Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Iva Nokutenda Kwakasimba muUmambo

Iva Nokutenda Kwakasimba muUmambo

“Kutenda kutarisira nechivimbo zvinhu zvinenge zvichitarisirwa.”VAH. 11:1.

1, 2. (a) Chii chichasimbisa kutenda kwatinoita kuti Umambo huchazadzisa chinangwa chaMwari chaakasikira vanhu? (b) Sezvinotaurwa pana VaEfeso 2:12, sungano dzinotisimbisa sei? (Onawo mufananidzo uri patangira nyaya ino.)

SEZVAPUPU ZVAJEHOVHA, tinowanzotaura kuti Umambo hwaMwari ndihwo chete huchagadzirisa matambudziko ose evanhu, uye tinoudza vanhu chokwadi ichi chinokosha chemuMagwaro nemufaro. Tinonyaradzwawo zvikuru netariro yatiinayo yokuti Umambo huchazadzisa chinangwa chaMwari. Asi kutenda kwedu kwokuti Umambo huriko zvechokwadi uye kuti huchazadzisa chinangwa chahwo kwakasimba zvakadini? Chii chinoita kuti tive nekutenda kusingazununguki muUmambo?VaH. 11:1.

2 Umambo hwaMesiya hwakaitwa kuti huvepo naMwari Wemasimbaose pachake kuti azadzise chinangwa chake chaakasikira zvinhu. Umambo hwakavakirwa pafaundesheni isingazununguki. Kodzero yaJehovha yokutonga ndiyo faundesheni yacho. Zvinhu zvose zvinokosha zvine chokuita neUmambo, kubvira pana mambo wahwo, vaachatonga navo, uye vachatongwa vacho, zvose zvakasimbiswa zviri pamutemo pachishandiswa sungano, kureva zvibvumirano zvepamutemo zvakapupurirwa  naJehovha kana kuti noMwanakomana wake, Jesu Kristu. Kufungisisa nezvesungano idzi kuchawedzera kunzwisisa kwatinoita kuti chinangwa chaMwari chichazadziswa zvechokwadi uye kuchatibatsira kuona kuti sei tichiti urongwa uhwu hahuchinji.Verenga VaEfeso 2:12.

3. Tichaongorora chii munyaya ino neinotevera?

3 Bhaibheri rinotaura nezvesungano nhanhatu dzinokosha dzine chokuita neUmambo hwaMesiya huri mumaoko aKristu Jesu. Sungano dzacho dzinoti: (1) sungano yaAbrahamu, (2) sungano yoMutemo, (3) sungano yaDhavhidhi, (4) sungano yokuva mupristi akafanana naMerekizedheki, (5) sungano itsva, uye (6) sungano yoUmambo. Ngationgororei kuti sungano imwe neimwe inobatana papi noUmambo uye nokuzadziswa kwechinangwa chaMwari chaakasikira nyika uye vanhu.—Ona chati yakanzi “ Kuzadzisa Kuchaita Mwari Chinangwa Chake.”

VIMBISO INORATIDZA KUZADZISWA KUCHAITA CHINANGWA CHAMWARI

4. Sezvinotaurwa muna Genesisi, zvinhu zvipi zvakaziviswa naJehovha nezvevanhu?

4 Apedza kusika pasi redu rakanaka kuti rizogarwa nevanhu, Jehovha akazivisa zvinhu zvitatu zvaiva nechokuita nevanhu: Mwari wedu aizosika vanhu mumufananidzo wake, vanhu vaizoita kuti Paradhiso ive munyika yose vozadza nyika nevana vakarurama, uye vanhu vakarambidzwa kudya muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa. (Gen. 1:26, 28; 2:16, 17) Izvi ndizvo zvaingodiwa kuti chinangwa chaMwari chizadziswe. Saka pakasikwa vanhu, chakanga changosara ndechokuti vateerere zvinhu zviviri pane zvainge zvaziviswa naMwari. Saka chii chakazoita kuti pazodiwa sungano?

5, 6. (a) Satani akaedza sei kuvhiringa chinangwa chaMwari? (b) Jehovha akaita sei nezvakaitwa naSatani muEdheni?

5 Nevavariro yakashata yokuda kukanganisa chinangwa chaMwari, Satani Dhiyabhorosi akafurira vanhu kupanduka. Akavafurira achiita kuti vasateerere chimwe chezvinhu zvainge zvaziviswa naJehovha. Akanyengedza mukadzi wokutanga, Evha, kuti atyore mutemo wairambidza kudya muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa. (Gen. 3:1-5; Zvak. 12:9) Paakaita izvi, Satani akanga achipikisa kodzero yaMwari yekutonga zvisikwa zvake. Nokufamba kwenguva Satani akazotaurawo kuti vanhu vaMwari vakavimbika vanomuteerera kana vaine zvavanowana.Job. 1:9-11; 2:4, 5.

6 Jehovha aizoita sei nezvakanga zvaitwa naSatani muEdheni? Aigona kuparadza vapanduki vacho. Asi zvaizoitawo kuti chinangwa chaainge ataura chokuti nyika izare nevana vaAdhamu naEvha vanoteerera chisazadziswe. Pane kuti abva angouraya vapanduki vacho, Musiki wedu akachenjera akataura kuti aizogadzirisa sei nyaya iyi nekuzivisa vimbiso yomuEdheni, kuti ave nechokwadi chokuti shoko rose raainge ataura raizozadziswa.Verenga Genesisi 3:15.

7. Vimbiso yomuEdheni inoita kuti tive nechokwadi chokuti chii chichaitika kunyoka nevana vayo?

7 Muvimbiso yomuEdheni, Jehovha akapa mutongo kunyoka nevana vayo, kureva Satani Dhiyabhorosi nevaya vaizomutsigira pakupikisa kodzero yaMwari yokutonga. Mwari wechokwadi akapa mwana womukadzi wake wokudenga simba rokuti aparadze Satani. Saka vimbiso yomuEdheni inoratidza zvakasimba kuti uya akakonzera kupanduka kwevanhu mumunda weEdheni achabviswa pamwe nezvakaipa zvose zvaakakonzera, uye inoratidzawo kuti Mwari achashandisa ani pakuita izvi.

8. Tingati chii nezveanomiririrwa nemukadzi uye mwana wake?

8 Ndiani aizova mwana womukadzi? Sezvo Satani Dhiyabhorosi, nyoka ichapwanywa musoro, chiri chisikwa chomudzimu, mwana ‘achamuparadza’ anofanirawo kunge ari chisikwa chomudzimu. (VaH. 2:14)  Izvi zvinorevawo kuti mukadzi anobereka mwana uyu anofanirawo kunge ari womudzimu. Kunyange zvazvo vana venyoka vakaramba vachiwedzera, zvakatotora makore anoda kusvika 4 000 zvisati zvazivikanwa kuti ndiani aimiririrwa nemwana wemukadzi uye mukadzi wacho, kubvira pakapiwa vimbiso yomuEdheni naJehovha. Munguva yose iyi, Jehovha akaita sungano dzinoverengeka dzinoratidza kuti mwana ndiani uye dzinoita kuti vashumiri vake vave nechokwadi chokuti mwana uyu ndiye achashandiswa naJehovha kubvisa zvose zvakaipa zvakakonzerwa naSatani pamhuri yevanhu.

SUNGANO INORATIDZA KUTI MWANA NDIANI

9. Sungano yaAbrahamu chii, uye yakatanga kushanda riini?

9 Papfuura makore anenge zviuru zviviri kubva zvakapiwa Satani mutongo, Jehovha akaudza Abrahamu kuti atamire kuKenani achisiya imba yake yaiva muUri kuMesopotamiya. (Mab. 7:2, 3) Jehovha akamuudza kuti: “Buda munyika yako ubve kuhama dzako nomuimba yababa vako, uende kunyika yandichakuratidza; ndichaita rudzi rukuru runobva mauri, ndichakukomborera, ndichaita kuti zita rako rive guru; uye uchava chikomborero. Ndichakomborera vaya vanokukomborera, ndichatuka anokutuka, uye mhuri dzose dzepanyika dzichazvikomborera nokwauri.” (Gen. 12:1-3) Aya ndiwo mashoko ekutangatanga akanyorwa esungano yaAbrahamu,  yakaitwa pakati paJehovha Mwari naAbrahamu. Hazvizivikanwi kuti ndiriini chaiye pakatanga kuitwa sungano iyi naJehovha naAbrahamu. Asi yakatanga kushanda muna 1943 B.C.E., Abrahamu ava nemakore 75, paakayambuka rwizi rwaYufratesi achibva kuHarani.

10. (a) Abrahamu akaratidza sei kuti aitenda zvizere kuti zvaainge avimbiswa naMwari zvaizoitika? (b) Zvinhu zvipi zvakazoziviswa naJehovha zvishoma nezvishoma nezvemwana wemukadzi?

 10 Jehovha akadzokorora kakati wandei zvaakanga avimbisa Abrahamu, achimuzivisa mamwe mashoko nezvesungano yacho. (Gen. 13:15-17; 17:1-8, 16) Chido chaAbrahamu chekubayira mwanakomana wake mumwe chete chakaratidza kuti aiva nekutenda kusingazununguki kwekuti Mwari anozadzisa zvaanovimbisa, uye izvi zvakaita kuti Jehovha asimbisezve kuti aizozadzisa sungano yake. (Verenga Genesisi 22:15-18; VaHebheru 11:17, 18.) Pakazotanga kushanda sungano yaAbrahamu, Jehovha akazivisa zvishoma nezvishoma mamwe mashoko anokosha nezvemwana wemukadzi. Mwana wacho aizova wedzinza raAbrahamu, aisazongova munhu mumwe chete, aizova mambo, aizoparadza vavengi vaMwari vose, uye aizoita kuti vakawanda vakomborerwe.

Abrahamu akaratidza kuti aiva nekutenda kusingazununguki kwekuti Mwari anozadzisa zvaakavimbisa (Ona ndima 10)

11, 12. Magwaro anoratidza sei kuti sungano yaAbrahamu yaizova nekumwe kuzadziswa kukuru, uye izvozvo zvichatibatsira sei?

11 Kunyange zvazvo sungano yaAbrahamu yakazadziswa vazukuru vake pavakagara nhaka yeNyika Yakapikirwa, Magwaro anoratidza kuti sungano iyi yaizozadziswazve neimwe nzira yakatokura. (VaG. 4:22-25) Achitaura nezvekuzadziswa kukuru uku, muapostora Pauro achifemerwa naMwari akatsanangura kuti mwana waAbrahamu aimiririra Kristu, asi akaratidza kuti aizomiririrawo vaKristu vakazodzwa nomudzimu vanokwana 144 000. (VaG. 3:16, 29; Zvak. 5:9, 10; 14:1, 4) Mukadzi akazvara mwana uyu ‘iJerusarema riri kumusoro,’ iro rinoreva chikamu chekudenga chesangano raJehovha, chinoumbwa nezvisikwa zvemudzimu zvakavimbika. (VaG. 4:26, 31) Sezvakavimbiswa musungano yaAbrahamu, mwana wemukadzi aizoita kuti vanhu vawane zvikomborero.

12 Sungano yaAbrahamu inotaura nezvaMambo nevaachatonga navo muUmambo hwaMwari, uye inoita kuti Umambo hwekumatenga hunyatsosimbiswa zviri pamutemo. (VaH. 6:13-18) Sungano iyi icharamba ichishanda kwenguva yakareba sei? ‘Isungano isingagumi’ sekutaura kunoita Genesisi 17:7. Icharamba iripo kusvikira Umambo hwaMesiya hwaparadza vavengi vaMwari uye mhuri dzose dzepanyika dzakomborerwa. (1 VaK. 15:23-26) Tingatoti izvi zvichaita kuti vose vachange vachirarama panyika vawane makombororero nekusingaperi. Sungano yaAbrahamu inoratidza kuti Jehovha anoda chaizvo kuzadzisa chinangwa chake chekuti vanhu vakarurama ‘vazadze nyika’!Gen. 1:28.

SUNGANO INOSIMBISA KUTI UMAMBO HUCHAGARA NEKUSINGAPERI

13, 14. Sungano yaDhavhidhi inoratidza chii nezveutongi hwaMesiya?

13 Vimbiso yemuEdheni uye sungano yaAbrahamu, dzinotidzidzisa kuti utongi hwaJehovha hwagara hwakavakirwa pamitemo yake yakarurama, uye ndizvo zvimwe chete neUmambo hwaMesiya. (Pis. 89:14) Hurumende yaMesiya ichazombokanganisika here zvekuti inozoda kubviswa? Imwe sungano yepamutemo inotiratidza kuti izvozvo hazvizombofi zvakaitika.

14 Funga zvakavimbiswa Mambo Dhavhidhi naJehovha musungano yaDhavhidhi. (Verenga 2 Samueri 7:12, 16.) Jehovha akaita sungano iyi naDhavhidhi paaitonga muJerusarema, achimuvimbisa kuti Mesiya aizova wedzinza rake. (Ruka 1:30-33) Saka Jehovha akawedzera kujekesa kuti mwana uyu aizouya nedzinza ripi, uye akaratidza kuti munhu aizogara nhaka yaDhavhidhi aizova ‘nekodzero yepamutemo’ yekuva mambo muUmambo hwaMesiya. (Ezek. 21:25-27) Jesu achaita kuti Umambo hwaDhavhidhi huve ‘hwakasimba  kwazvo nokusingagumi.’ Zvechokwadi mwana waDhavhidhi “achagara nokusingagumi, uye chigaro chake choumambo chichaita sezuva” iro rinoramba ririko. (Pis. 89:34-37) Utongi hwaMesiya hahuzombokanganisiki uye zvahuchaita zvichagara nekusingaperi!

SUNGANO YEUPRISTI

15-17. Maererano nesungano yekuva mupristi akafanana naMerekizedheki, vaya vachatonga muUmambo vachaita rimwe basa rei uye nei vachifanira kuriita?

15 Kunyange zvazvo sungano yaAbrahamu uye sungano yaDhavhidhi dzichiratidza zviri pachena kuti mwana wemukadzi aizova mambo, kuva kwake mambo handiko chete kwaizoita kuti vanhu vemarudzi ose vawane makomborero. Kuti vazonyatsokomborerwa, vanofanira kutanga vasunungurwa pachivi vova mumhuri yaJehovha yekudenga nepanyika. Kuti izvi zviitike mwana aifanirawo kuzoshanda semupristi. Musiki wedu akachenjera akaita kuti izvi zviitike achishandisa imwe sungano yepamutemo, sungano yokuva mupristi akafanana naMerekizedheki.

16 Achishandisa Mambo Dhavhidhi Jehovha akazivisa kuti aizoita sungano naJesu nezvinangwa zviviri: kuti azogare “kuruoko [rwaMwari] rworudyi” kusvikira aparadza vavengi vake uye kuti ave “mupristi nokusingagumi maererano nezvakanga zvakaita Merekizedheki.” (Verenga Pisarema 110:1, 2, 4.) Asi sei Jesu achinzi aizova mupristi akafanana “nezvakanga zvakaita Merekizedheki”? Nekuti makore akawanda vazukuru vaAbrahamu vasati vatombogara nhaka yeNyika Yakapikirwa, Merekizedheki, mambo weSarema, akanga ari “mupristi waMwari Wokumusorosoro.” (VaH. 7:1-3) Akagadzwa naJehovha pachake. Ndiye ega anotaurwa muMagwaro echiHebheru kuti akava mambo uku ari mupristi zvakare. Uyewo, sezvo pasina pakanyorwa panoratidza kuti pane waakatsiva kana kuti akazomutsiva, anogona kunzi “mupristi nokusingaperi.”

17 Jehovha pachake akagadza Jesu kuti ave mupristi zvichibva pasungano yaakaita naye uye achava “mupristi nokusingagumi maererano nezvakanga zvakaita Merekizedheki.” (VaH. 5:4-6) Izvi zvinoratidza zviri pachena kuti Jehovha akasimbisa zviri pamutemo kuti achashandisa Umambo hwaMesiya kuti chinangwa chake chaakasikira vanhu panyika chizadziswe.

UMAMBO HUNOSIMBISWA NESUNGANO DZEPAMUTEMO

18, 19. (a) Sungano dzatakurukura dzinoratidzei nezveUmambo? (b) Tichada kuzopindura mubvunzo upi?

18 Sungano dzatakurukura, dzatiratidza kubatana kwadzinoita neUmambo hwaMesiya uye kunyatsosimbiswa kwakaitwa Umambo nezvibvumirano izvi zvepamutemo. Vimbiso yemuEdheni inoita kuti Jehovha azoshandisa mwana wemukadzi pakuzadzisa chinangwa chake chaakasikira nyika nevanhu. Mwana wacho aizova ani, uye aizoita basa rei? Sungano yaAbrahamu inotibatsira kuwana mhinduro yemibvunzo iyi.

19 Sungano yaDhavhidhi inowedzera kujekesa dzinza raizouya nemwana uyu uye inomupa kodzero yekutonga nyika yose kuitira kuti zvichaitwa neUmambo zvigare nekusingaperi. Sungano yemupristi akafanana naMerekizedheki ndiyo inopa mwana kodzero yokushanda semupristi. Asi Jesu haasi kuzoshanda oga pakuita kuti vanhu vavezve vakakwana. Pane vamwe vakazodzwa kuti vave madzimambo nevapristi. Vaizobva kupi? Izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.