Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Jehovha Anoziva Vaya Vari Vake”

“Jehovha Anoziva Vaya Vari Vake”

“Kana munhu achida Mwari, iyeyu anozivikanwa naye.”—1 VAK. 8:3.

1. Rondedzera nyaya yomuBhaibheri inoratidza kuzvinyengera kwakaita vamwe vanhu vaMwari. (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

RIMWE zuva ari mangwanani, muPristi Mukuru Aroni, ainge akamira pamusuo wetebhenekeri yaJehovha akabata mudziyo wokupisira rusenzi. Kora nevamwe varume 250 vainge varipowo vachipisira rusenzi kuna Jehovha, mumwe nomumwe wavo aine mudziyo wokuisira moto. (Num. 16:16-18) Varume ava vose vaiita sokuti vaiva vanamati vaJehovha vakavimbika. Asi Aroni chete ndiye ainge akavimbika uye vamwe vose vaiva vapanduki vaida kubvuta upristi. (Num. 16:1-11) Vaizvinyengera nokufunga kuti Mwari aizogamuchira kunamata kwavo. Chokwadi ndechokuti vaitogumbura Jehovha, uyo anokwanisa kuona zviri pamwoyo. Aiona kuti vaiva vanyengeri uye kuti vaingoda kukudzwa.—Jer. 17:10.

2. Mosesi ainge ataura kuti chii, uye zvaakataura zvakaitika here?

2 Zuva rainge rapfuura, Mosesi ainge ataura kuti: “Mangwanani, Jehovha achazivisa kuti wake ndoupi.” (Num. 16:5) Chokwadi Jehovha akaratidza kuti vanamati vake vechokwadi ndevapi pakauya “moto wakabva kuna Jehovha ukaparadza [Kora uye] varume mazana maviri nemakumi mashanu vaipisira rusenzi.” (Num. 16:35; 26:10) Asi Jehovha akarega Aroni ari  mupenyu, zvikaratidza kuti ndiye aiva mupristi wechokwadi uye kuti ndiye ainamata Mwari nemwoyo wose.—Verenga 1 VaKorinde 8:3.

3. (a) Chii chakaitika mumazuva omuapostora Pauro? (b) Mazana emakore ainge apfuura, Jehovha ainge aratidza sei muenzaniso wemabatiro aanoita vanhu vanopanduka?

3 Papfuura makore 1 500, chiitiko chakafanana neichi chakaitika mumazuva omuapostora Pauro. Vamwe vaizviti vaKristu vakatanga kudzidzisa dzidziso dzenhema; asi vakaramba vachiwadzana neungano. Zvaiita sokuti vanhu ava vakatsauka pakutenda vainamatawo Mwari nemwoyo wose sezvaiitwa nevamwe vaiva muungano. Asi zvavaiita zvaiva nengozi kuvaKristu vakatendeka. Vanhu ava vainge vakaita semhumhi dzakapfeka mvere dzemakwai, uye vakatanga kuparadza “kutenda kwevamwe.” (2 Tim. 2:16-18) Zvisinei, Jehovha aiona zvose zvaiitika uye Pauro anofanira kunge aiziva izvozvo kubva pane zvakaitirwa Kora nevamwe vake mazana emakore ainge apfuura. Iye zvino ngatikurukurei nezveimwe ndima yeBhaibheri toona kuti zvii zvatingadzidza mairi.

“NDINI JEHOVHA; HANDINA KUCHINJA”

4. Pauro aiva nechokwadi chei, uye akazviratidza sei kuna Timoti?

4 Pauro aiva nechokwadi chokuti Jehovha aiona vanhu vainyepera kumunamata, uye aizivawo kuti Jehovha aiona vaya vaimuteerera. Izvozvo tinozviona pamashoko aakashandisa paakanyora tsamba yake yakafemerwa kuna Timoti. Pashure pokunge ataura nezvokukanganiswa kwaiitwa vamwe vaiva muungano nevakatsauka pakutenda, Pauro akanyora kuti: “Nokuda kwaizvozvo zvose, nheyo yakasimba yaMwari inoramba iripo, iine chisimbiso ichi chokuti: ‘Jehovha anoziva vaya vari vake,’ uye kuti: ‘Munhu wose anodana zita raJehovha ngaarambe zvinhu zvisina kururama.’”—2 Tim. 2:18, 19.

5, 6. Tinodzidzei pamashoko akashandiswa naPauro okuti “nheyo yakasimba yaMwari” uye mashoko iwayo anofanira kunge akabatsira sei Timoti?

5 Nei tingada kuongorora mashandisiro akaita Pauro mashoko okuti “nheyo yakasimba yaMwari”? MuBhaibheri, apa ndipo chete panoshandiswa mashoko aya. Bhaibheri rinoshandisa shoko rokuti “nheyo” sedimikira rinoreva zvinhu zvakasiyana-siyana, kusanganisira Jerusarema, iro raiva guta guru renyika yeIsraeri. (Pis. 87:1, 2) Basa raJesu pakuita kuti chinangwa chaJehovha chizadziswe, rinofananidzwawo nenheyo. (1 VaK. 3:11; 1 Pet. 2:6) Pauro aifunga nezvei paakanyora nezve“nheyo yakasimba yaMwari”?

6 Pauro paakataura nezve“nheyo yakasimba yaMwari” akashandisawo mashoko aMosesi aakaudza Kora nevamwe vaimutsigira ari pana Numeri 16:5. Zviri pachena kuti aitaura zvakaitika mumazuva aMosesi achida kukurudzira Timoti uye kumuyeuchidza kuti Jehovha anoona uye anokwanisa kudzivisa zvinoitwa nevapanduki. Sezvaainge aita mumazuva aKora, Jehovha aisazobvumira vakatsauka pakutenda kuti vavhiringe chinangwa chake. Pauro haana kunyatsotsanangura kuti “nheyo yakasimba yaMwari” inomirirei. Asi mashoko aakashandisa akabatsira Timoti kuti avimbe naJehovha.

7. Nei tiine chokwadi chokuti Jehovha acharamba akarurama uye akatendeka?

7 Maitiro aJehovha haachinji. Pisarema 33:11 rinoti: “Zano raJehovha richamira nokusingagumi; pfungwa dzomwoyo wake dzicharamba dziripo kusvikira kuzvizvarwa nezvizvarwa.” Mamwe magwaro anotaura kuti utongi hwaJehovha, mutsa worudo, kururama, uye kutendeka kwake zvinogara nokusingagumi. (Eks. 15:18; Pis. 106:1; 112:9; 117:2) Maraki 3:6 inoti: “Ndini  Jehovha; handina kuchinja.” Jakobho 1:17 inotaurawo kuti Jehovha haambochinji “sokufamba kunoita mumvuri.”

“CHISIMBISO” CHINOITA KUTI TIVIMBE NAJEHOVHA

8, 9. Tinodzidzei pane zvakanyorwa ‘panheyo yakasimba yaMwari’?

8 Pana 2 Timoti 2:19, Pauro akataura nezvenheyo ine mashoko akanyorwa pairi, anoita sokuti akanyorwa nechisimbiso (chidhindo). Kare vanhu vaiwanzonyora mashoko panheyo (faundesheni) yechivako. Izvi zvaiwanzoitirwa kuratidza munhu akavaka chivako chacho kana kuti muridzi wacho. Pavanyori veBhaibheri vose, Pauro ndiye akatanga kutaura nezve“nheyo yakasimba yaMwari.” * Chisimbiso chiri ‘panheyo yakasimba yaMwari’ chine zvirevo zviviri. Chirevo chokutanga chinoti, “Jehovha anoziva vaya vari vake” uye chechipiri chinoti, “Munhu wose anodana zita raJehovha ngaarambe zvinhu zvisina kururama.” Izvi zvinotiyeuchidza mashoko ari pana Numeri 16:5.—Verenga.

9 Tinodzidzei pane zvakanyorwa ‘panheyo yakasimba yaMwari’? Tinodzidza kuti zvose zvinodiwa naJehovha zvakavakirwa pachokwadi ichi chinokosha: (1) Jehovha anoda vaya vakavimbika kwaari, uye (2) Jehovha anovenga zvinhu zvisina kururama. Chidzidzo ichi chakabatana papi nenyaya yevaya vakatsauka pakutenda vari muungano?

10. Zvaiitwa nevakatsauka pakutenda zvaikanganisa sei vamwe vaiva vakatendeka vomuzuva raPauro?

10 Timoti nevamwe vaKristu vaiva vakatendeka vanofanira kunge vainetseka chaizvo nezvaiitwa nevakatsauka pakutenda vaiva muungano. VaKristu ivavo vanogona kunge vaibvunza kuti nei vanhu vakadaro vairegwa vari muungano. Vangangodaro vainetseka kana Jehovha aiona kuvimbika kwavainge vakaita uye unyengeri hwairatidzwa nevakatsauka pakutenda.—Mab. 20:29, 30.

Timoti aisazombotsauswa nezvaiitwa nevakatsauka pakutenda (Ona ndima 10-12)

11, 12. Tsamba yaPauro inofanira kunge yakasimbisa sei kutenda kwaTimoti?

11 Timoti anofanira kunge akasimbiswa netsamba yaakanyorerwa naPauro. Mutsamba iyoyo Timoti akayeuchidzwa kuti Jehovha ainge aratidza kuti Aroni ndiye aiva akatendeka asi Kora nevamwe vake vaiva vanyengeri uye Jehovha ainge avaramba uye avaparadza. Saka Pauro aireva kuti kunyange zvazvo muungano maiva  nevaKristu vokunyepera, Jehovha aikwanisa kuona kuti vake ndevapi sezvaainge aita mumazuva aMosesi.

12 Jehovha haachinji uye tinogona kuvimba naye. Anovenga zvinhu zvisina kururama, uye panguva yake yakakodzera anoranga vanoita zvakaipa vasingadi kupfidza. Sezvo Timoti ‘aidana zita raJehovha,’ akayeuchidzwawo kuti aifanira kuramba zvinhu zvisina kururama zvaiitwa nevaKristu venhema. *

KUNAMATA KWECHOKWADI KUNE MUBAYIRO

13. Tinogona kuva nechivimbo chei?

13 Mashoko aPauro anogona kutisimbisawo pakunamata. Zvinokurudzira chaizvo kuziva kuti Jehovha anonyatsoziva kuti takavimbika kwaari. Haangopereri pakutiziva asi anonyatsotifarira. Bhaibheri rinoti: “Maziso ake [Jehovha] anotarira-tarira panyika pose kuti aratidze simba rake nokuda kwevaya vane mwoyo wakakwana kwaari.” (2 Mak. 16:9) Saka tinogona kuva nechivimbo chokuti zvose zvatinoitira Jehovha ‘nemwoyo wakachena’ hazvisi pasina.—1 Tim. 1:5; 1 VaK. 15:58.

14. Jehovha haadi kunamata kwakaita sei?

14 Jehovha anovenga uye haadi vanhu vanonyepera kumunamata. “Maziso ake anotarira-tarira panyika pose,” saka anogona kuona vaya ‘vane mwoyo usina kukwana kwaari.’ Zvirevo 3:32 inoti, “munhu anonyengedzera anosemesa Jehovha,” kureva kuti anovenga munhu anonyepera kuteerera asi nerweseri achiita chivi. Kunyange zvazvo munhu akadaro achigona kubata vanhu kumeso, Jehovha ane masimba ose uye anoda zvakarurama saka “munhu anofukidza kudarika kwake haazobudiriri.”—Zvir. 28:13; verenga 1 Timoti 5:24; VaHebheru 4:13.

15. Chii chatisingafaniri kuita uye nei?

15 Vanhu vaJehovha vakawanda vanonyatsomuda nemwoyo wose. Hazviwanzoitika kuti mumwe munhu womuungano atange kunyepera kunamata Jehovha. Asi kana zvakaitika mumazuva aMosesi uye muungano yechiKristu yepakutanga, zvinogonawo kuitika mazuva ano. (2 Tim. 3:1, 5) Saka tinofanira kufungira zvakaipa vatinonamata navo here, tichivaona sokuti havana kuvimbika kuna Jehovha? Kwete! Hazvina kunaka kufungira zvakaipa hama nehanzvadzi dzedu asi ipo pasina chinoratidza kuti vane zvakaipa zvavari kuita. (Verenga VaRoma 14:10-12; 1 VaKorinde 13:7.) Uyewo kugara tichiona vamwe vari muungano sokuti havana kuvimbika kuna Mwari kunogona kukanganisa kunamata kwedu.

16. (a) Mumwe nomumwe wedu angaitei kuti asava neunyengeri mumwoyo make? (b) Tingadzidzei kubva mubhokisi rakanzi “ Rambai Muchizviedza”?

16 MuKristu mumwe nomumwe anofanira kuongorora “zvakaita basa rake oga.” (VaG. 6:4) Nemhaka yokuti tiri vanhu vane chivi, zviri nyore kuti tipedzisire tisisashumiri Mwari nomwoyo wose. (VaH. 3:12, 13) Saka zvakanaka kugara tichiongorora chinangwa chedu chokushumira Jehovha. Tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Ndinonamata Jehovha nokuti ndinomuda uye ndinobvuma kuti ndiye changamire here? Kana kuti ndinomunamata ndichinyanya kufunga nezvemakomborero andichawana muParadhiso chete?’ (Zvak. 4:11) Chokwadi tose tinogona kubatsirwa kana tikazviongorora tobvisa chero kaunyengeri katingava nako mumwoyo medu.

KUVIMBIKA KUNOITA KUTI TIFARE

17, 18. Nei tichifanira kunamata Jehovha nemwoyo wose uye kuva vakavimbika kwaari?

17 Tinowana makomborero akawanda kana tikaramba takavimbika uye tichinamata Mwari nemwoyo wose. Munyori wepisarema  akati: “Anofara munhu asingaverengerwi kukanganisa naJehovha, ane mafungiro asina unyengeri.” (Pis. 32:2) Chokwadi vanofara vaya vanobvisa unyengeri mumwoyo mavo, uye vachafara chaizvo munguva yemberi.

18 Panguva yakakodzera, Jehovha achafumura vaya vanoita zvakaipa, kana kuti vanonyepedzera kumunamata, uye achaita kuti paoneke “kusiyana kwomunhu akarurama nomunhu akaipa, kwouya anoshumira Mwari nouya asina kumushumira.” (Mar. 3:18) Iye zvino tinonyaradzwa nokuziva kuti “maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuteterera kwavo.”—1 Pet. 3:12.

^ ndima 8 Zvakazarurwa 21:14 iyo yakazonyorwa kwapera makumi emakore kubva pakanyora Pauro tsamba dzaienda kuna Timoti, inotaura nezve“matombo enheyo” 12 akanyorwa mazita evaapostora 12.

^ ndima 12 Nyaya inotevera ichakurukura kuti tingatevedzera sei Jehovha nokuramba zvinhu zvisina kururama.