Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA IRI PAKAVHA | KANA MUNHU AFA ZVATOPERA HERE?

Kuedza Kwevanhu Kukunda Rufu

Kuedza Kwevanhu Kukunda Rufu

MAMBO QIN SHI HUANG

MUTSVAKURUDZI PONCE DE LEÓN

Rufu muvengi anotyisa. Tinoita zvose zvatinogona kuti tirukunde. Zvingatiomera chaizvo kubvuma kana munhu watinoda afa. Kana kuti patinenge takagwinya tichiri vaduku, tingagara tichizvinyepera nefungidziro dzokuti hatisi kuzofa.

VanaFarao vekare vaiva pamberi panyaya yokuda kurarama nokusingaperi. Vakapedza nguva yakawanda youpenyu hwavo uye hwezviuru zvevashandi vavo vachiedza kukunda rufu. Mapiramidhi avakavaka anoratidza kushanda nesimba kwavaiita vachiedza kuti vararame nokusingaperi, uyewo kukundikana kwavakaita.

Madzimambo ekuChina akaedzawo kuti ararame nokusingaperi, asi aiita zvakasiyana navanaFarao, nokuti ainwa misanganiswa yezvinhu zvakasiyana-siyana. Mambo ainzi Qin Shi Huang akarayira kuti masayendisiti ake atsvage mushonga waizoita kuti arege kufa. Asi mimwe misanganiswa yavo yakawanda yaiva nemuchetura, uye zvingangodaro kuti akaurayiwa nemumwe wemisanganiswa yacho.

Muna 1513, mumwe mutsvakurudzi wekuSpain ainzi Juan Ponce de León akatenderera mugungwa reCaribbean achitsvaka tsime remvura yaizoita kuti ararame nokusingaperi. Paaitsvaka tsime iri, akasvika munzvimbo iri muU.S.A., yaakapa zita rokuti Florida, asi akazofa makore mashomanana pashure pokurwisana nezvizvarwa zvokuAmerica. Zvisinei, hapana tsime rine mvura inoita kuti vanhu vararame nokusingaperi rakambowanika.

VanaFarao, madzimambo, uye vatsvakurudzi, vose vaitsvaka kukunda rufu. Uye ndiani wedu angashora zvavaiedza kuita kunyange zvazvo tingasafarira nzira dzavaishandisa? Kunenge kuti tose zvedu hatidi kufa.

TINGAKUNDA RUFU HERE?

Nei tisingadi kufa? Bhaibheri rinotsanangura chikonzero chacho. Rinotaura nezveMusiki wedu, Jehovha Mwari, * richiti: “Akaita zvinhu zvose zvakanaka  panguva yazvo. Akaisawo nguva isingagumi mumwoyo mavo [vanhu].” (Muparidzi 3:11) Tinoda kurarama panyika tichinakidzwa nokusingaperi, kwete kwemakore 80 chete. (Pisarema 90:10) Ndizvo zvatinoshuva mumwoyo.

Mwari akaisirei “nguva isingagumi” mumwoyo medu? Akazviitira kuti angotirwadzisa here? Izvozvo hazvina musoro. Asi Mwari anotivimbisa kuti rufu ruchapera. Bhaibheri rinotaura kakawanda nezvekubviswa kuchaitwa rufu uye vimbiso yaMwari yokupa vanhu upenyu husingaperi.—Ona bhokisi rakanzi,  “Kukunda Rufu.”

Jesu Kristu pachake akataura zvakajeka kuti: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Izvi zvinoratidza kuti rufu ruchapera. Asi Jesu anoratidza kuti Mwari chete ndiye anogona kukunda rufu.

^ ndima 9 Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.