofanira kusanganisira kuverenga Bhaibheri zuva nezuva, kudzidza ari oga uye kufungisisa. Saka piyona anofanira kuzvidzora kuitira kuti zvinhu zvisinganyanyi kukosha zvisamutorera nguva yaanenge achifanira kuita zvinhu izvozvo zvinokosha. (VaF. 1:10) Somuenzaniso, fungidzira piyona achisvika pamba pashure pokunge aswera muushumiri. Akaronga kuti manheru iwayo agadzirire misangano. Asi anombotanga averenga tsamba dzake. Anobva avhura kombiyuta overenga uye opindura tsamba dzake dzepaIndaneti. Achiri paIndaneti, anovhura imwe  nzvimbo kuti aone kana chimwe chinhu chaanga achida kutenga chaderedzwa mutengo. Maawa anenge maviri atopera asiri kumbozviona uye haasati atanga kuita zvaanga akaronga manheru iwayo. Nei izvozvo zvisina kunaka? Nyanzvi dzokumhanya dzinofanira kutarisira miviri yadzo kana dzichida kumhanya kwemakore akawanda. Saizvozvowo, kuti piyona arambe ari muushumiri hwenguva yakazara, anofanira kuva nepurogiramu yokudzidza ari oga kuti arambe akasimba pakunamata.—1 Tim. 4:16.

14, 15. (a) Nei mapiyona achifanira kuita kuti upenyu hwavo husava netwakawanda-wanda? (b) Kana piyona akasangana nematambudziko, anofanira kuitei?

14 Mapiyona anobudirira anoedza kuita kuti upenyu hwavo husava netwakawanda-wanda. Jesu akakurudzira vadzidzi vake kuti vave neziso rakanaka. (Mat. 6:22) Akarega kuva nezvakawanda muupenyu kuti akwanise kupedza ushumiri hwake asina zvinomudzongonyedza. Akati: “Makava ane maguru uye shiri dzokudenga dzine pokugara, asi Mwanakomana womunhu haana pokuisa musoro wake.” (Mat. 8:20) Kana piyona achida kutevedzera Jesu, anofanira kufunga kuti kana akava nezvinhu zvakawanda, achavawo nezvakawanda zvinoda kutarisirwa, kugadziriswa kana kuti kutengwazve.

15 Mapiyona anoziva kuti ropafadzo yavo haibvi pakuti anonyanya kukosha kupfuura vamwe. Asi chero chipo kana kuti ropafadzo yatingava nayo, tinoiwana nepamusana pemutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari. Saka kuti munhu arambe achipayona, anofanira kuvimba naJehovha. (VaF. 4:13) Matambudziko achatovapo. (Pis. 34:19) Paanovapo, mapiyona anofanira kutsvaka kutungamirirwa naJehovha uye kubvuma kubatsirwa naye, pane kukurumidza kurega kupayona. (Verenga Pisarema 37:5.) Mapiyona paanoona kubatsirwa kwaanoitwa naMwari, achaswedera pedyo naBaba vavo vokudenga vane hanya.—Isa. 41:10.

UNOGONA KUPAYONAWO HERE?

16. Unofanira kuitei kana uchida kupayona?

16 Kana uchida kukomborerwawo sezvinoitwa vari mubasa renguva yakazara, ita kuti Jehovha azive chido chako. (1 Joh. 5:14, 15) Taura nevari kupayona. Iva nezvinangwa zvichakubatsira kuti uve piyona. Ndizvo zvakaitwa naKeith naErika. Vaienda kubasa, uye vainge vatenga imba nemotokari itsva vachangoroorana, sezvaiitwawo nevezera ravo. Vanoti: “Taifunga kuti zvinhu izvozvo zvaizoita kuti tigutsikane asi hatina.” Keith paakapererwa nebasa, akava piyona webetsero. Akati: “Kupayona kwakandibatsira kuona kuti ushumiri hunoita kuti ufare.” Vakatanga kushamwaridzana nemumwe murume nomudzimai vaipayona avo vakavabatsira kuona kuti kuva neupenyu husina twakawanda-wanda uye kupayona kunoita kuti munhu afare. Keith naErika vakaitei? Vanoti: “Takanyora pasi zvinangwa zvokunamata zvataiva nazvo, tikanamira pepa racho pafiriji uye taimaka chimwe nechimwe chatainge tazadzisa.” Nokufamba kwenguva, vakazokwanisa kupayona.

17. Nei kuri kuchenjera kuti ufunge nezvokugadzirisa purogiramu yako kana kuti upenyu hwako kuti upayone?

17 Unogona kupayonawo here? Kana usingakwanisi panguva ino, ita zvose zvaunogona kuti uwedzere kuva pedyo naJehovha nokuita zvakawanda muushumiri. Kana ukanyengetera uye ukafungisisa, unogona kuona kuti kugadzirisa purogiramu yako kana kuti upenyu hwako kuchaita kuti upayone. Kana ukapayona, mufaro wauchawana unopfuura nokure zvose zvaunenge wasiya. Uchaona kuti kuisa zvinhu zvine chokuita noUmambo pokutanga kuchaita kuti unyatsogutsikana. (Mat. 6:33) Uchawana mufaro mukuru unobva pakupa. Uyewo uchava nemikana yakawanda yokufunga uye kutaura nezvaJehovha, wowedzera kumuda uye kuita kuti afare.