Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinofanira ‘Kupindura’ Sei Munhu Mumwe Nomumwe?

Tinofanira ‘Kupindura’ Sei Munhu Mumwe Nomumwe?

“Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, . . . kuti muzive mapinduriro amunofanira kuita.”—VAK. 4:6.

1, 2. (a) Rondedzera nyaya inoratidza kukosha kwokushandisa mibvunzo zvine unyanzvi. (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Nei tisingafaniri kutya kukurukura nevanhu nyaya dzakaoma?

MAKORE akati wandei apfuura, imwe hanzvadzi yechiKristu yaikurukura nemurume wayo asingatendi nezveBhaibheri. Murume wacho aimbopinda imwe chechi inoti ndeyechiKristu. Pavaikurukura, murume wacho akataura kuti aidavira dzidziso yoUtatu. Hanzvadzi iyi payakaona kuti murume wayo angangodaro aisanyatsoziva dzidziso yoUtatu, yakabvunza kuti, “Unodavira here kuti Mwari ndiMwari; Jesu ndiMwari uye mudzimu mutsvene ndiMwari; asi ari Mwari mumwe chete kwete vanaMwari vatatu?” Murume wacho akashamisika ndokuti, “Handidaviri izvozvo ini!” Vakabva vatanga kukurukura chokwadi nezvaMwari.

2 Nyaya iyi inoratidza kukosha kwokushandisa mibvunzo zvine unyanzvi. Inoratidzawo kuti hatifaniri kutya kukurukura nevanhu nyaya dzakadai seyoUtatu, yokuti vanhu vachanotsva mumoto uye yokuti hakuna Musiki. Kana tikavimba naJehovha uye tikashandisa zvaanotidzidzisa, tinokwanisa kupa mhinduro inobaya mwoyo yevanhu. (VaK. 4:6) Ngatimbokurukurai zvinoitwa  nevaparidzi vane unyanzvi pavanenge vachikurukura nevanhu nyaya dzakadai. Tichakurukura kuti (1) tingabvunza sei mibvunzo inoita kuti munhu ataure zvaanofunga, (2) tingashandisa sei Magwaro kubatsira munhu kuti afunge, uye (3) tingashandisa sei mienzaniso kuti munhu ajekerwe nezvatinenge tichitaura.

BVUNZA MIBVUNZO KUTI UNZWE ZVINOFUNGWA NEVANHU

3, 4. Nei zvichikosha kushandisa mibvunzo kuti tizive zvinodavirwa nemunhu? Taura muenzaniso.

3 Mibvunzo inogona kutibatsira kuziva zvinodavirwa nemunhu. Nei kuziva izvozvo kuchikosha? Zvirevo 18:13 inoti: “Kana munhu achipindura nyaya asati ainzwa, ihwohwo upenzi kwaari uye kuzvinyadzisa.” Chokwadi, pane kungomhanyira kukurukura zvinotaurwa neBhaibheri nezveimwe nyaya, zvakanaka kutanga taziva kuti munhu watiri kutaura naye anombodavirei. Tikasadaro tinogona kupedza nguva tichiitisana nharo nemunhu pazvinhu zvaasingatombodaviri!—1 VaK. 9:26.

4 Ngatitii tiri kukurukura nemunhu nyaya yokuti vanhu vakaipa vachanotsva mumoto. Havasi vose vanodavira kuti kune nzvimbo chaiyo inopisirwa vanhu. Vakawanda vanodavira kuti kana vanhu vakaipa vakafa vanenge vasingatsvi asi vanenge vakaparadzaniswa naMwari. Saka tinogona kumubvunza kuti: “Sezvo vanhu vaine maonero akasiyana-siyana panyaya iyi, imi munofungei?” Kana apindura, tinenge tava kunyatsokwanisa kumubatsira kuti anzwisise zvinotaurwa neBhaibheri nezvenyaya yacho.

5. Mibvunzo ingatibatsira sei kuziva zvinoita kuti munhu adavire zvimwe zvinhu?

5 Kushandisa mibvunzo zvine unyanzvi kunogona kutibatsirawo kuziva kuti nei munhu achidavira zvimwe zvinhu. Somuenzaniso, ngatitii tiri muushumiri tosangana nemunhu asingadaviri kuti kuna Mwari. Zviri nyore kufunga kuti munhu iyeye akakanganiswa nepfungwa dzevanhu dzakadai seyokuti zvinhu zvakaita zvokushanduka-shanduka. (Pis. 10:4) Zvisinei, tinofanira kuziva kuti vamwe vanhu havachatendi muna Mwari nokuti vakaona vanhu vachitambura zvakanyanya kana kuti ivo pachavo vanotambura. Kutambura ikoko kunoita kuti zvivaomere kubvuma kuti kune Musiki ane rudo. Saka kana saimba akataura kuti hakuna Mwari, tingamubvunza kuti, “Ndizvo zvamagara muchifunga here?” Kana akati kwete, tingamubvunza kana paine chimwe chinhu chakaita kuti apedzisire asisatendi kuti kuna Mwari. Mhinduro yake inogona kuita kuti tizive kuti tomubatsira sei.—Verenga Zvirevo 20:5.

6. Chii chatinofanira kuita kana tabvunza mubvunzo?

6 Kana tabvunza mubvunzo, tinofanira kunyatsoteerera mhinduro yomunhu wacho, toratidza kuti tanzwa zvaataura. Somuenzaniso, mumwe munhu angataura kuti dambudziko raakasangana naro ndiro rinoita kuti asava nechokwadi chokuti kune Musiki ane rudo. Tisati tamupa uchapupu hwokuti Mwari ariko, zvakanaka kumunzwira tsitsi padambudziko rake uye kumuudza kuti hapana chakaipa nokunetseka kuti nei tichitambura. (Hab. 1:2, 3) Kuva nemwoyo murefu uye kuratidza kuti tine hanya naye kungaita kuti ade kudzidza zvakawanda. *

SHANDISA MAGWARO KUBATSIRA MUNHU KUTI AFUNGE

Chii chinonyanya kuita kuti tibudirire patinenge tiri muushumiri? (Ona ndima 7)

7. Kubudirira kwedu muushumiri kunonyanya kubva pachii?

7 Iye zvino ngationei kuti tingashandisa sei Magwaro kubatsira munhu kuti afunge. Ichokwadi kuti Bhaibheri ndiro ratinonyanya kushandisa muushumiri. Rinoita kuti tishongedzerwe “zvakakwana kuita  mabasa ose akanaka.” (2 Tim. 3:16, 17) Asi kubudirira kwedu muushumiri hakunyanyi kubva pakuti taverenga magwaro akawanda asi kunobva pakuti tatsanangura sei atinenge taverenga. (Verenga Mabasa 17:2, 3.) Ngationei mienzaniso mitatu inoratidza kuti tingazviita sei.

8, 9. (a) Tingakurukura sei nemunhu anodavira kuti Jesu akaenzana naMwari? (b) Ndedzipi dzimwe pfungwa dzawakaona dzinoshanda pakutsanangura nyaya iyi?

8 Muenzaniso 1: Patinenge tiri muushumiri, tinosangana nemunhu anodavira kuti Jesu naMwari vakaenzana. Tingashandisa magwaro api kutsanangura nyaya yacho? Tingakumbira munhu wacho kuti averenge Johani 6:38 Jesu paakataura kuti: “Handina kuburuka ndichibva kudenga kuzoita zvandinoda, asi zvinodiwa naiye akandituma.” Pashure pokunge taverenga rugwaro irworwo, tinogona kubvunza munhu wacho kuti: “Kana Jesu ari Mwari, ndiani akamutuma kubva kudenga? Akamutuma wacho haangavi ari mukuru kuna Jesu here? Handizvo here kuti munhu anotumwa anenge ari mudiki pane amutuma?”

9 Tinogona kuverengawo VaFiripi 2:9, muapostora Pauro paanotsanangura zvakaitwa naMwari pashure pokunge Jesu afa uye amutswa. Ndima yacho inoti: “Mwari akamukwidziridza [Jesu] kunzvimbo yepamusoro, akamupa nomutsa zita rinopfuura mamwe mazita ose.” Kuti tibatsire munhu kunzwisisa rugwaro irworwo, tingamubvunza kuti: “Kudai Jesu ainge akaenzana naMwari asati afa, kukwidziridzwa kwaakaitwa panzvimbo yepamusoro pashure pokunge amutswa, kwaisazoita here kuti ave mukuru pana Mwari? Asi pane munhu here anganzi ane chinzvimbo chinopfuura chaMwari?” Kana munhu wacho achiremekedza Shoko raMwari uye achida kuziva chokwadi, kukurukura naye saizvozvo kungaita kuti ade kuongorora nyaya yacho.—Mab. 17:11.

10. (a) Tingabatsira sei munhu anodavira kuti vanhu vachanopiswa mumoto? (b) Ndedzipi dzimwe pfungwa dzawakaona dzinoshanda pakukurukura nyaya yokuti vanhu vachanopiswa mumoto?

10 Muenzaniso 2: Patinenge tiri muushumiri tinosangana nemunhu anoenda kuchechi anoomerwa nokubvuma kuti vanhu vakaipa havazopiswi nokusingaperi mumoto. Angava achiomerwa nokubvuma izvozvo nokuti ane chido chokuona vanhu vakaipa vachirangwa nemhaka yezvakaipa zvavakaita. Tingamubatsira sei? Tingatanga tamuudza kuti chokwadi vakaipa vacharangwa. (2 VaT. 1:9) Zvadaro, tinogona kumukumbira kuti averenge Genesisi 2:16, 17, iyo inoratidza kuti mubayiro wechivi rufu. Tingatsanangura kuti Adhamu paakaita chivi akaita kuti vanhu vose vaberekwe vaine chivi.  (VaR. 5:12) Asi tinogona kubva tataura kuti Mwari haana kumbotaura nezvekupiswa mumoto. Tingabva tabvunza kuti, “Dai Adhamu naEvha vaizonopiswa nokusingaperi kana vatadza, hwaisazova utsinye here kuti Mwari arege kuvanyevera nezvazvo?” Zvadaro tinogona kuverenga Genesisi 3:19, iyo inotaura nezvechirango chavakapiwa pashure pokunge vatadza asi tomuudza kuti haimbotauri nezvekupiswa mumoto. Asi Adhamu akatoudzwa kuti aizodzokera kuguruva. Tingabvunza kuti, “Hwaisazova utsinye here kuti Mwari audze Adhamu kuti aizodzokera kuguruva asi iye achiziva hake kuti aizoenda kunotsva mumoto?” Kana munhu wacho achida kuziva chokwadi, mubvunzo iwoyo ungaita kuti afungisise zvakadzama nezvenyaya iyi.

11. (a) Tingabatsira sei munhu anodavira kuti vanhu vose vakanaka vanoenda kudenga? (b) Ndedzipi dzimwe pfungwa dzawakaona dzinoshanda pakukurukura nyaya yokuenda kudenga?

11 Muenzaniso 3: Patinenge tiri muushumiri tinosangana nemunhu anodavira kuti vanhu vose vakanaka vanoenda kudenga. Kudavira izvozvo kungaita kuti munhu iyeye atadze kunzwisisa zvimwe zvinotaurwa neBhaibheri. Somuenzaniso, ngatitii tamuverengera Zvakazarurwa 21:4. (Verenga.) Munhu uyu angafunga kuti makomborero anotaurwa mundima iyi achawanikwa kudenga. Tingamubatsira sei? Pane kuverenga mamwe magwaro, tinogona kukurukura naye pfungwa iri mundima iyoyo yataverenga. Ndima yacho inoti “rufu haruchazovipo.” Tingamubvunza kana achibvumirana nepfungwa yokuti, kana chimwe chinhu chichinzi hachichazovipo, chinofanira kunge chaimbovapo. Zvimwe achati anobvumirana nazvo. Tinogona kubva tataura kuti kudenga hakuna kumbobvira kwava nerufu, pano pasi ndipo pane vanhu vanofa. Saka zvine musoro kutaura kuti makomborero anotaurwa pana Zvakazarurwa 21:4 achawanikwa nevanhu pano pasi.—Pis. 37:29.

SHANDISA MIENZANISO KUTI MUNHU AJEKERWE NEZVAURI KUTAURA

12. Nei Jesu aishandisa mifananidzo?

12 Jesu aisangoshandisa mibvunzo paaiparidza, asi aishandisawo mifananidzo. (Verenga Mateu 13:34, 35.) Mifananidzo yaJesu yaiita kuti azive zvaifungwa nevateereri vake. (Mat. 13:10-15) Mifananidzo yaibatsirawo vanhu kuti vade kuteerera zvaaidzidzisa uye vasazvikanganwa. Tingashandisawo sei mienzaniso patinenge tichidzidzisa?

13. Tingashandisa muenzaniso upi kuratidza kuti Mwari mukuru pana Jesu?

13 Kazhinji mienzaniso iri nyore ndiyo yakanaka kushandisa. Somuenzaniso, patinenge tichitsanangura kuti Mwari mukuru kuna Jesu, tinogona kushandisa pfungwa dzinotevera. Tinogona kutaura kuti Mwari naJesu pavaishevedzana vaishandisa ukama hwomumhuri. Mwari aidana Jesu kuti Mwanakomana uye Jesu aitiwo Baba kuna Mwari. (Ruka 3:21, 22; Joh. 14:28) Zvadaro, tingabvunza munhu wacho kuti: “Kana muchida kundibatsira kunzwisisa kuti vanhu vaviri vakaenzana, mungashandisa ukama hwomumhuri hwakaita sei?” Zvimwe munhu wacho angataura nezvemapatya. Kana akataura kudaro, tingamuudza kuti muenzaniso iwoyo wakanyatsokodzera. Tingabva tabvunza kuti: “Kana imi neni tisina kumbonetseka kuwana muenzaniso wakadaro, Jesu, Mudzidzisi Mukuru, angadai asina kuushandisawo here? Asi akataura kuti Mwari aiva Baba vake. Saka Jesu akaratidza kuti Mwari mukuru kwaari uye aiva nesimba kupfuura raaiva naro.”

14. Muenzaniso upi unoratidza kuti hazvingambovi nemusoro kuti Mwari ape Dhiyabhorosi basa rokupisa vanhu mumoto?

14 Funga nezvemumwe muenzaniso. Vamwe vanodavira kuti Satani anopisa vanhu vakaipa mumoto kana vafa. Kana tichikurukura nemubereki, muenzaniso unotevera unogona kumubatsira kuona kuti hazvina musoro kuti Mwari ape Dhiyabhorosi basa  rokupisa vanhu mumoto. Tingataura kuti: “Ngatitii mwana wenyu apanduka uye ari kuramba achiita zvakaipa. Mungaita sei?” Mubereki uyu angataura kuti anomutsiura. Angaedza aedzazve kumubatsira. (Zvir. 22:15) Zvadaro, tingamubvunza kuti angaita sei kana mwana wacho akaramba achiomesa musoro. Vabereki vakawanda vangataura kuti vanozopedzisira vamuranga. Tingabvunza kuti, “Ko mukabva maziva kuti pane mumwe munhu akaipa anga achifurira mwana wenyu?” Zviri pachena kuti mubereki wacho angagumbukira munhu iyeye. Kuti tiratidze zvinorehwa nemuenzaniso uyu, tinogona kubvunza mubereki wacho kuti, “Mungakumbira munhu iyeye kuti akurangirei mwana wenyu here?” Ichokwadi kuti achati aiwa. Saka zviri pachena kuti Mwari haangambopi Satani basa rokuranga vanhu vakaipa asi Satani wacho ari iye aivafurira!

RAMBA UINE MAONERO AKANAKA

15, 16. (a) Nei tisingafaniri kutarisira kuti munhu wose watinoparidzira achagamuchira mashoko oUmambo? (b) Tinofanira kunge tiine chipo here kuti tidzidzise zvinobudirira? Tsanangura. (Onawo bhokisi rakanzi “ Nyaya Dzinotibatsira Kupindura Vanhu Muushumiri.”)

15 Tinoziva kuti havasi vose vatinoparidzira vachagamuchira mashoko oUmambo. (Mat. 10:11-14) Izvozvo zvinoitika kunyange tikashandisa mibvunzo nounyanzvi, tikatsanangura magwaro zvakanaka-naka uye tikashandisa mienzaniso yakanaka. Yeuka kuti Jesu aiva Mudzidzisi mukuru asi vashoma chete ndivo vakagamuchira zvaaidzidzisa!—Joh. 6:66; 7:45-48.

16 Uyewo, kunyange tichifunga kuti hatina chipo chokudzidzisa, tinogona kubudirira muushumiri. (Verenga Mabasa 4:13.) Shoko raMwari rinotipa chikonzero chakanaka chokudavira kuti “vose . . . [vane] mafungiro akanaka okuti vave noupenyu husingaperi” vachagamuchira mashoko akanaka. (Mab. 13:48) Saka ngatiregei kufunga kuti hatingambobudiriri muushumiri uye ngatiyeukei kuti havasi vose vatinoparidzira vachagamuchira mashoko akanaka oUmambo. Ngatinyatsoshandisei zvatinodzidziswa naJehovha tiine chivimbo chokuti zvichatibatsira isu nevaya vanotiteerera. (1 Tim. 4:16) Jehovha anogona kutibatsira kuti tizive ‘mapinduriro atinofanira kuita’ munhu mumwe nomumwe. Sezvatichaona munyaya inotevera, kana tichida kubudirira muushumiri tinofanirawo kutevedzera mashoko aJesu okuti ‘tiitire vamwe zvatinoda kuti vatiitirewo.’

^ ndima 6 Ona nyaya inoti “Zvinoita Here Kutenda Kuti Kune Musiki?” iri muNharireyomurindi yaOctober 1, 2009.