Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA IRI PAKAVHA | NHEMA DZINOITA KUTI VANHU VASADA MWARI

Chokwadi Chinogona Kukusunungura

Chokwadi Chinogona Kukusunungura

Rimwe zuva ari muJerusarema, Jesu akanga achitaura nezvaBaba vake Jehovha, uye achifumura vatungamiriri vezvitendero zvenhema vepanguva iyoyo. (Johani 8:12-30) Zvaakataura ipapo zvinotidzidzisa kuti tingaongorora sei zvinodavirwa nevakawanda pamusoro paMwari mazuva ano. Jesu akati: “Kana mukaramba muri mushoko rangu, chokwadi muri vadzidzi vangu, muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.”—Johani 8:31, 32.

‘Rambai muri mushoko rangu.’ Pano Jesu anotiudza zvatinofanira kuita kuti tione kana zvinodzidziswa nezvitendero zviri zve“chokwadi.” Paunonzwa mashoko nezvaMwari, zvibvunze kuti, ‘Izvi zvinoenderana nemashoko aJesu uye nezvimwe zvinotaurwa neMagwaro Matsvene here?’ Tevedzera vaya vakanzwa muapostora Pauro achitaura avo ‘vainyatsoongorora Magwaro zuva nezuva [kuti vaone] kana zvinhu [zvavaidzidza] izvi zvakanga zvakadaro.’—Mabasa 17:11.

Marco, Rosa, naRaymonde, vane mashoko ari munyaya yokutanga mumagazini ino, vakanyatsoongorora zvavaitenda kuburikidza nokudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Vakadzidzei?

Marco: “Munhu akatidzidzisa Bhaibheri aishandisa Magwaro pakupindura mibvunzo yose yataibvunza nemudzimai wangu. Kuda kwatinoita Jehovha kwakatanga kuwedzera, uye takawedzera kudanana semurume nemudzimai!”

Rosa: “Pakutanga, ndaifunga kuti Bhaibheri ringori bhuku rinotaura mafungiro evanhu nezvekuti Mwari akaita sei. Asi, zvishoma nezvishoma ndakawana mhinduro dzemibvunzo yangu muBhaibheri. Iye zvino Jehovha ava munhu chaiye kwandiri. Munhu wandinogona kuvimba naye.”

Raymonde: “Ndakanyengetera kuna Mwari kuti andibatsire kudzidza nezvake. Pasina nguva, ini nemurume wangu takatanga kudzidza Bhaibheri. Takazodzidza chokwadi nezvaJehovha! Takafara zvikuru kudzidza kuti ndiMwari akaita sei.”

Bhaibheri haringofumuri nhema dzinotaurwa nezvaMwari chete, asiwo rinobudisa pachena chokwadi nezveunhu hwakanaka hwaainahwo. Bhaibheri iShoko rake rakafemerwa, uye rinotibatsira kuti “tizive zvinhu zvatakapiwa nomutsa naMwari.” (1 VaKorinde 2:12) Wadii wazvionera wega kuti Bhaibheri rinogona kupindura mibvunzo inokosha uye inobvunzwa nevakawanda nezvaMwari, chinangwa chake uye ramangwana redu? Verenga mhinduro dzemimwe yemibvunzo yacho paIndaneti pawww.pr418.com pakanzi “Zvinodzidziswa neBhaibheri > Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa.” Unogonawo kukumbira kudzidza Bhaibheri kune mumwe weZvapupu zvaJehovha kana kuti panzvimbo iyoyo yepaIndaneti. Tinovimba kuti kana ukadaro, uchaona kuti kuda Mwari kuri nyore zvikuru kupfuura zvawaifungidzira.