Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rumbidzai Kristu—Mambo Anokudzwa!

Rumbidzai Kristu—Mambo Anokudzwa!

“Enda ubudirire [ukunde] nokubwinya kwako.”—PIS. 45:4.

1, 2. Nei Pisarema 45 richikosha kwatiri?

MAMBO anokudzwa anotasva bhiza rake nokuda kwechokwadi nokururama uye anoenda kunokunda vavengi vake. Paanokunda vavengi vake kekupedzisira, anobva achata nemwenga akanaka chaizvo. Zvizvarwa zvose zvinotevera zvinoramba zvichiyeuka mambo wacho uye zvichimurumbidza. Iroro ndiro dingindira rePisarema 45.

2 Kunyange zvazvo Pisarema 45 riine nyaya inonakidza, tinowana zvidzidzo zvinokosha muzviitiko zviri imomo. Zviitiko izvozvo zvine chokuita neupenyu hwedu iye zvino, uye ramangwana redu. Saka ngatinyatsoongororei pisarema iri.

“MWOYO WANGU WATUTUMA NENYAYA YAKANAKA”

3, 4. (a) Ndeipi “nyaya yakanaka” inokosha kwatiri, uye inoita kuti mwoyo wedu uite sei? (b) Nei tichiti “mabasa edu,” kana kuti rwiyo rwedu, rune “chokuita namambo” uye rurimi rwedu rwunoita sei sechinyoreso?

3 Verenga Pisarema 45:1. “Nyaya yakanaka” iyo yakabaya mwoyo wemunyori wepisarema uye yakaita kuti ‘ututume,’ yaiva nechokuita namambo. Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti ‘kututuma’ raireva “kufashaira.” Nyaya iyi yakaita kuti mwoyo wemunyori wepisarema ufashaire nechido uye yakaita  kuti rurimi rwake ruite se“chinyoreso chomukopi ane unyanzvi.”

4 Zvakadini nesu? Mashoko akanaka oUmambo hwaMesiya inyaya yakanaka inotibaya mwoyo. Mashoko oUmambo akawedzera ‘kunaka’ muna 1914. Kubva ipapo, mashoko acho haachatauri kuti Umambo uhwu huchauya asi kuti yatova hurumende iri kutonga kudenga iye zvino. Aya ndiwo “mashoko akanaka oUmambo” atiri kuparidza “munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose.” (Mat. 24:14) Mwoyo wedu ‘unotutumawo’ here nemashoko oUmambo? Tinoshingaira kuparidza mashoko akanaka oUmambo here? Kungofanana nemunyori wepisarema, “mabasa edu,” kana kuti rwiyo rwedu rune “chokuita namambo” wedu Jesu Kristu. Tinozivisa kuti Jesu akagadzwa kudenga kuti ave Mambo Mesiya. Uyewo tinokoka vanhu vose, vachatonga naJesu uye vanotongwa vacho kuti vazviise pasi pake. (Pis. 2:1, 2, 4-12) Rurimi rwedu runoitawo se“chinyoreso chomukopi ane unyanzvi” pakuti tinoshandisa zvakanyanya Bhaibheri mubasa redu rokuparidza.

Tinozivisa mashoko akanaka nezvaMambo wedu Jesu Kristu tichifara

‘MIROMO YAMAMBO INOTAURA ZVINE NYASHA’

5. (a) Jesu ainge “akanaka” pakuti kudii? (b) Miromo yaMambo yaitaura zvine nyasha sei, uye tingamutevedzera sei?

5 Verenga Pisarema 45:2. Magwaro haatauri zvakawanda nezvechitarisiko chaJesu. Jesu akanga akakwana, saka anofanira kunge aiva “akanaka.” Zvisinei, kunaka kwake kwainyanya kukosha ndekwokuti aiva akatendeseka uye akaperera kuna Jehovha. Uyewo, Jesu aitaura zvine “nyasha” paaiparidza mashoko oUmambo. (Ruka 4:22; Joh. 7:46) Paunoita basa rokuparidza, unoedza here kumutevedzera nokutaura mashoko anobaya mwoyo yevanhu?—VaK. 4:6.

6. Mwari akakomborera sei Jesu “nokusingagumi”?

6 Nemhaka yokuti Jesu akanga akazvipira nemwoyo wose, Jehovha akamukomborera paaiita ushumiri hwake panyika uye akamupa mubayiro pashure pokunge amutswa. Muapostora Pauro akanyora kuti: “[Jesu] paakazviwana ava somunhu, akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, chokwadi, rufu padanda rokutambudzikira. Nokuda kwechikonzero ichochiwo Mwari akamukwidziridza kunzvimbo yepamusoro, akamupa nomutsa zita rinopfuura mamwe mazita ose, kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, evaya vari kudenga nevaya vari panyika nevaya vari pasi pevhu, uye kuti rurimi rwose rubvume pachena kuti Jesu Kristu ndiIshe kuti Mwari Baba vakudzwe.” (VaF. 2:8-11) Jehovha akakomborera Jesu “nokusingagumi” nokumumutsa kuti ararame asingafi.—VaR. 6:9.

MAMBO ANOITWA MUKURU ‘KUPFUURA VAMWE VAKE’

7. Mwari akazodza Jesu ‘kupfuura vamwe vake’ pakuti kudii?

7 Verenga Pisarema 45:6, 7. Kuda kwaiita Jesu kururama uye kuvenga kwaaiita chero chinhu chaigona kuzvidzisa Baba vake ndiko kwakaita kuti Jehovha amuzodze kuti ave Mambo Mesiya. Jesu akazodzwa “nemafuta okupembera nomufaro kupfuura vamwe” vake, kureva madzimambo aJudha edzinza raDhavhidhi. Pakuti kudii? Pakuti  akazodzwa naJehovha pachake. Uyewo, Jehovha akamuzodza kuti ave Mambo uye Mupristi Mukuru. (Pis. 2:2; VaH. 5:5, 6) Kuwedzera pane izvozvo, Jesu haana kuzodzwa nemafuta asi nemudzimu mutsvene, uye umambo hwake hahusi hwepanyika asi ndehwokudenga.

8. Nei zvinganzi ‘Mwari ndiye chigaro choumambo chaJesu,’ uye nei tingava nechokwadi chokuti umambo hwake hwakarurama?

8 Muna 1914, Jehovha akagadza Mwanakomana wake kuti ave Mambo Mesiya kudenga. ‘Tsvimbo youmambo hwake itsvimbo yokururama,’ saka tine chokwadi chokuti utongi hwake hwakarurama uye anobata vose zvakaenzana. Utongi hwake huri pamutemo nokuti ‘Mwari ndiye chigaro chake choumambo.’ Izvi zvinoreva kuti Jehovha ndiye akatanga umambo hwaJesu. Uyewo, chigaro choumambo chaJesu chicharamba chiripo “nokusingaperi.” Haufari here kushumira Jehovha uchitungamirirwa naMambo waakagadza ane simba zvakadaro?

MAMBO ‘ANOSUNGIRA BAKATWA RAKE’

9, 10. (a) Kristu akasungira bakatwa rake rini, uye akabva arishandisa sei? (b) Kristu achashandisazve sei bakatwa rake?

9 Verenga Pisarema 45:3. Jehovha paanorayira Mambo kuti ‘asungire bakatwa rake pachidya chake’ anenge achitopa Jesu mvumo yokurwisa vose vanopikisa uchangamire hwaMwari uye kuvaparadza. (Pis. 110:2) Kristu anonzi “ane simba” nokuti ndiMambo anorwa asingakundiki. Akasungira bakatwa rake muna 1914 uye akakunda Satani nemadhimoni ake, akavakanda panyika.—Zvak. 12:7-9.

10 Uku kwaingova kukunda kwokutanga kwaMambo. Asi anofanira ‘kupedzisa kukunda kwake.’ (Zvak. 6:2) Jehovha anoda kuti Mambo uyu aparadze nyika yaSatani uye kuti Satani nemadhimoni ake vashaye simba. Chichatanga kuparadzwa iBhabhironi Guru, mubatanidzwa wezvitendero zvenhema zvose. Jehovha anoda kuti “hure” iri rakaipa riparadzwe nevezvematongerwo enyika. (Zvak. 17:16, 17) Mambo achabva aparadza masangano aSatani ezvematongerwo enyika. Kristu, uyo anonziwo “ngirozi yegomba rakadzikadzika,” achabva apedzisa kukunda kwake nokukanda Satani nemadhimoni ake mugomba rakadzikadzika. (Zvak. 9:1, 11; 20:1-3) Ngationei kuti Pisarema 45 rakaprofita sei zviitiko izvi.

MAMBO ANOTASVA BHIZA RAKE “NOKUDA KWECHOKWADI”

11. Kristu anotasva sei ‘bhiza rake nokuda kwechokwadi’?

11 Verenga Pisarema 45:4. Mambo haarwi kuti awane nzvimbo dzokutonga uye kuti awane vanhu vokutonga. Anorwa hondo yokururama aine chinangwa chakanaka. Anotasva bhiza rake “nokuda kwechokwadi nokuzvininipisa nokururama.” Uchangamire hwaJehovha ndicho chokwadi chinonyanya kukosha chaanofanira kudzivirira. Satani paakapanduka, akaramba kuti Jehovha ndiye ane nekodzero yokutonga. Kubvira ipapo, chokwadi ichocho chinokosha chave chichirambwa nemadhimoni uye vanhu. Iye zvino yava nguva yokuti Mambo akazodzwa naJehovha atasve bhiza rake kekupedzisira kuti atsigire chokwadi chokuti uchangamire hwaJehovha hwakarurama.

12. Mambo anotasva sei bhiza rake ‘nokuda kwokuzvininipisa’?

12 Mambo anotasvawo bhiza rake ‘nokuda kwokuzvininipisa.’ Zvaari Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga, Jesu akaratidza muenzaniso wakanaka wokuzvininipisa uye wokuvimbika kuuchangamire hwaBaba vake. (Isa. 50:4, 5; Joh. 5:19) Vanhu vose vakavimbika kuna Jesu vanofanira kumutevedzera vozviisa  pasi pouchangamire hwaJehovha vachizvininipisa. Vaya chete vanodaro ndivo vachabvumirwa kurarama munyika itsva yakavimbiswa naMwari.—Zek. 14:16, 17.

13. Kristu anotasva sei bhiza rake ‘nokuda kwokururama’?

13 Kristu anotasvawo bhiza rake ‘nokuda kwokururama.’ Mambo anodzivirira “kururama kwaMwari,” kureva zvinhu zvinonzi naJehovha zvakarurama kana kuti zvakaipa. (VaR. 3:21; Dheut. 32:4) Isaya akaprofita nezvaMambo Jesu Kristu kuti: “Mambo achatonga kuti pave nokururama.” (Isa. 32:1) Utongi hwaJesu ndihwo huchaita kuti pave ne“matenga matsva nenyika itsva” uye “kururama kuchagara mazviri.” (2 Pet. 3:13) Munhu wose achagara munyika itsva achatarisirwa kuti ararame maererano nemitemo yaJehovha.—Isa. 11:1-5.

MAMBO ANOITA “ZVINHU ZVINOTYISA”

14. Ruoko rworudyi rwaKristu ruchaita sei “zvinhu zvinotyisa”? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

14 Mambo uyu zvaakatasva bhiza rake ane bakatwa rakasungirwa pachidya chake. (Pis. 45:3) Asi nguva inosvika yokuti avhomore bakatwa rake orishandisa neruoko rwake rworudyi. Munyori wepisarema akaprofita kuti ruoko rwaMambo rworudyi rwaizoita “zvinhu zvinotyisa.” (Pis. 45:4) Jesu Kristu achaita “zvinhu zvinotyisa” paachatasva bhiza rake kuti aparadze vavengi vake paAmagedhoni. Hatizivi kuti achashandisei kuti aparadze nyika yaSatani. Asi zvaachaita izvozvo zvichatyisa chaizvo vanhu vari panyika vasina kuteerera nyevero yaMwari yokuti vazviise pasi poutongi hwaMambo. (Verenga Pisarema 2:11, 12.) Jesu paaiprofita nezvenguva yomugumo, akataura kuti vanhu vaizopera “simba nokutya uye nokutarisira zvinhu zvinouya pamusoro penyika inogarwa; nokuti masimba okudenga achazununguswa.” Akawedzerawo kuti: “Panguva iyoyo vachaona Mwanakomana womunhu achiuya ari mugore aine simba nokubwinya kukuru.”—Ruka 21:26, 27.

15, 16. “Mauto” okudenga achange achitevera Kristu muhondo ndivanani?

15 Bhuku raZvakazarurwa rinozivisa kuuya kwaMambo ne“simba nokubwinya kukuru” kuti azoparadza vavengi vaMwari richiti: “Zvino ndakaona denga rakavhurika, uye, tarira! kwaiva nebhiza jena. Akanga akaritasva anonzi Akatendeka uye weChokwadi, anotonga uye anorwa zvakarurama. Uyewo, mauto akanga ari kudenga akanga achimutevera akatasva mabhiza machena, uye akanga akapfeka nguo yerineni chena, yakachena, yakanaka kwazvo. Mumuromo make makabuda bakatwa refu rakapinza, kuti ateme marudzi naro, uye achaafudza netsvimbo yesimbi. Iye anotsikawo chisviniro chewaini yokutsamwa kwehasha dzaMwari Wemasimbaose.”—Zvak. 19:11, 14, 15.

16 “Mauto” okudenga achange achitevera Kristu muhondo ndivanani? Jesu aiva “nengirozi dzake” paakatanga kusungira bakatwa rake kuti adzinge Satani nemadhimoni ake kudenga. (Zvak. 12:7-9) Saka zvinoita sezvine musoro kugumisa kuti pahondo yeAmagedhoni, mauto aKristu achasanganisira ngirozi tsvene. Pane vamwe vachange vari mumauto iwayo here? Jesu akavimbisa hama dzake dzakazodzwa kuti: “Anokunda ochengeta mabasa angu kusvikira pakuguma ndichamupa simba pamusoro pemarudzi, rakafanana nerandakagamuchira kubva kuna Baba vangu, uye achafudza vanhu netsvimbo yesimbi zvokuti vachaputswa-putswa semidziyo yevhu.” (Zvak. 2:26, 27) Saka mauto aKristu okudenga achasanganisirawo hama dzake dzakazodzwa, dzichange dzawana mubayiro wadzo wokudenga. Vakazodzwa vaachatonga  navo vachange vainaye paachaita “zvinhu zvinotyisa” achifudza marudzi netsvimbo yesimbi.

MAMBO ANOPEDZISA KUKUNDA KWAKE

17. (a) Chii chinomirirwa nebhiza jena rakatasvwa naKristu? (b) Bakatwa neuta zvinomirirei?

17 Verenga Pisarema 45:5. Mambo akatasva bhiza jena, iro rinomirira hondo yakachena uye yakarurama mukuona kwaMwari. (Zvak. 6:2; 19:11) Mambo wacho ane bakatwa uyewo uta. Tinoverenga kuti: “Ndakaona, uye, tarira! bhiza jena; uye akanga akaritasva akanga aine uta; akapiwa korona, uye akabuda achikunda kuti apedzise kukunda kwake.” Bakatwa neuta zvinomirira nzira ichashandiswa naKristu kuparadza vavengi vake.

Shiri dzichashevedzwa kuti dziuye kuzochenesa nyika (Ona ndima 18)

18. “Miseve” yaKristu ichange “yakapinza” pakudii?

18 Achishandisa mutauro wokufananidzira, munyori wepisarema akaprofita kuti ‘miseve yaMambo yakapinza yaizobaya mumwoyo yevavengi vake,’ uye yaizoita kuti ‘marudzi awire pasi pake.’ Kuparadza kwacho kuchaitika pasi pose. Uprofita hwaJeremiya hwakataura kuti: “Vaya vachaurayiwa naJehovha vachavapo pazuva iroro kubvira kumugumo wenyika kusvikira kune mumwe mugumo wenyika.” (Jer. 25:33) Uprofita hwakafanana nouhwu hwakati: “Ndakaonawo ngirozi imire muzuva, uye yakashevedzera nenzwi guru ikati kushiri dzose dzinobhururuka pakati pedenga: ‘Uyai kuno, muungane pakudya kukuru kwemanheru kwaMwari, kuti mudye nhengo dzine nyama dzemadzimambo nenhengo dzine nyama dzevatungamiriri vehondo nenhengo dzine nyama dzevanhu vakasimba nenhengo dzine nyama dzemabhiza nedzevaya vanoatasva, nenhengo dzine nyama dzevanhu vose, dzevanhu vakasununguka nedzevaranda nedzevaduku nedzevakuru.’”—Zvak. 19:17, 18.

19. Kristu ‘achaenda’ uye achapedzisa sei kukunda kwake?

19 Paachange aparadza nyika yakaipa yaSatani, Kristu ‘achaenda kuti akunde nokubwinya kwake.’ (Pis. 45:4) Achapedzisa kukunda kwake nokukanda Satani nemadhimoni ake mugomba rakadzikadzika munguva yose yoKutonga Kwemakore Ane Chiuru. (Zvak. 20:2, 3) Dhiyabhorosi nengirozi dzake pavachange vasisina zvavanokwanisa kuita sokunge kuti vafa, vanhu vanogara panyika vachange vasingachatsauswi naSatani uye vachanyatsozviisa pasi paMambo wavo anokunda uye anokudzwa. Zvisinei, nyika isati yachinjwa zvishoma nezvishoma kuti ive paradhiso, pachava nechimwe chiitiko chichaita kuti vafare pamwe chete naMambo wavo nevaanotonga navo kudenga. Munyaya inotevera, tichakurukura nezvechiitiko ichi chinofadza.