Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoona “Uyo Asingaoneki” Here?

Unoona “Uyo Asingaoneki” Here?

“Akaramba akasimba seaiona Uyo asingaoneki.”—VAH. 11:27.

1, 2. (a) Tsanangura kuti nei zvaiita sokuti Mosesi aiva mungozi. (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Nei Mosesi asina kutya kutsamwa kwamambo?

FARAO aiva mambo aityisa uye vaIjipiti vaimuona samwari. Bhuku rinonzi When Egypt Ruled the East rinotaura kuti vaIjipiti vaiona Farao seaiva “nouchenjeri nesimba rinopfuura zvinhu zvose zviri panyika.” Kuti atyiwe nevanhu, Farao aipfeka ngowani yaiva nemufananidzo wemhungu yagadzirira kuruma uye ichocho chaiva chiyeuchidzo chokuti munhu wose aipandukira mambo aizourayiwa. Saka chimbofunga kuti Mosesi akanzwa sei Jehovha paakamuudza kuti: “Chiuya ndikutume kuna Farao, ubudise vanhu vangu, ivo vanakomana vaIsraeri, muIjipiti.”—Eks. 3:10.

2 Mosesi akaenda kuIjipiti, akataura zvaakanga atumwa naMwari uye izvi zvakagumbura Farao. Pashure pokunge nyika yeIjipiti yawirwa nematambudziko mapfumbamwe, Farao akanyevera Mosesi kuti: “Chenjerera! Usaedzazve kuona chiso changu, nokuti pazuva rauchaona chiso changu uchafa.” (Eks. 10:28) Mosesi asati abva pana Farao, akaprofita kuti mwanakomana waFarao aizofa. (Eks. 11:4-8) Mosesi akazoudza mhuri imwe neimwe yechiIsraeri kuti iuraye mbudzi kana kuti gondohwe, yosasa ropa racho  pamagwatidziro edzimba dzavo. Gondohwe raionekwa semhuka tsvene nevanamati vamwari wevaIjipiti ainzi Ra. (Eks. 12:5-7) Farao aizoita sei? Mosesi haana kutya zvaizoitwa naFarao. Nei? Mosesi aiva nokutenda saka akateerera Jehovha, “asingatyi kutsamwa kwamambo, nokuti akaramba akasimba seaiona Uyo asingaoneki.”—Verenga VaHebheru 11:27, 28.

3. Mibvunzo ipi yatichakurukura ine chokuita nokutenda kwaiva naMosesi muna “Uyo asingaoneki”?

3 Kutenda kwako kwakasimba chaizvo zvokuti unoita ‘seunoona Mwari’ here? (Mat. 5:8) Kuti tisimbise kutenda kwedu uko kuchatibatsira kuona “Uyo asingaoneki,” ngatikurukurei nezvaMosesi. Kutenda kwaaiita muna Jehovha kwakamudzivirira sei kuti asatya vanhu? Akaratidza sei kuti aitenda zvainge zvavimbiswa naMwari? Kuona “Uyo asingaoneki,” kwakasimbisa sei Mosesi nevanhu vake pavainge vava panguva yakaoma?

HAANA KUTYA “KUTSAMWA KWAMAMBO”

4. Vanhu vasina kutenda vangava vaiona sei Mosesi vachimuenzanisa naFarao?

4 Vaya vasina kutenda vangangodaro vakafunga kuti Mosesi ainge asiri chinhu kana achienzaniswa naFarao. Farao aiva nesimba zvokuti aikwanisa kukuvadza kana kuti kuuraya Mosesi. Mosesi pachake ainge abvunza Jehovha kuti: “Ndini ani kuti ndiende kuna Farao uye kuti ndibudise vanakomana vaIsraeri muIjipiti?” (Eks. 3:11) Makore 40 ainge apfuura, Mosesi ainge atiza kubva muIjipiti akanopotera kune imwe nyika. Zvimwe ainetseka kuti, ‘Zvine musoro here kudzokera kuIjipiti uye handizogumburi mambo here?’

5, 6. Chii chakabatsira Mosesi kuti atye Jehovha kwete Farao?

5 Mosesi asati adzokera kuIjipiti, Mwari akamudzidzisa chidzidzo chinokosha, uye Mosesi akazonyora nezvechidzidzo ichocho mubhuku raJobho paakati: “Kutya Jehovha—ndihwo uchenjeri.” (Job. 28:28) Kuti Mosesi ave nekutya ikoko uye asarudze nokuchenjera, Jehovha akaita kuti aone kuti vanhu vakasiyana naMwari Wemasimbaose. Akamubvunza kuti: “Ndiani akaita muromo womunhu, ndiani anoita mbeveve kana matsi kana anoona zvakanaka kana bofu? Handisi ini Jehovha here?”—Eks. 4:11.

6 Mosesi akawana chidzidzo chipi? Aisafanira hake kutya. Jehovha ndiye ainge amutuma uye aizomupa zvose zvaaida kuti ataure mashoko ake kuna Farao. Uyewo, Farao akanga asingakwanisi kumirisana naJehovha. Aka kakanga kasiri kokutanga kuti vanhu vaMwari vave mungozi muIjipiti. Mosesi angangodaro akafunga nezvokuti Jehovha ainge adzivirira sei Abrahamu, Josefa uye kunyange iye pachake panguva yaitonga vamwe vanaFarao. (Gen. 12:17-19; 41:14, 39-41; Eks. 1:22–2:10) Sezvo aitenda muna Jehovha, “Uyo asingaoneki,” Mosesi akarovera mwoyo padombo akaenda kuna Farao uye akataura mashoko ose aainge anzi naJehovha ataure.

7. Kutenda muna Jehovha kwakabatsira sei imwe hanzvadzi?

7 Kutenda muna Jehovha kwakabatsirawo imwe hanzvadzi inonzi Ella kuti isatya vanhu. Muna 1949, Ella akasungwa kuEstonia nemapurisa eKGB. Akamubvisa mbatya, uye mamwe mapurisa echiduku akaramba akamutarisa asina kupfeka. Ella anoti: “Ndakanyara.” “Asi pandakanyengetera kuna Jehovha, ndakabva ndanzwa kugadzikana mupfungwa.” Ella akabva aiswa muchitokisi maaigara ega kwemazuva matatu. Anoti: “Mapurisa akabva ashevedzera achiti: ‘Tichava nechokwadi chokuti zita rokuti Jehovha harizombofi rakanzwika muEstonia! Uri kuenda kumusasa wevasungwa uye vamwe kuSiberia!’ Achitsvinya, akawedzera kuti, ‘Jehovha wenyu aripi?’” Ella aizotya vanhu here kana kuti aizovimba naJehovha? Paaibvunzurudzwa, akataura asingatyi achiudza vaimutsvinyira kuti: “Ndakafungisisa nyaya iyi uye ndingasva hangu  ndagara mujeri asi ndiine ukama hwakanaka naMwari pane kuti ndisunungurwe asi ndorasikirwa noukama naye.” Ella aiona Jehovha semunhu chaiye kungofanana nevarume vainge vakamira pamberi pake. Kutenda kwakamubatsira kuti arambe akavimbika kuna Jehovha.

8, 9. (a) Ungaitei kuti usatya vanhu? (b) Kana ukava mumamiriro ezvinhu angaita kuti utye vanhu, unofanira kuramba uchifunga nezvaani?

8 Kutenda muna Jehovha kuchakubatsira kuti ukunde kutya. Kana vane masimba vakaedza kukurambidza kunamata Mwari, zvingaita sokuti upenyu hwako uye ramangwana rako zviri mumaoko avo. Zvimwe ungatonetseka kana zviine musoro kuramba uchishumira Jehovha uye uchigumbura vane masimba. Yeuka kuti kana uchida kuti usatya vanhu unofanira kutenda muna Mwari. (Verenga Zvirevo 29:25.) Jehovha anoti nei uchifanira kutya “munhuwo zvake achafa, uye mwanakomana wevanhu achaitwa souswa hwakasvibirira?”—Isa. 51:12, 13.

9 Ramba uchifunga nezvaBaba vako vane masimbaose. Vanoona uye vanonzwira tsitsi vose vanenge vachitambura nepamusana pokusabatwa zvakanaka nevane masimba uye vanoda kuvabatsira. (Eks. 3:7-10) Kunyange uchifanira kudzivirira kutenda kwako pamberi pevane masimba makuru, ‘usazvidya mwoyo pamusoro pematauriro auchaita kana zvauchataura; nokuti uchapiwa zvauchataura muawa iyoyo.’ (Mat. 10:18-20) Vatongi uye vakuru vakuru vehurumende havana masimba kana tichivaenzanisa naJehovha. Kana ukasimbisa kutenda kwako iye zvino, unopedzisira wava kuita seuri kutoona Jehovha uyo anoda kukubatsira.

AKARATIDZA KUTI AITENDA ZVAINGE ZVAVIMBISWA NAMWARI

10. (a) Jehovha akapa vaIsraeri mirayiridzo ipi mumwedzi waNisani, 1513 B.C.E.? (b) Nei Mosesi akateerera mirayiridzo yaMwari?

10 Mumwedzi waNisani, 1513 B.C.E., Jehovha akaudza Mosesi naAroni kuti vaudze vaIsraeri kuti vaifanira kutora gondohwe rakanaka kana kuti mbudzi vouraya uye vosasa ropa racho pamagwatidziro emasuo avo. (Eks. 12:3-7) Mosesi akaita sei? Muapostora Pauro akazonyora nezvaMosesi kuti: “Nokutenda akanga achengeta paseka uye akasasa ropa, kuti muparadzi arege kugunzva matangwe avo.” (VaH. 11:28) Mosesi aiziva kuti Jehovha anotaura chokwadi uye akaratidza kutenda zvainge zvataurwa naJehovha kuti aizoparadza matangwe evaIjipiti.

11. Nei Mosesi akanyevera vamwe?

11 Zvinoita sokuti vanakomana vaMosesi vaiva kuMidhiyani, kure ne“muparadzi.” * (Eks. 18:1-6) Asi akateerera zvaakaudzwa naMwari ndokunyevera mhuri dzechiIsraeri dzaiva nematangwe aiva mungozi. Matangwe aya aigona kufa uye Mosesi aida hama dzake. Bhaibheri rinoti: “Mosesi akabva ashevedza varume vakuru vose vaIsraeri akati kwavari: . . . ‘[Urayai] chibayiro chepaseka.’”—Eks. 12:21.

12. Jehovha anotirayira kuti tiudze vanhu mashoko api anokosha?

12 Vachitungamirirwa nengirozi, vanhu vaJehovha vari kuzivisa mashoko anokosha okuti: “Ityai Mwari mumukudze, nokuti awa yokutonga kwake yasvika, naizvozvo namatai Iye akasika denga nenyika negungwa nezvitubu zvemvura.” (Zvak. 14:7) Iye zvino ndiyo nguva yokuti tizivise mashoko iwayo. Tinofanira kunyevera vavakidzani vedu kuti vabude muBhabhironi Guru kuti vasawana “mamwe matambudziko aro.” (Zvak. 18:4) VaKristu vakazodzwa, vachibatsirwa ne“mamwe makwai,” vanoteterera vanhu vakaparadzaniswa naMwari kuti ‘vayananiswe’ naye.—Joh. 10:16; 2 VaK. 5:20.

Kutenda mune zvakavimbiswa naJehovha kuchaita kuti uwedzere kuva nechido chokuudza vanhu mashoko akanaka (Ona ndima 13)

13. Chii chichaita kuti tiwedzere kuda kuudza vanhu mashoko akanaka?

13 Tine chokwadi chokuti “awa yokutonga” yasvika. Tinewo chokwadi chokuti Jehovha haanyepi paanotaura kuti nguva yokuti  tiparidze uye tiite kuti vanhu vave vadzidzi yasara shoma. Muapostora Johani akaratidzwa “ngirozi ina dzimire pamakona mana enyika, dzakabata zvakasimba mhepo ina dzenyika.” (Zvak. 7:1) Kutenda kwako kwakasimba here zvokuti unoita seunoona ngirozi idzodzo dzava kuda kusiya mhepo dzokuparadza pakutambudzika kukuru? Kana uine kutenda zvokuti unoona ngirozi idzodzo, uchakwanisa kuparidza mashoko akanaka nechivimbo.

14. Chii chinoita kuti tinyevere ‘munhu akaipa kuti asiye nzira yake yakaipa’?

14 VaKristu vechokwadi vanotova noushamwari naJehovha uye vanotarisira kuzorarama nokusingaperi. Asi tinoziva kuti ibasa redu kunyevera ‘munhu akaipa kuti asiye nzira yake yakaipa kuti arambe ari mupenyu.’ (Verenga Ezekieri 3:17-19.) Tinoziva hedu kuti hatingoparidzi kuti tisazova nemhosva yeropa. Tinoparidza nokuti tinoda Jehovha uye vavakidzani vedu. Jesu akaratidza kuti rudo uye ngoni zvinonyatsorevei mumufananidzo wake wemuSamariya akanaka. Tingazvibvunza kuti, ‘Ndakaita semuSamariya iyeye here zvokuti ndinosiririswa nevanhu ndovaparidzira?’ Uyewo hatitombodi kuita somupristi nomuRevhi vomumufananidzo waJesu, tichipa tuzvikonzero twokurega kuparidzira vanhu tichiita sokuti tiri kupfuura “nokune rumwe rutivi.” (Ruka 10:25-37) Kutenda zvakavimbiswa naMwari uye kuda muvakidzani zvichaita kuti tiite basa rokuparidza nomwoyo wose nguva isati yapera.

“VAKAPFUURA NOMUGUNGWA DZVUKU”

15. Nei vaIsraeri vaiona sokuti vaiva parumananzombe?

15 Kutenda kwaiva naMosesi muna “Uyo asingaoneki” kwakamubatsira  vaIsraeri pavakanga vava panguva yakaoma vabuda muIjipiti. Bhaibheri rinoti: “VaIsraeri vakatarira, vakaona vaIjipiti vachivatevera; vanakomana vaIsraeri vakatya kwazvo vakatanga kuchemera Jehovha.” (Eks. 14:10-12) VaIsraeri vaisaziva here kuti vaizosangana nedambudziko iri? Vaizviziva nokuti Jehovha ainge ataura kuti: “Ndicharega mwoyo waFarao uchioma, iye achavatevera uye ndichakudzwa nezvichaitika kuna Farao nemauto ake ose ehondo; uye vaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha.” (Eks. 14:4) Kunyange zvakadaro, vaIsraeri vaisava nokutenda zvokuti vaingoona Gungwa Dzvuku raiva mberi kwavo, ngoro dzehondo dzaFarao dzaimhanya dzichivatevera uye mufudzi akwegura ava nemakore 80 aivatungamirira! Vaiona sokuti vaiva parumananzombe.

16. Kutenda kwakasimbisa sei Mosesi paGungwa Dzvuku?

16 Asi Mosesi haana kutya. Nei? Nokuti aiva nokutenda, uye kutenda ikoko kwaiita kuti aone mumwe munhu aiva nesimba rinopfuura regungwa kana kuti reuto raFarao. Aiona “ruponeso rwaJehovha,” uye aiziva kuti Jehovha aizorwira vaIsraeri. (Verenga Eksodho 14:13, 14.) Kutenda kwaMosesi kwakasimbisa vanhu vaMwari. Bhaibheri rinoti: “Nokutenda vakapfuura nomuGungwa Dzvuku sepanyika yakaoma, asi pavakatsunga kupindawo namo vaIjipiti vakamedzwa.” (VaH. 11:29) Zvadaro, “vanhu vakatanga kutya Jehovha, vakava nokutenda muna Jehovha naMosesi mushumiri wake.”—Eks. 14:31.

17. Kutenda kwedu kuchaedzwa sei mune ramangwana?

17 Munguva pfupi iri kuuya, tichaita setava panguva yakaoma. Pachazotanga Amagedhoni, hurumende dzenyika ino dzichange dzaparadza masangano ezvitendero akakura uye ane vanhu vakawanda chaizvo kutipfuura. (Zvak. 17:16) Jehovha anoti tichange takaita sokuti hatina anotidzivirira achitifananidza ne“nyika yokumaruwa . . . , [isina] rusvingo, uye [isina] kana muzariro nemasuo.” (Ezek. 38:10-12, 14-16) Kana tisina kutenda, tichaona sokuti tava kuparara. Uchaitei?

18. Tsanangura kuti nei tichikwanisa kuramba takasimba munguva yokutambudzika kukuru.

18 Hatifaniri hedu kutya. Nei? Nokuti Jehovha akagara ataura nezvekurwiswa ikoko kuchaitwa vanhu vake. Akatotaurawo zvichaguma zvaitika. “‘Zvino pazuva iroro, pazuva richauya Gogi panyika yaIsraeri,’ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha, ‘hasha dzangu dzichakwira mumhino dzangu. Ndichataura ndiine godo, ndiri mumoto wokushatirwa kwangu kukuru.’” (Ezek. 38:18-23) Mwari achabva aparadza vanhu vose vachange vachida kurwisa vanhu vake. Kana ukava nokutenda kuti Jehovha achakudzivirira pazuva rake “guru nerinotyisa,” uchakwanisa kuona “ruponeso rwaJehovha” uye ucharamba wakaperera kwaari.—Joe. 2:31, 32.

19. (a) Mosesi aiva neukama hwakaita sei naJehovha? (b) Kana ukafunga nezvaJehovha munzira dzako dzose, uchawana chikomborero chipi?

19 Iye zvino ndiyo nguva yokuti ugadzirire zviitiko izvozvo zvinofadza nokuramba ‘wakasimba seunoona Uyo asingaoneki’! Simbisa ushamwari hwako naJehovha Mwari nokugara uchidzidza uye uchinyengetera. Mosesi aiva neushamwari hwakadaro naJehovha uye akashandiswa chaizvo naye zvokuti Bhaibheri rinoti Jehovha aiziva Mosesi “chiso nechiso.” (Dheut. 34:10) Mosesi aiva muprofita anokosha chaizvo. Kana uine kutenda, unokwanisawo kunyatsova neushamwari hwepedyo naJehovha sezvawaizoita kudai waikwanisa kumuona. Kana ukaramba uchifunga nezvake, “munzira dzako dzose,” sezvaunokurudzirwa neShoko raMwari, “acharuramisa makwara ako.”—Zvir. 3:6.

^ ndima 11 Jehovha akatuma ngirozi kuti dziparadze vaIjipiti.—Pis. 78:49-51.