Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA IRI PAKAVHA | PANE ANOZIVA RAMANGWANA HERE?

Zvimwe Zvakaitika Asi Zvakawanda Hazvina

Zvimwe Zvakaitika Asi Zvakawanda Hazvina

Unoda kuziva ramangwana rako here? Vakawanda vanoda chaizvo kuziva ramangwana ravo. Pane vanhu vakawanda vanotaura zvavanoti zvichaitika mune ramangwana, asi zvinozoitika zvinosiyana-siyana. Ona zvinotevera:

  • MASAYENDISITI anoshandisa michina yemazuva ano uye mari yakawanda kuti vataure zvichazoitika mune ramangwana panyaya dzakasiyana-siyana, dzakadai sokuti kusvibiswa kwezvakatipoteredza kuchakanganisa sei nyika yose uye kuti mvura ichanaya here munzvimbo yenyu mune ramangwana.

  • NYANZVI DZEKUONGORORA dzinofanotaura zvadzinofunga kuti zvichaitika mune zvebhizimisi uye zvematongerwo enyika. Mumwe wevanhu vakapfuma kupfuura vose panyika anonzi Warren Buffett, akasvika pakunzi muprofita nevamwe nokuti anogona chaizvo kufanotaura zvinozoitika mune zvemabhizimisi. Imwe nyanzvi inonzi Nate Silver inoshandisa masvomhu kuti ifanotaura zvose zvichaitika kusanganisira zvematongerwo enyika muUnited States uye vanohwina mibayiro yemafirimu eHollywood.

  • ZVINYORWA ZVEKARE zvinodudzirwa semashoko euprofita. Zvinyorwa zvisinganyatsonzwisisiki zvaMichel de Notredame (Nostradamus), akararama kuma1500, zvinonzi nevamwe zviri kutozadzika mazuva ano. Vachishandisa karenda yevaMaya, vamwe vaiti nyika ichaguma musi wa21 December 2012.

  • VATUNGAMIRIRI VEZVITENDERO vanombotaura kuti kune njodzi dzichaitika pasi rose vachiitira kuti vawane vateveri uye kuti vanyevere vanhu. Muprofita anodudzira nezvekuguma kwenyika anonzi Harold Camping nevateveri vake vakaparadzira munzvimbo dzakawanda mashoko okuti nyika yaizoparadzwa muna 2011. Asi nyika ichiripo nanhasi.

  • VANOITA ZVEKUFEMBERA vanoti vanokwanisa kududzira zvichaitika mune ramangwana. Edgar Cayce naJeane Dixon vakambotaura zvinhu chaizvo zvakazoitika mumakore ekuma1900. Asi vose vakambotaurawo zvakawanda zvisina kuzoitika. Somuenzaniso, Dixon akambofanotaura kuti kwaizova neHondo Yenyika III muna 1958, uye Cayce akafanotaura kuti guta reNew York raizonyura mugungwa nechepakati pemakore ekuma1970.

Pane here nzira yakavimbika ingatibatsira kuziva nezveramangwana? Mubvunzo uyu unokosha. Kudai waikwanisa kufanoziva zvichaitika, zvaizokubatsira pane zvaunosarudza uye zvaunoita muupenyu.