Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Tichifanira Kuva Vatsvene?

Nei Tichifanira Kuva Vatsvene?

“Munofanira kuva vatsvene.”—REVH. 11:45.

1. Bhuku raRevhitiko ringatibatsira sei?

BHUKU raRevhitiko rinotaura nezveutsvene kupfuura mamwe mabhuku ose eBhaibheri. Sezvo vanamati vose vechokwadi vaJehovha vachifanira kuva vatsvene, kunzwisisa zviri mubhuku iri kuchatibatsira kuti tirambe tiri vatsvene.

2. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinotaurwa mubhuku raRevhitiko?

2 Bhuku raRevhitiko rakanyorwa nomuprofita Mosesi uye nderimwe remabhuku anoumba “Rugwaro rwose” runobatsira pakudzidzisa. (2 Tim. 3:16) Zita raJehovha rinowanikwa kanenge ka10 muchitsauko chimwe nechimwe chebhuku iri. Kunzwisisa zvinotaurwa muna Revhitiko kuchatibatsira kuti tirege kuita chero chinhu chingaita kuti zita raMwari rizvidzwe. (Revh. 22:32) Kudzokororwa kunoitwa mashoko okuti “Ndini Jehovha” kunofanira kutiyeuchidza kuti tinofanira kuteerera Mwari. Munyaya ino neinotevera, tichakurukura pfungwa dzinokosha dziri muna Revhitiko, dzinotibatsira kuti tive vatsvene.

TINOFANIRA KUVA VATSVENE

3, 4. Kugezwa kwaAroni uye kwevanakomana vake kwaimirirei? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

3 Verenga Revhitiko 8:5, 6. Jehovha akasarudza Aroni kuti ave mupristi mukuru waIsraeri uye vanakomana vake kuti vave  vapristi vachimiririra rudzi rwose. Aroni aimiririra Jesu Kristu uye vanakomana vake vaimiririra vateveri vaJesu vakazodzwa. Saka kugezwa kwaiitwa Aroni kwaireva here kuti Jesu aifanira kucheneswawo? Aiwa, nokuti Jesu ainge asina chivi uye “asina gwapa” saka aisafanira kucheneswa. (VaH. 7:26; 9:14) Zvisinei, kuchena kwainge kwakaita Aroni pashure pokunge agezwa kwaimirira kuchena uye kururama kwaJesu. Ko kugezwa kwaiitwa vanakomana vaAroni kwaimirirei?

4 Kugezwa kwaiitwa vanakomana vaAroni kwaifananidzira kucheneswa kwaizoitwa vaya vakasarudzwa kuti vazova vapristi kudenga. Saka zvinoreva here kuti kubhabhatidzwa kunoitwa vakazodzwa ndiko kwaimiririrwa nokucheneswa kwevanakomana vaAroni? Kwete, kubhabhatidzwa hakubvisi zvivi, asi kunoratidza kuti munhu azvipira nemwoyo wose kuna Jehovha Mwari. Vakazodzwa vanogezwa ‘pachishandiswa shoko’ uye kuti vachene, vanofanira kunyatsoshandisa dzidziso dzaKristu muupenyu hwavo. (VaEf. 5:25-27) Kana vakadaro, vanobva vava vatsvene uye vakachena. Asi zvakadini ‘nemamwe makwai’?Joh. 10:16.

5. Nei zvichinzi mamwe makwai anocheneswa pachishandiswa Shoko raMwari?

5 Vanakomana vaAroni vaisafananidzira “boka guru” remamwe makwai aJesu. (Zvak. 7:9) Saka vanhu ava veboka guru vanoitwawo vatsvene uye vanocheneswa neShoko raMwari here? Hongu! Vaya vane tariro yokuzorarama panyika pavanoverenga zvinotaurwa neBhaibheri nezvekukosha uye kushanda kunoita ropa raJesu rakadeurwa, vanova nokutenda mumashoko aya uye vanobva vaita “basa dzvene masikati nousiku.” (Zvak. 7:13-15) Vakazodzwa uye mamwe makwai vanoratidza kuti vanoramba vachicheneswa neShoko raMwari. Izvozvo zvinooneka nokuti vanoramba vaine ‘mufambiro wakanaka.’ (1 Pet. 2:12) Jehovha anofara chaizvo paanoona kuchena uye kubatana kwakaita vanhu vake vanoteerera uye vanoramba vachitevera Mufudzi wavo Jesu.

6. Tingazviongorora sei?

6 Mazuva ano vanhu vaJehovha vanewo zvavanodzidza pamurayiro waiti vapristi vechiIsraeri vaifanira kugeza miviri yavo. Vanhu vatinodzidza navo Bhaibheri vanowanzoona kuchena kunenge kwakaita nzvimbo dzedu dzatinonamatira uye kushambidzika kwatinenge takaita. Asi kuchena kwevapristi kunotibatsirawo kuona kuti munhu wose anokwira kugomo raJehovha kuti anonamata anofanira kunge aine “mwoyo wakachena.” (Verenga Pisarema 24:3, 4; Isa. 2:2, 3.) Patinoitira Mwari basa dzvene, mwoyo wedu, pfungwa dzedu uye miviri yedu zvinofanira kunge zvakachena. Izvi zvinoda kuti tigare tichizviongorora uye kana tikaona paine panoda kugadziriswa togadzirisa kuitira kuti tive vatsvene. (2 VaK. 13:5) Somuenzaniso, munhu akabhabhatidzwa ane tsika yokuona zvinonyadzisira anofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndiri kuratidza kuti ndiri mutsvene here?’ Zvadaro anofanira kutsvaka kubatsirwa kuti asiye tsika iyoyo yakaipa.Jak. 5:14.

KUTEERERA KUNORATIDZA KUTI URI MUTSVENE

7. Muenzaniso upi watakasiyirwa naJesu unoenderana nezviri pana Revhitiko 8:22-24?

7 Mupristi Mukuru Aroni paakagadzwa pamwe nevanakomana vake, ropa regondohwe rakaiswa panzeve dzavo dzokurudyi, nepazvigunwe zvikuru zvemaoko avo okurudyi nepazvigunwe zvikuru zvetsoka dzavo dzokurudyi. (Verenga Revhitiko 8:22-24.) Izvi zvairatidza kuti vapristi vaizoita mabasa  avo vachiteerera. Saizvozvowo, Mupristi Mukuru Jesu akasiyira vakazodzwa nemamwe makwai muenzaniso wakanaka. Nzeve yake yaiva yakagadzirira kuteerera Mwari. Jesu aishandisa maoko ake kuita zvinodiwa naJehovha uye tsoka dzake hadzina kumbotsauka pakuita zvinhu zvitsvene.Joh. 4:31-34.

8. Vanamati vose vaJehovha vanofanira kuitei?

8 VaKristu vakazodzwa nemamwe makwai aJesu vanofanira kuramba vakatendeka sezvakaitwa nemupristi wavo mukuru. Vanamati vose vaJehovha vanofanira kuteerera zviri muShoko raMwari kuitira kuti vasashungurudza mudzimu mutsvene. (VaEf. 4:30) Vanofanira ‘kugadzirira tsoka dzavo nzira dzakarurama.’VaH. 12:13.

9. Hama nhatu dzinoshanda nenhengo dzeDare Rinodzora dzakati chii, uye zvadzakataura zvingakubatsira sei kuti urambe uri mutsvene?

9 Funga zvakataurwa nehama nhatu dzine tariro yokurarama pasi pano, dzava nemakore dzichishanda pamwe nenhengo dzeDare Rinodzora. Hama yokutanga yakati: “Kunyange zvazvo kushanda nehama idzi iri ropafadzo yakazonaka, ndakaona kuti dzinotadzawo pasinei nokuti dzakazodzwa nemudzimu. Asi kwemakore ose aya ndinoedza kuteerera vaya vanotungamirira.” Hama yechipiri yakati: “Magwaro anotaura ‘nezvekuteerera Kristu,’ akadai sa2 VaKorinde 10:5, akandibatsira kuti nditeerere vaya vanotungamirira. Kuteerera kwandinoita kunobva pamwoyo.” Hama yechitatu yakati: “Kuda zvinodiwa naJehovha uye kuvenga zvaanovenga uye kugara uchitsvaka kutungamirirwa naye uchiita zvaanoda kunoratidza kuti unoteerera sangano rake uye vaya vaanoshandisa kuita kuti chinangwa chake chepanyika chizadziswe.” Hama iyi yainge yanzwa kuti Hama Nathan Knorr, avo vakazova nhengo yeDare Rinodzora, vakabvuma zvakataurwa muNharireyomurindi yeChirungu ya1925 munyaya yaiti “Kuberekwa Kworudzi,” kunyange zvazvo vamwe vanhu vakaramba zvaiva mumagazini yacho. Hama iyi yakabayiwa mwoyo nokuteerera kwakaita Hama Knorr. Kufungisisa zvakataurwa nehama idzi nhatu kunogona kukubatsira kuti uteerere Mwari woramba uri mutsvene.

KUTEERERA MUTEMO WAMWARI UNE CHOKUITA NEROPA

10. Kuteerera mutemo waMwari une chokuita neropa kunokosha zvakadini?

10 Verenga Revhitiko 17:10. Jehovha akarayira vaIsraeri kuti vasadya “chero ropa ripi zvaro.” VaKristu vanofanirawo kurega ropa, ringava remunhu kana kuti remhuka. (Mab 15:28, 29) Hatitombodi kuti Mwari ‘atitsamwire’ otibvisa muungano yake. Tinomuda uye tinoda kumuteerera. Kunyange tikarwara zvokuti upenyu hwedu hunenge hwava pangozi, hatibvumi kuita zvinodiwa nevanhu vasingadi Jehovha uye vasingadi kumuteerera. Tinoziva kuti vanhu vanogona kutishora nokuteerera kwatinoita mutemo waMwari wokuti tirege ropa, asi tinosarudza kuteerera Mwari. (Jud. 17, 18) Chii chichatibatsira kuti ‘titsunge’ kuramba kuwedzerwa ropa kana kuridya?Dheut. 12:23.

11. Nei tichiti Zuva Rokuyananisa raisangova tsikawo zvayo isina basa?

11 Kushandiswa kwaiitwa ropa remhuka nemupristi mukuru weIsraeri paZuva Rokuyananisa raiitwa kamwe pagore, kunotibatsira kunzwisisa kuti Mwari anoona sei ropa. Ropa rakanga risingafaniri kushandiswa pose pose. Raishandiswa pakuita kuti vaIsraeri vakanganwirwe zvivi naJehovha. Ropa renzombe nerembudzi raifanira kusaswa pamberi pechifukidziro  cheareka yesungano. (Revh. 16:14, 15, 19) Izvi zvaiita kuti Jehovha akwanise kuvakanganwira zvivi zvavo. Uyewo Jehovha akapa murayiro wokuti kana munhu akauraya mhuka kuti adye, aifanira kudurura ropa rayo pasi orifukidza neguruva, “nokuti mweya wenyama yemarudzi ose ndiro ropa rayo.” (Revh. 17:11-14) Iyi yaingova tsikawo zvayo isina basa here? Kwete. Kushandiswa kwaiitwa ropa paZuva Rokuyananisa uyewo murayiro wokuti ropa ridururirwe pasi, zvinoenderana nemurayiro waJehovha une chokuita neropa wakapiwa Noa nevana vake. (Gen. 9:3-6) Jehovha Mwari ainge avarambidza kudya ropa. Izvi zvinoshandawo sei kuvaKristu?

12. Tsamba yaPauro yaakanyorera vaKristu vechiHebheru inoratidza sei kuti ropa rine chokuita nokukanganwira zvivi?

12 Muapostora Pauro paakanyora tsamba kuvaKristu vechiHebheru nezvesimba rokuchenesa reropa, akati: “Zvinenge zvinhu zvose zvinocheneswa neropa maererano noMutemo, uye kana ropa rikasadururwa hapana kukanganwirwa kunovapo.” (VaH. 9:22) Pauro akataurawo kuti kunyange zvazvo zvibayiro zvemhuka zvaikosha, zvaingoyeuchidza vaIsraeri kuti vaiva vatadzi uye vaida chimwe chinhu chaikosha chaizoita kuti zvivi zvavo zvibviswe zvachose. Mutemo waiva ‘mumvuri wezvinhu zvakanaka zvaizouya, asi kwete zvinhu zvacho chaizvo.’ (VaH. 10:1-4) Chii chaizoita kuti vanhu varegererwe zvivi?

13. Unonzwa sei nezvakaitwa naJesu paakanomira pamberi paJehovha achiratidza kuti ainge apa upenyu hwake?

13 Verenga VaEfeso 1:7. Rufu rwaJesu Kristu uyo ‘akazvipa nokuda kwedu’ runokosha chaizvo kune vose vanomuda uye vanoda Baba vake. (VaG. 2:20) Asi zvakaitwa naJesu pashure pokunge afa uye amutswa ndizvo zvakaita kuti tisunungurwe uye tikwanise kuregererwa zvivi zvedu. Izvozvo ndizvo zvaimiririrwa nezvaiitwa paZuva Rokuyananisa. Pazuva iroro, mupristi mukuru aitora rimwe ropa remhuka dzaibayirwa  oenda naro muNzvimbo Tsvenetsvene, zvichiita sokuti ari kuenda naro pamberi paMwari. (Revh. 16:11-15) Saizvozvowo, Jesu akapinda mudenga chaimo, akamira pamberi paJehovha achiratidza kuti ainge apa upenyu hwake hwaimiririrwa neropa rake. (VaH. 9:6, 7, 11-14, 24-28) Tinoonga chaizvo kuti tinokanganwirwa zvivi zvedu uye tine hana yakachena nokuti tinotenda muropa raJesu!

14, 15. Nei zvichikosha kunzwisisa uye kuteerera mutemo waJehovha une chokuita neropa?

14 Wava kuona here kuti nei Jehovha achitirayira kuti tisadya “chero ropa ripi zvaro”? (Revh. 17:10) Unonzwisisa here kuti nei Mwari achiti ropa idzvene? Anoona ropa serinomiririra upenyu. (Gen. 9:4) Unobvuma here kuti tinofanira kuona ropa semaonerwo arinoitwa naMwari uye kuti tinofanira kuteerera murayiro wake wokuti tirege ropa? Hakuna imwe nzira ingaita kuti munhu ave norugare naMwari kunze kwokutenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu uye kunzwisisa kuti Musiki wedu anokoshesa chaizvo ropa.VaK. 1:19, 20.

15 Tose tinogona kungoerekana tava mumamiriro ezvinhu okuti tinofanira kusarudza kuti towedzerwa ropa here kana kuti kwete. Mumwe munhu womumhuri medu kana shamwari anogona kurwara zvokuti angafanira kusarudza kuti owedzerwa ropa here kana kuti kwete. Pakadaro, tinofanirawo kusarudza marapirwo atinoda kuitwa uye kuti tobvuma here zvikamu zviduku zveropa kana kuti kwete. Saka zvinokosha chaizvo kutsvakurudza uye kugara takagadzirira kuitira kana zvinhu zvaipa. Kana tikaita zvose izvi uye tikanyengetera, hatizombofi takabvuma kutyora mutemo waMwari une chokuita neropa. Hatitombodi kugumbura Jehovha nokuita zvinhu zvinorambidzwa neShoko rake! Vanachiremba vakawanda nevamwewo vanhu, vanokumbira kuti vanhu vape ropa vachiti rinoraramisa. Asi, vanhu vaJehovha vanoziva kuti Musiki ndiye ane kodzero yokutaura mashandisirwo anofanira kuitwa ropa. Jehovha anoti “chero ropa ripi zvaro” idzvene. Tinofanira kutsunga kuteerera mutemo wake une chokuita neropa. Tinoratidza kuti tinonyatsokoshesa simba rine ropa raJesu nemararamiro edu akanaka. Ropa iroro ndiro chete rinogona kuita kuti vanhu vakanganwirwe zvivi uye vawane upenyu husingaperi.Joh. 3:16.

Wakatsunga here kuteerera mutemo waJehovha une chokuita neropa? (Ona ndima 14, 15)

NEI JEHOVHA ACHIDA KUTI TIVE VATSVENE?

16. Nei vanhu vaJehovha vachifanira kuva vatsvene?

16 Mwari paakabudisa vaIsraeri muIjipiti mavaiva varanda, akavaudza kuti: “Ndini Jehovha akakubudisai munyika yeIjipiti kuti ndive Mwari wenyu; munofanira kuva vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.” (Revh. 11:45) VaIsraeri vaifanira kuva vatsvene nokuti Jehovha mutsvene. SeZvapupu zvaJehovha tinofanirawo kuva vatsvene. Bhuku raRevhitiko rinonyatsoratidza izvozvo.

17. Wava kuona sei bhuku raRevhitiko?

17 Tabatsirwa chaizvo nokukurukura dzimwe pfungwa dziri mubhuku raRevhitiko. Tinovimba kuti kudzidza kwataita kwakubatsira kukoshesa bhuku iri reBhaibheri rakafuridzirwa. Kufungisisa dzimwe pfungwa dzinokosha chaizvo dziri mubhuku iri kunofanira kunge kwaita kuti uwedzere kunzwisisa kuti nei tichifanira kuva vatsvene. Asi ndezvipi zvimwe zvatinowana mubhuku iri? Zvii zvimwe zvatinodzidza mubhuku iri zvine chokuita nebasa dzvene ratinoitira Jehovha? Izvi tichazvikurukura munyaya inotevera.