Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Nei tichifanira kunyengeterera Umambo hwaMwari kuti huuye?

Unoda here kuziva zvakawanda nezveUmambo hwaMwari uye zvahuchaita?

Umambo hwaMwari ihurumende yekudenga. Jesu akaudza vateveri vake kuti vanyengeterere kuti huuye nokuti huchaita kuti panyika pavezve nekururama uye rugare. Hapana hurumende yevanhu inokwanisa kubvisa zvachose kurwisana, udzvinyiriri, kana kuti zvirwere, asi Umambo hwaMwari hunozvikwanisa uye huchazviita. Mwari akasarudza Mwanakomana wake, Jesu, kuti ave Mambo weUmambo hwacho. Jehovha akasarudzawo vamwe vateveri vaJesu kuti vatonge naJesu muUmambo hwacho.Verenga Ruka 11:2; 22:28-30.

Munguva pfupi iri kutevera, Umambo hwaMwari huchaparadza vanhu vose vanopikisa utongi hwaMwari. Saka patinonyengetera kuti Umambo hwaMwari huuye tinenge tichikumbira kuti hurumende yaMwari ibvise hurumende dzose dzevanhu.Verenga Dhanieri 7:13, 14; Zvakazarurwa 11:15, 18.

Nei Umambo hwaMwari huchabatsira vanhu?

Jesu ndiMambo akakodzera nokuti anonzwira tsitsi. Zvaari Mwanakomana waMwari, iyewo ane simba rokubatsira vose vanochemera kubatsirwa naMwari.Verenga Pisarema 72:8, 12-14.

Umambo hwaMwari huchabatsira vose vanonyengetera nemwoyo wose kuti huuye uye vanorarama zvinoenderana nekuda kwaMwari. Iwe hauzombofi wakademba kudzidza kwauri kuita zvinotaurwa neBhaibheri pamusoro peUmambo hwaMwari.Verenga Ruka 18:16, 17; Johani 4:23.