Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA IRI PAKAVHA | UNOFANIRA KUNYENGETERA HERE?

Nei Vanhu Vachinyengetera?

Nei Vanhu Vachinyengetera?

Unonyengetera nguva dzose here? Vakawanda vanonyengetera, kunyange vaya vasingatendi kuti kuna Mwari. Asi nei vanhu vachinyengetera? Maererano neimwe ongororo yakaitwa muFrance, vanhu vanosvika hafu yevagari vemo vanonyengetera kana kuti vanofungisisa dzimwe nguva “kuitira kuti vangonzwa zviri nani.” Kungofanana nevanhu vakawanda vekuEurope, havanyengeteri nechinangwa chokunamata. Asi “vanongonyengetera kuti vanzwe zviri nani.” Ukuwo, vamwe vanoenda kuchechi vanongonyengetera pavanenge vaine zvavari kuda, vachitarisira kuti Mwari avapindure nokukurumidza.—Isaya 26:16.

Ko iwe? Unofunga kuti munyengetero unongokubatsira kuti ufunge zvakanaka here? Kana uchitenda kuti Mwari ariko, unoona here kubatsira kunoita munyengetero muupenyu hwako? Kana kuti unoona sokuti minyengetero yako haipindurwi here? Bhaibheri rinogona kukubatsira kuona munyengetero senzira inotiswededza pedyo naMwari, kwete kuuona sechinhu chinongoita kuti tinzwe zviri nani.