Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Jesu achaitei mune ramangwana?

Mugore ra33 C.E., Jesu akafa, akamutswa, uye akakwira kudenga. Pave paya, Jesu akapiwa simba rokutonga saMambo. (Dhanieri 7:13, 14) Mune ramangwana, Jesu saMambo achaita kuti panyika pave nerugare uye achabvisa urombo.—Verenga Pisarema 72:7, 8, 13.

SaMambo, Jesu achabvisa zvakaipa panyika

Jesu seMutongi wevanhu achaita zvinhu zvinoshamisa. Achabvisa chivi pavanhu achishandisa simba raakapiwa naBaba vake. Vanhu vachanakidzwa noupenyu panyika, vasisakweguri uye vasisafi.—Verenga Johani 5:26-29; 1 VaKorinde 15:25, 26.

Jesu ari kuitei iye zvino?

Iye zvino Jesu ari kutungamirira basa rokuparidza remunyika yose, riri kuitwa nevateveri vake vechokwadi. Vanoshanyira vanhu kuti vavaratidze zvinotaura Bhaibheri nezveUmambo hwaMwari. Jesu akataura kuti aizoramba achitsigira basa racho kusvikira Umambo hwaMwari hwaparadza hurumende dzevanhu.—Verenga Mateu 24:14; 28:19, 20.

Jesu ari kutungamirira vanhu kuti vararame upenyu huri nani achishandisa ungano yechiKristu yechokwadi. Acharamba achingovatungamirira kusvikira munyika itsva yakapikirwa naMwari, vanhu vakaipa pavanenge vaparadzwa.—Verenga 2 Petro 3:7, 13; Zvakazarurwa 7:17.