Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Remekedzai Vakwegura Vari Pakati Penyu

Remekedzai Vakwegura Vari Pakati Penyu

“Unofanira . . . kuremekedza munhu akwegura.”—REVH. 19:32.

1. Vanhu vari mumamiriro api ezvinhu akaoma?

JEHOVHA akanga asingadi kuti vanhu vaoneswe ndondo nokukwegura. Chinangwa chake chaiva chokuti varume nevakadzi vave neutano hwakanaka muParadhiso. Asi iye zvino “zvisikwa zvose zvinoramba zvichigomera pamwe chete uye zvichirwadziwa.” (VaR. 8:22) Mwari anorwadziwa paanoona vanhu vachitambura nemhaka yechivi? Zvinotosuwisawo ndezvokuti vakwegura vakawanda vanoshaya anovachengeta pavanenge vava kuda kunyanya kubatsirwa muupenyu.—Pis. 39:5; 2 Tim. 3:3.

2. Nei vaKristu vachinyanya kuremekedza vakwegura?

2 Vanhu vaJehovha vanoonga kuti muungano dzavo mune vakwegura. Tinobatsirwa neuchenjeri hwavo uye tinokurudzirwa nokutenda kwavo. Vakawanda vedu tine ukama nevakwegura ivavo. Asi pasinei nokuti tine ukama navo here kana kuti hatina, tinoda kuvabatsira. (VaG. 6:10; 1 Pet. 1:22) Tose tichabatsirwa nokuongorora kuti Mwari anoona sei vakwegura. Tichakurukurawo kuti vomumhuri uye ungano vanofanira kubatsira sei vakwegura.

“MUSANDIRASA”

3, 4. (a) Munyori wePisarema 71 akakumbirei kuna Jehovha? (b) Vakwegura vari muungano vangakumbirei kuna Mwari?

3 Pana Pisarema 71:9 munyori wepisarema akakumbira  Mwari kuti: “Musandirasa munguva yokukwegura; musandisiya simba rangu parinenge rava kupera.” Zvinoita sokuti pisarema iri rakabatana nePisarema 70 iro rine mashoko okusuma okuti “Rwiyo rwaDhavhidhi.” Saka Dhavhidhi anofanira kunge ari iye akataura mashoko ari pana Pisarema 71:9. Akashumira Mwari kubva achiri muduku kusvika akwegura uye Jehovha akamushandisa kuita mabasa makuru. (1 Sam. 17:33-37, 50; 1 Madz. 2:1-3, 10) Kunyange zvakadaro, Dhavhidhi akaona kuti aifanira kukumbira Jehovha kuti arambe achimufarira.—Verenga Pisarema 71:17, 18.

4 Mazuva ano kune vakawanda vakaita saDhavhidhi. Pasinei nokukwegura uye “mazuva okutambudzika,” vanoramba vachirumbidza Mwari nepose pavanogona. (Mup. 12:1-7) Vakawanda vavo vangasakwanisa kuita sezvavaimboita pazvinhu zvakasiyana-siyana zvakadai seushumiri. Asi vanogonawo kukumbira Jehovha kuti arambe achivafarira uye achivachengeta. Vakwegura ivavo vakatendeka vanogona kuva nechivimbo chokuti Mwari achapindura minyengetero yavo. Haangamboregi kudaro nokuti muminyengetero iyoyo vanotaura nhuna dzavo dzakafanana nedzakataurwa naDhavhidhi afemerwa naMwari.

5. Jehovha anoona sei vakwegura vakatendeka?

5 Magwaro anoratidza zvakajeka kuti Jehovha anokoshesa chaizvo vakwegura vakatendeka uye kuti anoda kuti vashumiri vake vavaremekedze. (Pis. 22:24-26; Zvir. 16:31; 20:29) Revhitiko 19:32 inoti: “Unofanira kusimukira achena bvudzi, nokuremekedza munhu akwegura, uye unofanira kutya Mwari wako. Ndini Jehovha.” Chokwadi, zvaikosha chaizvo kuremekedza vakwegura vaiva muungano panguva yakanyorwa mashoko iwayo, uye zvichiri kukosha nanhasi. Asi zvakadini nokuvachengeta? Ndiani ane basa iroro?

BASA REMHURI

6. Jesu akaratidza muenzaniso upi pakuchengeta vabereki?

6 Shoko raMwari rinotiudza kuti: “Kudza baba vako naamai vako.” (Eks. 20:12; VaEf. 6:2) Jesu akaratidza kukosha kwomutemo uyu paakashora vaFarise nevanyori vairamba kuchengeta vabereki vavo. (Mako 7:5, 10-13) Jesu pachake akaratidza muenzaniso wakanaka pakuchengeta vabereki. Somuenzaniso, paainge ava kufa ari padanda, akaudza mudzidzi waaida chaizvo Johani kuti achengete amai vake avo vanofanira kunge vakanga vava chirikadzi.—Joh. 19:26, 27.

7. (a) Muapostora Pauro akataura pfungwa ipi ine chokuita nokuriritira vabereki? (b) Pauro aitaura nezvei paakazotaura pfungwa iyi?

7 Muapostora Pauro akafemerwa kunyora kuti vatendi vanofanira kugovera nhengo dzeimba yavo. (Verenga 1 Timoti 5:4, 8, 16.) Funga zvimwe zvaaitaura mutsamba iyoyo paakanyora mashoko aya kuna Timoti. Pauro akataura kuti ndivanani vaikodzera uye vakanga vasingakodzeri kubatsirwa nemari muungano. Akataura zvakajeka kuti vana, vazukuru uye voukama vaitenda, ndivo vaifanira kunyanya kuita basa rokuchengeta chirikadzi dzakwegura. Izvozvo zvaizoita kuti ungano isava nomutoro wokuvabatsira nemari. Mazuva ano vaKristu vanoratidzawo kuti ‘vakazvipira kuna Mwari’ nokuchengeta voukama vanenge vachida kubatsirwa.

8. Nei Bhaibheri risingadonongodzi machengeterwo anofanira kuitwa vakwegura?

8 Saka, vana vechiKristu vakura ndivo vanofanira kuona kuti vabereki vavo vawana zvavanoda. Pauro akataura nezvekuchengeta voukama vanotenda, asi hazvirevi kuti vabereki vasiri muungano  yechiKristu havafaniri kuchengetwa. Vana vanochengeta vabereki vavo nenzira dzakasiyana-siyana. Chikonzero chacho ndechokuti zvinodiwa nevakwegura, unhu hwavo uye utano, zvinosiyana. Vamwe vakwegura vane vana vakawanda asi vamwe vane mwana mumwe chete. Vamwe vanowana rubatsiro kubva kuhurumende asi vamwe vangasaruwana. Zvinosarudzwa nevaya vanoda kuchengetwa zvinosiyanawo. Saka hazvina kunaka kushora zvinenge zvichiitwa nevaya vari kuedza kuchengeta hama dzavo dzakwegura. Jehovha anogona kungokomborera chero chisarudzo chepaMagwaro oita kuti chibudirire, uye ndizvo zvaagara achiita kubva mumazuva aMosesi.—Num. 11:23.

9-11. (a) Vamwe vangasangana nemamiriro api ezvinhu akaoma? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Nei vana vane vabereki vakwegura vasingafaniri kukurumidza kusiya basa renguva yakazara? Taura muenzaniso.

9 Kana vabereki nevana vachigara kure nakure, zvinogona kuomera vana ivavo kuchengeta vabereki vavo vakwegura. Utano hwemubereki hunogona kungoerekana hwaipa zvichida nemhaka yokuwa, kutyoka pfupa kana kuti rimwewo dambudziko, zvokuti vana vangafunga kushanyira vabereki vavo. Vabereki vacho vangada kubatsirwa kwenguva duku kana kuti kwenguva refu. *

10 Vashumiri venguva yakazara vanoshumira Jehovha vari kure chaizvo nekumba kwavo, vanogona kusangana nezvisarudzo zvakaoma. Vaya vanoshumira paBheteri, mamishinari uye vatariri vanofambira, vanokoshesa chaizvo mabasa avo uye vanoaona sechikomborero chinobva kuna Jehovha. Zvisinei, kana vabereki vavo vakarwara, vangakurumidza kufunga kuti, ‘Tinofanira kusiya basa redu todzokera kumba kuti tinochengeta vabereki vedu.’ Asi kungava kuchenjera kuti vanyengetere uye vafunge kana zvakakodzera kusiya basa ravo uye kana zvirizvo zviri kudiwa nevabereki vavo. Hapana anofanira kumhanyirira kusiya ropafadzo dzake, uye dzimwe nguva pangasava nechikonzero chokudaro. Kurwara kwacho kunogona kunge kuri kwenguva duku zvokuti ungano yevabereki vavo inogona kunge ichida kuvabatsira.—Zvir. 21:5.

11 Funga nezvemumwe mukoma nemunin’ina vaishumira Jehovha vari kure chaizvo nekumba. Mumwe wacho aiva mumishinari kuSouth America, uye mumwe aiva pamuzinda wedu kuBrooklyn, New York. Vabereki vavo vakwegura vaida kubatsirwa. Vakomana ava nemadzimai avo vakashanyira vabereki vavo kuJapan kuti vaone kuti vangavabatsira sei. Nokufamba kwenguva, vaya vaiva kuSouth America vakanga vava kufunga zvokusiya basa ravo kuti vadzokere kumusha. Vakabva vafonerwa nemurongi mudare revakuru weungano yevabereki vavo. Vakuru vomuungano iyi vakanga vakurukura nyaya yacho uye vaida kuti mamishinari acho arambe achiita basa rawo. Vakuru ava vaionga basa raiitwa nemamishinari aya uye vainge vakatsunga kuita zvose zvavanogona kuvabatsira kuchengeta vabereki vavo. Vose vomumhuri iyi vakaonga chaizvo rudo rwavakaratidzwa.

12. Mhuri yechiKristu inofanira kufunga nezvei pakusarudza kuti ingachengeta sei vakwegura?

12 Chero zvinenge zvasarudzwa nemhuri yechiKristu pakuriritira vabereki vakwegura, zvinofanira kuita kuti zita raMwari rirumbidzwe. Hatitombodi kuita sevatungamiriri vechitendero vemunguva yaJesu. (Mat. 15:3-6) Tinoda kuti zvisarudzo zvedu zviite kuti Mwari akudzwe uye ungano ikudzwe.—2 VaK. 6:3.

 BASA REUNGANO

13, 14. Magwaro anoratidza sei kuti ungano dzinofanira kubatsira vakwegura vari muungano?

13 Havasi vose vanokwanisa kubatsira vari mubasa renguva yakazara nenzira ichangobva kutaurwa. Zvisinei, kubva pane zvakaitika munguva yevaapostora zviri pachena kuti ungano dzinofanira kuita zvose zvadzinogona kuti dzibatsire hama nehanzvadzi dzakwegura dzinoita zvakanaka. Bhaibheri rinoti muungano yomuJerusarema ‘makanga musina aishayiwa.’ Hazvirevi kuti vose vakanga vari shoroma. Zviri pachena kuti vamwe vaiva varombo, asi “mumwe nomumwe aizogoverwa, sokushayiwa kwaaiita.” (Mab. 4:34, 35) Zvisinei, pane dambudziko rakazomuka muungano. Dzimwe ‘chirikadzi dzakanga dzichidarikwa pakugoverwa kwezvokudya kwezuva nezuva.’ Saka vaapostora vakasarudza kuti pagadzwe varume vaikodzera avo vakaronga kuti chirikadzi dzose dziwane zvinodzikwanira uye dzichipiwa zvakaenzana. (Mab. 6:1-5) Ichokwadi kuti kugoverwa kwezvokudya kwezuva nezuva kwaingova urongwa hwenguva pfupi hwaiitirwa kubatsira vaya vakava vaKristu paPendekosti ya33 C.E. ndokuramba vari muJerusarema kuti vasimbiswe pakunamata. Kunyange zvakadaro, zvakaitwa nevaapostora zvinoratidza kuti ungano inogona kubatsira pakuchengeta vanoshayiwa.

14 Sezvambotaurwa, Pauro akapa Timoti mirayiridzo yaitaura kuti ndedzipi chirikadzi dzechiKristu dzaikodzera kuti dzibatsirwe neungano pane zvokurarama nazvo. (1 Tim. 5:3-16) Munyori weBhaibheri Jakobho akaratidzawo kuti vaKristu vane basa rokuchengeta nherera, chirikadzi nevamwe vanenge vachitambura kana kuti vanoda kubatsirwa. (Jak. 1:27; 2:15-17) Muapostora Johani akatiwo: “Munhu ane zvokutsigira upenyu zvenyika ino akaona hama yake ichishayiwa, iye oramba kumunzwira tsitsi kwazvo, kuda Mwari kunoramba kuri maari sei?” (1 Joh. 3:17) Kana muKristu mumwe nomumwe achifanira kubatsira vanotambura, ungano hadzifaniriwo here kuita izvozvo?

Kana njodzi ikaitika, ungano ingabatsira sei? (Ona ndima 15, 16)

15. Zvii zvingada kufungwa nezvazvo pakubatsira hama nehanzvadzi dzakwegura?

15 Mune dzimwe nyika, hurumende inopa vakwegura mari yomudyandigere uye inoitawo kuti pave nezvirongwa zvokubatsira vakwegura. (VaR. 13:6) Asi kune dzimwe nyika hakuna izvozvo. Saka rubatsiro runogona kupiwa nevoukama uye ungano kuhama nehanzvadzi dzakwegura runosiyana-siyana. Kana vana vanotenda vachigara kure nevabereki vavo,  vangasanyatsokwanisa kuvabatsira. Pakadaro zvingava zvakanaka kuti vana vacho vakurukure nevakuru veungano yevabereki vavo kuti vave nechokwadi chokuti vose vanzwisisa mamiriro ezvinhu emhuri yacho. Somuenzaniso, vakuru vanogona kubatsira vabereki vacho kuti vawane rubatsiro runopiwa nehurumende kana mamwe masangano. Vangabatsirawo nokuzivisa vana chero zvinhu zvinenge zvichida kugadziriswa zvakadai setsamba dzinenge dzisina kuvhurwa kana kuti mishonga isiri kunwiwa zvakanaka. Kukurukurirana saizvozvo kunogona kubatsira kuti zvinhu zvisazonyanya kuipa uye kunogona kuita kuti pawanikwe nzira yokugadzirisa zvinhu. Kana pakava nevanhu vakadaro vanotarisa kuti zvinhu zvakamira sei kumba, zvinogona kubatsira kuti vana vane vabereki vakwegura vasanyanya kunetseka.

16. Vamwe vaKristu vanobatsira sei vakwegura vari muungano?

16 Vamwe vaKristu vanoratidza kuti vanoda hama nehanzvadzi dzakwegura nokuzvipira kushandisa nguva yavo uye simba ravo kuita zvose zvavanogona kuti vadzibatsire. Vanonyatsoratidza kuti vanoda hama nehanzvadzi dzavo dzakwegura dziri muungano. Vamwe vari muungano vanoita majana okuchengeta vakwegura. Sezvo vasingakwanisi kupinda mubasa renguva yakazara nemhaka yemamiriro avo ezvinhu, vanoda chaizvo kubatsira vakwegura ava kuti vana vavo varambe vari mubasa renguva yakazara. Chokwadi hama idzodzo dzinoita zvakanaka chaizvo! Asi hazvirevi kuti vana vacho vanofanira kubva varega basa ravo rokuchengeta vabereki.

REMEKEDZA VAKWEGURA NOKUTAURA MASHOKO ANOKURUDZIRA

17, 18. Mafungiro akaita sei anoita kuti basa rokuchengeta vakwegura rive nyore?

17 Vakwegura nevanovachengeta vanogona kushanda vose zvakanaka kuti basa racho riite nyore kana vakaramba vachifara. Dzimwe nguva, kukwegura kunoita kuti munhu asafara uye aore mwoyo. Saka zvimwe ungada kuita zvose zvaunogona kuti uremekedze uye ukurudzire hama nehanzvadzi dzakwegura. Hama nehanzvadzi idzi dzinofanira kurumbidzwa nokuti dzave dzichishumira Mwari dzakatendeka. Jehovha haakanganwi zvadzakaita mubasa rake uye vamwe vaKristu havazvikanganwiwo.—Verenga Maraki 3:16; VaHebheru 6:10.

18 Uyewo, mabasa ezuva nezuva angaita nani kana vakwegura uye vanovachengeta vachimbotaurawo zvinosetsa dzimwe nguva. (Mup. 3:1, 4) Vakwegura vakawanda vanoitawo zvose zvavanogona kuti vasanetsa vaya vanovachengeta. Vanoziva kuti kana vasinganetsi, vanhu vanogona kugara vachivashanyira uye vachivabatsira zvakanaka. Kazhinji vaya vanoshanyira vakwegura vanowanzoti, “Ndaenda kunokurudzira munhu akwegura asi neniwo ndakurudzirwa.”—Zvir. 15:13; 17:22.

19. Vakuru nevadiki vangatarisirei mune ramangwana?

19 Tinotarisira chaizvo nguva ichapera kutambura uye matambudziko anokonzerwa nechivi. Asi pari zvino, vashumiri vaMwari vanofanira kuramba vaine tarisiro yokurarama nokusingaperi. Tinoziva kuti kutenda zvipikirwa zvaMwari kunotibatsira patinenge tiri mumatambudziko. Nemhaka yokutenda ikoko, “hatineti, asi kunyange munhu watiri nechokunze ari kupera, chokwadi munhu watiri nechomukati ari kuitwa mutsva zuva nezuva.” (2 VaK. 4:16-18; VaH. 6:18, 19) Zvisinei, chii chimwe chingakubatsirai kuti mukwanise kuchengeta vakwegura? Tichakurukura mamwe mazano anobatsira munyaya inotevera.

^ ndima 9 Nyaya inotevera ichakurukura dzimwe nzira dzokuchengeta nadzo vabereki vakwegura.