Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Zvikonzero zvipi zvaiita kuti vaJudha vomunguva yaJesu ‘vatarisire’ kuuya kwaMesiya?

Mumazuva aJohani Mubhabhatidzi, vanhu vakanga vachitarisira uye vose vaifunga “mumwoyo mavo pamusoro paJohani vachiti: ‘Kuti angava ndiye Kristu here?’” (Ruka 3:15) Chii chingave chaiita kuti vaJudha vatarisire kuti Mesiya aizooneka panguva iyoyo? Pane zvikonzero zvakawanda.

Jesu achangoberekwa, ngirozi yaJehovha yakaenda kuvafudzi vaiva kumafuro pedyo neBhetrehema vachitarisira mapoka avo ezvipfuwo. Ngirozi yacho yakazivisa kuti: “Nhasi maberekerwa Muponesi, uyo ari Kristu Ishe, muguta raDhavhidhi.” (Ruka 2:8-11) Ngirozi yacho yakabva yabatana “nevamwe vazhinji veuto rokudenga, vachirumbidza Mwari vachiti: * ‘Mwari ngaakudzwe kumusorosoro, uye panyika rugare ngaruve pavanhu vaanotendera.’”—Ruka 2:13, 14.

Mashoko iwayo akabata-bata vafudzi ava vaizvininipisa. Vakabva vaenda kuBhetrehema uye pavakaona Josefa naMariya uye mucheche Jesu, “vakazivisa mashoko avakanga vaudzwa pamusoro pomwana uyu muduku.” Nemhaka yeizvi, “vose vakazvinzwa vakashamisika pamusoro pezvinhu zvavakaudzwa nevafudzi.” (Ruka 2:17, 18) Mashoko okuti “vose vakazvinzwa” anoratidza kuti vafudzi ava havana kungotaura naJosefa naMariya asiwo nevamwe. Uye vafudzi pavaidzokera kumba, vakaramba “vachikudza nokurumbidza Mwari nokuda kwezvinhu zvose zvavakanzwa nokuona, sokuudzwa kwavakanga vazviitwa.” (Ruka 2:20) Chokwadi vafudzi ava havana kunyarara nemashoko akanaka avainge vanzwa nezvaKristu!

Mariya paakauya nemwanakomana wake wedangwe kuJerusarema kuti amupe Jehovha sezvaidiwa neMutemo waMosesi, muprofitakadzi Ana “akatanga kuonga Mwari uye kutaura nezvomwana wacho kune vaya vose vaimirira kununurwa kweJerusarema.” (Ruka 2:36-38; Eks. 13:12) Saka mashoko pamusoro pokuoneka kwaMesiya akaramba achipararira.

Pave paya, “vazivi venyeredzi vokumativi okumabvazuva vakasvika kuJerusarema, vachiti: ‘Aripiko iye akaberekwa ari mambo wevaJudha? Nokuti takaona nyeredzi yake patakanga tiri kumabvazuva, uye tauya kuzomupfugamira.’” (Mat. 2:1, 2) Paakanzwa izvi, “Mambo Herodhi akavhunduka, pamwe  chete neJerusarema rose; uye aunganidza vapristi vakuru vose nevanyori vevanhu, akatanga kuvabvunza kwaizoberekerwa Kristu.” (Mat. 2:3, 4) Saka vanhu vakawanda vaiziviswa nezvomunhu aizova Mesiya ainge aberekwa! *

Ruka 3:15 yambotaurwa, inoratidza kuti vamwe vaJudha vaifunga kuti Johani Mubhabhatidzi angangodaro aiva Kristu. Zvisinei, Johani akaratidza kuti zvavaifunga zvakanga zvisizvo paakataura kuti: “Uyo anouya pashure pangu akasimba kupfuura zvandakaita, ane hwashu dzandisina kukodzera kubvisa. Iyeye achakubhabhatidzai nomudzimu mutsvene uye nomoto.” (Mat. 3:11) Mashoko aJohani akatoita kuti vanhu vatonyanya kutarisira Mesiya.

Kuti vaJudha vemunguva yaJesu vangadaro vakaverenga nguva yokusvika kwaMesiya vachishandisa uprofita hwevhiki 70 huri pana Dhanieri 9:24-27 here? Zvinogona kunge zvakaitika asi hapana chinotsigira izvozvo. Chokwadi ndechokuti panguva yaJesu, vanhu vaidudzira zvakasiyana-siyana vhiki 70 idzodzo uye padudziro dzavo hapana kana imwe chete inoenderana nemanzwisisiro atave kuita mazuva ano. *

VaEssen avo vanofungidzirwa kuti vaiva rimwe boka rechiJudha, vaidzidzisa kuti makore 490 ava kunopera, kwaizova navanaMesiya vaviri, asi hatina chokwadi kana vaEssen ava vakaverenga nguva vachishandisa uprofita hwaDhanieri. Kana dai vakadaro, zvakaoma kufungidzira kuti vamwewo vaJudha vose vaizobvuma kuverenga nguva kwaiitwa nekapoka aka kaizviparadzanisa nevamwe.

Mumakore ekuma100 C.E., vamwe vaJudha vaitenda kuti vhiki 70 dzaitangira pakaparadzwa temberi yokutanga muna 607 B.C.E. kusvika pakaparadzwa temberi yechipiri muna 70 C.E., uye vamwe vaifunga kuti uprofita hwacho hwakazadziswa munguva yevaMakabhii mumakore ari pakati pa200 B.C.E. na100 B.C.E. Saka vaisabvumirana kuti vhiki 70 dzaifanira kuverengwa sei.

Kudai kuverengwa kwevhiki 70 kwainyatsonzwisiswa munguva yevaapostora, vaapostora nevamwewo vaKristu, vangadai vakashandisa uchapupu uhwu kuti varatidze kuti Jesu Kristu ndiye aiva Mesiya akapikirwa uye akasvika panguva chaiyo. Asi hapana chinoratidza kuti vaKristu vepakutanga vakashandisa uchapupu ihwohwo.

Pane imwe pfungwa inokosha yatinofanira kufunga nezvayo. Vanyori veEvhangeri vaiwanzoratidza kuti humwe uprofita huri muMagwaro echiHebheru hwakazadziswa naJesu Kristu. (Mateu 1:22, 23; 2:13-15; 4:13-16) Asi hapana kana mumwe vavo akashandisa uprofita hwevhiki 70 paaitaura nezvokuoneka kwaJesu panyika.

Saka hatigoni kutaura kuti vanhu vomunguva yaJesu vainyatsonzwisisa uprofita hwevhiki 70. Zvisinei, Evhangeri dzinopa zvikonzero zvine musoro zvaiita kuti vanhu ‘vatarisire’ kuuya kwaMesiya.

^ ndima 4 Bhaibheri haritauri kuti ngirozi dzakaimba pakazvarwa Jesu.

^ ndima 7 Tingabvunza kuti, Chii chakaita kuti vazivi venyeredzi vafunge kuti “nyeredzi” yavakaona kuMabvazuva yaiva nechokuita nokuberekwa kwa“mambo wevaJudha”? Pamwe vangangova vakanzwa nezvokuberekwa kwaJesu pavaipfuura nemuIsraeri.

^ ndima 9 Nzwisiso yedu yemazuva ano youprofita hwevhiki 70 iri mubhuku raFungisisa Uprofita hwaDhanieri! chitsauko 11.