Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ida Jehovha Mwari Wako”

“Ida Jehovha Mwari Wako”

“Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.”—MAT. 22:37.

1. Chii chakaita kuti Mwari neMwanakomana wake vawedzere kudanana?

MWANAKOMANA waJehovha, Jesu Kristu, akati: “Ndinoda Baba.” (Joh. 14:31) Akatiwo: “Baba vanoda Mwanakomana kwazvo.” (Joh. 5:20) Izvozvo hazvifaniri kutishamisa nokuti kwemakore akawanda Jesu aiva “mhizha” yaMwari asati auya panyika. (Zvir. 8:30) Kushanda pamwe chete kwaakaita naBaba vake kwakaita kuti adzidze zvakawanda kwavari uye akava nezvikonzero zvakawanda zvokuvada. Ushamwari hwavo hwepedyo ndihwo hwakaita kuti vawedzere kudanana.

2. (a) Tinofanira kuitei kuti Mwari atide? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi?

2 Munyori wepisarema Dhavhidhi akaimba kuti: “Haiwa Jehovha, imi simba rangu, ndichakudai kwazvo.” (Pis. 18:1) Isuwo tinofanira kuda Mwari nokuti anotida. Kana tikateerera Jehovha, achatida. (Verenga Dheuteronomio 7:12, 13.) Asi tinganyatsoda Mwari here isu tisingagoni kumuona? Zvinorevei kuda Jehovha? Nei tichifanira kumuda? Uye tingaratidza sei kuti tinomuda?

ZVINOITA HERE KUTI TIDE MWARI?

3, 4. Nei tichikwanisa kuda Jehovha?

3 “Mwari Mudzimu,” saka hatigoni kumuona. (Joh. 4:24) Asi  zvinoita kuti tide Jehovha uye Magwaro anotikurudzira kumuda. Somuenzaniso, Mosesi akaudza vaIsraeri kuti: “Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nesimba rako rose.”—Dheut. 6:5.

4 Nei tichikwanisa kuda Mwari? Nokuti akatisika tiine chido chokumunamata uye tichikwanisa kuratidza rudo. Kana chido chedu chokunamata chikanyatsogutswa, tinobva tawedzera kuda Jehovha uye izvozvo zvinoita kuti tifare. Jesu akati, “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu, nokuti umambo hwokumatenga ndohwavo.” (Mat. 5:3) Bhuku rinonzi Man Does Not Stand Alone rakanyorwa naA. C. Morrison rinotaura nezvechido chokunamata chatakaberekwa tiinacho richiti zvinoshamisa kuona kuti vanhu vagara vachitsvaka Mwari uye vachida kutenda maari.

5. Tinoziva sei kuti kana tikatsvaka Mwari tinomuwana?

5 Kana tikatsvaka Mwari tinomuwana here? Hongu, nokuti anoda kuti timuwane. Muapostora Pauro akaratidza izvozvo paakaparidzira boka revanhu rainge rakaungana paAreyopago yaiva pedyo neParthenon, temberi yainge yakatsaurirwa Athena, mwarikadzi wevaAtene. Chimbofungidzira uripo, Pauro achitaura nezvaMwari “akaita nyika nezvinhu zvose zviri mairi” uye obva atsanangura kuti Mwari “haagari mutemberi dzakaitwa nemaoko.” Muapostora wacho anowedzera kuti Mwari “akaita marudzi ose evanhu kubva pamunhu mumwe chete, kuti agare pamusoro penyika yose, uye akatema nguva dzakatarwa nemiganhu yakaiswa yokugara kwevanhu, kuti vatsvake Mwari, vamutsvangadzire, vamuwane, chokwadi, kunyange zvazvo asiri kure nomumwe nomumwe wedu.” (Mab. 17:24-27) Chokwadi vanhu vanogona kuwana Mwari. Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura 7 500 000 ‘zvakamuwana’ uye zvinonyatsomuda.

ZVINOREVEI KUDA MWARI?

6. Jesu akati “murayiro mukuru pane yose uye wokutanga” ndoupi?

6 Tinofanira kuda Jehovha zvichibva pamwoyo. Jesu akajekesa pfungwa yacho mumwe muFarisi paakamubvunza kuti: “Mudzidzisi, ndoupi murayiro mukuru paMitemo yose?” Jesu akapindura kuti: “‘Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.’ Uyu ndiwo murayiro mukuru pane yose uye wokutanga.”—Mat. 22:34-38.

7. Zvinorevei kuda Mwari (a) ‘nomwoyo wedu wose’? (b) ‘nomweya wedu wose’? (c) ‘nepfungwa dzedu dzose’?

7 Jesu airevei paakati tinofanira kuda Mwari ‘nomwoyo wedu wose’? Aireva kuti tinofanira kuda Jehovha nemwoyo wedu wose wokufananidzira uyo une zvaunoita pamanzwiro edu, zvido zvedu, uye zvatinofunga. Tinofanirawo kumuda ‘nomweya wedu wose’ kureva zvose zvatiri semunhu kana kuti zvose zvatinoita muupenyu hwedu. Uyewo, kuda Mwari ‘nepfungwa dzedu dzose’ zvinoreva kuti mafungiro edu nezvatinenge tichifunga zvacho zvinofanira kuratidza kuti tinoda Mwari. Saka Jesu paakataura zvose izvi aireva kuti tinofanira kuda Jehovha zvokunyatsoperera kwaari.

8. Kunyatsoda Mwari kuchaita kuti tiitei?

8 Kana tichida Mwari nomwoyo wedu wose, nomweya wedu wose uye nepfungwa dzedu dzose tichagara tichidzidza Bhaibheri, tichaita zvose zvaanotiudza kuti tiite uye tichashingaira kuzivisa mashoko akanaka oUmambo. (Mat. 24:14; VaR. 12:1, 2) Kunyatsoda Jehovha kuchasimbisa ushamwari hwedu naye. (Jak. 4:8) Zvikonzero zvinoita kuti  tide Mwari zvakawanda chaizvo zvokuti hatingambozvipedzi. Asi ngatikurukurei zvishoma zvacho.

NEI TICHIFANIRA KUDA JEHOVHA?

9. Nei uchida Jehovha?

9 Jehovha ndiye Musiki wedu uye anotipa zvatinoda. Pauro akati: “Naye tine upenyu, tinofamba uye tiripo.” (Mab. 17:28) Jehovha akasika nyika yakanaka chaizvo kuti ive musha wedu. (Pis. 115:16) Anotipawo zvokudya uye zvimwe zvinhu zvatinoda kuti tirarame. Saka Pauro akaudza vagari vomuRistra vainamata zvidhori kuti “Mwari mupenyu . . . [haana] kurega kuzvipupurira pakuti akaita zvakanaka, achikupai mvura inobva kudenga nemwaka inobereka zvibereko, achizadza mwoyo yenyu kwazvo nezvokudya nomufaro.” (Mab. 14:15-17) Chokwadi Jehovha anotipa zvose zvatinoda kuti tirarame. Ichi hachisi here chikonzero chakanaka chokuti tide Musiki wedu Mukuru?—Mup. 12:1.

10. Tinofanira kunzwa sei neurongwa hwatakaitirwa naMwari kuti tisunungurwe muchivi norufu?

10 Mwari akaita urongwa hwokuti chivi uye rufu zvatakawana kubva kuna Adhamu zvibviswe. (VaR. 5:12) Zvechokwadi, “Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti, patakanga tichiri vatadzi, Kristu akatifira.” (VaR. 5:8) Chokwadi tinoda chaizvo Jehovha nokuti akaita kuti tikwanise kukanganwirwa zvivi zvedu kana tikapfidza uye tikava nokutenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu.—Joh. 3:16.

11, 12. Jehovha akatipa tariro dzipi?

11 Jehovha ‘anopa tariro inotizadza nomufaro norugare.’ (VaR. 15:13) Tariro yatinopiwa naMwari inoita kuti tikwanise kutsungirira miedzo. Vakazodzwa vanoramba ‘vakatendeka kunyange kusvikira kurufu, vachapiwa korona youpenyu kudenga.’ (Zvak. 2:10) Vaya vane tariro yokurarama panyika vanoramba vakaperera kuna Mwari, vachawana makomborero asingaperi munyika inenge yava Paradhiso. (Ruka 23:43) Tariro idzi dzinoita kuti tinzwe sei? Tinonzwa tichifara, tiine rugare uye tichida Mupi wezvipo “zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana.”—Jak. 1:17.

12 Mwari akatipa tariro yorumuko inoita kuti tifare. (Mab. 24:15) Chokwadi tinorwadziwa chaizvo kana hama yedu ikafa, asi tariro yorumuko inoita kuti ‘tisasuruvara sezvinoita vasina tariro.’ (1 VaT. 4:13) Jehovha Mwari anosuwa kumutsa vakafa, kunyanya vaya vakatendeka vakadai saJobho. (Job. 14:15) Chimbofunga kufara kwatichaita patichava pamwe nevanenge vamutswa panyika. Tinonzwa tichida chaizvo Baba vedu vokudenga vakatipa tariro yorumuko!

13. Uchapupu hupi huripo hunoratidza kuti Mwari ane hanya nesu?

13 Jehovha ane hanya nesu. (Verenga Pisarema 34:6, 18, 19; 1 Petro 5:6, 7.) Kuziva kwatinoita kuti Mwari akagadzirira kubatsira vaya vakatendeka kwaari kunoita kuti tinzwe takachengeteka ‘semakwai emafuro ake.’ (Pis. 79:13) Mwari acharatidzawo kuti anotida nezvaachatiitira achishandisa Umambo hwaMesiya. Pashure pokunge Mambo waakasarudza Jesu Kristu abvisa chisimba, udzvinyiriri uye uipi zviri munyika, vanhu vanoteerera vachakomborerwa nerugare rukuru uye vachawana zvose zvavanoda kuti vanakidzwe neupenyu. (Pis. 72:7, 12-14, 16) Haubvumi here kuti tarisiro idzi dzinoita kuti tide Mwari wedu nemwoyo wedu wose, nemweya wedu wose nesimba redu rose uye nepfungwa dzedu dzose?—Ruka 10:27.

14. Mwari akatipa ropafadzo ipi inokosha?

14 Jehovha akatipa ropafadzo inokosha chaizvo yokuva Zvapupu zvake. (Isa. 43:10-12) Tinoda Mwari nokuti akatipa mukana  uyu kuti titsigire uchangamire hwake uye kuti tibatsire vanhu kuti vave netariro yechokwadi munyika ino ine matambudziko. Uyewo tinoparidza tiine kutenda nechivimbo nokuti mashoko akanaka atinoparidza anobva muShoko raMwari wechokwadi uyo anozadzisa zvose zvaanotaura. (Verenga Joshua 21:45; 23:14.) Chokwadi makomborero uye zvikonzero zvinoita kuti tide Jehovha hazviperi. Asi tingaratidza sei kuti tinomuda?

TINGARATIDZA SEI KUTI TINODA MWARI?

15. Kudzidza Shoko raMwari uye kuita zvarinotaura kunotibatsira sei?

15 Gara uchidzidza uye uchiita zviri muShoko raMwari. Kuita izvi kunoratidza kuti tinoda Jehovha uye tinonyatsoda kuti shoko rake rive ‘chiedza panzira yedu.’ (Pis. 119:105) Kana tiri panguva yenhamo, tinogona kunyaradzwa nevimbiso dzakaita seidzi: “Haiwa Mwari, hamuzozvidzi mwoyo wakaputsika nowakapwanyika.” “Mutsa wenyu worudo, haiwa Jehovha, wakaramba uchinditsigira. Pfungwa dzangu dzinonetsa padzakawanda mukati mangu, kunyaradza kwenyu kwakarezva mweya wangu.” (Pis. 51:17; 94:18, 19) Jehovha anonzwira tsitsi vaya vanotambudzika uye Jesu anosiririswawo nevanhu. (Isa. 49:13; Mat. 15:32) Kudzidza Bhaibheri kunoita kuti tiwedzere kuva nechokwadi chokuti Jehovha ane hanya nesu uye izvozvo zvinoita kuti tiwedzere kumuda.

16. Kugara tichinyengetera kunotibatsira sei kuti tiwedzere kuda Mwari?

16 Gara uchinyengetera kuna Mwari. Minyengetero yedu inoita kuti tive pedyo ne“Munzwi womunyengetero.” (Pis. 65:2) Kana tikaziva kuti Mwari ari kupindura minyengetero yedu, tichawedzera kumuda. Somuenzaniso, zvimwe takaona kuti Mwari haabvumiri kuti tiedzwe kupfuura zvatinogona kutsungirira. (1 VaK. 10:13) Kana tikateterera kuna Jehovha patinenge tiine zviri kutinetsa, tinogona kuva ne“rugare rwaMwari.” (VaF. 4:6, 7) Dzimwe nguva tinganyengetera nechomumwoyo sezvakaitwa naNehemiya tozoona kuti Mwari ari kupindura munyengetero wedu. (Neh. 2:1-6)  Kana ‘tikaramba tichinyengetera,’ toona kuti Jehovha ari kutipindura, tinowedzera kumuda uye tinovawo nechivimbo chokuti achatibatsira kukunda mimwe miedzo.—VaR. 12:12.

17. Kana tichida Mwari, tichaona sei nyaya yokupinda misangano?

17 Gara uchipinda misangano yechiKristu uye magungano. (VaH. 10:24, 25) VaIsraeri vaiungana kuti vateerere uye kuti vadzidze nezvaJehovha kuitira kuti vamutye uye vaite zvaitaurwa muMutemo wake. (Dheut. 31:12) Kana tichinyatsoda Mwari, hatiomerwi nokuita zvaanoda. (Verenga 1 Johani 5:3.) Saka ngatiitei zvose zvatinokwanisa kuti tipinde misangano yedu. Hatitombodi kusiya rudo rwataiva narwo pakutanga.—Zvak. 2:4.

18. Kuda Mwari kunoita kuti tiitei?

18 Shingaira kuzivisa “chokwadi chemashoko akanaka.” (VaG. 2:5) Kuda Mwari kunoita kuti titaure nezveUmambo hwoMwanakomana wake waanoda uyo ‘achatasva bhiza rake nokuda kwechokwadi’ paAmagedhoni. (Pis. 45:4; Zvak. 16:14, 16) Tinofara chaizvo patinobatsira vanhu kuti vadzidze nezverudo rwaMwari uye nyika itsva yaakavimbisa!—Mat. 28:19, 20.

19. Nei tichifanira kuonga urongwa hwaJehovha hwokufudza makwai ake?

19 Ratidza kuti unoonga urongwa hwaMwari hwokufudza makwai ake. (Mab. 20:28) Jehovha akatipa vakuru vechiKristu nokuti anoda kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka. Vakuru vakaita “senzvimbo yokuvanda mhepo nenzvimbo yokuvanda dutu rine mvura, sehova dzemvura panyika isina mvura, somumvuri weibwe guru panyika yafa nenyota.” (Isa. 32:1, 2) Chokwadi tinokoshesa chaizvo nzvimbo yokuvanda mhepo ine simba kana kuti dutu rinotyisa! Kana tichipiswa nezuva, tinokoshesa chaizvo mumvuri weibwe. Saizvozvowo, vakuru vanotibatsira pakunamata uye vanotikurudzira kuti tirambe tichishumira Jehovha pasinei nematambudziko atinosangana nawo. Patinoteerera vaya vanotitungamirira, tinoratidza kuti tinokoshesa ‘zvipo izvi zviri varume’ uye tinoratidza kuti tinoda Mwari naKristu uyo ari Musoro weungano.—VaEf. 4:8; 5:23; VaH. 13:17.

Jehovha akaita kuti pave nevafudzi vanoratidza nemwoyo wose kuti vanoda makwai (Ona ndima 19)

RAMBA UCHIWEDZERA KUDA JEHOVHA

20. Kana uchida Mwari, mashoko ari pana Jakobho 1:22-25 achaita kuti uitei?

20 Kana uine ukama hwakanaka naJehovha, uchava ‘muiti weshoko, kwete munzwi chete.’ (Verenga Jakobho 1:22-25.) ‘Muiti weshoko’ ane kutenda kunooneka nemabasa akadai sokushingaira pakuparidza uye kupindurawo pamisangano yechiKristu. Kuda kwaunoita Mwari kuchaita kuti uteerere “mutemo wakakwana” waJehovha uyo unosanganisira zvose zvaanoda kuti uite.—Pis. 19:7-11.

21. Minyengetero yako yemwoyo wose ingafananidzwa nei?

21 Kuda Jehovha Mwari kuchaita kuti ugare uchinyengetera kwaari nemwoyo wose. Zviri pachena kuti Dhavhidhi aifunga nezvokupiswa kwaiitwa rusenzi nevaIsraeri zuva roga roga paakaimba kuti: “Munyengetero wangu ngaugadzirirwe serusenzi pamberi penyu, iko kusimudza zvanza zvangu sechinopiwa chezviyo chemanheru.” (Pis. 141:2; Eks. 30:7, 8) Kudai minyengetero yako yokukumbira, yokuteterera, yokurumbidza uye yokuonga ikaita serusenzi inonhuhwirira inomirira minyengetero inonzwiwa naMwari.—Zvak. 5:8.

22. Munyaya inotevera tichakurukura nezverudo rwakaita sei?

22 Jesu akati tinofanira kuda Mwari nomuvakidzani wedu. (Mat. 22:37-39) Sezvatichaona munyaya inotevera, kuda kwatinoita Jehovha uye mitemo yake kuchaita kuti tive neukama hwakanaka nevamwe uye kuchaita kuti tide vavakidzani vedu.