Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

“Pane Basa Rakakura Rokukohwa Rinofanira Kuitwa”

“Pane Basa Rakakura Rokukohwa Rinofanira Kuitwa”

George Young akasvika kuRio de Janeiro muna March 1923

RAIVA gore ra1923. Imwe imba yaiitirwa zvokuimba kuSão Paulo yainge yakati maku nevanhu. George Young aipa hurukuro yake akadzikama. Hurukuro yake yaiturikirwa muchiPutukezi. Vanhu 585 vaivapo vainge vakanyatsoteerera. Magwaro eBhaibheri airatidzwa muchiPutukezi pachishandiswa purojekita. Hurukuro yapera, tumabhuku 100 twainzi Millions Now Living Will Never Die! twaiva muchiPutukezi twakapiwa vanhu pamwe chete netwumwe twaiva muChirungu, chiGerman uye chiItalian. Musangano wacho wakabudirira uye vanhu vakatanga kuparadzira shoko nezvemusangano iwoyo. Pashure pemazuva maviri, imba yacho yakazara zvekare nevanhu vakauya kuzonzwa imwe hurukuro. Asi zvainge zvafamba sei kuti zvose izvi zviitike?

Muna 1867, Sarah Bellona Ferguson akabva kuUnited States nemhuri yake akanogara kuBrazil. Muna 1899, Sarah akaziva kuti ainge awana chokwadi pashure pokunge averenga mabhuku aitaura zveBhaibheri ainge aunzwa nehanzvadzi yake kubva kuUnited States. Aifarira chaizvo zvokuverenga zvokuti akanyoresa kuti agare achiwana Nharireyomurindi yeChirungu. Sarah akabayiwa mwoyo nezvaakaverenga zvokuti akanyora tsamba kuna Hama C. T. Russell achitaura kuti kuverenga kwaakaita mabhuku avo kwairatidza kuti aitosvikawo kune vanhu vari kure.

Can the Living Talk With the Dead? (chiPutukezi)

Sarah Ferguson akaita zvose zvaaigona kuti audzewo vamwe chokwadi cheBhaibheri asi aigara achinetseka kuti ndiani aizobatsirawo iye nemhuri yake uye vanhu vose vakanaka vomuBrazil. Muna 1912, Bheteri rokuBrooklyn rakamuzivisa kuti pane mumwe munhu aiuya kuSão Paulo aine zviuru zvematurakiti echiPutukezi aiva nemusoro unoti Where Are the Dead? Muna 1915, akataura kuti zvaigara zvichimushamisa kuti Vadzidzi veBhaibheri vakawanda vaitarisira kuti munguva pfupi vaizotorwa voenda kudenga. Achitaurawo mafungiro ake, akanyora kuti: “Ko vanhu vomuBrazil neSouth America yose vachaita sei? . . . Kana ukafunga nezvokukura kwakaita South America, zviri  nyore kuona kuti pane basa rakakura rokukohwa rinofanira kuitwa.” Chokwadi basa rakawanda rokukohwa raizoitwa!

Munenge muna 1920, vamwe vanhu vasere vokuBrazil vaishanda muchikepe pavaiva muNew York City vakapinda misangano yeungano vachimirira kuti chikepe chavo chehondo chigadzirwe. Pavainge vava kudzokera kuRio de Janeiro, vakatanga kuudzawo vamwe zvavainge vadzidza muBhaibheri. Pasina nguva, muna March 1923, George Young uyo aiva mupilgrim kana kuti mutariri anofambira, akasvika kuRio de Janeiro akawana vanhu vaifarira. Akaronga kuti mabhuku akawanda ashandurirwe muchiPutukezi. Pasina nguva, Hama Young vakaenda kuSão Paulo, guta raiva nevanhu vanenge 600 000. Vasvika ikoko, vakapa hurukuro uye vakagovera tumabhuku twainzi Millions, sezvambotaurwa patangira nyaya ino. Vakati, “Sezvo ndaiva ndoga, ndainyanya kushandisa pepanhau kukoka vanhu.” Vakawedzera kuti idzi ndidzo dzaiva “hurukuro dzokutanga dzakashambadzirwa dzichinzi dzichapiwa nesangano reI.B.S.A. muBrazil.” *

Hama Young pavaipa hurukuro dzavo, magwaro eBhaibheri airatidzwa pachishandiswa purojekita

Nharireyomurindi yeChirungu yaDecember 15, 1923 yaiva nemushumo wokuBrazil waiti: “Kana tikafunga nezvokuti basa redu ikoko rakatanga musi wa1 June uye kuti panguva iyoyo kwaisava nemabhuku edu, kuwedzera kwarave richiita kunoratidza kuti Ishe ave achikomborera basa iri.” Mushumo wacho wakatiwo, kubva musi wa1 June kusvika musi wa30 September hurukuro dzose dzakapiwa muSão Paulo dzaiva 21 uye mbiri dzacho dzakapiwa naHama Young, uye vose vakateerera hurukuro idzi vaiva 3 600. Mashoko oUmambo aipararirawo zvishoma nezvishoma muRio de Janeiro. Uye mumwedzi mishomanene, mabhuku edu echiPutukezi anopfuura 7 000 ainge aparadzirwa. Uyewo Nharireyomurindi yokutanga yechiPutukezi yainge yabudiswa. Nharireyomurindi iyoyo yaiva yaNovember-December 1923.

Sarah Bellona Ferguson, munhu wokutanga muBrazil kunyoresa kuti agare achiwana Nharireyomurindi yeChirungu

George Young akashanyira Sarah Ferguson uye Nharireyomurindi yakati: “Hanzvadzi iyi yakapinda mumba maiva naGeorge Young uye yakashamiswa chaizvo. Yakabata Hama Young ruoko uye yakanyatsovatarira chiso ndokuzoti: ‘MuPilgrim here uyu?’” Pasina nguva, Sarah Ferguson nevamwe vana vake vakabhabhatidzwa. Ainge ava nemakore 25 akamirira kubhabhatidzwa! Nharireyomurindi yaAugust 1, 1924 yakati vanhu 50 vokuBrazil vakabhabhatidzwa, vakawanda vacho vari vomuRio de Janeiro.

Iye zvino papfuura makore 90 uye hatichafaniri hedu kubvunza kuti: “Ko vanhu vomuBrazil neSouth America yose vachaita sei?” MuBrazil mava neZvapupu zvaJehovha zvinopfuura 760 000 zviri kuparidza mashoko akanaka. Uye muSouth America yose mashoko oUmambo ari kuparidzwa muchiPutukezi, chiSpanish nemimwe mitauro yakawanda yeikoko. Muna 1915, Sarah Ferguson aitaura chokwadi paakati, ‘Paiva nebasa rakakura rokukohwa raifanira kuitwa.’—Kubva Mudura Renhoroondo Yedu kuBrazil.

^ ndima 6 I.B.S.A. zvinomirira International Bible Students Association.