Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Ndiani chaizvo ari kutonga nyika ino?

Kudai Mwari ari iye mutongi wenyika ino, paizova nekutambura kwakanyanya kudai here?

Vanhu akawanda vanodavira kuti Mwari wechokwadi ndiye mutongi wenyika ino. Asi kudai ichocho chaiva chokwadi, nyika yaizodai yakazara nokutambura here? (Dheuteronomio 32:4, 5) Bhaibheri rinotaura kuti nyika ino iri kutongwa nemunhu akaipa.—Verenga 1 Johani 5:19.

Munhu akaipa akasvika sei pakutonga vanhu? Pakutanga kwenhoroondo yevanhu, imwe ngirozi yakapandukira Mwari ndokukurudzira vanhu vaviri vokutanga kuti vapandukewo. (Genesisi 3:1-6) Vanhu vaviri ivavo vakasarudza kuteerera ngirozi yakapanduka, Satani, ndokuita kuti ive mutongi wavo. Mwari Wemasimbaose ndiye chete ane kodzero yokuva Mutongi, asi anoda kuti vanhu vasarudze kutongwa naye zvichibva pakumuda kwavanoita. (Dheuteronomio 6:6; 30:16, 19) Zvinosuruvarisa kuti vakawanda vakatsauswa kuti vaite chisarudzo chakaipa sezvakaitwa nevaviri vokutanga.—Verenga Zvakazarurwa 12:9.

Ndiani achagadzirisa matambudziko evanhu?

Mwari acharega Satani achingopfuurira neutongi hwake hwakaipa here? Kwete! Mwari achashandisa Jesu kubvisa uipi hwakakonzerwa naSatani.—Verenga 1 Johani 3:8.

Achitsigirwa naMwari, Jesu achaparadza Satani. (VaRoma 16:20) Pashure peizvi Mwari achange ava mutongi wevanhu, oita kuti vararame vachifara uye vaine rugare sezvaaida pakutanga.—Verenga Zvakazarurwa 21:3-5.