Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anotipa Zvatinoda Uye Anotidzivirira

Jehovha Anotipa Zvatinoda Uye Anotidzivirira

“Nokuti akandida kwazvo, ndichamupukunyutsawo. Ndichamudzivirira nokuti ava kuziva zita rangu.”—PIS. 91:14.

1, 2. Mamiriro ezvinhu emhuri dzatakabva akasiyana zvakadii uye mawaniro atakaita chokwadi akasiyanawo sei?

JEHOVHA ndiye akatanga urongwa hwemhuri. (VaEf. 3:14, 15) Kunyange zvazvo tingava mumhuri imwe chete, tine unhu hwakasiyana uye mamiriro ezvinhu akasiyana. Zvichida waigara nevabereki vako kubva uchiri muduku kusvika wakura. Vamwe vangava vakafirwa nevabereki vavo nemhaka yokurwara, tsaona, kana kuti rimwewo dambudziko. Kunewo vamwe vasingatombozivi vabereki vavo.

2 Vanhu vari mumhuri yevanamati vaJehovha vakawanawo chokwadi nenzira dzakasiyana. Zvichida wakarerwa mumhuri yeZvapupu, uye vabereki vako vakakudzidzisa mitemo yaMwari. (Dheut. 6:6, 7) Kana kuti ungave uri mumwe wevanhu vane zviuru vakadzidza chokwadi vaita zvokuparidzirwa nevashumiri vaJehovha.—VaR. 10:13-15; 1 Tim. 2:3, 4.

3. Tose takafanana pachii?

3 Pasinei nokusiyana ikoko, tine zvimwe zvinhu zvatakafanana. Tose tine chivi uye tinofa nemhaka yokusateerera kwaAdhamu. (VaR. 5:12) Kunyange zvakadaro, sevanamati vechokwadi  tinoona Jehovha sa“Baba vedu.” Isaya 64:8 inotaura kuti vanhu vaMwari vekare vaiti nezvaJehovha: “Haiwa Jehovha, imi muri Baba vedu.” Uyewo, Jesu akatanga munyengetero wake wokuenzanisira nemashoko okuti: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.”—Mat. 6:9.

4, 5. Chii chatichakurukura chichatibatsira kuti tiwedzere kuda kwatinoita Baba vedu Jehovha?

4 Baba vedu vokudenga vanotitarisira uye vanotidzivirira sevanhu vanodana zita ravo nokutenda. Munyori wepisarema akataura kuti Jehovha akati: “Nokuti [munamati wechokwadi] akandida kwazvo, ndichamupukunyutsawo. Ndichamudzivirira nokuti ava kuziva zita rangu.” (Pis. 91:14) Chokwadi Jehovha Mwari anotipukunyutsa pavavengi vedu uye anotidzivirira sevanhu vake kuti tisatsakatiswe.

5 Kuti tiwedzere kuda kwatinoita Baba vedu vokudenga, ngatikurukurei zvinhu izvi zvitatu zvinokosha: (1) Baba vedu vanotipa zvatinoda. (2) Jehovha Mudziviriri wedu. (3) Mwari iShamwari yedu yepamwoyo. Patinenge tichikurukura zvinhu izvi, zvakanaka kuti tifungisise nezveukama hwedu naMwari uye kuti tingamukudza sei saBaba vedu. Zvakanakawo kuti tifungisise nezvemakomborero ayo Jehovha achapa vaya vanoswedera pedyo naye.—Jak. 4:8.

JEHOVHA ANOPA KUPFUURA VOSE

6. Jehovha anoratidza sei kuti Mupi we“zvipo zvose zvakanaka”?

6 Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Zvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana zvinobva kumusoro, nokuti zvinoburuka zvichibva kuna Baba vezviedza zvokudenga.” (Jak. 1:17) Upenyu pachahwo chipo chinoshamisa chatakapiwa naJehovha. (Pis. 36:9) Kana tikararama tichiita kuda kwaMwari, tinowana makomborero akawanda iye zvino uye tichazorarama nokusingaperi munyika itsva. (Zvir. 10:22; 2 Pet. 3:13) Asi izvozvo zvingaitika sei isu tiine matambudziko akakonzerwa nokusateerera kwaAdhamu?

7. Mwari akaitei kuti tikwanise kuva noukama hwepedyo naye?

7 Chokwadi Jehovha anotipa zvinhu zvakawanda chaizvo. Somuenzaniso, akatinunura nemhaka yomutsa wake usina kukodzera kuwanwa. Tose tinotadza uye takaberekwa tiine chivi chakabva kuna baba vedu vokutanga vepanyika. (VaR. 3:23) Kunyange zvakadaro, nemhaka yorudo rwake, Jehovha akaita urongwa hwokuti tikwanise kuva noukama hwepedyo naye. Muapostora Johani akanyora kuti: “Neizvi rudo rwaMwari rwakaratidzwa pachena kwatiri, kuti Mwari akatuma Mwanakomana wake munyika, iye akaberekwa ari mumwe oga, kuti tiwane upenyu pachishandiswa iye. Rudo ruri pachinhu ichi, kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye akatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chokuyananisira zvivi zvedu.”—1 Joh. 4:9, 10.

8, 9. Munguva yaAbrahamu naIsaka, Jehovha akaratidza sei kuti anopa kupfuura chero ani zvake? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

8 Mumakore okuma1800 B.C.E., pane zvakaitika zvairatidza rudo rwakadzama rwaizoratidzwa naJehovha kuti vanhu vanoteerera vawane upenyu husingaperi. VaHebheru 11:17-19 inoti: “Nokutenda Abrahamu, paakaedzwa, akaita sokunge akanga atobayira Isaka, uye munhu akanga agamuchira zvipikirwa nomufaro akaedza kupa mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kunyange akanga audzwa kuti: ‘Achanzi “mwana wako” achavapo nokuna Isaka.’ Asi akafunga kuti Mwari akanga achikwanisa kumumutsa kunyange kubva kuvakafa; uye akamugamuchirawo nenzira yokufananidzira kubva ikoko.” Izvi zvaiva zvakafanana nezvakazoitwa naJehovha. Akaita kuti Mwanakomana wake, Jesu  Kristu afire vanhu vose vari panyika.—Verenga Johani 3:16, 36.

9 Isaka anofanira kunge akafarira chaizvo kununurwa kwaakaitwa paakanga ava kuda kuurayiwa sechibayiro. Mwari akaita kuti gondohwe rainge rakabatwa mugwenzi raiva pedyo riurayiwe panzvimbo paIsaka uye zviri pachena kuti Isaka akaonga Mwari chaizvo. (Gen. 22:10-13) Ndokusaka nzvimbo yacho yakazotumidzwa kuti “Jehovha-jire,” izvo zvinoreva kuti “Jehovha Achagovera.”—Gen. 22:14.

URONGWA HWOKUYANANISA

10, 11. Ndivanani vave vachitungamirira pakuita “ushumiri hwokuyananisa,” uye vave vachizviita sei?

10 Patinofungisisa nezvekupa kunoita Jehovha, tinobva taonawo kukosha kwezvakaitwa naJesu Kristu sokutaura kwakaita Pauro kuti: “Izvi ndizvo zvatakaziva, kuti munhu mumwe chete akafira vose; naizvozvo, vose vakanga vafa. Zvino akafira vose kuti vanorarama varege kuzviraramirazve, asi vararamire iye akavafira, akamutswa.”—2 VaK. 5:14, 15.

11 VaKristu vepakutanga vaida Mwari uye vaikoshesa ropafadzo yakakura yokumushumira, saka vakagamuchira “ushumiri hwokuyananisa” vachifara. Basa ravo rokuparidza nokuita kuti vanhu vave vadzidzi rakaita kuti vanhu vaida chokwadi vayananiswe naMwari, vave noushamwari naye, uye vazova vanakomana vaMwari kudenga. Mazuva ano, vashumiri vaJehovha vakazodzwa vanoitawo ushumiri ihwohwo. Basa ravanoita senhume dzaMwari naKristu rinoita kuti vanhu vanoda chokwadi vauye kuna Jehovha vova vatendi.—Verenga 2 VaKorinde 5:18-20; Joh. 6:44; Mab. 13:48.

12, 13. Tingaratidza sei kuti tinoonga zvinhu zvakawanda zvatinopiwa naJehovha?

12 VaKristu vose vane tariro yokurarama pasi pano vanoitawo basa rokuparidza Umambo pamwe nevakazodzwa vachiratidza kuonga kupa kunoita Jehovha. Mubasa iroro, tinoshandisa Bhaibheri, iro riri chimwe chezvinhu zvakanakisisa zvatinopiwa naMwari. (2 Tim. 3:16, 17) Kana tikashandisa Shoko raMwari nounyanzvi muushumiri hwedu, tinoita kuti vamwe vawane mukana wokuwana upenyu husingaperi. Jehovha anotipawo mudzimu wake mutsvene uyo unotibatsira mubasa racho. (Zek. 4:6; Ruka 11:13) Zvinoguma zvaitika mubasa racho zvinoshamisa sezvatinoona muBhuku Regore reZvapupu zvaJehovha rimwe nerimwe. Chokwadi iropafadzo yakakura kuitawo basa iri rinoita kuti Baba vedu vanotipa zvatinoda varumbidzwe!

13 Sezvo Mwari akatipa zvinhu zvakawanda, zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Ndiri kuita here zvose zvandinogona muushumiri kuti ndiratidze kuti ndinoonga zvandinopiwa naJehovha? Ndingaita sei kuti ndive muparidzi wemashoko akanaka anobudirira?’ Tinogona kuratidza kuti tinoonga zvipo zvinoshamisa zvatinopiwa naMwari nokuramba tichiisa Umambo pokutanga muupenyu hwedu. Kana tikaita izvozvo, Jehovha achatipa zvinhu zvinokosha muupenyu. (Mat. 6:25-33) Rudo rwatinoratidzwa naMwari runoita kuti tide kuita zvose zvatinogona kuti tifadze mwoyo wake.—Zvir. 27:11.

14. Jehovha ave achipukunyutsa sei vanhu vake?

14 Munyori wepisarema Dhavhidhi akaimba kuti: “Ndinotambudzika uye ndiri murombo. Jehovha anondifunga. Muri mubatsiri wangu noMupukunyutsi wangu.” (Pis. 40:17) Kakawanda Jehovha ave achipukunyutsa vanhu vake seboka, kunyanya pavanotambudzwa zvakanyanya uye pavanoita sevanovhimwa nevavengi vavo. Chokwadi tinoonga chaizvo rubatsiro rwatinopiwa naMwari panguva dzakadaro uye zvokudya zvokunamata zvakawanda zvaanoramba achitipa!

 JEHOVHA ANODZIVIRIRA

15. Taura muenzaniso unoratidza zvinoitwa nababa vane rudo kuti vadzivirire mwana wavo.

15 Baba vane rudo havangoriritiri vana vavo chete asi vanovadzivirirawo. Zvingori muropa kuti vanoedza kuvanunura kana vava mungozi. Imwe hama inoyeuka zvakamboitika payaiva muduku. Iyo nababa vayo vaibva muushumiri vachienda kumba pavakapfuura neparwizi. Mvura yakanga yatsvotsvoma mangwanani acho yakanga yaita kuti rwizi rwacho rwufashamire. Kuti vayambuke vaitofanira kuita zvokusvetuka kubva pane rimwe dombo vachienda pane rimwe. Hama iyi ndiyo yakatanga kuda kuyambuka ikabva yatadza kutsika zvakanaka pane rimwe dombo ndokuwira mumvura. Yakaonga chaizvo kuti baba vayo vakakurumidza kuibata zvakasimba pabendekete ndokuibudisa mumvura kuti isafiramo! Baba vedu vokudenga vanotinunurawo mumatambudziko ari munyika ino yakaipa uye pamutongi wayo Satani. Jehovha ndiye anonyatsogona kutidzivirira kupfuura chero mumwe munhu watingafunga nezvake.—Mat. 6:13; 1 Joh. 5:19.

16, 17. Jehovha akabatsira uye akadzivirira sei vaIsraeri pavairwa nevaAmareki?

16 Kudzivirira kunoita Jehovha kwakanyatsooneka pane zvaakaita pashure pokunge anunura vaIsraeri muuranda muIjipiti uye avadzivirira pavaiyambuka Gungwa Dzvuku muna 1513 B.C.E. Pashure pokunge vafamba nomurenje vakananga kuGomo reSinai, vakasvika paRefidhimu.

17 Tichifunga nezvouprofita huri pana Genesisi 3:15, Satani anofanira kunge aitsvaka mukana wokurwisa vaIsraeri, avo vaiita sevasina anodzivirira. Akaedza kuvarwisa achishandisa vaAmareki, avo vaivenga vanhu vaMwari. (Num. 24:20) Chimbofunga zvakaitwa naJehovha achishandisa  varume vana vakatendeka vaiti Joshua, Mosesi, Aroni naHeri. Joshua paairwisa vaAmareki, Mosesi, Aroni naHeri vaiva pachikomo chaiva pedyo. Mosesi paaingosimudza maoko ake, vaIsraeri vaikunda. Maoko aMosesi paakanga aremerwa, Aroni naHeri vakatsigira maoko ake. Saka achibatsirwa uye achidzivirirwa naJehovha, “Joshua akakunda Amareki” nevanhu vake. (Eks. 17:8-13) Mosesi akabva avaka atari ipapo akaitumidza zita rokuti “Jehovha-nisi” izvo zvinoreva kuti “Jehovha Ndiye Utiziro Hwangu.”—Verenga Eksodho 17:14, 15.

KUDZIVIRIRWA PAKURWISWA NASATANI

18, 19. Jehovha ave achidzivirira sei vashumiri vake mazuva ano?

18 Jehovha anodzivirira vaya vanomuda uye vanomuteerera. Sezvakaita vaIsraeri paRefidhimu, isuwo tinovimba naMwari kuti atidzivirire patinenge tava kurwiswa nemuvengi. Jehovha ave achitidzivirira seboka, uye anotidzivirira pakurwiswa naDhiyabhorosi. Funga zvakaitwa naMwari kakawanda kuti adzivirire hama dzedu dzairamba kupindira mune zvematongerwo enyika. Somuenzaniso Jehovha akadzivirira vanhu vake munguva yevaNazi kuGermany nedzimwe nyika kumakore okuma1930 uye kutanga kwema1940. Kuverenga uye kufungisisa nyaya dzoupenyu uye nyaya dziri muBhuku Regore dzokudzivirira kwakaita Mwari vanhu vake pavaitambudzwa kuchasimbisa kuvimba kwatinoita naJehovha senzvimbo yedu yokupotera.—Pis. 91:2.

Jehovha anogona kushandisa vatinonamata navo kuti tirambe takatendeka munguva dzakaoma (Ona ndima 18-20)

19 Jehovha anotipa zviyeuchidzo zvinotidzivirira achishandisa sangano rake uye mabhuku arinobudisa. Funga kuti izvozvo zvave zvichitibatsira sei munguva ichangopfuura. Nyika ino iri kupengeswa nounzenza, udhakwa uye kuona zvinonyadzisira. Asi Jehovha ave achitipa zviyeuchidzo uye rubatsiro kuti atingwadze kuti tisakuvadzwa nezvinhu izvozvo zvakaipa. Somuenzaniso, tave tichiwana zano rakanaka rokuti tidzivise shamwari dzakaipa patinenge tichishandisa Indaneti. *1 VaK. 15:33.

20. Ungano yechiKristu inotidzivirira uye inotitungamirira sei?

20 Tingaratidza sei kuti chokwadi tiri ‘kudzidziswa naJehovha’? Nokunyatsoteerera mirayiro yake. (Isa. 54:13) Muungano dzedu dzakachengeteka, tinotungamirirwa uye tinodzivirirwa, nokuti mune varume vakatendeka vanoshanda sevakuru vanotibatsira vachishandisa Magwaro uye vanotipa mazano. (VaG. 6:1) Jehovha anonyanya kutitarisira achishandisa “zvipo zviri varume” izvi. (VaEf. 4:7, 8) Tinofanira kuita sei pavanotibatsira? Kana tikazviisa pasi pavo uye tikavateerera, tichakomborerwa naMwari.—VaH. 13:17.

21. (a) Tinofanira kutsunga kuitei? (b) Munyaya inotevera tichakurukurei?

21 Ngativimbei nemudzimu mutsvene tobvuma kutungamirirwa naBaba vedu vokudenga. Tinofanirawo kufungisisa mararamiro eMwanakomana wake, Jesu Kristu, uyo ane muenzaniso wakanaka watinoedza kutevedzera. Jesu akapiwa mubayiro wakakura nokuti akateerera kusvika pakufa. (VaF. 2:5-11) Tichakomborerwawo kana tikavimba naJehovha nemwoyo wedu wose. (Zvir. 3:5, 6) Saka ngatirambei tichivimba naJehovha uyo anotipa zvatinoda uye anotidzivirira kupfuura chero ani zvake. Chokwadi zvinofadza uye iropafadzo yakakura kushumira Jehovha! Zvisinei, kuda kwatinoita Jehovha kuchawedzera patichakurukura pfungwa yechitatu yokuti Jehovha iShamwari yedu yepamwoyo. Pfungwa iyi ichakurukurwa munyaya inotevera.

^ ndima 19 Zvimwe zviyeuchidzo zvacho zvinowanika munyaya dzinoti “Kushandisa Indaneti Nokuchenjera” muNharireyomurindi yaAugust 15, 2011, mapeji 3-5 uye “Chenjerera Misungo yaDhiyabhorosi!” uye “Mira Wakasimba Udzivise Misungo yaSatani!” muNharireyomurindi yaAugust 15, 2012, mapeji 20-29.