Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinofanira Kuva Vatsvene Pane Zvose Zvatinoita

Tinofanira Kuva Vatsvene Pane Zvose Zvatinoita

‘Ivai vatsvene pamufambiro wenyu wose.’1 PET. 1:15.

1, 2. (a) Jehovha anoda kuti vanhu vake vaite sei? (b) Mibvunzo ipi ichapindurwa munyaya ino?

MUAPOSTORA PETRO akafemerwa naMwari kuti anyore kuti vaKristu vanofanira kuva vatsvene sezvaitarisirwa vaIsraeri zviri mubhuku raRevhitiko. (Verenga 1 Petro 1:14-16.) Jehovha Mwari “Mutsvene,” anoda kuti vakazodzwa ‘nemamwe makwai’ vashande nesimba kuti vave vatsvene pane zvose zvavanoita.Joh. 10:16.

2 Kuongorora dzimwe pfungwa dzinokosha dziri muna Revhitiko kuchatibatsira chaizvo uyewo kana tikashandisa zvatinenge tadzidza, tichava vatsvene pane zvose zvatinoita. Tichakurukura mibvunzo inotevera: Tinofanira kuona sei nyaya yokubvuma kutyora mitemo yaMwari nemhaka yokuti taomerwa? Bhuku raRevhitiko rinotibatsira sei kutsigira uchangamire hwaJehovha? Kupiwa kwaiitwa zvibayiro kunotidzidzisei?

RAMBA UCHITEERERA JEHOVHA

3, 4. (a) Nei vaKristu vachifanira kuramba vachiita zvinodiwa naMwari? (b) Nei tisingafaniri kutsiva kana kuchengeta chigumbu?

3 Kana tichida kufadza Jehovha, tinofanira kunyatsoteera mitemo yake, kunyange zvinhu pazvinenge zvatiomera. Kunyange zvazvo tisiri pasi peMutemo waMosesi, zvinotaurwa mumutemo iwoyo zvinotibatsira kuti tizive zvinodiwa naMwari uye  zvaasingadi. Somuenzaniso, vaIsraeri vakarayirwa kuti: “Usatsiva kana kuchengetera vanakomana vevanhu vokwako mafi; ida wokwako sezvaunozviita. Ndini Jehovha.”Revh. 19:18.

4 Jehovha haadi kuti titsive, uye haadi kuti tigare tiine chigumbu. (VaR. 12:19) Kana tikasateerera zvinotaurwa muShoko raMwari, Dhiyabhorosi anobva afara, uye izvozvo zvinoita kuti Jehovha azvidzwe. Kunyange kana mumwe munhu akatigumbura achitoziva hake, hatifaniri kuramba takamugumbukira. Bhaibheri rinoti tiri “midziyo yevhu” ine pfuma inokosha kwazvo. Ushumiri hwedu ndihwo pfuma iyoyo. (2 VaK. 4:1, 7) Hatifaniri kurega chigumbu chichikura mumwoyo medu nokuti chinokanganisa ushumiri hwedu.

5. Tinodzidzei pane zvakaitwa naAroni pakafa vanakomana vake? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

5 Pana Revhitiko 10:1-11 tinoverenga nezvenyaya yakarwadza Aroni nemhuri yake. Vanakomana vaAroni vaviri, Nadhabhi naAbhihu vakaparadzwa nemoto wakabva kudenga pavaiva patebhenekeri. Jehovha akabva arayira Aroni nemhuri yake kuti vasachema hama dzavo dzainge dzafa. Uyu unofanira kunge waiva muedzo wakakura chaizvo. Uri kuratidza kuti uri mutsvene panyaya yokusawadzana nevemumhuri kana vamwe vanhu vakadzingwa here?Verenga 1 VaKorinde 5:11.

6, 7. (a) Chii chingatibatsira kana tichida kusarudza kuti toenda here kumuchato unoitwa zvechechi? (Ona mashoko omuzasi.) (b) Tingaudza sei hama yedu isiri Chapupu patimire panyaya yomuchato unoitwa zvechechi?

6 Tinogona kusangana nemuedzo, asi ungasava wakakura sewaAroni nemhuri yake. Ngatitii hama yedu isiri Chapupu yatikoka kumuchato wayo unenge uchizoitwa zvechechi. Tingaita sei pakadaro? Bhaibheri hapana parinoti tisaenda kumuchato wakadaro, asi ringatibatsira here kusarudza zvokuita? *

7 Patinosarudza kuramba tiri vatsvene kuna Jehovha, hama dzedu dzisiri Zvapupu dzingatadza kutinzwisisa. (1 Pet. 4:3, 4) Tinoedza kusavagumbura, asi tinoda kutaura navo zvakanaka tisingapotereri. Zvakanaka kutaura navo mazuva emuchato wacho asati asvika. Tinogona kuvatenda nokutikoka kwavakaita kumuchato wavo. Tobva tavaudza kuti tingazovatadzisa kufara kana kuti vangazonyara kana tikarega kubatanidzwa pane zvinenge zvichiitwa pamuchato wacho zvisingapindirani nezvatinotenda. Izvi zvichatibatsira kuramba tichiita zvinodiwa naJehovha.

TSIGIRA UCHANGAMIRE HWAJEHOVHA

8. Bhuku raRevhitiko rinotibatsira sei kuona kuti Jehovha ndiye changamire?

8 Nyaya youchangamire hwaJehovha inotaurwa chaizvo mubhuku raRevhitiko. Rinoratidza kanopfuura ka30 kuti mitemo irimo yakapiwa naJehovha. Mosesi aizviziva uye aigara achiita zvaairayirwa naJehovha. (Revh. 8:4, 5) Isuwo tinofanira kugara tichiita zvinodiwa naChangamire wedu, Jehovha. Sangano raMwari rinotibatsira kuita izvozvo. Asi tinogona kusangana nemuedzo patinenge tiri toga sezvakaitika kuna Jesu paakaedzwa murenje. (Ruka 4:1-13) Kana tichikoshesa uchangamire hwaMwari uye tichivimba naye, hatizombotyori mitemo yake nemhaka yokutya vanhu.Zvir. 29:25.

9. Nei vanhu vaMwari vachivengwa munyika yose?

9 Sezvo tiri vateveri vaKristu uye tiri Zvapupu zvaJehovha, tinotambudzwa munyika dzakawanda. Izvozvo tinozvitarisira nokuti Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Vanhu vachakuendesai kuti munotambudzwa  uye vachakuurayai, uye muchavengwa nemarudzi ose nokuda kwezita rangu.” (Mat. 24:9) Zvisinei, patinotambudzwa saizvozvo, tinoramba tichiita basa rokuparidza Umambo uye tichiratidza kuti tiri vatsvene kuna Jehovha. Nei vanhu vachitivenga asi isu tiri vanhu vakavimbika, vane tsika dzakanaka uye vanoteerera mitemo yenyika? (VaR. 13:1-7) Imhaka yokuti tinobvuma kuti Jehovha ndiye Changamire uye Ishe wedu! “Ndiye oga” watinoitira basa dzvene uye hatimbofi takabvuma kuita zvinopesana nezvaanoda.Mat. 4:10.

10. Chii chakaitika imwe hama payakabvuma kupinda muchiuto?

10 Hatisiwo “venyika.” Saka hatipindiri muhondo uye mune zvematongerwo enyika. (Verenga Johani 15:18-21; Isaya 2:4.) Vamwe vakazvitsaurira kuna Mwari vakakundwa nokutya vakapindira mune zvematongerwo enyika. Vakawanda vavo vakapfidza uye Baba vedu vokudenga vane ngoni vakavakanganwira. (Pis. 51:17) Asi kunewo vashoma vasina kupfidza. Somuenzaniso, pairwiwa Hondo Yenyika II, hama dzedu dzinokwana 160 dzaiva nemakore ari pasi pe45 dzainge dziri mumajeri ose omuHungary, dzakaunganidzwa mune rimwe guta ndokunzi dzipinde muchiuto. Hama dzedu dzakaramba kupinda muchiuto, asi 9 vavo vakabvuma vakatopiwa mayunifomu. Pashure pemakore maviri, mumwe wevaya vakabvuma kupinda muchiuto akazonzi auraye Zvapupu zvainge zvakavimbika. PaZvapupu zvaaifanira kuuraya, paivawo nemwana waamai vake. Zvisinei, hapana akazourayiwa.

SHUMIRA JEHOVHA NEMWOYO WOSE

11, 12. Tinodzidzei pazvibayiro zvaipiwa nevaIsraeri?

11 Mutemo waMosesi waitaura kuti vaIsraeri vaifanira kupa zvibayiro zvakaita sei. (Revh. 9:1-4, 15-21) Zvibayiro zvacho zvaifanira kunge zvisina kuremara nokuti zvaifananidzira chibayiro chaJesu chakakwana. Uyewo mapirwo aiitwa zvibayiro zvacho aisiyana-siyana zvichienderana nekuti zvaiva zvei. Somuenzaniso, funga zvaifanira kuitwa naamai vainge vasununguka mwana. Revhitiko 12:6 inoti: “Panopera mazuva okunatswa kwake nokuda kwomwanakomana kana kuti nokuda kwomwanasikana, ngaauye kusuo retende rokusanganira, kumupristi, negondohwe duku rine gore rimwe chete kuti rive chinopiwa chinopiswa, nehangaiwa duku kana kuti gukutiwa kuti rive chinopiwa chechivi.” Mutemo waMwari wainyatsotaura zvaifanira kupiwa nemunhu, asi wairatidzawo kuti ndiMwari anonzwisisa. Kana mukadzi wacho aisakwanisa kuwana gwai, aibvumirwa kupa magukutiwa maviri kana hangaiwa mbiri duku. (Revh. 12:8) Kunyange zvazvo munhu iyeye aiva murombo, Jehovha aimuda uye aimuonga sezvaaiita munhu aipa chibayiro chinodhura. Tinodzidzei?

12 Muapostora Pauro akakurudzira vaainamata navo kuti vape Mwari “chibayiro chokurumbidza.” (VaH. 13:15) Tinofanira kushandisa miromo yedu kuzivisa nezvezita dzvene raJehovha. Hama nehanzvadzi dziri matsi dzinorumbidzawo Mwari dzichitaura nemasaini. VaKristu vasingakwanisi kubva pamba nemhaka yokurwara vanorumbidza Mwari vachiita zvokunyora tsamba, kushandisa foni uye vanoparidzirawo vaya vanovachengeta nevanovashanyira. Zvatinoita pakuzivisa zita raJehovha uye mashoko akanaka, zvinofanira kuenderana neutano hwedu uye mamiriro edu ezvinhu. Chinokosha ndechokuti tizviite nemwoyo wose.VaR. 12:1; 2 Tim. 2:15.

13. Nei tichifanira kushuma basa redu rokuparidza?

 13 Mwari haatimanikidzi kuti timupe zvibayiro, asi tinomupa nokuti tinomuda. (Mat. 22:37, 38) Kunyange zvakadaro, tinokurudzirwa kushuma zvatinenge taita muushumiri. Saka tinofanira kuona sei urongwa uhwu? Mushumo watinoendesa mwedzi woga woga unoratidza kuti takazvipira kuna Mwari. (2 Pet. 1:7) Asi hapana anofanira kunzwa sokuti ari kumanikidzwa kupedza nguva yakareba muushumiri kuti azoshuma maawa akawanda. Ndokusaka vaparidzi voUmambo vakwegura kana kuti vanorwara vachikwanisa kushuma maminitsi 15 pane kushuma maawa akazara. Jehovha anokoshesa maminitsi iwayo nokuti muparidzi wacho anenge apa chibayiro nemwoyo wake wose uye aratidza kuti anomuda uye kuti anokoshesa ropafadzo yokuva Chapupu chaJehovha. Kungofanana nevaIsraeri vaya vaisakwanisa kupa zvibayiro zvaidhura, vashumiri vaJehovha vasingakwanisi kuita zvakawanda vanogonawo kushuma basa ravo. Kana tikashuma basa redu, mushumo wedu uchabatanidzwawo neyevamwe vari munyika yose uye izvi zvinobatsira sangano kuti rironge basa rokuparidza Umambo. Saka tingati tiri kunetswa here sangano parinotiudza kuti tishume basa redu rokuparidza?

KUDZIDZA KWATINOITA UYE ZVIBAYIRO ZVEDU

14. Tsanangura kuti nei tichifanira kuongorora madzidziro atinoita Bhaibheri.

14 Zvichida kukurukura kwataita pfungwa dzinokosha dziri muna Revhitiko, kwaita kuti uwedzere kunzwisisa kuti nei bhuku iri rakaiswawo muShoko raMwari rakafemerwa. (2 Tim. 3:16) Zvimwe iye zvino watsunga kuratidza kuti uri mutsvene, nemhaka yokuti waona kuti Jehovha anoda kuti tidaro uye kuti ane kodzero yokuti timushumire nemwoyo wose. Pamwe zvawadzidza mubhuku raRevhitiko munyaya dzino mbiri zvaita kuti uwedzere kuda kutsvakurudza paunodzidza Bhaibheri. (Verenga Zvirevo 2:1-5.) Hapana mubvunzo kuti unoda kuti Jehovha agamuchire zvibayiro zvako zvokurumbidza. Saka nyatsoongorora purogiramu yako yokudzidza. Uri kutadziswa kufambira mberi pakunamata here nezvinhu zvakadai semitambo, kuona TV, kana kuti zvimwewo zvinhu zvinokuvaraidza? Kana zvakadaro, unogona kubatsirwa chaizvo nokufungisisa mamwe mashoko akataurwa nemuapostora Pauro mubhuku raVaHebheru.

Unokoshesa kudzidza Bhaibheri uye Kunamata Kwemhuri muupenyu hwako here? (Ona ndima 14)

15, 16. Nei Pauro asina kutenderera paakanyorera vaKristu vechiHebheru?

15 Pauro haana kumbotenderera paakanyorera vaKristu vechiHebheru. (Verenga VaHebheru 5:7, 11-14.) Akavaudza kuti ‘vainge vagomara pakunzwa kwavo.’ Nei Pauro akataura mashoko anobaya zvakadaro? Aida vaKristu ivavo sekudiwa kwavaiitwa naJehovha uye ainetseka chaizvo nokuti vaingorarama nezvokudya zvokunamata zvakaita somukaka. Kuziva dzidziso dzokutanga dzechiKristu kunokosha.  Asi kuti muKristu akure pakunamata anofanira kudya “zvokudya zvikukutu.”

16 Pane kuti vakure zvokukwanisa kudzidzisawo vamwe, vaHebheru vaitoda mumwe munhu anovadzidzisa. Nei? Nokuti vairega kudya “zvokudya zvikukutu.” Zvibvunze kuti: ‘Ndinoona sei zvokudya zvikukutu zvokunamata? Ndinozvidya here? Kana kuti handizvipi nguva yokunyengetera uye yokudzidza Bhaibheri zvakadzama? Kana zvakadaro madzidziro angu haasi iwo ari kukonzera dambudziko here?’ Hatifaniri kungoparidzira vanhu chete asi tinofanira kuvadzidzisa uye kuita kuti vave vadzidzi.Mat. 28:19, 20.

17, 18. (a) Nei tichifanira kugara tichidya zvokudya zvikukutu? (b) Tinofanira kuona sei nyaya yokunwa waini kana doro tisati taenda kumisangano yechiKristu?

17 Vakawanda vedu vangaomerwa nokudzidza Bhaibheri. Jehovha haaiti kuti vanhu vake vade kudzidza nokuvaita kuti vanzwe vaine mhosva yokuti vane zvavari kukundikana kuita. Asi pasinei nekuti tava nemakore akawanda sei tiri muchokwadi, tinofanira kuramba tichidya zvokudya zvikukutu. Kuita izvozvo kunokosha kana tichida kugara tiri vatsvene.

18 Kana tichida kuva vatsvene, tinofanira kunyatsoongorora Magwaro tobva taita zvaanotaura. Funga nezvevanakomana vaAroni, Nadhabhi naAbhihu, avo vakaurayiwa nemhaka yokupisira rusenzi ‘nemoto usingabvumirwi nomutemo.’ Pamwe vainge vakatodhakwa pavakaita izvi. (Revh. 10:1, 2) Ona zvakazotaurwa naMwari kuna Aroni. (Verenga Revhitiko 10:8-11.) Zvinotaurwa mundima iyoyo zvinoreva here kuti hatifaniri kunwa waini kana doro tisati taenda kumusangano wechiKristu? Chimbofunga zvinotevera: Hatisi pasi peMutemo. (VaR. 10:4) Mune dzimwe nyika, hama dzedu dzinonwa doro zvine mwero padzinodya dzisati dzapinda misangano. PaPaseka paishandiswa makapu mana ewaini. Jesu paakatanga Chirangaridzo, akaita kuti vaapostora vake vanwe waini yaimiririra ropa rake. (Mat. 26:27) Bhaibheri rinorambidza kunwa zvakanyanya uye kudhakwa. (1 VaK. 6:10; 1 Tim. 3:8) Uye vaKristu vakawanda vakasarudza kusatombonwa doro kana vava kuda kuita zvinhu zvokunamata nokuti hana dzavo hadzivabvumiri. Zvisinei, zvinhu zvinosiyana munyika nenyika, uye chinokosha ndechokuti vaKristu ‘vasiyanise chinhu chitsvene nechisiri chitsvene’ kuitira kuti vave vatsvene sezvinodiwa naMwari.

19. (a) Chii chatinofanira kufunga nezvacho panyaya yekunamata kwemhuri uye kudzidza tiri toga? (b) Watsunga kuitei panyaya yokuva mutsvene?

19 MuShoko raMwari mune zvinhu zvakawanda zvaunogona kuwana kana ukanyatsotsvakurudza. Kuti unyatsobatsirwa nekunamata kwemhuri uye kudzidza kwako uri woga, shandisa zvinhu zvokutsvakurudza zvaunazvo. Wedzera kuziva Jehovha nezvinangwa zvake. Ramba uchiswedera pedyo naye. (Jak. 4:8) Nyengetera kuna Mwari sezvakaitwa nemunyori wepisarema paakati: “Vhurai maziso angu, kuti nditarire zvinhu zvinoshamisa zviri mumutemo wenyu.” (Pis. 119:18) Usabvuma kuita zvinhu zvinopesana nezvinotaurwa neBhaibheri. Teerera mitemo yaMwari “Mutsvene,” Jehovha, uye shanda nesimba pakuita “basa dzvene remashoko akanaka aMwari.” (1 Pet. 1:15; VaR. 15:16) Ramba uri mutsvene mumazuva ano okupedzisira akaipa. Dai tose tikaramba tiri vatsvene pane zvose zvatinoita uye kana tikadaro tichatsigira uchangamire hwaMwari wedu mutsvene, Jehovha.

^ ndima 6 Ona nyaya inoti, “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” muNharireyomurindi yaMay 15, 2002.