Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanhu vaJehovha Vanoramba “Zvinhu Zvisina Kururama”

Vanhu vaJehovha Vanoramba “Zvinhu Zvisina Kururama”

“Munhu wose anodana zita raJehovha ngaarambe zvinhu zvisina kururama.”2 TIM. 2:19.

1. Chii chatinokoshesa pakunamata kwedu?

WAKAMBOONA zita rokuti Jehovha rakanyorwa pachivako kana kuti pane chimwe chinhu chekare chakachengetwa mumiziyamu here? Unofanira kunge wakafara chaizvo. SeZvapupu zvaJehovha tinokoshesa chaizvo zita raMwari. Munyika yose hakuna vamwe vanhu vanoshandisa zita raMwari sezvatinoita. Asi mararamiro edu anofanira kuratidza kuti tinoremekedza zita iroro.

2. Vanhu vanodanwa nezita raMwari vanofanira kuitei?

2 Kushandisa zita raMwari handiko chete kunoita kuti Jehovha atifarire. Tinofanira kurarama maererano nezvaanoda. Ndosaka Bhaibheri richitiyeuchidza kuti vanhu vaJehovha vanofanira kubva “pane zvakaipa.” (Pis. 34:14) Muapostora Pauro akataura pfungwa iyoyo paakanyora kuti: “Munhu wose anodana zita raJehovha ngaarambe zvinhu zvisina kururama.” (Verenga 2 Timoti 2:19.) Chokwadi, seZvapupu zvaJehovha tinozivikanwa nokudana zita iroro. Asi tingaramba sei zvinhu zvisina kururama?

 “IBVAI” PANE ZVAKAIPA

3, 4. Vaongorori veBhaibheri vave vachiomerwa nekunzwisisa rugwaro rwupi, uye nei?

3 Chimbofunga nezvekwakatorwa mashoko aPauro ari pana 2 Timoti 2:19. Rugwaro urwu rwunotaura nezve“nheyo yakasimba yaMwari” rwozotaura zvirevo zviviri zvakanyorwa panheyo yacho. Chirevo chokutanga chokuti, “Jehovha anoziva vaya vari vake,” chinofanira kunge chakatorwa pana Numeri 16:5. (Ona nyaya yapfuura.) Chirevo chechipiri chokuti, “Munhu wose anodana zita raJehovha ngaarambe zvinhu zvisina kururama,” chava nenguva chichinetsa vaongorori veBhaibheri. Nemhaka yei?

4 Mashoko akashandiswa naPauro anoratidza kuti pane paakatorwa muMagwaro echiHebheru. Asi zvinoita sokuti mashoko acho hapana paanowanika. Saka muapostora Pauro aitaura nezvei paakati: “Munhu wose anodana zita raJehovha ngaarambe zvinhu zvisina kururama”? Mashoko ainge abva kutaurwa naPauro akatorwa muna Numeri chitsauko 16, chinotaura nezvekupanduka kwaKora. Kuti chirevo chechipiri chingavawo chakabatana nezvakaitika pakupanduka ikoko here?

5-7. Pauro paakanyora mashoko ari pana 2 Timoti 2:19 aitaura nezvechiitiko chipi chomumazuva aMosesi? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

5 Bhaibheri rinoti Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriyabhi vakabatana naKora kuti vatungamirire pakupandukira Mosesi naAroni. (Num. 16:1-5) Vakaratidza zviri pachena kuti vaisaremekedza Mosesi uye vakaramba kuti ainge agadzwa naMwari. Vapanduki ivavo vakaramba vachigara nevanhu vaJehovha, izvo zvaigona kukanganisa kunamata kwevamwe vainge vakatendeka. Pakazosvika zuva rokuti Jehovha aratidze musiyano waiva pakati pevanamati vakavimbika nevapanduki, akapa murayiro wakajeka.

6 Nhoroondo yacho inoti: “Jehovha akataurawo naMosesi, achiti: ‘Taura neungano, uchiti, “Ibvai patebhenekeri dzaKora, Dhatani naAbhiramu!”’ Pashure paizvozvo Mosesi akasimuka, akaenda kwaiva naDhatani naAbhiramu, uye varume vakuru vaIsraeri vakaenda naye. Akabva ataura neungano yacho, achiti: ‘Ndapota, ibvai pamberi pematende evanhu ava vakaipa, musabata chero chinhu chavo chipi zvacho, kuti murege kuparadzwa muchivi chavo chose.’ Vakabva vabva pamberi petebhenekeri yaKora, Dhatani naAbhiramu, kumativi ose.” (Num. 16:23-27) Jehovha akabva auraya vose vainge vapanduka. Asi vaya vainge varatidza kuti vakavimbika nokubva pazvinhu zvisina kururama, havana kuurayiwa.

7 Jehovha anokwanisa kuona zviri mumwoyo! Anokwanisa kuona kuvimbika kwevaya vari vake. Asi vaya vainge vakavimbika kwaari vaifanira kukurumidza kubva pane vasina kururama. Saka muapostora Pauro paakanyora kuti “Munhu wose anodana zita raJehovha ngaarambe zvinhu zvisina kururama,” anogona kunge aitaura nezvenhoroondo iri pana Numeri 16:5, 23-27. Izvozvo zvinoenderana nemashoko aPauro okuti: “Jehovha anoziva vaya vari vake.”—2 Tim. 2:19.

“RAMBA MIBVUNZO YOUPENZI NEYOKUSAZIVA”

8. Nei zvisina kukwana kungoshandisa zita raJehovha kana kuti kungova muungano yechiKristu?

8 Pauro paakataura zvakaitika mumazuva aMosesi, aiyeuchidza Timoti kuti aifanira kukurumidza kuita chimwe chinhu kuti asakanganisa ukama hwake naJehovha. Kungova muungano yechiKristu handiko chete kwaiita kuti munhu  afarirwe naMwari, sezvaiva zvakaita kungodana zita raJehovha mumazuva aMosesi. Vanamati vaJehovha vakatendeka vanofanira kukurumidza kuramba zvinhu zvisina kururama. Saka Timoti aifanira kuita sei? Uye vanhu vaJehovha mazuva ano vanowana zvidzidzo zvipi muzano raPauro?

9. “Mibvunzo youpenzi neyokusaziva” yaikanganisa sei ungano yechiKristu yepakutanga?

9 Shoko raMwari rinonyatsotaura zvakajeka zvinhu zvisina kururama zvinofanira kurambwa nevaKristu. Somuenzaniso, mune dzimwe ndima dziri pedyo na2 Timoti 2:19, Pauro akaudza Timoti kuti “arege kuitisana nharo pamusoro pemashoko” uye kuti arambe “kutaura kusina zvakunobatsira.” (Verenga 2 Timoti 2:14, 16, 23.) Vamwe vaiva muungano vainge vava kudzidzisa nhema. Uyewo zvinoita sokuti vamwe vainge vava kutaura zvinhu zvaikonzera nharo. Kunyange zvazvo kutaura zvinhu zvaikonzera nharo kwaisarambidzwa zvakajeka neMagwaro, kwaiita kuti ungano isabatana. Zvaiita kuti vanhu vaitisane nharo pamusoro pemashoko, izvo zvaigona kukanganisa manamatiro evamwe. Ndosaka Pauro akakurudzira Timoti kuti arambe “mibvunzo youpenzi neyokusaziva.”

10. Tinofanira kuita sei patinosangana nedzidziso dzevakatsauka pakutenda?

10 Mazuva ano, hazviwanzoitika kuti tive nevanhu vakatsauka pakutenda muungano. Kunyange zvakadaro, patinosangana nedzidziso dzenhema, tinofanira kukurumidza kudziramba. Zvine ngozi chaizvo kuitisana nharo nevakatsauka pakutenda, kana kunyorawo zvatinofunga panzvimbo dzavo dzepaIndaneti, kana kukurukura navo neimwe nzira. Kunyange tiine vavariro yokubatsira munhu wacho, kukurukurirana naye hakuenderani neMagwaro sezvataona. Asi sevanhu vaJehovha, tinoramba zvachose zvinodzidziswa nevakatsauka pakutenda.

Usaitisana nharo nevakatsauka pakutenda (Ona ndima 10)

11. Chii chinogona kukonzera nharo ‘dzoupenzi,’ uye vakuru vechiKristu vangaratidza sei muenzaniso wakanaka panyaya iyi?

11 Kunewo zvimwe zvinhu zvinogona kukanganisa rugare rweungano. Somuenzaniso, kusiyana kwemaonero panyaya yezvinhu zvinovaraidza kunogona kuita kuti pave nenharo ‘dzoupenzi nedzokusaziva.’ Asi zvakadini kana muungano mukava nemunhu anokurudzira vamwe kuzvivaraidza nezvinhu zvisingaenderani nemitemo yaMwari? Pakadaro vakuru vechiKristu havafaniri kungosiya munhu iyeye, vachiitira kuti muungano musava nekukakavadzana. (Pis. 11:5; VaEf. 5:3-5) Asi havafaniriwo kuita kuti vanhu vatevedzere zvavanoda ivo. Vanotevedzera zvavanokurudzirwa neMagwaro zvokuti: “Fudzai boka raMwari ramunotarisira, . . . musingazviiti madzishe pane vaya vari nhaka yaMwari, asi muchiva mienzaniso kuboka.”—1 Pet. 5:2, 3; verenga 2 VaKorinde 1:24.

12, 13. (a) Zvapupu zvaJehovha zvinoti chii panyaya yokuzvivaraidza, uye ipfungwa dzipi dzomuBhaibheri dzinobatsira? (b) Magwaro ataurwa mundima 12 anoshanda sei panyaya dzakasiyana-siyana?

12 Sangano redu haritiudzi mafirimu, mitambo yemavhidhiyo, mabhuku, kana nziyo zvatisingafaniri kuzvivaraidza nazvo. Nemhaka yei? Bhaibheri rinokurudzira mumwe nemumwe wedu kuti arovedze ‘simba rake rokunzwisisa kuti asiyanise zvakanaka nezvakaipa.’ (VaH. 5:14) Magwaro anoratidza zvinhu zvinofanira kutanga zvafungwa nemuKristu paanenge achisarudza zvokuzvivaraidza nazvo. Pane zvose zvatinoita muupenyu tinofanira kuva “nechokwadi chezvinhu zvinogamuchirika kunaShe.” (VaEf. 5:10) Bhaibheri rinodzidzisa kuti baba ndivo musoro wemba,  saka vanogona kurambidza mhuri yavo kuvaraidzwa nezvimwe zvinhu. *1 VaK. 11:3; VaEf. 6:1-4.

13 Pfungwa dzeMagwaro dzatataura pamusoro apa hadzingoshandi panyaya yokuzvivaraidza chete. Nyaya dzine chokuita nemapfekero, utano, zvokudya, nedzimwewo, dzinogona kukonzera kukakavadzana muungano. Saka kana pasina pfungwa yeMagwaro iri kutyorwa, hapana chikonzero chokuti vanhu vaJehovha vaitisane nharo panyaya dzakadaro, nokuti “muranda waShe haafaniri kurwa, asi anofanira kuva norupfave kuna vose.”—2 Tim. 2:24.

USASHAMWARIDZANA NEVAKAIPA!

14. Pauro akashandisa muenzaniso upi kuratidza kuti hatifaniri kushamwaridzana nevakaipa?

14 Zvii zvimwe zvingaitwa nevaya ‘vanodana zita raJehovha kuti varambe zvinhu zvisina kururama’? Vanofanira kurega kushamwaridzana nevanhu vanoita zvisina kururama. Pauro paakataura muenzaniso we“nheyo yakasimba yaMwari,” akazotaurazve mumwe muenzaniso. Akanyora nezve“imba huru” isina “midziyo yendarama nesirivha chete asiwo yematanda neyevhu, mimwe yebasa rinokudzwa asi mimwe yebasa risingakudzwi.” (2 Tim. 2:20, 21) Akabva arayira vaKristu kuti ‘varambe vari kure’ kana kuti vakazviparadzanisa nemidziyo inoshandiswa pabasa “risingakudzwi.”

15, 16. Tinodzidzei pamuenzaniso we“imba huru”?

15 Muenzaniso uyu unorevei? Pauro akafananidza ungano yechiKristu ne“imba huru” uye nhengo imwe neimwe yeungano ne“midziyo” yomumba. Mimwe midziyo yomumba inogona kusvibiswa nezvimwe zvinhu zvine utachiona. Muridzi wemba anoisa midziyo yakadaro kure  neyakachena yakadai seyaanoshandisa pakubika.

16 Mazuva ano, kana tichida kuramba takachena, hatifaniriwo kushamwaridzana nevanhu vari muungano vasingadi kuteerera zvinotaurwa naJehovha. (Verenga 1 VaKorinde 15:33.) Kana tichifanira kusiyana nevanhu vakadaro vari muungano, hatitofaniriwo here ‘kusiyana’ nevaya vari kunze kweungano! Hatifaniri kushamwaridzana navo nokuti vakawanda vavo ‘vanoda mari, havateereri vabereki, havana kuvimbika, vanochera vamwe, vanotyisa, havadi zvakanaka, vatengesi, uye vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari.’—2 Tim. 3:1-5.

JEHOVHA ANOTIKOMBORERA KANA TIKARAMBA TAKAVIMBIKA

17. Zvii zvakaitwa nevaIsraeri vainge vakavimbika zvairatidza kuti vaisatomboda zvinhu zvisina kururama?

17 Bhaibheri rinoratidza kuti vaIsraeri vakakurumidza kuteerera pavakaudzwa kuti “ibvai patebhenekeri dzaKora, Dhatani naAbhiramu.” Nyaya yacho inoti “vakabva vabva.” (Num. 16:24, 27) Havana kumboverengera. Rugwaro rwacho rwunoratidzawo kunyatsoteerera kwavakaita. Runoti, “vakabva vabva . . . kumativi ose.” Havana kutomboda kutambira pedyo. Vakateerera nemwoyo wose. Vakanyatsoratidza kuti vaitsigira Jehovha uye kuti vaisada zvinhu zvisina kururama. Tinodzidzei pane zvavakaita?

18. Pauro airevei paakakurudzira Timoti kuti atize “kuchiva kwouduku”?

18 Ukama hwedu naJehovha hunokosha chaizvo, saka tinofanira kukurumidza kuhudzivirira. Iyoyo ndiyo pfungwa yaiva naPauro paakakurudzira Timoti kuti “tiza kuchiva kwouduku.” (2 Tim. 2:22) Panguva iyoyo Timoti ainge atova munhu mukuru, zvichida ava nemakore ari kuma30. Asi “kuchiva kwouduku” hakunei nezera. Timoti paaizova nezvido zvakadaro aifanira ‘kuzvitiza.’ Nemamwe mashoko, Timoti aifanira kuramba “zvinhu zvisina kururama.” Jesu akataura pfungwa yakafanana neiyi paakati: “Kana ziso rako richiita kuti ugumburwe, ritodogore urirasire kure newe.” (Mat. 18:9) Mazuva ano, vaya vanoteerera zano iroro vanokurumidza kudzivirira ukama hwavo naMwari vasingaverengeri.

19. Vamwe vakazvidzivirira sei pazvinhu zvaigona kuvakanganisa pakunamata?

19 Kune vamwe vanhu vaiva nedambudziko rokudhakwa, asi pavakava Zvapupu, vakasarudza kusanwa doro zvachose. Vamwe vanodzivisa varaidzo dzisina hadzo kuipa nokuti dzinovaita kuti vatange kuva nechido chokuita zvakaipa. (Pis. 101:3) Somuenzaniso, imwe hama isati yava Chapupu yaifarira zvounzenza zvaiitwa kumapati kwayaigara ichienda. Asi kubva payakadzidza chokwadi, haichatombotambi kunyange pamapati anoitwa neZvapupu ichityira kuti inogona kumutsa zvido zvakaipa zvayaiva nazvo. Ichokwadi kuti vaKristu havarambidzwi zvachose kunwa doro, kutamba kana zvimwe zvinhu zvisina hazvo kuipa. Asi tose tinofanira kukurumidza kuzvidzivirira pazvinhu zvinogona kutikanganisa pakunamata.

20. Kunyange zvazvo zvingasava nyore ‘kuramba zvinhu zvisina kururama,’ chii chinotinyaradza?

20 Tine ropafadzo yokudanwa nezita raMwari uye tinofanira kurarama maererano nezita iroro. Tinofanira kuramba “zvinhu zvisina kururama” uye tobva “pane zvakaipa.” (Pis. 34:14) Chokwadi hazvisi nyore kugara tichiita izvozvo. Asi zvinonyaradza chaizvo kuziva kuti nguva dzose Jehovha anoda “vaya vari vake” uye vanorambira panzira dzake dzakarurama.—2 Tim. 2:19; verenga 2 Makoronike 16:9a.

^ ndima 12 Ona nyaya iri pajw.org inoti “Mune Mafirimu, Mabhuku, Kana Nziyo Zvamunorambidza Here?” iri pakanzi NEZVEDU > MIBVUNZO INONYANYA KUBVUNZWA.