Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA YOUPENYU

Kuvimba naJehovha Kwakandiwanisa Makomborero

Kuvimba naJehovha Kwakandiwanisa Makomborero

Dzimwe nguva upenyu hunogona kungoerekana hwachinja uye hunogona kutooma. Asi Jehovha anoropafadza vaya vasingavimbi nokunzwisisa kwavo asi vanovimba naye. Ini nomudzimai wangu takanyatsoona kuti izvi ndezvechokwadi mumakore akawanda atararama azere nezvikomborero. Regai tikuudzei nhoroondo youpenyu hwedu.

BABA vangu naamai vakasangana muna 1919 pagungano reruwa reVadzidzi veBhaibheri kuCedar Point, Ohio, U.S.A. Vakazoroorana gore iroro. Ndakaberekwa muna 1922, uye munun’una wangu Paul, akazoberekwa muna 1924. Mudzimai wangu Grace, akaberekwa muna 1930. Vabereki vake, Roy naRuth Howell vakarerwa vari Vadzidzi veBhaibheri uye ambuya nasekuru vake vaivawo Vadzidzi veBhaibheri dziri shamwari dzaHama Charles Taze Russell.

Ndakasangana naGrace muna 1947, tikazochata musi wa16 July, 1949. Tisati taroorana, takanyatsobudirana pachena nezveramangwana redu. Takawirirana kuti taizoita ushumiri hwenguva yakazara uye kuti taisazoita vana. Musi wa1 October 1950 takatanga kupayona. Muna 1952, takakumbirwa kuti tiende mubasa redunhu.

BASA ROKUFAMBIRA UYE KUDZIDZISWA KUGIRIYEDHI

Tainyatsonzwa kuti taida rubatsiro kuti tikwanise kuita basa idzva iri. Ini ndaibatsirwa nedzimwe hama dzakanga dzagara nebasa, saka ndaida kutsvagirawo Grace munhu angamubatsira. Ndakataura naMarvin Holien, uyo aiva shamwari yemhuri yedu yemakore, uye aiva neruzivo pakushumira semutariri anofambira. Ndakamukumbira ndichiti: “Grace achiri muduku uye haasati ava kuziva zvakawanda. Pane munhu wamunofunga nezvake angashanda naye kwenguva yakati achimubatsira here?” Akapindura achiti, “Ehe aripo. Edna Winkle agara nebasa rekupayona saka anogona kumubatsira chaizvo.” Pava paya Grace akazoti nezvaEdna: “Aiita kuti ndisatye pandinenge ndiri pasuo, aiziva kupindura vanhu vanenge vasingafariri, uye akandidzidzisa kuteerera saimba kuti ndikwanise kutaura mashoko anonyatsokodzera kubva pane zvaanenge ataura. Akandibatsira zvechokwadi!”

Kubva kuruboshwe: Nathan Knorr, Malcolm Allen, Fred Rusk, Lyle Reusch, Andrew Wagner

Ini naGrace takashumira mumatunhu maviri ari mulowa, aiva nedzimwe ungano dzaiva muMinnesota neSouth Dakota. Takazoendeswa kuDunhu 1 riri muNew York, raisanganisira ungano dzaiva muBrooklyn neQueens. Hatimbofi takakanganwa  manzwiro ataiita patakaendeswa kudunhu iri. Tainzwa sokuti taisazokwanisa kuita basa iri. Dunhu iri raisanganisira Ungano yeBrooklyn Heights, yaiitira misangano paImba yoUmambo iri paBheteri uye yaiva nevashandi vepaBheteri vakawanda vane ruzivo. Pandakapa hurukuro yangu yokutanga yebasa, Hama Nathan Knorr vakauya kwandiri vakati: “Malcolm, watipa mazano okushandisa uye anga akakodzera. Usakanganwa kuti kana ukasatibatsira nokutipa mazano nomutsa, unenge usiri kunyatsobatsira sangano. Ramba wakadaro.” Musangano wapera, ndakaudzawo Grace mashoko aya. Takazoenda muimba yataigara paBheteri. Takasvikochema nekunetseka kwataiita.

“Kana ukasatibatsira nokutipa mazano nomutsa, unenge usiri kunyatsobatsira sangano. Ramba wakadaro.”

Pashure pemwedzi mishomanana, takagamuchira tsamba tichikokwa kuzopinda kirasi yechi24 yeChikoro cheGiriyedhi, yaizopedza kudzidza muna February 1955. Tisati taenda takaudzwa kuti dzidzo yataizowana kuchikoro ichi yakanga isingarevi hayo kuti taizova mamishinari. Asi yaiva yokutibatsira kuti tinyatsoita basa rokufambira nemazvo. Chikoro ichi chakatinakidza zvikuru uye chakatiratidza kuti pane zvakawanda zvataisaziva.

Fern naGeorge Couch vaineni naGrace kuGiriyedhi muna 1954

Patakapedza kudzidza, takaendeswa mubasa reruwa. Ruwa rwacho rwaisanganisira Indiana, Michigan, neOhio. Muna December 1955 takashamiswa patakaona tsamba yaibva kuna Hama Knorr yaiti: “Ndiri kuda kuti unyatsondibudira pachena wondiudza zvaunofunga. Ita kuti ndizive kana uchida kuuya kuzogara paBheteri . . . kana kuti kuzonoshumira kune imwe nyika mambogara paBheteri kwenguva yakati. Ndingada kuzivawo kana uchida kuramba uri mubasa romuruwa kana kuti mudunhu.” Takapindura kuti taizofara kuita chero basa ratinenge tapiwa. Takabva tangonzi tiuye kuzogara paBheteri!

KUFARA KWATAIITA PABHETERI

Ndakanakidzwa zvikuru pamakore andaishumira paBheteri izvo zvaisanganisira kupa hurukuro muUnited States yose. Ndakabatsirawo pakudzidzisa hama dzechiduku dzakawanda dzakazova nemabasa akakura musangano raJehovha. Nekufamba kwenguva ndakazova munyori waHama Knorr muhofisi yaitungamirira basa rekuparidza munyika yose.

Ndichishanda muDhipatimendi Rebasa muna 1956

Makore andakanyanya kunakidzwa ndiwo andakashanda muDhipatimendi Rebasa. Mudhipatimendi iroro ndakashanda naT. J. (Bud) Sullivan. Akanga atova nemakore ari mutariri wedhipatimendi iri. Asi pane vamwewo vakandidzidzisa zvakawanda. Mumwe wavo ndiFred Rusk, uyo akapiwa basa rekundidzidzisa. Ndinoyeuka ndichimbomubvunza kuti, “Fred, sei uchigadziridza zvinhu zvakawanda  padzimwe tsamba dzandinenge ndanyora?” Akaseka ndokuzowedzera kuti, “Malcolm, kana ukaita chinhu chekutaura nemuromo unogona kuzowedzera mashoko ekuchitsanangura, asi kana ukanyora chimwe chinhu, zvikuru chinobva pano, chinofanira kunge chakarurama uye chichinyatsonzwisisika.” Akabva ataura nemutsa kuti, “Usatye hako, uri kuita zvakanaka chaizvo uye nekufamba kwenguva uchange wava kunyatsogona.”

Pamakore ataiva paBheteri, Grace akaita mabasa akasiyana-siyana, kusanganisira rekutsvaira dzimba. Basa iri raimunakidza. Nanhasi, dzimwe hama dzakanga dzichiri vakomana paBheteri makore iwayo, dzinoudza Grace dzichinyemwerera kuti, “Makandidzidzisa kuwaridza mubhedha, uye zvechokwadi amai vangu vakazvifarira chaizvo.” Grace akashandawo mudhipatimendi remagazini, retsamba uye rinogadzirwa makaseti. Kuita mabasa aya akasiyana-siyana kwakamubatsira kuona kuti chero basa ratinoita musangano raJehovha chikomborero. Nanhasi ndiwo manzwiro aachiri kungoita.

KUCHINJA KWATAKAITA

Kuma1975, vabereki vedu vakanga vakwegura zvekuti takaona kuti vaitoda kuchengetwa. Saka taifanira kutoita chisarudzo chakanga chisiri nyore. Takanga tisingadi kusiya Bheteri uye hama dzedu dzatainamata nadzo Jehovha dzataida zvikuru. Kunyange zvakadaro, ndakaona kuti raiva basa rangu kuchengeta vabereki vedu. Saka nokufamba kwenguva takasiya Bheteri asi tiine tarisiro yokuzodzoka kana mamiriro edu ezvinhu achinja.

Kuti tiwane chokurarama nacho, ndakatanga kushambadza inishuwarenzi. Ndinogara ndichiyeuka zvandakamboudzwa nemumwe maneja ndichiri kudzidzira basa kuti: “Basa iri rinonyanya kubudirira kumanheru. Ndiyo nguva inowanikwa vanhu. Hapana chimwe chinhu chinokosha kudarika kushanda manheru zuva nezuva uchishanyira vanhu.” Ndakapindura kuti, “Ndinoremekedza zvamuri kutaura sezvo mava neruzivo pabasa iri. Asi ndinewo mamwe mabasa andinofanira kuita ekunamata andisati ndamborega kuita, uye handingadi kuarega iye zvino. Ndichashanda mamwe manheru, asi manheru eChipiri neChina, ndine misangano inokosha zvikuru yandinofanira kupinda.” Zvechokwadi Jehovha akandikomborera zvikuru pandisina kurega kupinda misangano kuti ndiende kubasa.

Takanga tiri padivi pomubhedha waamai vangu pavakafa mumusha unochengeterwa vakwegura muna July 1987. Mukoti mukuru wepo akauya kuna Grace ndokumuudza kuti: “Amai Allen, chiendai henyu kumba mumbonozorora. Munhu wose anozviziva kuti manga musingabve pano muchibatsira vamwene venyu. Ivai nerugare nekuti makaita zvose zvamaigona.”

Muna December 1987, takanyora mafomu tichikumbira kunoshandazve paBheteri, musha  wataida zvikuru. Asi pasina kana mazuva, Grace akabatwa kenza yemuura hukuru. Akavhiyiwa akapora uye akanzi haasisina kenza. Zvisinei, takazogamuchira tsamba yaibva kuBheteri ichitiudza kuti tienderere mberi nebasa roushumiri muungano yataipinda nayo. Takanga tisingazodzokere shure pabasa redu reUmambo.

Nokufamba kwenguva, pakamuka mukana webasa kuTexas. Takaona zvakanaka kuendako nekuti kunodziya. Tava nemakore angasvika 25 tiri kuno kuTexas, tiri pakati pehama nehanzvadzi dzine rudo idzo dzava shamwari dzedu chaidzo.

ZVIDZIDZO ZVATAKAWANA

Grace achiri kunetswa nekenza yemuura uye yepahuro, uye nguva ichangodarika akabatwa kenza yemazamu. Asi haambogunun’uni pamusoro peupenyu hwake kana kundipikisa semusoro wemhuri, asi anonditsigira. Anowanzobvunzwa kuti, “Chii chaita kuti muchembedzane muchifara sezvamunoita?” Anotaura zvikonzero zvina: “Tiri shamwari dzepamwoyo. Tinogara tichitaura tose zuva nezuva. Tinofarira kuva nenguva yakawanda tiri pamwe chete. Uye panopera zuva, hatimboendi kunorara takatsamwidzana. Ichokwadi kuti dzimwe nguva tinombogumburisana, asi tinoregererana tokanganwa nezvazvo, uye izvi takaona kuti zvinonyatsoshanda.”

“Vimba naJehovha nguva dzose uye tambira zvaanenge abvumira kuti zviitike”

Pamiedzo yose yatakasangana nayo, pane zvidzidzo zvakanaka zvakati kuti zvatakawana:

  1. Vimba naJehovha nguva dzose uye tambira zvaanenge abvumira kuti zviitike. Usambofa wakavimba nokunzwisisa kwako.—Zvir. 3:5, 6; Jer. 17:7.

  2. Tungamirirwa neShoko raJehovha, pasinei nekuti wasangana nei. Kuteerera Jehovha nemitemo yake kunokosha. Tinogona kungoita chinhu chimwe chete, kuteerera kana kuti kusateerera.—VaR. 6:16; VaH. 4:12.

  3. Kune chinhu chimwe chete chinokosha muupenyu, kuva nezita rakanaka naJehovha. Isa zvaanoda pekutanga muupenyu, kwete kutsvaka pfuma.—Zvir. 28:20; Mup. 7:1; Mat. 6:33, 34.

  4. Nyengetera kuti ukwanise kuita zvose zvaunogona mubasa raJehovha. Isa pfungwa dzako pane zvaunokwanisa kuita kwete zvausingakwanisi.—Mat. 22:37; 2 Tim. 4:2.

  5. Ziva kuti hapana rimwe sangano rinofarirwa naJehovha uye raanokomborera.—Joh. 6:68.

Mumwe nomumwe wedu ava nemakore anopfuura 75 achishumira Jehovha, uye tava nemakore 65 tichimunamata semurume nemudzimai. Tinofara chaizvo kuti takashumira Jehovha kwemakumi emakore ose aya. Tinoshuva uye tinonyengeterawo kuti hama dzedu dzose nehanzvadzi dzizvionere kuti Jehovha anotikomborera sei kana tikavimba naye.