Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uri ‘Kutsvaka Kuva Mutariri’ Here?

Uri ‘Kutsvaka Kuva Mutariri’ Here?

VAMWE vakuru vaviri pavakaudza Fernando * kuti vaida kumuona, akatanga kutya. Nei aitya? Mutariri wedunhu ainge ashanyira ungano yavo kanoverengeka, uye vakuru vakanga vaudza Fernando zvaaifanira kuita kuti akwanise kuva nedzimwe ropafadzo muungano. Nokufamba kwenguva, Fernando akatanga kunetseka kuti aizombogadzwa here kuva mukuru. Iye zvino mutariri wedunhu akanga achangobva kushanyira ungano yavo zvekare. Vakuru vaizomuudza kuti chii panguva ino?

Fernando akanyatsoteya nzeve mumwe mukuru paakanga ava kutaura. Mukuru wacho akataura mashoko ari pana 1 Timoti 3:1 ndokubva amuudza kuti vakanga vatambira mashoko okuti agadzwa kuva mukuru. Fernando akashamisika ndokuti, “Mati kudii?” Hama yacho yakadzokorora zvayakanga yataura uye Fernando akatanga kunyemwerera. Pakazopiwa chiziviso kuungano, munhu wose akafara.

Pane chakaipa here nokuda ropafadzo muungano? Hapana. Rugwaro rwa1 Timoti 3:1 runoti, “Kana murume chero upi zvake achitsvaka kuva mutariri, ari kuda basa rakanaka.” Varume vechiKristu vakawanda vanoita zvavanokurudzirwa nerugwaro urwu uye vanofambira mberi pakunamata kuti vawane ropafadzo muungano. Izvozvo zviri kuita kuti musangano raJehovha muve nevakuru uye vashumiri vanoshumira vakawanda. Asi kuwedzera kuri kuita vaparidzi muungano dzakawanda kuri kuita kuti padiwe hama dzakawanda dzinoshanda sevatariri. Inzira ipi yakanaka yokutsvaka kuva mutariri? Uye vaya vanenge vachida kuva vatariri, vanofanira kugara vachinetseka here kuti vachagadzwa riini sezvaiita Fernando?

ZVINOREVEI ‘KUTSVAKA KUVA MUTARIRI’?

MuBhaibheri, shoko rokuti ‘kutsvaka’ rakabva pashoko rechiGiriki rinoreva kuda chimwe chinhu nemwoyo wose zvokuti unotosveerera [kunanavira] kuti uchitore. Izvi zvingaita kuti ufunge nezvemunhu anosveerera kuti atemhe muchero wakatsvukirira uri mumuti. Asi hazvirevi kuti munhu anofanira kuva nemakaro paanenge achida kuwana ropafadzo yokuva mukuru. Nei? Nokuti vaya vanoda kushumira sevakuru vanofanira kuva nechinangwa chokuita “basa rakanaka” kwete kuwana chinzvimbo.

Pana 1 Timoti 3:2-7 naTito 1:5-9, panotaurwa zvinhu zvakawanda zvinodiwa kuti munhu aite basa iri rakanaka. Mumwe mukuru agara nebasa anonzi Raymond akataura nezvezvinhu izvi achiti: “Chinonyanya kukosha ndechokuti tiri vanhu vakaita sei. Kuti munhu ave mukuru, anofanira kugona kukurukura uye kudzidzisa, asi chinonyanya kukosha ndechokuti anofanira kuva netsika dzine mwero, asina chaanopomerwa, ane pfungwa dzakanaka, akarongeka, anogamuchira vaeni zvakanaka, uye anoratidza kunzwisisa.”

‘Tsvaka kuva mutariri’ nokuita mabasa akasiyana-siyana muungano

MuKristu anoda kuva mukuru nechinangwa chakanaka anoratidza kuti haana chaanopomerwa nokuva akatendeseka uye akachena pane zvose zvaanoita. Anoratidza kuti ane tsika dzine mwero, pfungwa dzakanaka, akarongeka uye anonzwisisa. Izvi zvinoita kuti vamwe vaKristu vade kutungamirirwa naye uye kubatsirwa naye pamatambudziko avo. Kugamuchira vaeni zvakanaka kwaanoita kunoita kuti akurudzire vechiduku uye vatsva muchokwadi. Kuda kwaanoita zvakanaka kunoita kuti anyaradze uye abatsire vanorwara uye vakwegura. Zvose izvi anozviita aine chinangwa chokubatsira hama dzake, kwete kuti agadzwe kuva mukuru. *

Vakuru vanoda chaizvo kukurudzira uye kupa mazano, asi hama inoda kuva mukuru ndiyo inotofanira kushanda nesimba kuti iite zvinotaurwa neMagwaro. Imwe hama yava nemakore ichishumira somukuru inonzi Henry yakati: “Kana uchida kuva mukuru, shanda nesimba kuti uratidze kuti unokwanisa.” Yakabva yataura mashoko ari pana Muparidzi 9:10, ichiti: “‘Zvose zvinowana ruoko rwako kuti ruite, zviite nesimba rako rose.’ Basa rose raunenge wapiwa nevakuru, riite nemwoyo wose. Farira basa rose raunopiwa muungano, kusanganisira rokutsvaira. Nokufamba kwenguva, vakuru vachaona zvauri kuita.” Kana uchizoda kushumira semukuru, shanda nesimba uye iva munhu anovimbwa naye pane zvose zvaunoita muungano. Haufaniri kuda chinzvimbo asi unofanira kuzvininipisa.—Mat. 23:8-12.

USAVA NEMAFUNGIRO AKAIPA

Vamwe vanenge vachida kuwana ropafadzo muungano vangataura kana kuita zvimwe zvinhu zvisina kunanga vachiratidza kuti vanoda kugadzwa kuva vakuru. Dzimwe hama dzinogumbuka kana dzikapiwa zano nevakuru. Hama dzakadaro dzinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Chinangwa changu ndechokuwana chinzvimbo here kana kuti ndechokuda kufudza makwai aJehovha?’

Hama dzinoda kuva vakuru hadzifaniriwo kukanganwa kuti vakuru vanotarisirwa kuti vave “mienzaniso kuboka.” (1 Pet. 5:1-3) Munhu ane muenzaniso wakanaka muungano haafaniri kuva neunyengeri. Anoshanda nesimba kuti ave nemwoyo murefu pasinei nokuti akagadzwa kuva mukuru kana kuti haana. Kuva mukuru handiko kunoita kuti munhu asaita zvikanganiso. (Num. 12:3; Pis. 106:32, 33) Uyewo, hama ingaona sokuti haina ‘chainopomerwa,’ asi vamwe vanogona kunge vaine zvavari kuona zvinoitadzisa kugadzwa. (1 VaK. 4:4) Saka kana vakuru vakakupa zano rinobva muBhaibheri, usagumbuka asi nyatsoteerera zvavanotaura wozviita.

UNGAITEI KANA WAVA NENGUVA WAKAMIRIRA?

Hama dzakawanda dzinoona sokuti dzava nenguva refu dzakamirira kugadzwa kuva vakuru. Kana wava nemakore ‘uchitsvaka kuva mutariri,’ pane nguva yaunombozvidya mwoyo here? Kana zvakadaro, funga nezvemashoko aya: “Kana chinhu chinotarisirwa chikanonoka, chinoita kuti mwoyo urware, asi chinhu chinodiwa muti woupenyu pachinosvika.”—Zvir. 13:12.

Munhu angazvidya mwoyo kana zvaanoda zvikaita sezvanonoka. Abrahamu akambonzwawo saizvozvo. Jehovha akamuvimbisa kuti aizova nemwanakomana, asi pakapera makore iye naSara vasina mwana. (Gen. 12:1-3, 7) Abrahamu paakanga achembera, akachema-chema achiti: “Changamire Ishe Jehovha, muchandipei, zvandisina mwana . . . Hamuna kundipa mwana.” Jehovha akamuvimbisa kuti aizozadzisa vimbiso yake yokuti aizova nemwanakomana. Asi pakatozopera mamwe makore anenge 14 Mwari asati azadzisa zvaainge amuvimbisa.—Gen. 15:2-4; 16:16; 21:5.

Abrahamu akashaya mufaro here paakanga akamirira kuva nemwana? Aiwa. Haana kumbofunga kuti Mwari aizotadza kuzadzisa vimbiso yake. Akaramba aine tarisiro yokuti aizova nemwana. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Pashure pokunge Abrahamu ashivirira, akawana chipikirwa ichi.” (VaH. 6:15) Mwari Wemasimbaose akazopa Abrahamu makomborero akawanda chaizvo kupfuura aaitarisira. Ungadzidzei kuna Abrahamu?

Kana wava nemakore uchida kushumira semukuru, ramba uchivimba naJehovha. Ramba uchinakidzwa nokuita basa rake. Imwe hama inonzi Warren iyo yakabatsira hama dzakawanda kuti dzifambire mberi pakunamata, yakataura kuti nei munhu achifanira kuramba achiita izvi ichiti: “Zvinotora nguva kuti zvioneke kuti munhu ava kukwanisa kushumira semukuru muungano. Nokufamba kwenguva, kukwanisa kwake kuita zvimwe zvinhu kunotanga kuoneka pamaitiro aanoita mabasa aanopiwa uye anotanga kuoneka kuti ane unhu hwakaita sei. Vamwe vanofunga kuti kana vakagadzwa kana kuti vakapiwa dzimwe ropafadzo muungano, vanenge vabudirira. Mafungiro akadaro haana kunaka uye angaita kuti munhu apedzisire ava kungofunga nezvokugadzwa chete. Kana uchishumira Jehovha wakatendeka pasinei nokuti une ropafadzo kana kuti hauna, unenge uchitobudirira.”

Imwe hama payakazogadzwa kuva mukuru yakanga yava nemakore gumi yakamirira. Ichitaura nezvetsanangudzo iri muna Ezekieri chitsauko 1, hama yacho yakataura zvayakadzidza ichiti: “Jehovha anoita kuti ngoro yake, iyo inomirira sangano rake, imhanye sezvaanoda. Nguva yaJehovha ndiyo inokosha, kwete yedu. Kana munhu achida kuva mukuru, zvaanoda kana kuti zvaanoshuva, handizvo zvinokosha. Jehovha anoziva kuti dzimwe nguva zvimwe zvinhu zvatinoda handizvo zvinokosha.”

Kana uchida kuzoita basa rakanaka rokuva mutariri, shanda nesimba kuti muungano muve nomufaro. Kana uchiona sokuti wanonokerwa, usazvidya mwoyo uye iva nemwoyo murefu. Raymond ambotaurwa anoti: “Kana uri munhu anoda chinzvimbo, haumbogutsikani. Vaya vanogara vachizvidya mwoyo havanakidzwi nokushumira Jehovha.” Shanda nesimba kuti uve nechibereko chomudzimu waMwari, kunyanya mwoyo murefu. Dzidza Magwaro kuti uve munhu akasimba pakunamata. Wedzera kushanda nesimba pakuparidza mashoko akanaka uye kudzidza Bhaibheri nevanhu vanofarira. Tungamirira mhuri yako pamabasa okunamata uye pakunamata kwemhuri. Nakidzwa nokuva pamwe chete nehama nehanzvadzi. Paunenge uchishanda nesimba kuti uwane ropafadzo muungano, uchanakidzwa nokushumira Jehovha iye zvino.

Kushanda nesimba kuti uwane ropafadzo muungano chikomborero chinobva kuna Jehovha, saka iye nesangano rake havadi kuti vaya vanotsvaka kuva vatariri muungano vaore mwoyo kana kuti vasafara mubasa rake. Mwari anokomborera vose vanomushumira vaine chinangwa chakanaka uye “haawedzeri kurwadziwa pamwe chete” nechikomborero ichocho.—Zvir. 10:22.

Kunyange kana wava nenguva yakareba uchitsvaka kuva mutariri, unogona kuramba uchifambira mberi pakunamata. Kana ukashanda nesimba pakuita mabasa emuungano uye pakuita kuti uve neunhu hwakanaka asi uchivawo nenguva nemhuri yako, Jehovha haazombokanganwi zvose zvaunoita pakumushumira. Dai ukaramba uchinakidzwa nokushumira Jehovha pasinei nokuti wakapiwa basa rei.

^ ndima 2 Mazita ari munyaya ino akachinjwa.

^ ndima 8 Mazano ari munyaya ino anoshandawo kune vaya vanoda kuva vashumiri vanoshumira. Zvavanofanira kuita zvinotaurwa pana 1 Timoti 3:8-10, 12, 13.