Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA IRI PAKAVHA | MWARI ANOKOSHA HERE MUUPENYU HWEDU?

Nei Pachimuka Mubvunzo Uyu?

Nei Pachimuka Mubvunzo Uyu?

“Uri mumwe wevaya vasingatendi kuti kuna Mwari here? Kune mamiriyoni akaita sewe.” Mashoko aya aiva pachikwangwani chakaiswa munguva pfupi ichangopfuura nerimwe boka revanhu vasingatendi kuti kuna Mwari. Zviri pachena kuti vanoona sokuti Mwari haana basa muupenyu hwavo.

Ukuwo pavanhu vanoti vanotenda muna Mwari, vakawanda vacho havatombofungi nezvake pavanosarudza zvokuita muupenyu hwavo. Mumwe mukuru wemabhishopu echechi yeRoma anonzi Salvatore Fisichella akataura nezvevanhu vomuchechi yake achiti: “Pari zvino hapana kana angamboziva kuti tiri vaKristu, nokuti mararamiro edu akangofanana neevanhu vasingatendi.”

Vamwe vane zvakawanda zvokuita zvokuti havatombofungi nezvaMwari. Vanoona sokuti hazviiti kuti Mwari ave pedyo navo kana kuti haana kana chine musoro chaangaita muupenyu hwavo. Vangatofunga nezvaMwari chete kana vaine dambudziko kana kuti vachida chimwe chinhu, zvichiita sokuti Mwari muranda wavo anongofanira kuita zvavanenge vachida.

Vamwe havararami maererano nezvinodzidziswa muzvitendero zvavo, pamwe nemhaka yokuti vanoona sezvisingabatsiri. Somuenzaniso, vanhu vechechi yeRoma vanosvika 76 muzana (76%) vokuGermany vanotenda kuti hazvina kuipa kuti murume nemukadzi vagare pamwe chete vasina kuroorana, anova maonero anopesana nezvinodzidziswa nechechi yavo uye neBhaibheri. (1 VaKorinde 6:18; VaHebheru 13:4) Ichokwadi kuti chechi yeRoma haisi yoga ine vanhu vanorarama zvinopesana nezvavanodzidzisa. Vafundisi vezvitendero zvakawanda vanochema-chemawo kuti vanhu vezvitendero zvavo vanorarama sezvinoita “vasingatendi kuti kuna Mwari.”

Zvose izvi zvinoita kuti tive nemubvunzo wokuti: Mwari ane basa here muupenyu hwedu? Nyaya iyi haisi itsva. Yakatanga kutaurwa nezvayo mumapeji okutanga eBhaibheri. Kuti tiwane mhinduro, ngatimboongororai nyaya dzakamutswa dziri mubhuku reBhaibheri raGenesisi.