Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nei Jesu akasvimha misodzi asati amutsa Razaro sezvinotaurwa pana Johani 11:35?

Panofa munhu watinoda, tinochema nokuti tinenge tarasikirwa. Kunyange zvazvo Jesu aida Razaro, haana kusvimha misodzi nokuti Razaro ainge afa. Akasvimha misodzi nokuti ainzwira tsitsi hama neshamwari dzaRazaro sezvinoratidzwa nemamwe mashoko ari munhoroondo yaJohani.—Joh. 11:36.

Jesu paakanzwa kuti Razaro airwara, haana kubva angoenda kunomuporesa. Nyaya yacho inoti: “[Jesu] paakanzwa kuti [Razaro] akanga achirwara, akabva aramba ari munzvimbo yaakanga ari kwemazuva maviri.” (Joh. 11:6) Nei Jesu asina kumhanya-mhanya? Aiva nechinangwa paakadaro. Akati: “Kurwara uku hakuna vavariro yokuuraya, asi ndekwokuti Mwari akudzwe, kuti Mwanakomana waMwari akudzwe nakwo.” (Joh. 11:4) Kurwara kwaiita Razaro kwaisava ‘nevavariro’ yokumuuraya. Jesu aida kuti “Mwari akudzwe” nekufa kwaRazaro. Sei? Jesu ainge ava kuda kuita chishamiso chikuru chokumutsa shamwari yake yaaida kubva muguva.

Jesu paaitaura nevadzidzi vake nezvechiitiko ichi, akafananidza rufu nokurara. Ndosaka akavaudza kuti ari “kuenda ikoko kunomumutsa [Razaro] muhope.” (Joh. 11:11) Jesu aiona kumutsa kwaaizoita Razaro sokumutsa kunoita mubereki mwana akarara. Saka paisava nechikonzero chokuti arwadziwe nokufa kwainge kwaita Razaro.

Saka chii chakaita kuti Jesu asvimhe misodzi? Mashoko ari munyaya yacho anotipazve mhinduro. Jesu paakaona Mariya, hanzvadzi yaRazaro, uye vamwe vachichema, “akagomera neshungu, akanetseka.” Saka kurwadziwa kwavaiita kwakaita kuti Jesu arwadziwewo zvokuti “akagomera neshungu” uye izvozvo ndizvo zvakaita kuti ‘asvimhe misodzi. Jesu akarwadziwa chaizvo paakaona shamwari dzake dzaaida dzichishungurudzika.—Joh. 11:33, 35.

Nyaya iyi inoratidza kuti Jesu ane simba rokumutsa hama dzedu uye kuita kuti dzive noutano hwakanaka munyika itsva iri kuuya. Inoratidzawo kuti Jesu anorwadzirwa vanhu vakafirwa nehama dzavo. Chimwe chatinodzidza munyaya iyi ndechokuti tinofanira kunzwira tsitsi vaya vanenge vachinetseka pamusana pokufirwa nehama dzavo.

Jesu aiziva kuti aizomutsa Razaro. Asi akasvimha misodzi nokuti aida shamwari dzake chaizvo uye aidzinzwira tsitsi. Saka kunzwa tsitsi kungaitawo kuti ‘ticheme nevanhu vanochema.’ (VaR. 12:15) Kuita izvozvo hakurevi kuti hatitendi kuti vanhu vachamutswa. Jesu akatiratidza muenzaniso wokunzwira tsitsi vanhu vakafirwa paakasvimha misodzi zvichibva pamwoyo kunyange zvazvo ainge ava kuda kumutsa Razaro.