Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvatingaita Kuti Tirambe Tichishumira Jehovha Tichifara

Zvatingaita Kuti Tirambe Tichishumira Jehovha Tichifara

“Kana munhu akararama kwemakore mazhinji, ngaafare maari ose.”—MUP. 11:8.

1. Zvinhu zvipi zvatinopiwa naJehovha zvinoita kuti tifare?

JEHOVHA anoda kuti tifare uye anotipa zvinhu zvakawanda zvinoita kuti tifare. Somuenzaniso, akatipa upenyu. Saka tinogona kushandisa upenyu ihwohwo kurumbidza Mwari nokuti ndiye akaita kuti tiuye kuzomunamata. (Pis. 144:15; Joh. 6:44) Jehovha anotivimbisa kuti anotida uye anotibatsira kuti tirambe tichimushumira. (Jer. 31:3; 2 VaK. 4:16) Tiri muparadhiso yokunamata uye muparadhiso iyoyo tinowana zvokudya zvokunamata zvakawanda uye hama nehanzvadzi dzine rudo. Kupfuura zvose, tine tariro yakazonaka yeramangwana.

2. Vamwe vashumiri vaMwari vakatendeka vanonetseka nei?

2 Pasinei nezvikonzero izvi zvinoita kuti tifare, vamwe vashumiri vaMwari vakatendeka vanoramba vachinetseka nemafungiro asina kunaka. Vangafunga kuti Jehovha haana basa navo uye haakoshesi basa ravanomuitira. Vaya vanoramba vachizviona sevasingakoshi, vangafunga kuti hazviiti kuti vafare “kwemakore mazhinji.” Vangatoona upenyu riri rima roga roga.—Mup. 11:8.

3. Chii chingaita kuti tisafara?

3 Mafungiro iwayo anogona kukonzerwa nokuodzwa mwoyo, kurwara kana kuti kutadza kuita zvimwe zvinhu nepamusana pokukwegura. (Pis. 71:9; Zvir. 13:12; Mup. 7:7) Uyewo, tinofanira  kuziva kuti mwoyo wedu unonyengera uye ungatipa mhosva kunyange zvazvo Mwari achitifarira. (Jer. 17:9; 1 Joh. 3:20) Dhiyabhorosi anopomera vashumiri vaMwari zvenhema. Uye vaya vane mafungiro aSatani vangaita kuti tifunge kuti hatikoshi kuna Mwari sezvakataurwa naErifazi kuna Jobho. Erifazi ainyepa paakataura mashoko iwayo uye vaya vanotaurawo mashoko akadaro mazuva ano vanenge vachinyepa.—Job. 4:18, 19.

4. Tichakurukurei munyaya ino?

4 Jehovha anotaura zvakajeka muMagwaro kuti achava nevaya vano“famba mumupata wezarima.” (Pis. 23:4) Chimwe chinhu chaanoshandisa kutibatsira iShoko rake. Bhaibheri rine simba rokuputsa “zvinhu zvakadzika midzi,” kusanganisira pfungwa dzisiri dzechokwadi uye dzisina kunaka. (2 VaK. 10:4, 5) Saka ngatikurukurei kuti tingashandisa sei Bhaibheri kuti ritibatsire kuramba tichifara. Zvatichakurukura zvinogona kukubatsira uye uchaona kuti unogona kuzvishandisa sei kubatsira vamwe.

SHANDISA BHAIBHERI KUTI UFARE

5. Chii chingatibatsira kuti tirambe tichifara?

5 Muapostora Pauro akataura zvimwe zvinhu zvingatibatsira kuti tirambe tichifara. Akakurudzira ungano yeKorinde kuti: “Rambai muchizviedza kuti muone kana muri mukutenda.” (2 VaK. 13:5) “Kutenda” uku idzidziso dzose dzechiKristu dziri muBhaibheri. Kana zvatinotaura uye zvatinoita zvichienderana nedzidziso idzodzo, zvinoreva kuti tinenge tiri “mukutenda.” Asi tinofanirawo kuona kana upenyu hwedu hwose huchienderana nedzidziso dzose dzechiKristu. Hatigoni kusarudza kuti tinoda kutevera imwe dzidziso tichisiya imwe.—Jak. 2:10, 11.

6. Nei tichifanira kuzviedza kuti ‘tione kana tiri mukutenda’? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

6 Ungazeza kuzviedza kunyanya kana uchifunga kuti ungazoona kuti hausi mukutenda. Asi maonerwo atinoitwa naJehovha anokosha kupfuura maonero atinozviita uye kufunga kwake kwakakwirira chaizvo kupfuura kwedu. (Isa. 55:8, 9) Anoongorora vashumiri vake kuti aone unhu hwakanaka hwavanahwo uye kuti avabatsire kwete kuti avatsvakire mhosva. Kana ukashandisa Shoko raMwari kuti uone ‘kana uri mukutenda,’ unenge wava kuzviona sokuonekwa kwaunoitwa naMwari. Izvi zvinogona kukubatsira kuti usatombova nekapfungwa kokuti haukoshi kuna Mwari, asi kuti uve nechivimbo chokuti anokukoshesa sezvinotaurwa neBhaibheri. Kana ukadaro, zvichaita sokuti wavhura maketeni kuti chiedza chipinde mumba manga muine rima.

7. Mienzaniso yevanhu vakatendeka vanotaurwa muBhaibheri ingatibatsira sei?

7 Nzira inonyatsoshanda yokuzviongorora ndeyokufungisisa mienzaniso yevanhu vakatendeka vanotaurwa muBhaibheri. Ona kuti mamiriro avo ezvinhu kana kuti manzwiro avo akafanana papi neako, uye funga kuti ungadai wakaita sei pane zvavakasangana nazvo. Ngationei mienzaniso mitatu inoratidza kuti ungashandisa sei Bhaibheri kuti uve nechokwadi chokuti uri “mukutenda” izvo zvichaita kuti urambe uchifara.

CHIRIKADZI YAISHAYIWA

8, 9. (a) Upenyu hwechirikadzi yaishayiwa hwainge hwakaita sei? (b) Chirikadzi yacho ingava yainetseka nei?

8 Jesu paaiva patemberi muJerusarema akaona imwe chirikadzi yaishayiwa. Muenzaniso wechirikadzi iyi unogona kutibatsira kuti tirambe tichifara pasinei nezvatisingakwanisi kuita. (Verenga Ruka 21:1-4.) Funga kuti upenyu hwechirikadzi iyi hwainge hwakaita sei. Yainge yakafirwa nemurume uyewo yaitsungirira zvaiitwa nevatungamiriri vechitendero avo vaitosarudza ‘kuparadza dzimba dzechirikadzi’ pane  kudzibatsira. (Ruka 20:47) Yaiva murombo chaizvo zvokuti yaingokwanisa kupa mari yaienderana neyaiwanikwa nemushandi mumaminitsi mashomanene.

9 Fungidzira kuti chirikadzi yacho yainzwa sei payaipinda muchivanze chetemberi iine tumari twayo tuviri. Kuti ingava yainetseka kuti yaizopa mari shoma ichienzanisa neyayaimbokwanisa kubvisa murume wayo achiri mupenyu here? Kana kuti yaizonyara here ichiona vaiva mberi kwayo vachipa mari yakawanda, zvichida ichifunga kuti chipo chayo chaisatombokosha? Kunyange ingava yaiva nemafungiro iwayo, yakaita zvayaikwanisa kuti itsigire kunamata kwechokwadi.

10. Jesu akaratidza sei kuti Mwari aikoshesa chirikadzi yaishayiwa?

10 Jesu akaratidza kuti Jehovha aikoshesa chirikadzi yacho nechipo chayo. Akati yainge “yadonhedzera kupfuura [vapfumi] vose.” Kunyange zvazvo mari yayakapa yaizobatanidzwa neyevamwe, chirikadzi iyi ndiyo yoga yakarumbidzwa naJesu. Zvichida vashandi vakazoverenga mari yacho havana kumboziva kuti Jehovha aikoshesa zvakadini tumari tuviri utwu uye munhu akanga atwupa. Asi maonero aMwari ndiwo ainyanya kukosha kwete zvaifungwa nevamwe kana kuti zvaifungwa nechirikadzi yacho. Unogona here kushandisa nyaya iyi kuti uone kana uri mukutenda?

Ungadzidzei kubva pane zvakaitwa nechirikadzi yaishayiwa? (Ona ndima 8-10)

11. Ungadzidzei panyaya yechirikadzi?

11 Zvaunokwanisa kuitira Jehovha zvinoenderana nemamiriro ako ezvinhu. Vamwe vanopedza nguva shoma vachiparidza mashoko akanaka nemhaka yezera ravo kana kuti kurwara. Zvingava nemusoro here kuti vanhu ava vafunge kuti hazvikoshi kushuma basa ravo? Kunyange kana mamiriro ako ezvinhu asina kunyanya kuoma, unganzwa sokuti maawa ako aunoita mashoma zvakanyanya kana uchienzanisa nemaawa ose anopedzwa nevanhu vaMwari vachiparidza gore negore. Asi nyaya yechirikadzi yaishayiwa inotidzidzisa kuti Jehovha anoona uye anokoshesa chero chinhu chatinomuitira, kunyanya kana tikachiita tiri mumariro  ezvinhu akaoma. Chimbofunga zvawakaita mubasa raJehovha gore rakapera. Une imwe awa yawakatamburira here kuita basa rake? Kana zvakadaro, unogona kuva nechokwadi chokuti anokoshesa zvawakaita muawa iyoyo. Kana uchiita zvose zvaunokwanisa pakushumira Jehovha sezvakaitwa nechirikadzi yaishayiwa, une chikonzero chakasimba chokuti udavire kuti ‘uri mukutenda.’

“CHIURAYAI HENYU MWEYA WANGU”

12-14. (a) Mafungiro asina kunaka akaita kuti Eriya anzwe sei? (b) Chii chingava chaiita kuti Eriya anetseke?

12 Muprofita Eriya ainge akavimbika kuna Jehovha uye aiva nekutenda kwakasimba. Asi pane imwe nguva akanetseka chaizvo zvokuti akakumbira Jehovha kuti amuuraye, achiti: “Zvakwana! Zvino, haiwa Jehovha, chiurayai henyu mweya wangu.” (1 Madz. 19:4) Vaya vasati vambonzwa saizvozvo vangafunga kuti zvakataurwa naEriya mumunyengetero wake kwaingova “kuvhurumuka.” (Job. 6:3) Asi kwaisava kuvhurumuka, ndiwo chaiwo manzwiro aaiita. Zvisinei, Jehovha akatobatsira Eriya pane kumugumbukira kuti ainge akumbira kufa.

13 Chii chainge chaita kuti Eriya anzwe saizvozvo? Nguva pfupi izvi zvisati zvaitika, akaita chishamiso chairatidza kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi uye izvi zvakaita kuti vaprofita 450 vaBhaari vaurayiwe. (1 Madz. 18:37-40) Eriya anofanira kunge akafunga kuti vanhu vaMwari vaizotangazve kunamata kwechokwadi, asi havana kudaro. Mambokadzi akaipa Jezebheri akatuma nhume kuna Eriya neshoko rokuti aironga kumuuraya. Achityira upenyu hwake, Eriya akatizira kumaodzanyemba achipfuura nemuJudha achienda murenje, nzvimbo yainge yakaoma isina chinhu.—1 Madz. 19:2-4.

14 Achinetseka kudaro ari ega, Eriya akatanga kufunga kuti ainge ashandira pasina semuprofita. Akaudza Jehovha kuti: “Handisi nani kupfuura madzitateguru angu.” Zvaaireva ndezvokuti ainzwa sokuti aisabatsira kungofanana neguruva nemapfupa zvemadzitateguru ake akafa. Saka tingati ainge azviedza achishandisa maonero ake ndokufunga kuti ainge akundikana, asisakoshi kuna Jehovha kana kune mumwewo munhu.

15. Mwari akabatsira sei Eriya kuona kuti akanga achiri kumukoshesa?

15 Asi Wemasimbaose akanga asingaoni Eriya saizvozvo. Jehovha akanga achiri kumukoshesa uye akamubatsira kuti azive izvozvo. Mwari akatuma ngirozi kuti inosimbisa Eriya. Jehovha akamupawo zvokudya nemvura izvo zvaizomuraramisa parwendo rwake rwemazuva 40 achienda kuGomo reHorebhi raiva kumaodzanyemba. Mwari akabatsirawo Eriya zvakanakanaka kuti aone kuti zvaaifunga zvokuti ndiye oga muIsraeri akanga aramba akatendeka kuna Jehovha zvakanga zvisirizvo. Jehovha akatopa Eriya basa idzva uye Eriya akabvuma. Eriya akabatsirwa naJehovha uye akatangazve kuita basa rake somuprofita avazve nesimba.—1 Madz. 19:5-8, 15-19.

16. Mwari angave akakubatsira achishandisa nzira dzipi?

16 Nyaya yaEriya inogona kukubatsira kuti uve nechokwadi chokuti uri mukutenda uye kuti urambe uchifara. Kutanga, funga kuti Jehovha ave achikubatsira sei. Wakambobatsirwa here nemushumiri waMwari zvichida mukuru kana kuti muKristu akakura mune zvokunamata panguva yawaida kubatsirwa? (VaG. 6:2) Wakambokurudzirwa here neBhaibheri, mabhuku edu echiKristu uye misangano yeungano? Pauchabatsirwa nechimwe chezvinhu izvi ziva kuti ndiJehovha ari kukubatsira uye nyengetera uchimuonga.—Pis. 121:1, 2.

17. Jehovha anokoshesa chii pavashumiri vake?

17 Chechipiri, ziva kuti kuzviona seusingabatsiri kunogona kuita kuti usaona  zvinhu sezvazviri. Maonerwo atinoitwa naMwari ndiwo anokosha. (Verenga VaRoma 14:4.) Jehovha anokoshesa kuzvipira kwedu uye kutendeka kwedu kwaari. Kukosha kwedu hakubvi pakuti taita zvakawanda sei kwaari. Unogona kunge wakaitira Jehovha zvakawanda kupfuura zvaunofunga kungofanana nezvakaitika kuna Eriya. Zvimwe pane vamwe vari muungano vawakabatsira usingazivi uye vamwe vari mundima yako vakawana chokwadi pamusana pako.

18. Basa raunopiwa naJehovha rinoratidzei?

18 Uyewo, ona basa rose raunopiwa naJehovha sechiratidzo chokuti anewe. (Jer. 20:11) Kungofanana naEriya, ungaodzwa mwoyo nokuti zvinoita sokuti basa rako harina zvibereko kana kuti chimwe chinangwa chako chokunamata chinoita sechisingazadzisiki. Asi une ropafadzo yakakura chaizvo yatiinayo tose yokuparidza mashoko akanaka uye kudanwa nezita raMwari. Ramba wakatendeka. Mashoko akataurwa mune mumwe mufananidzo waJesu achabva ashandawo kwauri okuti: “Fara pamwe chete natenzi wako.”—Mat. 25:23.

“MUNYENGETERO WOMUNHU ANOTAMBUDZIKA”

19. Munyori wePisarema 102 akasangana nedambudziko ripi?

19 Munyori wePisarema 102 aitambudzika. ‘Aitambudzika’ kwazvo mupfungwa uyewo ainge ava ‘kushayiwa simba’ rokukunda matambudziko ake. (Pis. 102, mashoko okusuma) Mashoko ake anoratidza kuti aingofunga nezvokurwadziwa kwake, kusurukirwa uye zvaimunetsa. (Pis. 102:3, 4, 6, 11) Aifunga kuti Jehovha aida kumurasa.—Pis. 102:10.

20. Munyengetero ungabatsira sei munhu anenge achizviona seasingabatsiri?

20 Asi munyori wepisarema akaramba achirumbidza Jehovha. (Verenga Pisarema 102:19-21.) Sezvatinoona muPisarema 102, kunyange vaya vari mukutenda vanogona kurwadziwa uye kuramba vachingofunga nezvematambudziko avo. Munyori wepisarema ainzwa “seshiri iri yoga iri padenga reimba,” zvichiita sokuti aingova oga hake akamomoterwa nematambudziko. (Pis. 102:7) Kana ukanzwa saizvozvo, nyengetera kuna Jehovha sezvakaita munyori wepisarema. Minyengetero yemunhu anotambudzika, kureva minyengetero yako, inogona kukubatsira kuti ukunde kuzviona seusingabatsiri. Jehovha anovimbisa kuti “Achateerera munyengetero wevaya [vanotambura], haazozvidzi munyengetero wavo.” (Pis. 102:17) Vimba nemashoko iwayo.

21. Munhu anenge achizviona seasingabatsiri angaitei kuti afare?

21 Pisarema 102 rinoratidzawo zvaungaita kuti ufare. Munyori wepisarema akabvisa pfungwa dzake pamatambudziko ake ndokutanga kufunga nezveukama hwake naJehovha. (Pis. 102:12, 27) Akanyaradzwa nokuziva kuti Jehovha aizoramba achitsigira vanhu vake pavanenge vari mumiedzo. Saka kana uchizviona seusingabatsiri zvokuti unombotadza kuita zvakawanda mubasa raMwari, nyengetera nezvazvo. Usangonyengetera kuti Mwari akuzorodze pakutambudzika kwako chete asi nyengeterawo kuti “zita raJehovha riziviswe.”—Pis. 102:20, 21.

22. Mumwe nomumwe wedu angafadza sei Jehovha?

22 Chokwadi tinogona kushandisa Bhaibheri kuti tione kana tiri mukutenda uye kuti tinokosha kuna Jehovha. Ichokwadi kuti munyika ino yakaipa, tingasakwanisa kubvisa zvachose pfungwa yokuti hatikoshi kana kuora mwoyo kwatingava nako. Asi mumwe nomumwe wedu anogona kufadza Jehovha uye anogona kuponeswa kana akaramba achitsungirira mubasa rake akatendeka.—Mat. 24:13.