Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Iva Akashinga Kwazvo—Jehovha Ndiye Mubatsiri Wako!

Iva Akashinga Kwazvo—Jehovha Ndiye Mubatsiri Wako!

“Tive vakashinga kwazvo tichiti: ‘Jehovha ndiye mubatsiri wangu.’”—VAH. 13:6.

1, 2. Vanhu vakawanda vanotamira kune dzimwe nyika vanosangana nematambudziko api pavanodzoka kumusha? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

“PANDAISHANDA mhiri kwemakungwa, ndaiva nebasa repamusoro raindiwanisa mari yakawanda,” anodaro Eduardo. * “Asi pandakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, ndakaona kuti ndaiva nebasa rinokosha chaizvo rokutungamirira mhuri yangu pakunamata kwete kungoiriritira chete. Saka ndakadzokera kumusha kunogara nayo.”—VaEf. 6:4.

2 Eduardo aiziva kuti kudzoka kwaakaita kuti azogara nemhuri yake kwaifadza Jehovha. Asi sezvaingofanira kuitwa naMarilyn ari munyaya yapfuura, Eduardo aivawo nebasa rakakura rokugadzirisa ukama hwake nemhuri yake. Akasanganawo nedambudziko rokuriritira mudzimai wake nevana munyika ine upfumi hwakaderera. Aizoita sei kuti vawane zvokurarama nazvo? Rubatsiro rupi rwaaigona kutarisira kubva kune vamwe vari muungano?

KUGADZIRISA MANAMATIRO UYE UPENYU HWEMHURI YAKO

3. Vana vanokanganisika sei kana mubereki asingagari navo?

3 “Ndakaona kuti ndainge ndasiya vana vangu panguva yavainyanya kuda kutungamirirwa uye kuratidzwa rudo,” anodaro Eduardo. “Ndaisakwanisa kuvaverengera nyaya dzomuBhaibheri,  kunyengetera navo, kuvambundira, uye kutamba navo.” (Dheut. 6:7) Mwanasikana wake mukuru, Anna, akataurawo kuti kugara kwavaiita vasina baba kwaiita kuti anetseke chaizvo. Anotiwo baba vavo pavakadzoka, iye nevanun’una vake vakatombotadza kuvaziva sezvo vainge vachingoziva chiso chavo nenzwi ravo chete. Baba vake pavakamumbundira haana kunzwa seambundirwa nababa vake.

4. Kana murume asingagari nemhuri yake, zvinomutadzisa sei kuita basa rake somusoro wemhuri?

4 Kana baba vasingagari nemhuri yavo, havakwanisiwo kuita basa ravo semusoro wemhuri. Ruby, mudzimai waEduardo, anoti: “Ndaiita mabasa aamai uye ababa, uye ndakanga ndatojaira kuita zvisarudzo zvizhinji zvinofanira kuitwa mumhuri. Eduardo paakadzoka, ndaitofanira kudzidza kuzviisa pasi semudzimai wechiKristu. Nanhasi ndinotofanira kuzviyeuchidza kuti murume wangu avapo.” (VaEf. 5:22, 23) Eduardo anotiwo: “Vanasikana vedu vainge vajaira kukumbira amai vavo mvumo yokuita zvimwe zvinhu. Asi takaona kuti isu sevabereki taifanira kuva nemuromo mumwe chete uye ndaifanira kudzidza kutungamirira mhuri yangu nenzira yechiKristu.”

5. Vamwe baba vakatanga sei kugadzirisa ukama hwavo nemhuri yavo, uye zvakaguma nei?

5 Eduardo ainge akatsunga kuita zvose zvaaigona kuti agadzirise ukama hwake nemhuri yake uye kuivaka pakunamata. “Chinangwa changu chaiva chokudzidzisa vana vangu nemashoko angu uye nemuenzaniso wangu. Ndaisada kungotaura kuti ndinoda Jehovha asi ndaida kuratidza kuti ndinomuda.” (1 Joh. 3:18) Jehovha akakomborera here zvaiitwa naEduardo? Anna anotaura nezvababa vake achiti, “Kuvaona vachishanda nesimba kuti vave baba vakanaka uye kuti vave pedyo nesu zvekare kwakatibatsira chaizvo. Taifara chaizvo pataiona vachivavarira kuwanawo ropafadzo muungano. Nyika yaida kutiendesa kure naJehovha. Asi takaona kuti vabereki vedu vaikoshesa chaizvo chokwadi, saka takaedza kuvatevedzera. Baba vakavimbisa kuti vaisazotisiya zvakare, uyewo chokwadi havana kuzombotisiya. Kudai vakatisiya, zvimwe kutaura kuno ndingadai ndisiri musangano raJehovha.”

KUBVUMA KUTI NDIWE WAKAKANGANISA

6. Vamwe vabereki vakadzidzei panguva yehondo?

6 Pairwiwa hondo mune dzimwe nyika dzokuEurope, vana veZvapupu zvaJehovha zvaigara munyika idzodzo vaifara pasinei nokuti upenyu hwainge hwakaoma. Nemhaka yei? Vabereki vaisaenda kubasa, saka vaigara pamba vachidzidza nevana vavo, vachitamba navo, uye vachikurukura navo. Chidzidzo chipi chatingawana? Vana vanonyanya kukoshesa kuva nenguva nevabereki vavo kupfuura kupiwa mari nezvipo. Chokwadi, sezvinotaurwa neShoko raMwari, vana vanobatsirwa kana vachigara nevabereki vavo uye vachidzidziswa.—Zvir. 22:6.

7, 8. (a) Vamwe vabereki vanenge vadzoka kubva kunze kwenyika vanoita chikanganiso chipi? (b) Vabereki vangaita sei kuti vana vavo vasaramba vakavagumbukira?

7 Vamwe vabereki vainge vadzoka kubva kunze kwenyika, pavakagumbukirwa nevana vavo kana kuti pavasina kufarirwa, vakataura mashoko asina kunaka okuti: “Makaita seiko imi musingatendi zvose zvandakakuitirai?” Zvisinei, dzimwe nguva chinonyanya kuita kuti vana ava vasafara ndechokuti vabereki vavo vainge vasipo. Mubereki angaita sei kuti agadzirise ukama hwake nevana vake?

8 Kumbira Jehovha kuti akubatsire kuti uratidze kunzwisisa mhuri yako. Zvadaro, paunenge uchitaura nemhuri yako, bvuma kuti kugara kure nayo ndiko kwakakonzerawo dambudziko racho. Kuvakumbira ruregerero zvichibva pamwoyo kunogona kubatsira. Kana wawakaroorana naye uye vana vako vakaona kuti uri kuramba uchiedza kugadzirisa ukama hwako navo, vachaona kuti uri kuita zvinhu nemwoyo wose. Kana ukaramba wakatsunga uye uine mwoyo murefu,  mhuri yako inogona kupedzisira yava kukuda uye kukuremekedza.

‘KUGOVERA VOKWAKO’

9. Nei tisingafaniri hedu kuedza kuwana pfuma yakawanda kuti ‘tigovere mhuri yedu?’

9 Muapostora Pauro akarayira kuti kana vaKristu vakura vasisakwanisi kuzviriritira, vana uye vazukuru vavo vanofanira kuripa “muripo wakakodzera kuvabereki vavo navanasekuru.” Asi Pauro akakurudzirawo vaKristu vose kuti vagutsikane nezvinhu zvinokosha zvezuva nezuva zvakadai sezvokudya, zvokupfeka nepokugara. Hatifaniri kuramba tichingoedza kuva neupenyu hwepamusoro kana kutsvaka mari yakawanda yokuzoshandisa mune ramangwana. (Verenga 1 Timoti 5:4, 8; 6:6-10.) Kuti muKristu ‘agovere vokwake’ haafaniri kuunganidza pfuma munyika ino ichapfuura nokukurumidza. (1 Joh. 2:15-17) Hatifaniri kuita kuti “simba rinonyengera repfuma” kana kuti “kuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu,” zvitadzise mhuri yedu kuti ‘ibatisise upenyu chaihwo’ munyika itsva yaMwari yakarurama!—Mako 4:19; Ruka 21:34-36; 1 Tim. 6:19.

10. Tingaratidza sei kuti tine uchenjeri panyaya yokuva nechikwereti chakakura?

10 Jehovha anoziva kuti tinoda mari kuti tirarame. Asi mari haikwanisi kutidzivirira sezvinoita uchenjeri hwaMwari. (Mup. 7:12; Ruka 12:15) Vanhu vakawanda vanofunga kuti hazvimbodi mari yakawanda kuti vaende kunoshanda kunze kwenyika. Uyewo, hazvirevi kuti kana vakaenda vachatoiwana chete. Chokwadi ndechokuti kuenda kunoshanda kunze kwenyika kune ngozi chaizvo. Vakawanda vanotodzoka vava nechikwereti chakakura. Pane kuti vashumire Mwari vakasununguka, vanopedzisira vava varanda vevanhu vavakakwereta. (Verenga Zvirevo 22:7.) Saka kuti usava mudambudziko iroro, kuchenjera kuti ugare warega kupinda muchikwereti.

11. Kuva nebhajeti kunobatsira sei mhuri?

11 Eduardo aiziva kuti kana aida kuramba achigara nemhuri yake, aifanira kushandisa mari zvakanaka. Iye nemudzimai wake vakaronga bhajeti vachifunga nezvezvinhu zvavainyatsoda. Bhajeti yavo yaiita kuti upenyu huti omei pane zvainge zvajairwa nemhuri yake. Asi vose vakabvumirana uye vaisapedzera mari pazvinhu zvisingakoshi. * Eduardo anoti, “Somuenzaniso, ndakabvisa vana kuzvikoro zvaidhura ndikavaendesa kuzvikoro zvakanaka zvisingadhure.” Iye nemhuri yake vainyengetera kuti awane basa raisazokanganisa purogiramu yavo yokunamata. Jehovha akapindura sei minyengetero yavo?

12, 13. Vamwe baba vakaita sei kuti variritire mhuri yavo, uye Jehovha akavakomborera sei pavakasarudza kuva noupenyu husina twakawanda-wanda?

12 Eduardo anoti, “Mumakore maviri okutanga zvinhu zvainge zvakatiomera. Mari yandainge ndakachengeta yaipera, shoma yandaitambira yaisanyatsokwana zvataida, uye ndainzwa kuneta. Asi taipinda misangano yose uye taienda tose muushumiri.” Eduardo akasarudza kusatombobvuma basa raizomuita kuti agare kure nemhuri yake kwemwedzi yakawanda kana kuti kwemakore. Anoti, “Asi ndakadzidza kuita mabasa akasiyana-siyana kuitira kuti kana rimwe basa risiri kuwanika, ndaigona kuita rimwe.”

Ungadzidzira here mabasa akasiyana-siyana kuti uriritire mhuri yako? (Ona ndima 12)

13 Nemhaka yokuti Eduardo aibhadhara zvikwereti zvake zvishoma nezvishoma, aitofanira kubhadhara mari yechimbadzo yakawanda. Asi ainge asina basa nokubhadhara mari yakawanda kudaro, nokuti chaaida iye kuva nemhuri yake, sezvinodiwa naJehovha kuvabereki. Eduardo anoti, “Iye zvino mari yandava kuwana ishoma chaizvo zvokuti inotoda kupetwa kagumi kuti isvike pane yandaiwana mhiri kwemakungwa, asi hatirari nenzara. ‘Ruoko rwaJehovha haruna kupfupika.’ Takatosarudza kupayona. Zvinoshamisa chaizvo kuti patakatanga kupayona, upfumi hwenyika hwakabva hwatanga  kuita zviri nani uye zvakanga zvava nyore kuti tiwane zvokurarama nazvo.”—Isa. 59:1.

KANA VEUKAMA VACHIDA KUTI USHANDE KUNZE KWENYIKA

14, 15. Mhuri dzingaitei kana veukama vachida kuti dzikoshese pfuma, uye chii chinogona kuitika kana dzikaratidza kuti dzinokoshesa kunamata?

14 Munzvimbo dzakawanda, vanhu vanofunga kuti ibasa ravo kupa hama neshamwari dzavo zvipo nemari. Eduardo anoti, “Ndizvo zvatinoita mutsika dzedu, uye tinonakidzwa nokupa.” Asi anotiwo: “Pane paunofanira kugumira. Ndinoudza hama dzangu kuti ndichadzipa zvandinokwanisa asi handizoregi mhuri yangu ichishaya zvainoda pakunamata.”

15 Vaya vanenge vadzoka kumusha vachibva kunze kwenyika uye vaya vanoramba kusiya mhuri dzavo kuti vanoshanda mhiri kwemakungwa, vanowanzogumbukirwa uye kutukwa nehama dzavo dzinenge dzichida kuchengetwa. Vamwe vanovati vakaoma mwoyo. (Zvir. 19:6, 7) Anna, mwanasikana waEduardo, anoti, “Kunyange zvakadaro, patinoramba zvinhu zvingatiwanisa pfuma tichiitira kuti tisakanganisa kunamata kwedu, dzimwe hama dzedu dzinogona kuzoona kuti chokwadi kunamata kwedu kunokosha. Asi vangaona here kuti kunamata kwedu kunokosha kana tichingobvuma zvavanoda?”—Enzanisa na1 Petro 3:1, 2.

VIMBA NAMWARI

16. (a) Munhu ‘angazvinyengera sei nokufunga kwenhema’? (Jak. 1:22) (b) Jehovha anokomborera zvisarudzo zvakaita sei?

16 Imwe hanzvadzi payakasvika kune imwe nyika yakabudirira pashure pokunge yasiya murume wayo nevana, yakaudza vakuru kuti: “Takatozvipira chaizvo kuti ndiuye kuno. Murume wangu akatorega kushumira semukuru. Saka ndinovimba chaizvo kuti Jehovha achakomborera zvatakasarudza.” Jehovha anokomborera zvisarudzo zvinoratidza kuti tinovimba naye, asi angakomborera sei chisarudzo chisingaenderani nezvaanoda, ndoda kana chisarudzo chacho chichiita kuti munhu arasikirwe neropafadzo dzake?—Verenga VaHebheru 11:6; 1 Johani 5:13-15.

17. Nei tichifanira kutsvaka kutungamirirwa naJehovha tisati taita zvisarudzo, uye tingazviita sei?

17 Tsvaka kutungamirirwa naJehovha usati waita zvisarudzo, kwete watozviita. Mukumbire kuti akupe mudzimu mutsvene,  uchenjeri uye kuti akutungamirire. (2 Tim. 1:7) Zvibvunze kuti: ‘Ndinoda kuteerera Jehovha mumamiriro ezvinhu akaita sei? Ndinoda kumuteerera kunyange pandinotambudzwa here?’ Kana zviri izvo zvaunoda, unodawo here kuteerera murayiro wake wokuti ugare nemhuri yako kunyange izvozvo zvichiita kuti urarame nezvinhu zvishoma kupfuura zvawaimbowana? (Ruka 14:33) Tsvaka mazano omuMagwaro kuvakuru uye teerera mazano iwayo. Kana ukaita izvozvo unenge uchiratidza kuti une kutenda kuti Jehovha achakubatsira sezvaanovimbisa. Vakuru havakusarudziri zvokuita, asi vanogona kukubatsira kuita zvisarudzo zvichaita kuti ufare.—2 VaK. 1:24.

18. Ndivanani vane basa rokuriritira mhuri, asi tingavabatsirawo sei?

18 Jehovha akapa musoro wemhuri “mutoro” wokuriritira mhuri zuva nezuva. Tinofanira kurumbidza uye kunyengeterera vaya vanoramba vachiriritira mhuri dzavo vasingadzisiyi kunyange zvazvo zvinhu zvisina kuvamirira zvakanaka kana kuti vamwe vachivakurudzira kuti vasiye mhuri dzavo. Hama idzodzo padzinowirwa nenjodzi kana kuti padzinosangana nedambudziko rourwere, tinogona kudziratidza rudo rwechiKristu uye kuti tinodzinzwira tsitsi. (VaG. 6:2, 5; 1 Pet. 3:8) Ungadzibatsirawo here nemari padzinowirwa nedambudziko kana kuti ungakwanisa here kudziwanira basa munzvimbo yamunogara? Kana ukadaro, unogona kudzibatsira kuti dzisasiya mhuri dzichinotsvaka basa.—Zvir. 3:27, 28; 1 Joh. 3:17.

YEUKA KUTI JEHOVHA NDIYE MUBATSIRI WAKO!

19, 20. Nei vaKristu vachigona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achavabatsira?

19 Magwaro anotikurudzira kuti: “Mararamiro enyu ngaave okusada mari, muchigutsikana nezvinhu zvinenge zviripo. Nokuti iye [Mwari] akati: ‘Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.’ Kuti tive vakashinga kwazvo tichiti: ‘Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handingatyi. Munhu angandiitei?’” (VaH. 13:5, 6) Jehovha anotibatsira sei?

20 Mumwe mukuru ari munyika iri kusimukira akati: “Vanhu vanowanzotaura kuti Zvapupu zvaJehovha vanhu vanofara. Vanoonawo kuti kunyange Zvapupu zvinotambura zvinogara zvakapfeka zvakanaka uye zvinoita sokuti zvine upenyu huri nani kupfuura vamwe vanhu.” Izvi ndizvo chaizvo zvakavimbiswa naJesu kune vaya vanoisa Umambo pakutanga. (Mat. 6:28-30, 33) Chokwadi, Baba vako vokudenga Jehovha vanokuda uye vanoda kuti zvinhu zvikufambire iwe nemhuri yako. “Kana ari Jehovha, maziso ake anotarira-tarira panyika pose kuti aratidze simba rake nokuda kwevaya vane mwoyo wakakwana kwaari.” (2 Mak. 16:9) Akatipa mirayiro yake kuti itibatsire. Mirayiro iyi inosanganisira iya ine chokuita nemhuri uye yokuti tingawana sei zvokurarama nazvo. Patinoteerera mirayiro iyoyo, tinoratidza kuti tinomuda uye kuti tinovimba naye. “Nokuti kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake; uye mirayiro yake hairemi.”—1 Joh. 5:3.

21, 22. Nei wasarudza kuvimba naJehovha?

21 Eduardo anoti: “Ndinoziva kuti nguva yandakapedza ndiri kure nemudzimai wangu nevana handichaiwani zvekare asi handirambi ndichizvidemba. Vakawanda vandaimboshanda navo vakapfuma asi havasi kufara. Mhuri dzavo dzine matambudziko akakura. Asi mhuri yedu iri kufara chaizvo! Uye ndinobayiwa mwoyo pandinoona dzimwe hama dziri munyika ino dzichiisa kunamata pokutanga pasinei nokuti dzinoshayiwa. Tose tiri kuona mashoko aJesu achizadziswa kwatiri.”—Verenga Mateu 6:33.

22 Saka shinga kwazvo! Teerera Jehovha uye vimba naye. Kuda kwaunoita Mwari uye mhuri yako ngakuite kuti uibatsire pakunamata. Kana ukadaro, uchaona kuti ‘Jehovha ndiye mubatsiri wako.’

^ ndima 1 Mazita akachinjwa.

^ ndima 11 Ona nyaya inoti “How to Manage Money” muMukai! yeChirungu yaSeptember 2011.