Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vafudzi, Tevedzerai Vafudzi Vakuru Vanopfuura Vose

Vafudzi, Tevedzerai Vafudzi Vakuru Vanopfuura Vose

“Kristu akakutambudzikirai, achikusiyirai muenzaniso kuti munyatsotevera tsoka dzake.”—1 PET. 2:21.

1, 2. (a) Chii chinoitika kana makwai achitarisirwa zvakanaka? (b) Nei vanhu vakawanda vemumazuva aJesu vaiita semakwai asina mufudzi?

MAKWAI anova noutano hwakanaka kana mufudzi achiatarisira zvakanaka. Rimwe bhuku rinotaura nezvekupfuya makwai rinoti, “munhu anoenda nemakwai kumafuro ongoasiya akadaro, mumakore mashomanana, anozoona makwai akawanda ava kurwara uye aondoroka.” Zvisinei, kana makwai akatarisirwa zvakanaka, anova noutano.

2 Kusimba kweungano kunoenderana nokuti vafudzi veboka raMwari vari kubata sei gwai rimwe nerimwe ravakanzi vatarisire. Zvimwe ungayeuka kuti Jesu akasiririswa nemapoka evanhu nokuti “vaibatwa zvisina kunaka uye vakanga vakapararira kufanana nemakwai asina mufudzi.” (Mat. 9:36) Nei vakanga vakaita semakwai asina mufudzi? Nokuti vaya vaifanira kuvadzidzisa Mutemo waMwari vaiva noutsinye, vachivaomesera uye vaiva nounyengeri. Pane kubatsira uye kutarisira makwai avo, vatungamiriri vechitendero vechiIsraeri vaiatakudza “mitoro inorema” pamapfudzi.—Mat. 23:4.

3. Vakuru vanofanira kuzivei pavanenge vachiita basa ravo rokufudza makwai aMwari?

3 Mazuva ano vafudzi vechiKristu, kureva vakuru vakagadzwa, vane basa rakakura. Makwai avanotarisira ndeaJehovha naJesu. Jesu akatozviti “mufudzi akanaka kwazvo.” (Joh. 10:11) Makwai iwayo “akatengwa” “neropa rinokosha” raJesu. (1 VaK. 6:20; 1 Pet. 1:18, 19) Jesu anoda makwai iwayo chaizvo zvokuti akatoafira. Vakuru vanofanira kugara vachiyeuka kuti vanongova vafudzi vaduku vari pasi peMwanakomana waMwari, Jesu Kristu, “mufudzi mukuru wemakwai.”—VaH. 13:20.

4. Munyaya ino tichakurukurei?

 4 Vafudzi vechiKristu vanofanira kubata sei makwai? Ungano inokurudzirwa ‘kuteerera vaya vari kutungamirira.’ Asiwo vakuru vechiKristu vanokurudzirwa kuti vasazviita “madzishe pane vaya vari nhaka yaMwari.” (VaH. 13:17; verenga 1 Petro 5:2, 3.) Saka vakuru vakagadzwa vangatungamirira sei boka vasingazviiti madzishe pariri? Kana kuti, vangatarisira sei makwai vasingashandisi zvisizvo simba ravakapiwa naMwari sevatariri?

“ACHAATAKURA PACHIPFUVA CHAKE”

5. Mashoko ari pana Isaya 40:11 anotidzidzisei nezvaJehovha?

5 Muprofita Isaya akataura nezvaJehovha achiti: “Achafudza makwai ake sezvinoita mufudzi. Achaunganidza makwayana noruoko rwake; uye achaatakura pachipfuva chake. Achanyatsotungamirira aya anoyamwisa.” (Isa. 40:11) Mashoko aya anoratidza kuti Jehovha anotarisira vashumiri vake vasina kusimba uye vanoda kudzivirirwa. Sezvinongoita mufudzi anoziva zvinodiwa negwai rimwe nerimwe uye anogara akagadzirira kubatsira, Jehovha anoziva zvinodiwa nevari muungano uye akagadzirira kuvabatsira. Mufudzi anogona kutakura gwayana richangoberekwa pachipfuva chake akariputira. Saizvozvowo, Jehovha, “Baba vengoni huru kwazvo,” achatitsigira panguva dzakaoma. Achatinyaradza patinenge tiri mumuedzo wakakura kana kuti patinenge tichida kunyanya kubatsirwa.—2 VaK. 1:3, 4.

6. Mukuru angatevedzera sei Jehovha pakufudza makwai?

6 Chokwadi, mufudzi wechiKristu anogona kudzidza chidzidzo chinokosha kuna Baba vedu vokudenga! Anofanira kugara achiona kuti makwai ari kudei sezvinoita Jehovha. Kana mukuru akaziva matambudziko anosangana nemakwai uye kuti ndezvipi zvinofanira kugadziriswa nokukurumidza, achakwanisa kuakurudzira uye kuabatsira. (Zvir. 27:23) Saka, mukuru anofanira kuwana nguva yokutaura nevaanonamata navo uye kunzwa zvavanotaura. Kunyange zvazvo asingapindiri pazvinhu zvisinei naye, ane hanya nezvaanoona kana kunzwa muungano uye anoedza “kubatsira vaya vasina simba.”—Mab. 20:35; 1 VaT. 4:11.

7. (a) Makwai aMwari aibatwa sei mumazuva aEzekieri naJeremiya? (b) Tingadzidzei pakuramba kwakaita Jehovha vafudzi vainge vasina kutendeka?

7 Funga zvaiitwa nevafudzi vakashorwa naMwari. Panguva yakararama Ezekieri naJeremiya, Jehovha akashora vafudzi vakanga vasiri kutarisira makwai ake nomazvo. Panguva iyoyo yavaisaatarisira, aidyiwa nemhuka dzomusango uye aipararira. Vainyima makwai zvokudya vachiabiridzira “vachingodya ivo voga.” (Ezek. 34:7-10; Jer. 23:1) Kunyange zvazvo mashoko aMwari okuramba kwaakaita vafudzi ivavo achishanda kuvatungamiriri vechiKristudhomu, vakuru vechiKristu vanogonawo kudzidza chimwe chinhu. Vanofanira kutarisira zvakanaka makwai aJehovha.

“NDAKUITIRAI MUENZANISO”

8. Jesu akaratidza sei muenzaniso wakanaka pakugadzirisa mafungiro asina kunaka?

8 Nemhaka yokuti takaberekwa tiine chivi, vamwe vangasanyatsonzwisisa zvavanotarisirwa kuita naJehovha. Vangatadza kuita zvisarudzo zvinoenderana nezano romuMagwaro kana kuti vangaita zvimwe zvinhu zvinoratidza kuti havana kukura pakunamata. Pakadaro vakuru  vanofanira kuitei? Vanofanira kutevedzera Jesu uyo aiitira vadzidzi vake mwoyo murefu pavaigara vachinetsana kuti ndiani wavo aizova mukuru muUmambo. Jesu haana kuvagumbukira asi akaramba achivadzidzisa uye achivapa zano rakanaka rokuti vazvininipise. (Ruka 9:46-48; 22:24-27) Paakageza tsoka dzavo, akavaratidza muenzaniso wokuzvininipisa uye vakuru vanofanirawo kuratidza unhu uhwu.—Verenga Johani 13:12-15; 1 Pet. 2:21.

9. Jesu akakurudzira vadzidzi vake kuva nemafungiro akaita sei?

9 Maonero aiita Jesu basa romufudzi wechiKristu akasiyana neakamboratidzwa naJakobho naJohani. Vaapostora vaviri ivavo vaida zvinzvimbo zvepamusoro muUmambo. Asi Jesu akavatsiura achiti: “Munoziva kuti machinda avahedheni anovaraira, navakuru vavo vanoita simba navo. Pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi ani naani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushumiri wenyu.” (Mat. 20:25, 26, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Vaapostora ava vaifanira kurwisa pfungwa yokuda kuzviita “madzishe” pane vamwe vavo, kana kuti ‘kuvaraira’ zvokuita.

10. Jesu anoda kuti vakuru vabate sei makwai, uye Pauro akaratidza sei muenzaniso panyaya iyi?

10 Jesu anoda kuti vakuru vechiKristu vabate makwai sezvaaiita. Vanofanira kuva nechido chokushumira hama dzavo kwete kuzviita vanatenzi. Muapostora Pauro aiva nemafungiro iwayo okuzvininipisa, nokuti akaudza varume vakuru veungano yeEfeso kuti: “Munonyatsoziva kuti kubvira pazuva rokutanga randakapinda muruwa rweEzhiya ndakanga ndinemi nguva yose, ndichishandira Ishe nepfungwa dzinozvininipisa kwazvo.” Muapostora uyu aida kuti vakuru ivavo vabatsire vamwe nomwoyo wose uye vachizvininipisa. Akati: “Ndakakuratidzai muzvinhu zvose kuti nokushanda nesimba zvakadaro munofanira kubatsira vaya vasina simba.” (Mab. 20:18, 19, 35) Pauro akaudza vaKorinde kuti akanga asiri tenzi wokutenda kwavo. Asi aizvininipisa uye aiva mushandi pamwe chete navo kuti vafare. (2 VaK. 1:24) Pauro akasiyira vakuru vemazuva ano muenzaniso wakanaka wokuzvininipisa uye wokushanda nesimba.

“BATISISA SHOKO RAKATENDEKA”

11, 12. Mukuru angabatsira sei waanonamata naye kuti aite chisarudzo?

11 Mukuru weungano anofanira kubatisisa “shoko rakatendeka” pakudzidzisa kwaanoita. (Tito 1:9) Asi anozviita “nounyoro.” (VaG. 6:1) Pane kumanikidza vaanonamata navo kuti vaite zvaanofunga, mufudzi wechiKristu akanaka anofunga nezvenzira dzinobatsira dzaangashandisa kubaya mwoyo yavo. Somuenzaniso, mukuru angakurukura nehama mazano omuMagwaro ainofanira kufunga nezvawo painenge ichiedza kuita chisarudzo chinokosha. Angakurukura nayo zvimwe zvinotaurwa nemabhuku edu panyaya yacho. Anogonawo kukurudzira hama yacho kuti ifunge kuti zvisarudzo zvakasiyana-siyana zvainogona kuita zvingaita sei paukama hwayo naJehovha. Mukuru wacho angasimbisa kukosha kwazvinoita kunyengetera uchitsvaka kutungamirirwa naMwari usati waita chisarudzo. (Zvir. 3:5, 6) Paanenge akurukura nehama seizvi, mukuru achairega ichizvisarudzira zvokuita.—VaR. 14:1-4.

12 Simba revatariri vechiKristu rinongobva muMagwaro chete. Saka zvinokosha kuti vashandise Bhaibheri nounyanzvi  uye kuita zvarinotaura. Kuita izvi kunovabatsira kuti vasashandisa simba ravo zvisizvo. Vakuru vanongova vafudzi vaduku uye mumwe nomumwe ari muungano achazvidavirira kuna Jehovha naJesu pazvisarudzo zvaanoita.—VaG. 6:5, 7, 8.

“MIENZANISO KUBOKA”

Vakuru vanobatsira mhuri dzavo kugadzirira basa rokuparidza (Ona ndima 13)

13, 14. Mukuru anofanira kuva muenzaniso kuboka pazvinhu zvipi?

13 Pashure pokunge muapostora Petro arayira varume vakuru veungano kuti ‘vasazviita madzishe’ pahama dzavo, akavakurudzira kuti vave “mienzaniso kuboka.” (1 Pet. 5:3) Mukuru angava sei muenzaniso kuboka? Funga zvimwe zvinhu zviviri zvinofanira kuitwa nemurume anenge “achitsvaka kuva mutariri.” Chokutanga, anofanira kunge aine “pfungwa dzakanaka.” Kuva nepfungwa dzakanaka zvinoreva kuti anofanira kunzwisisa zvakajeka zvinotaurwa neShoko raMwari uye kuti anozvishandisa sei muupenyu hwake. Anofanira kuva munhu akadzikama, asingamhanyiri kuita zvisarudzo. Chechipiri, anofanira ‘kutungamirira imba yake zvakanaka.’ Kana mukuru aine mhuri, anofanira kuitungamirira zvakanaka nokuti “chokwadi kana murume chero upi zvake asingagoni kutungamirira imba yake, achatarisira sei ungano yaMwari?” (1 Tim. 3:1, 2, 4, 5) Kana vari muungano vakaona zvinhu izvi pavakuru, vachavimba navo.

14 Vatariri vanoratidzawo muenzaniso wakanaka kune vavanonamata navo pavanotungamirira mubasa romumunda. Jesu akaratidza muenzaniso wakanaka kuvatariri panyaya iyi. Paaiva pasi pano, ainyanya kukoshesa basa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo. Akaratidza vadzidzi vake maitirwo ebasa racho. (Mako 1:38; Ruka 8:1) Mazuva ano, vaparidzi vanokurudzirwa chaizvo pavanoparidza pamwe chete nevakuru, pavanoona vakuru vachishingaira mubasa iri rinoponesa vanhu uye pavanodzidza pamadzidzisiro avo! Vatariri pavanoshingaira vachizvipira kushandisa nguva yavo nesimba ravo mubasa rokuparidza mashoko akanaka pasinei nokuti vakabatikana chaizvo, ungano yose inokurudzirwa kuti ishingairewo. Vakuru vanogonawo kuratidza muenzaniso wakanaka kuhama dzavo nokugadzirira uye kupindura pamisangano uye kuita mamwe mabasa akadai sokuchenesa uye kugadziridza Imba yoUmambo.—VaEf. 5:15, 16; verenga VaHebheru 13:7.

Vatariri vanoratidza muenzaniso pavanoita basa romumunda (Ona ndima 14)

“TSIGIRAI VASINA SIMBA”

15. Ndezvipi zvimwe zvinoita kuti vakuru vashanyire hama dzavo vachidzifudza?

15 Mufudzi akanaka anokurumidza kubatsira gwai rinenge rakuvara kana kuti rinenge richirwara. Vakuru vanofanirawo kukurumidza kubatsira vaya vari  muungano vari kutambura kana kuti vari kuda kubatsirwa pakunamata. Vakwegura uye vanorwara vangada kubatsirwa pamatambudziko avanosangana nawo zuva nezuva, asi vanofanira kunyanya kubatsirwa pakunamata uye kukurudzirwa. (1 VaT. 5:14) Vechiduku vari muungano vangava vachirwisana ‘nokuchiva kwouduku.’ (2 Tim. 2:22) Saka kufudza kunoitwa nevakuru kunosanganisira kugara vachishanyira vavanonamata navo nechinangwa chokunzwisisa zvavari kusangana nazvo uye kuvakurudzira nemazano akakodzera omuMagwaro. Kana vakuru vakakurumidza kubatsira vavanonamata navo, matambudziko avanenge vanawo achagadziriswa asati anyanya kukura.

16. Kana mumwe munhu ari muungano achida kubatsirwa pakunamata, vakuru vangaitei?

16 Zvakadini kana mumwe munhu ari muungano aine matambudziko akakura zvokuti utano hwake pakunamata hunova pangozi? Munyori weBhaibheri Jakobho akati: “Pane munhu anorwara pakati penyu here? Ngaashevedze varume vakuru veungano, uye ngavamunyengeterere, vachimuzora mafuta vachishandisa zita raJehovha. Munyengetero wokutenda uchaporesa murwere, uye Jehovha achamumutsa. Uyewo, kana akaita zvivi, achakanganwirwa.” (Jak. 5:14, 15) Kunyange kana munhu anorwara pakunamata akarega ‘kushevedza varume vakuru,’ ivo vanofanira kukurumidza kumubatsira pavanongoziva nezvedambudziko rake. Kana vakuru vakabatsira hama dzavo uye vakanyengetera nadzo kana kuti vakadzinyengeterera, dzinobva dzarerukirwa uye dzakurudzirwa.—Verenga Isaya 32:1, 2.

17. Chii chinoitika kana vakuru vakatevedzera “mufudzi mukuru”?

17 Vafudzi vechiKristu vanoedza kutevedzera “mufudzi mukuru,” Jesu Kristu, pane zvose zvavanoita musangano raJehovha. Kubatsira kunoita vafudzi makwai kunoita kuti asimbe pakunamata. Izvi zvose zvinoita kuti tionge uye tirumbidze Mufudzi wedu asina mumwe waakaenzana naye, Jehovha.