Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unofanira Kuranga Sei Vana Vako?

Unofanira Kuranga Sei Vana Vako?

“Ndakanga ndisisakwanisi kuva nemwoyo murefu, ndichiteerera ruzha rwemota dzose dzaipfuura. Aka kakanga kava kechitatu Jordan achinonoka kudzoka kumba. Ndakanetseka kuti, ‘Zvino aripi? Pane zvaitika kwaari here? Anombova nebasa nazvo here kuti tiri kunetseka?’ Paakazosvika ndakanga ndava kutoda kuputika nehasha.”GEORGE.

“Mwanasikana wangu akazhamba zvakandivhundutsa. Ndakatendeuka ndokuona akabata musoro achichema. Kahanzvadzi kake kane makore mana kakanga kamurova.”—NICOLE.

“‘Handina kumboba rin’i. Ndangoiwanawo!’ akadaro Natalie, mwanasikana wedu ane makore 6, maziso ake mahombe achiratidza kuti akanga asina mhosva. Kuramba kwaaiita kwakatirwadza zvokuti takasvimha misodzi. Taiziva kuti ainyepa.”—STEPHEN.

KANA uri mubereki, zvataurwa mumashoko ekutanga enyaya ino zvakamboitikawo kwauri here? Pazvinoitika, unombonetseka here kana uchifanira kuranga mwana wako kana kuti womuranga sei? Zvakaipa here kuranga vana vako?

CHIRANGO CHII?

MuBhaibheri shoko rakashandurwa kuti chirango rinoreva zvinopfuura kurwadzisa anenge akanganisa. Kuranga kunonyanya kureva kurayiridza, kudzidzisa uye kururamisa. Shoko racho harimborevi kubata munhu zvisina kunaka kana kuita utsinye.—Zvirevo 4:1, 2.

Kuranga kunoita mubereki kungafananidzwa nekurima. Murimi anogadzira ivhu, anodiridza chirimwa, anochiisira manyowa, uye anochidzivirira patupukanana nemasora. Chirimwa chacho pachinenge chichikura, murimi angafanira kuchichekerera kuitira kuti chirambe chichikura zvakanaka. Murimi anoziva kuti pane zvakawanda zvaanofanira kuita nemazvo kuti chirimwa chake chive neutano. Saizvozvowo vabereki vanotarisira vana vavo nenzira dzakawanda. Asi dzimwe nguva vanofanira kuranga, uye kungofanana nekuchekerera chirimwa, kuranga kunobatsira pakururamisa vana vachiri vaduku uye kunovabatsira kuti vakure zvakanaka. Zvisinei murimi anofanira kuchekerera chirimwa nemazvo nekuti kana akasadaro chinogona kukanganisika zvachose. Saizvozvowo vabereki vanofanira kuranga vana nerudo uye nekungwarira.

Mwari anotaurwa muBhaibheri, Jehovha, anoratidza vabereki muenzaniso wakanaka panyaya iyi. Kuranga kwaanoita vanamati vake vanoteerera vepanyika kunonyatsoshanda uye kwakanaka zvokuti vanosvika ‘pakuda kurangwa.’ (Zvirevo 12:1) Vano“batisisa kurangwa” uye ‘havakuregedzi.’ (Zvirevo 4:13) Unogona kubatsira mwana  wako kubvuma chirango nokunyatsotevedzera zvinoitwa naJehovha: Kuranga kwake kunoratidza (1) rudo, (2) kunzwisisa, uye (3) hakuchinji.

CHIRANGO CHINORATIDZA RUDO

Rudo ndirwo runoita kuti Mwari arange vanhu. Bhaibheri rinoti: “Jehovha anotsiura waanoda, sokutsiura kunoita baba mwanakomana wavanofarira.” (Zvirevo 3:12) Uyewo, Jehovha “ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa.” (Eksodho 34:6) Nokudaro, Jehovha haamboiti utsinye. Haamboiti zvakadai sekutaura nehasha, kugara achishora, kana kutsvinya zvinorwadza, izvo “zvinobaya sezvinoita bakatwa.”—Zvirevo 12:18.

TEERERA

Ichokwadi kuti vabereki havakwanisi kunyatsotevedzera muenzaniso waMwari wakakwana wekuzvidzora. Dzimwe nguva munogona kunzwa sokuti hamuchakwanisi kuramba muine mwoyo murefu, asi pazvinenge zvakaoma kudaro garai muchiyeuka kuti kakawanda chirango chinopiwa munhu akatsamwa chinova cheudzvinyiriri, chakanyanyisa, chisingabatsiri uye chisina kukodzera. Chinongova kutadza kuzvidzora.

Ukuwo kana ukaranga nenzira yerudo uye uchizvidzora, unogona kubudirira. Ona zvakaitwa naGeorge naNicole, vambotaurwa kwokutanga.

NYENGETERAI

“Jordan paakazosvika, ini nemudzimai wangu tainge tagumbuka zvikuru, asi takazvidzora pataiteerera achitsanangura. Takasarudza kuzokurukura mangwana acho mangwanani sezvo hwakanga hwava usiku. Takanyengetera pamwe chete ndokuenda kunorara. Zuva rakatevera racho tainge tadzikama zvokuti taikwanisa kukurukura nyaya yacho uye kusvika pamwoyo wemwanakomana wedu. Akabvuma kutevedzera mitemo yatakamupa uye akabvuma zvaakanga akanganisa. Takaona kuti kukurumidza kuita zvinhu makagumbuka hakubatsiri. Pataitanga tateerera, zvinhu zvaiwanzofamba zvakanaka.”—George.

TAURAI

“Ndakagumbuka zvikuru pandakaona kukuvadzwa kwakanga kwaitwa mwanasikana wangu nekahanzvadzi kake. Pane kuti ndikurumidze kugadzirisa nyaya yacho, ndakamuti aende mumba make nokuti ndakanga ndakanyanya kutsamwa zvokuti ndaisagona kusarudza zvakanaka. Pave paya, ndadzikama, ndakamutsanangurira kuti kuita chisimba hakubvumirwi ndokubva ndamuratidza kukuvadza kwaakanga aita sisi vake. Izvi zvakanyatsoshanda kwaari. Akakumbira sisi vake ruregerero ndokuvambundira.”Nicole.

Nguva dzose rudo ndirwo runoita kuti chirango  chipiwe zvakanaka kunyange kana chichisanganisira kurwadzisa.

CHIRANGO CHINORATIDZA KUNZWISISA

Chirango chaJehovha chinopiwa “zvakakodzera” nguva dzose. (Jeremiya 30:11; 46:28) Anofunga zvese zvinobatanidzwa, kusanganisira zvisiri pachena. Vabereki vangadarowo sei? Stephen ambotaurwa kwekutanga anotsanangura kuti: “Kunyange zvazvo takarwadziwa uye taisanzwisisa kuti nei Natalie airamba nyaya yerin’i, takaedza kufunga nezvezera uye mano ake.”

Murume waNicole, Robert anoedzawo kufunga zvose zvinenge zvichibatanidzwa. Vana pavanoita misikanzwa, anoramba achizvibvunza kuti: ‘Izvi zvangoitikawo here kana kuti katova katsika? Mwana uyu akaneta kana kuti ari kurwara here? Unhu hwaari kuratidza huri kuratidza rimwe dambudziko here?’

Vabereki vanonzwisisa vanozivawo kuti vana vakasiyana nevanhu vakuru. Muapostora wechiKristu Pauro akabvumirana nechokwadi ichocho paakanyora kuti: “Pandaiva mucheche, ndaitaura somucheche, ndaifunga somucheche.” (1 VaKorinde 13:11) Robert anoti: “Chimwe chinhu chinondibatsira kuti ndisazonyanyisa asi ndiratidze kunzwisisa kufunga zvandaiita pandaiva mudiki.”

Zvinokosha kuti uve nemwero pane zvaunotarisira asi usingapembedzi zviito kana kuti unhu hwakaipa. Kufunga zvinogonekwa nemwana wako uye zvaasingakwanisi, nezvimwewo zvinenge zvichibatanidzwa kuchaita kuti urange mwana zvine mwero uye zvinoratidza kunzwisisa.

CHIRANGO CHISINGACHINJI

Maraki 3:6 inoti: ‘Ndini Jehovha; handichinji.’ Vashumiri vaMwari vanovimba nechokwadi ichi uye kuziva izvi kunoita kuti vanzwe vakachengeteka. Vana vanodawo chirango chisingachinji kuti vazive zvokuita. Kana mitemo yako ichichinja zvichienderana nokuti uri kunzwa sei, mwana wako anogona kuvhiringidzika kana kugumbuka.

Yeuka kuti Jesu akati: “Shoko renyu rokuti Hungu ngaringova Hungu, Aiwa wenyu, Aiwa.” Mashoko iwayo anonyatsoshanda pakurera vana. (Mateu 5:37) Nyatsofunga usati wataura chirango chausingazopi. Kana ukayambira mwana wako kuti uchamuranga neimwe nzira kana akasateerera, ibva waita saizvozvo.

Vabereki vanofanira kukurukurirana zvakanaka kuti vape chirango chisingachinji. Robert anotsanangura kuti: “Kana ndikaziva kuti vana vedu vaita kuti ndivabvumire kuita zvavarambidzwa nemudzimai wangu, ndinochinja ndotsigira mudzimai wangu.” Kana vabereki vasingabvumirani kuti vogadzirisa sei imwe nyaya, zvakanaka kuti vakurukure vari voga vobvumirana.

CHIRANGO CHINOKOSHA

Kana ukatevedzera marangiro aJehovha erudo, anoratidza kunzwisisa uye asingachinji, unogona kuva nechokwadi kuti zvaunoita zvichabatsira vana vako. Kuvatungamirira kwaunoita nerudo kuchabatsira vana vako kuti vakure kuva vanhu vanoziva zvavanoita uye vane mwero. Bhaibheri rinoti: “Rovedza mukomana maererano nenzira yakamukodzera; kunyange paanokwegura haazotsauki pairi.”—Zvirevo 22:6.