Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Ichokwadi here kuti Jesu akamutsa vakafa?

Jesu akamutsa Razaro uyo akanga ava nemazuva mana afa

Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti Jesu akamutsa vakafa. Nyaya idzodzo hadzisi ngano, asi zvinhu chaizvo zvinozivikanwa nguva yazvakaitika nenzvimbo yazvakaitikira. Somuenzaniso, muchirimo chegore ra31 C.E., boka guru revanhu rakafamba naJesu kubva kuKapenaume richienda kuNaini. Vachisvika ikoko vakasangana nerimwe boka revanhu. Unogona kubvuma kuti nyaya yekumutswa yakazoitika ndeyechokwadi nekuti yakanyorwa muShoko raMwari Bhaibheri, uye yakaitika vanhu vose ivavo vachiona.Verenga Ruka 7:11-15.

Jesu akamutsawo shamwari yake Razaro uyo akanga ava nemazuva mana afa. Unogona kubvuma kuti nyaya yezvakaitwa naJesu zuva iroro ndeyechokwadi nekuti paiva nevanhu vakawanda vakazviona zvichiitika.Verenga Johani 11:39-45.

Nei Jesu akamutsa vakafa?

Jesu akamutsa vakafa nekuti ainzwira vanhu tsitsi. Akaitawo izvozvo kuti aratidze kuti akapiwa simba naBaba vake, Musiki weupenyu, rekuti amutse vakafa.Verenga Johani 5:21, 28, 29.

Kumutswa kwakaitwa vanhu naJesu kunoita kuti tivimbe nezvaakataura kuti achaita mune ramangwana. Achamutsa vanhu vakawanda kusanganisira vasina kururama vaisamboziva nezvaMwari wechokwadi. Vachapiwa mukana wokuti vazive uye vade Jehovha Mwari.Verenga Mabasa 24:15.