Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kumutswa kwaJesu Kunotibatsira Sei?

Kumutswa kwaJesu Kunotibatsira Sei?

“Akamutswa.”—MAT. 28:6.

1, 2. (a) Vatungamiriri vechitendero chechiJudha vaida kuzivei, uye Petro akavapindura sei? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Chii chakaita kuti Petro ataure neushingi?

PASATI patombopera mazuva akawanda Jesu afa, muapostora Petro akamiswa pamberi peboka guru revanhu vainge vakashatirwa. Vanhu ava vaiva vatungamiriri vechitendero chechiJudha vaiva nesimba uye ndivo vakanga vaita kuti Jesu aurayiwe. Vaida kuziva kuti Petro akanga aporesa murume akaberekwa akaremara achishandisa simba raani uye nezita raani. Petro akapindura noushingi kuti: “Nezita raJesu Kristu wokuNazareta, wamakaroverera asi akamutswa naMwari kubva kuvakafa, murume uyu amire pano pamberi penyu apora nokuda kwaiyeyu.”Mab. 4:5-10.

2 Petro ainge amboramba Jesu katatu nepamusana pokutya. (Mako 14:66-72) Asi chii chakaita kuti iye zvino ave noushingi hwokutaura pamberi pevatungamiriri vechitendero ivavo? Petro akabatsirwa nemudzimu mutsvene uye aivawo nechokwadi chokuti Jesu ainge amutswa. Chii chakaita kuti Petro anyatsova nechokwadi chokuti Jesu aiva mupenyu? Uye tingavawo sei nechokwadi chokuti Jesu mupenyu?

3, 4. (a) Ndevapi vamwe vanhu vakamutswa, vaapostora vaJesu vasati vaberekwa? (b) Ndivanaani vakamutswa naJesu?

3 Vaapostora vaJesu vaiziva kuti vanhu vakafa vanogona  kumuka nokuti vasati vaberekwa kwaiva nevamwe vanhu vainge vatombomutswa. Vaiziva kuti Mwari ainge apa muprofita Eriya naErisha simba rokumutsa vakafa. (1 Madz. 17:17-24; 2 Madz. 4:32-37) Mumwe murume ainge afa akamuka paakakandwa muguva ndokugunzva mapfupa aErisha. (2 Madz. 13:20, 21) VaKristu vepakutanga vaidavira kuti nyaya idzodzo dzomuMagwaro ndedzechokwadi sokudavirawo kwatinoita kuti Shoko raMwari nderechokwadi.

4 Zvichida tose takabayiwa mwoyo patakaverenga nyaya dzokumutswa kwakaitwa vanhu naJesu. Imwe chirikadzi inofanira kunge yakashamisika kwazvo Jesu paakamutsa mwanakomana wayo mumwe chete. (Ruka 7:11-15) Jesu akamutsawo musikana aiva nemakore 12. Chimbofunga kufara uye kushamisika kwakaita vabereki vomusikana iyeye pavakamuona amutswa! (Ruka 8:49-56) Fungawo kufara kwakaita vanhu pavakaona Razaro achibuda muguva ari mupenyu uye aine utano hwakanaka!Joh. 11:38-44.

KUMUTSWA KWAJESU KWAINGE KWAKASIYANA NEKUMWE KWOSE

5. Kumutswa kwaJesu kwainge kwakasiyana sei nekwevamwe vanhu?

5 Vaapostora vaiziva kuti kumutswa kwaJesu kwainge kwakasiyana nekumwe kwose kwainge kwamboitwa. Vanhu vainge vamutswa vakamuka vaine miviri yavo yenyama uye vakazofa zvakare. Asi Jesu akamutswa aine muviri womudzimu usingaori. (Verenga Mabasa 13:34.) Petro akanyora kuti Jesu ‘akaurayiwa panyama, asi akaitwa mupenyu mumudzimu.’ Uyewo, “akaenda kudenga uye iye zvino ari kuruoko rworudyi rwaMwari; uye ngirozi nevane chiremera nevane masimba zvakaiswa pasi pake naMwari.” (1 Pet. 3:18-22) Kumwe kumutswa kwose kwainge kwaitwa vanhu kwaishamisa asi kwaisasvika pane kwaJesu.

6. Kumutswa kwaJesu kwakabatsira sei vadzidzi vake?

6 Kumutswa kwaJesu kwakabatsira chaizvo vadzidzi vake. Jesu ainge amutswa asi vavengi vake vaifunga kuti akafa. Akanga ava munhu womudzimu ane simba zvokuti vanhu vainge vasisina chavaigona kumuita. Kumutswa kwaJesu kwakaratidza kuti aiva Mwanakomana waMwari, uye kuziva izvozvo kwakaita kuti vadzidzi vake vaishungurudzika vafare chaizvo. Uyewo vakanga vava noushingi vasingachatyi. Kudai Jesu asina kumutswa, chinangwa chaMwari chaisazozadziswa uye vadzidzi vake vaizoshaya chokuparidza.

7. Jesu ari kuitei panguva ino uye tinova nemibvunzo ipi?

7 Tinonyatsoziva kuti Jesu haasi munhu akangorarama panyika akaita mukurumbira chete. Nanhasi mupenyu uye ari kutotungamirira basa rine chokuita nemunhu wose ari panyika. Sezvo ava Mambo woUmambo hwaMwari, pasina nguva Jesu Kristu achabvisa uipi panyika oita kuti ive paradhiso ichagarwa nevanhu nokusingaperi. (Ruka 23:43) Zvose izvi zvaisazoitika kudai Jesu asina kumutswa. Saka tine zvikonzero zvipi zvinoita kuti tibvume kuti Jesu akamutswa? Kumutswa kwake kunotibatsira sei?

JEHOVHA AKARATIDZA KUTI ANE SIMBA ROKUMUTSA VAKAFA

8, 9. (a) Nei vatungamiriri vechitendero chechiJudha vakakumbira kuti guva raJesu richengetedzwe? (b) Chii chakaitika Mariya Magadharini nomumwe Mariya pavakaenda kuguva raJesu?

8 Pashure pokunge Jesu aurayiwa, mupristi mukuru nevaFarisi vakaenda kuna Pirato vakati: “Changamire, tayeuka kuti  munyengeri uya paakanga achiri mupenyu akati, ‘Pashure pemazuva matatu ndichamutswa.’ Naizvozvo rayirai kuti guva richengetedzwe kusvikira pazuva rechitatu, kuti vadzidzi vake varege kumbouya vomuba voti kuvanhu, ‘Akamutswa kubva kuvakafa!’ uye unyengeri uhwu hwokupedzisira huchava hwakaipa kwazvo kupfuura hwokutanga.” Pirato akabva avapindura akati: “Imi mune varindi. Endai murichengetedze sokuziva kwamunoita.” Vakabva vaita izvozvo chaizvo.Mat. 27:62-66.

9 Jesu akanga aradzikwa muguva raiva rakacherwa padombo guru uye guva racho rakanga rakavharwa nezidombo. Vatungamiriri vechitendero chechiJudha vaida kuti Jesu aorere imomo. Asi izvozvo handizvo zvaidiwa naJehovha. Mariya Magadharini nomumwe Mariya pavakaenda kuguva pazuva rechitatu, vakawana dombo racho rabviswa uye ngirozi yakagara pariri. Ngirozi yakaudza vakadzi vacho kuti vatarise muguva kuti vaone kuti makanga musina chinhu. Ngirozi yacho yakati: “Haapo pano, nokuti akamutswa.” (Mat. 28:1-6) Jesu akanga ava mupenyu!

10. Uchapupu hupi hwokuti Jesu akamutswa hwakataurwa naPauro?

10 Zvakaitika mumazuva 40 pashure paizvozvo, zvakanyatsopa uchapupu hwokuti Jesu ainge amutswa. Muapostora Pauro akataura nezveuchapupu hwacho paakanyorera vaKorinde kuti: “Nokuti pazvinhu zvokutanga ndakakugamuchidzai zviya zvandakagamuchirawo, kuti Kristu akafira zvivi zvedu maererano neMagwaro; uye kuti akavigwa, chokwadi, kuti akamutswa pazuva rechitatu maererano neMagwaro; uye kuti akazviratidza kuna Kefasi, akazozviratidza kune vane gumi nevaviri. Pashure paizvozvo akazviratidza kuhama dzinopfuura mazana mashanu panguva imwe chete, vazhinji vadzo vapenyu kusvikira panguva ino, asi vamwe vakarara murufu. Pashure paizvozvo akazviratidza kuna Jakobho, akazozviratidza kuvaapostora vose; asi pakupedzisira akazviratidzawo kwandiri sokunge kumunhu akaberekwa nguva isati yakwana.”1 VaK. 15:3-8.

TINOZIVA SEI KUTI JESU AKAMUTSWA?

11. Nei tichiti kumutswa kwaJesu kwakaitika “maererano neMagwaro”?

11 Tinoziva kuti Jesu akamutswa nokuti kumutswa kwake kwakaitika “maererano neMagwaro.” Shoko raMwari rakanga rataura kuti Jesu aizomutswa. Somuenzaniso, Dhavhidhi akanyora kuti Mwari aisazosiya mushumiri wake “akavimbika” muSheori. (Verenga Pisarema 16:10.) PaPendekosti ya33 C.E., muapostora Petro akaratidza kuti uprofita ihwohwo hwakazadzika pana Jesu paakati: “[Dhavhidhi] akafanoona, akataura pamusoro porumuko rwaKristu, kuti haana kusiyiwa muHadhesi uyewo nyama yake haina kuora.”Mab. 2:23-27, 31.

12. Ndivanaani vakaona Jesu paainge amutswa?

12 Chechipiri, tinoziva kuti Jesu akamutswa nokuti pane vanhu vakawanda vakamuona amutswa. Jesu paakamutswa akapedza mazuva 40 ari panyika. Panguva iyoyo, akazviratidza kuvadzidzi vake mubindu raiva neguva rake uye kune vamwe vaiva mumugwagwa waienda kuEmausi. (Ruka 24:13-15) Akazviratidzawo kune vamwe vaiva kune dzimwe nzvimbo. Akataura nevanhu vakasiyana-siyana kusanganisira Petro. Jesu akazviratidzawo kuboka revanhu vanopfuura 500! Hatingarambi uchapupu hwevanhu vakawanda kudaro.

13. Kushingaira kwaiita vadzidzi vaJesu kwairatidza sei kuti vaiva nechokwadi chokuti ainge amutswa?

13 Chechitatu, tinoziva kuti Jesu  akamutswa nokuti vadzidzi vake pavaitaura nezvokumutswa ikoko vaishingaira chaizvo. Kushingaira kwavaiita pavaiparidza nezvokumutswa kwaKristu kwakaita kuti vatambudzwe uye kwakaita kuti vamwe vavo vaurayiwe. Kudai Jesu asina kumutswa, Petro aizomboisa upenyu hwake pangozi here nokutaura nezvokumutswa kwaKristu kuvatungamiriri vechitendero, vaivenga Jesu uye vakamuurayisa? Petro nevamwe vadzidzi vaiva nechokwadi chokuti Jesu aiva mupenyu uye ndiye aitungamirira basa raMwari raifanira kuitwa. Uyewo kumutswa kwaJesu kwaiita kuti vateveri vake vave nechivimbo chokuti vaizomutswawo. Somuenzaniso, Stefani akafa aine chokwadi chokuti vakafa vachamutswa.Mab. 7:55-60.

14. Nei uchidavira kuti Jesu mupenyu?

14 Chechina, tinoziva kuti Jesu akamutswa nokuti tine uchapupu hunoratidza kuti ava kutonga saMambo uye ndiye Musoro weungano yechiKristu. Izvi zviri kuita kuti ungano yechiKristu irambe ichikura. Kudai Jesu asina kumutswa izvozvo zvaizoitika here? Zvimwe tingadai tisingatombozivi nezvake. Asi tine zvikonzero zvakasimba zvinoita kuti tidavire kuti Jesu mupenyu uye kuti ari kutitungamirira pakuita basa rokuzivisa mashoko akanaka munyika yose.

KUMUTSWA KWAJESU KUNOTIBATSIRA SEI?

15. Nei kumutswa kwaJesu kuchiita kuti tive neushingi hwokuparidza?

15 Kumutswa kwaJesu kunoita kuti tive neushingi hwokuparidza. Kwemakore 2 000, vavengi vaMwari vari kushandisa nzira dzakasiyana-siyana kuti vamise basa rokuparidza mashoko akanaka. Vanoshandisa dzidziso dzevakatsauka pakutenda, vanotiseka, vanotirwisa, vanorambidza basa redu, uye vanouraya vamwe vedu. Asi hapana kana ‘chombo chipi zvacho chakagadzirirwa kutirwisa’ chakakwanisa kumisa basa redu rokuparidza nezveUmambo uye rokuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Isa. 54:17) Hatityi vanhu vanoshandiswa naSatani. Jesu anesu, uye anotitsigira sekutaura kwaakaita. (Mat. 28:20) Tine zvikonzero zvakawanda zvokuti tisatye nokuti pasinei nezvose zvingaitwa nevavengi vedu, havazombokwanisi kumisa basa redu.

Kumutswa kwaJesu kunoita kuti tive neushingi hwokuparidza (Ona ndima 15)

16, 17. (a) Kumutswa kwaJesu kunoratidza sei kuti zvaakadzidzisa ndezvechokwadi? (b) Johani 11:25, inoratidza kuti Mwari akapa Jesu simba rei?

16 Kumutswa kwaJesu kunoita kuti tibvume kuti zvose zvaakadzidzisa ndezvechokwadi. Pauro akanyora kuti kana Kristu asina kumutswa, kutenda uye kuparidza kwevaKristu hakuna zvakunobatsira. Mumwe muongorori weBhaibheri akati: “Kana Kristu asina kumutswa, . . . vaKristu vakanyengedzwa zvisingaiti.” Kudai Jesu asina kumutswa, nhoroondo dzeEvhangeri dzaizongoitawo senyaya inosuruvarisa yemurume akanaka uye akachenjera akaurayiwa nevavengi vake. Asi Kristu akamutswa, zvichiratidza kuti zvose zvaakadzidzisa ndezvechokwadi, kusanganisira zvaakataura nezveramangwana.Verenga 1 VaKorinde 15:14, 15, 20.

17 Jesu akati: “Ndini kumuka noupenyu. Anotenda mandiri, kunyange akazofa, achava mupenyu.” (Joh. 11:25) Mashoko iwayo achatozadziswa chete. Jehovha akapa Jesu simba rokumutsa vaya vanoenda kudenga uyewo rokumutsa mabhiriyoni evanhu kuti ararame nokusingaperi panyika. Chibayiro chorudzikinuro chaJesu uye kumutswa kwake zvinoreva kuti rufu haruchazovipo. Kuziva izvozvo hakuiti here kuti usatye kufa uye kuti urambe uchitsungirira pasinei nemiedzo yaungasangana nayo?

18. Kumutswa kwaJesu kunoita kuti tive nechokwadi chei?

18 Kumutswa kwaJesu kunoita kuti tive nechokwadi chokuti vanhu vari panyika vachatongwa  zvakarurama naJehovha. Pauro paaitaura nevarume nevakadzi vomuAtene akati: “[Mwari] akatara zuva raanoda kutonga naro nyika inogarwa, nokururama achishandisa munhu waakagadza, uye akapa vimbiso kuvanhu vose pakuti akamumutsa kubva kuvakafa.” (Mab. 17:31) Jesu ndiye akagadzwa naMwari kuti atonge vanhu, uye tinogona kuva nechokwadi chokuti achatonga zvakanaka.Verenga Isaya 11:2-4.

19. Kudavira kuti Kristu akamutswa kunotibatsira sei?

19 Kudavira kuti Jesu akamutswa kunoita kuti tide kuita zvinodiwa naMwari. Kudai Jesu asina kuzvipira kufa uye asina kumutswa, taizoramba tiine chivi uye tichifa. (VaR. 5:12; 6:23) Kudai asina kumutswa tingadai tiine maonero evakawanda okuti: “Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tichafa.” (1 VaK. 15:32) Asi hatiraramiri mafaro ari munyika. Tinokoshesa tariro yorumuko uye tinobvuma kutungamirirwa naJehovha muupenyu hwedu.

20. Kumutswa kwaJesu kunoratidza sei ukuru hwaMwari?

20 Kumutswa kwaKristu kunopupurira kuti Jehovha mukuru uye kuti “anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.” (VaH. 11:6) Jehovha akaratidza kuti ane simba uye uchenjeri nokumutsa kwaakaita Jesu kuti ararame kudenga asingazombofi. Uyewo Mwari akaratidza kuti anokwanisa kuzadzisa vimbiso dzake dzose. Izvi zvinosanganisira uprofita hwokuti kwaizova “nomwana” aizoita basa rinokosha pakugadzirisa nyaya yokuti ndiani ane kodzero yokutonga. Kuti vimbiso iyoyo izadziswe, Jesu aifanira kufa omutswa.Gen. 3:15.

21. Unonzwa sei nezvekumutswa kuchaitwa vakafa?

21 Hauongi here kuti Jehovha akatipa tariro iyi yechokwadi yokuti vakafa vachamutswa? Magwaro anotivimbisa kuti: “Tarirai! Tende raMwari riri pakati pevanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Mwari pachake achava navo. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” Muapostora Johani ndiye akaudzwa mashoko aya uye akanzi: “Nyora, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.” Ndiani aimuudza? NdiJesu Kristu uyo ainge amutswa.Zvak. 1:1; 21:3-5.