Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Zvino Mava Rudzi rwaMwari”

“Zvino Mava Rudzi rwaMwari”

“Maimbova musiri rudzi, asi zvino mava rudzi rwaMwari.”—1 PET. 2:10.

1, 2. Chii chakachinja paPendekosti ya33 C.E. uye ndivanani vakava nhengo dzerudzi rutsva rwaMwari? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

PAPENDEKOSTI ya33 C.E., pane kuchinja kukuru kwakaitika kuvanhu vaJehovha vepanyika. Jehovha akashandisa mudzimu wake kuti pave nerudzi rutsva, runonzi “Israeri waMwari.” (VaG. 6:16) Mwari akanga asisadi kuti vanhu vake vadzingiswe panyama sezvavaiitwa kubva panguva yaAbrahamu. Asi ‘kudzingiswa kwavo kwaifanira kuva kuya kwomwoyo nomudzimu’ sezvakataurwa naPauro.VaR. 2:29.

2 Vanhu vokutanga kuva murudzi urwu rwaMwari vaiva vaapostora nevamwe vadzidzi vaKristu vaipfuura zana vainge vakaungana muJerusarema muimba yepamusoro. (Mab. 1:12-15) Vanhu ava vakadururirwa mudzimu mutsvene, vakava vanakomana vaMwari vakaberekwa nemudzimu. (VaR. 8:15, 16; 2 VaK. 1:21) Izvi zvakaratidza kuti Jehovha ainge agamuchira chibayiro chaKristu uye sungano yoMutemo yainge yatsiviwa nesungano itsva. (Ruka 22:20; verenga VaHebheru 9:15.) Saka vadzidzi ava vakava nhengo dzokutanga murudzi urwu rutsva rwaMwari. Mudzimu mutsvene wakavabatsira kuti vaparidze mumitauro yakasiyana-siyana yaitaurwa nevaJudha nevamwe vainge vatendeukira kuchiJudha vakauya  kuJerusarema kubva muumambo hwose hweRoma kumutambo wevaJudha wainzi Mutambo weMavhiki kana kuti Pendekosti. Vanhu ivavo vakanzwisisa “zvinhu zvikuru zvaMwari” zvaiparidzwa nevaKristu vakazodzwa nemudzimu nokuti zvaitaurwa mumitauro yavo.Mab. 2:1-11.

RUDZI RUTSVA RWAMWARI

3-5. (a) Petro akaudza vaJudha vaiva paPendekosti kuti chii? (b) Rudzi rutsva rwaJehovha rwaikura sei mumakore arwakatanga kuvapo?

3 Jehovha akashandisa muapostora Petro kuudza vaJudha nevanhu vakanga vatendeukira kuchiJudha kuti vaikwanisa kuva nhengo dzerudzi urwu rutsva, kureva ungano yechiKristu. Pazuva rePendekosti, Petro akaratidza ushingi paakaudza vaJudha kuti vaifanira kugamuchira Jesu wavakanga varoverera “padanda” nokuti Mwari akanga amuita “zvose zviri zviviri Ishe naKristu.” Vanhu vacho pavakabvunza kuti vaifanira kuitei, Petro akavaudza kuti: “Pfidzai, uye mumwe nomumwe wenyu ngaabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu kuti mukanganwirwe zvivi zvenyu, uye muchagamuchira chipo chepachena chomudzimu mutsvene.” (Mab. 2:22, 23, 36-38) Pazuva iroro, vanhu vanenge 3 000 vakabhabhatidzwa vakavawo murudzi rutsva rwaIsraeri waMwari. (Mab. 2:41) Kubva pazuva iroro vaapostora vakaramba vachiparidza uye vamwe vanhu vakawanda vaigamuchira chokwadi. (Mab. 6:7) Rudzi rutsva rwakanga rwuchikura.

4 Nokufamba kwenguva, vadzidzi vaJesu vakatanga kuparidzira vanhu vokuSamariya. Vakawanda vakabhabhatidzwa nomuevhangeri Firipi asi havana kubva vangogamuchira mudzimu mutsvene. Dare rinodzora raiva kuJerusarema rakabva ratumira muapostora Petro naJohani kuvaSamariya ivavo vakanga vatendeuka, uye “vakabva vaisa maoko avo pavari, ivo vakatanga kugamuchira mudzimu mutsvene.” (Mab. 8:5, 6, 14-17) Saka vaSamariya ivavo vakazodzwawo nomudzimu vakava nhengo dzaIsraeri waMwari.

Petro akaparidzira Koneriyasi neveimba yake (Ona ndima 5)

5 Muna 36 C.E., Petro akashandiswa zvekare naMwari kuti avhurire vamwe vanhu mukana wokuti vave nhengo dzorudzi rutsva rwaIsraeri waMwari. Izvozvo zvakaitika paakaparidzira mukuru weuto weRoma ainzi Koneriyasi pamwe chete nehama neshamwari dzake. (Mab. 10:22, 24, 34, 35) Bhaibheri rinoti: “Petro achiri kutaura . . . , mudzimu mutsvene wakauya pane vaya vose [vakanga vasiri vaJudha] vakanga vachinzwa shoko. Vakatendeka vakanga vauya naPetro vaiva vamwe vevaya vakadzingiswa vakashamiswa, nokuti chipo chepachena chomudzimu mutsvene chakanga chichidururirwawo pavanhu vemamwe marudzi.” (Mab. 10:44, 45) Saka vanhu veMamwe Marudzi vasina kudzingiswa vakanga vava kukwanisawo kuva nhengo dzorudzi rutsva rwaIsraeri waMwari.

 “VANHU VEZITA RAKE”

6, 7. Vanhu vaiva murudzi rutsva vaifanira kuratidza sei kuti vaiva “vanhu vezita” raJehovha, uye vakazviita kusvika kupi?

6 Pamusangano wedare rinodzora wakaitwa muna 49 C.E., mudzidzi Jakobho akati: “Simiyone [Petro] akarondedzera kwazvo kuti Mwari kwenguva yokutanga akafunga nezvemamwe marudzi kuti atore maari vanhu vezita rake.” (Mab. 15:14) Vanhu ava vaizosanganisira vaKristu vechiJudha nevemamwe marudzi. (VaR. 11:25, 26a) Petro akazonyora kuti: “Maimbova musiri rudzi, asi zvino mava rudzi rwaMwari.” Akabva ataura basa raifanira kuitwa nerudzi urwu achiti: “Muri ‘dzinza rakasarudzwa, upristi hwoumambo, rudzi rutsvene, vanhu vake chaivo, kuti muzivise kwose kwose kunaka’ kwouya akakudanai kuti mubve murima mupinde muchiedza chake chinoshamisa.” (1 Pet. 2:9, 10) Vanhu ava vaifanira kurumbidza Mwari wavaimiririra uye kuzivisa pachena zita rake. Vaifanirawo kuva neushingi pakupupurira Changamire wezvinhu zvose zvakasikwa, Jehovha.

7 Sezvainge zvakangoita vaIsraeri, Jehovha akataura nezverudzi urwu rutsva kuti “vanhu vandakazviumbira, kuti varondedzere kurumbidzwa kwangu.” (Isa. 43:21) VaKristu ivavo vepakutanga vaizivisa noushingi kuti Jehovha ndiye chete Mwari wechokwadi uye kuti vanamwari vainamatwa panguva iyoyo vaiva venhema. (1 VaT. 1:9) Vaipupurira Jehovha naJesu “muJerusarema nomuJudhiya mose nomuSamariya uye kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.”Mab. 1:8; VaK. 1:23.

8. Muapostora Pauro akayambira vanhu vaMwari kuti chii?

8 Muapostora Pauro ndemumwe ‘wevanhu vezita raJehovha’ vaiva vakashinga chaizvo. Paainge akamira pamberi pevazivi vechihedheni, akatsigira uchangamire hwaJehovha, “Mwari akaita nyika nezvinhu zvose zviri mairi, iyeyu zvaari Ishe wedenga nenyika.” (Mab. 17:18, 23-25) Ava kupedza rwendo rwake rwechitatu rwoumishinari, Pauro akayambira vanhu vezita raMwari kuti: “Ndinoziva kuti kana ndaenda mhumhi dzinodzvinyirira dzichapinda pakati penyu uye hadzizobati boka nounyoro, uye pakati penyu pachamuka varume vachataura zvinhu zvisina kururama kuti vatsause vadzidzi vavatevere.” (Mab. 20:29, 30) Pakazosvika gore ra100 C.E., kutsauka pakutenda ikoko kwainge kwava kunyatsooneka.1 Joh. 2:18, 19.

9. Vaapostora pavakafa chii chakaitika ‘kuvanhu vezita raJehovha’?

9 Pakafa vaapostora, kutsauka pakutenda kwakawedzera zvikaita kuti kuve nemachechi echiKristu chenhema. VaKristu ivavo vakatsauka pakutenda vakakundikana kuratidza kuti vaiva “vanhu vezita” raJehovha, vakatobvisa zita raMwari mushanduro dzavo dzeBhaibheri dzakawanda. Vakatanga kutevedzera tsika dzechihedheni uye vakaita kuti Mwari ashorwe nemhaka yedzidziso dzavo dzisingabvi mumagwaro, hondo dzavo dzavanoti itsvene netsika dzounzenza. Saka kwemazana emakore, Jehovha aingova nevanhu vashoma-shoma vakatendeka vainge vakapararira munyika yose asi asina boka rinomunamata pamwe chete ‘revanhu vezita rake.’

VANHU VAMWARI VANOBEREKWAZVE

10, 11. (a) Jesu akaprofitei mumufananidzo wake wegorosi nemasora? (b) Mufananidzo waJesu wakazadziswa sei kutanga mugore ra1914 uye zvakaguma nei?

10 Mumufananidzo wake wegorosi nemasora, Jesu akaprofita nezvenguva yakaita sousiku yaizovapo nemhaka yokutsauka pakutenda. Akati “vanhu pavakanga vakarara,” Dhiyabhorosi aizodyara masora  mumunda wainge wadyarwa mbeu yegorosi neMwanakomana womunhu. Zvose zvaizokura pamwe chete kusvikira “pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” Jesu akatsanangura kuti “mbeu yakanaka” inomirira “vanakomana voumambo” uye kuti “masora” anomirira “vanakomana veakaipa.” Munguva yokuguma, Mwanakomana womunhu aizotuma “vakohwi,” kureva ngirozi, kuti vaparadzanise gorosi nemasora. Zvadaro vanakomana voUmambo vaizounganidzwa. (Mat. 13:24-30, 36-43) Izvi zvakazadziswa sei, uye zvinobatana papi nenyaya yokuti Jehovha ane vanhu panyika?

11 “Kuguma kwemamiriro ezvinhu” kwakatanga muna 1914. Panguva iyoyo kwaingova nezviuru zvishoma zvevaKristu vakazodzwa kana kuti “vanakomana voumambo.” VaKristu ivavo, vaiva nhapwa muBhabhironi Guru pairwiwa hondo yakatanga mugore iroro. Muna 1919, Jehovha akavasunungura, zvikabva zvava pachena kuti vainge vakasiyana ‘nemasora’ kana kuti vaKristu vokunyepedzera. Akaunganidza “vanakomana voumambo” akaita kuti vave boka rakarongeka, zvikazadzisa mashoko aIsaya okuti: “Nyika ingaberekwa nezuva rimwe chete panongouya kurwadziwa here? Kana kuti rudzi rungaberekwa pakarepo here? Nokuti Ziyoni parakangorwadziwa rakabva rabereka vana varo.” (Isa. 66:8) Ziyoni, iro rinomirira sangano raJehovha rezvisikwa zvokudenga, rakabereka vanakomana vakazodzwa nomudzimu uye rakavaronga kuti vave rudzi.

12. Vakazodzwa vakaratidza sei kuti ndivo ‘vanhu vezita raJehovha’ mazuva ano?

12 “Vanakomana voumambo” vakazodzwa vaifanirawo kuva zvapupu zvaJehovha sezvainge zvakaita vaKristu vepakutanga. (Verenga Isaya 43:1, 10, 11.) Vaifanira kuratidza kuti vakasiyana nevamwe vose pakuzvibata kwavo uye nokuparidza “mashoko akanaka oumambo . . . kuti ave uchapupu kumarudzi ose.” (Mat. 24:14; VaF. 2:15) Izvozvo zvakaita kuti mamiriyoni evanhu ave akarurama pamberi paJehovha.Verenga Dhanieri 12:3.

 “TICHAENDA NEMI”

13, 14. Vaya vasiri muboka revakazodzwa vanofanira kuitei kuti kunamata kwavo kugamuchirwe naMwari, uye Bhaibheri rakagara razvitaura sei?

13 Munyaya yakapfuura takaona kuti munguva yevaIsraeri, vatorwa vaigona kunamata Jehovha, asi vaifanira kubatana nevanhu vaJehovha. (1 Madz. 8:41-43) Mazuva anowo, vaya vasiri muboka revakazodzwa vanofanira kubatana nevanhu vaJehovha, kureva Zvapupu zvaJehovha zvakazodzwa.

14 Kuuya kuri kuita vanhu vakawanda kuzonamata Jehovha pamwe nevanhu vake panguva ino yomugumo kwakafanotaurwa nevaprofita vaviri vekare. Isaya akaprofita kuti: “Marudzi mazhinji achaenda achiti: ‘Uyai, ngatikwirei kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye achatirayiridza nezvenzira dzake, uye isu tichafamba mumakwara ake.’ Nokuti mutemo uchabuda muZiyoni, uye shoko raJehovha richabuda muJerusarema.” (Isa. 2:2, 3) Uyewo muprofita Zekariya akaprofita kuti “marudzi mazhinji nemarudzi ane simba achauya kuzotsvaka Jehovha wemauto muJerusarema uye kuzoita kuti anzwirwe nyasha naJehovha.” Akataura nezvemarudzi iwayo ‘sevarume gumi vanobva mumitauro yose yemarudzi’ vaizoita sevari kubata kumupendero wenguo yaIsraeri waMwari vachiti: “Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari anemi.”Zek. 8:20-23.

15. “Mamwe makwai” ‘anoenda’ nevakazodzwa kunoita basa ripi?

15 “Mamwe makwai” ‘anoenda’ nevakazodzwa mubasa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo. (Mako 13:10) Anovawo vanhu vaMwari pamwe chete nevakazodzwa, vova “boka rimwe chete” rinotungamirirwa ‘nemufudzi akanaka kwazvo,’ Kristu Jesu.Verenga Johani 10:14-16.

IVA PAKATI PEVANHU VAJEHOVHA KUTI UPONE

16. Jehovha achaita sei kuti chikamu chokupedzisira ‘chokutambudzika kukuru’ chitange?

16 Pashure pokuparadzwa kweBhabhironi Guru, vanhu vaJehovha vacharwiswa zvakasimba, uye kuti tipone panguva iyoyo tinotoda kudzivirirwa naJehovha. Sezvo kurwisa uku kuri iko kuchava kutanga kwechikamu chokupedzisira ‘chokutambudzika kukuru,’ Jehovha pachake ndiye achaona kuti zvaitika sezvaanoda uye kuti zvaitika panguva yake. (Mat. 24:21; Ezek. 38:2-4) Panguva iyoyo, Gogi acharwisa vanhu vaJehovha avo vanofananidzwa ‘nerudzi rwakaunganidzwazve ruchibva kune mamwe marudzi.’ (Ezek. 38:10-12) Jehovha achabva aparadza Gogi nevatsigiri vake. Jehovha acharatidza kuti ndiye changamire uye achatsvenesa zita rake. Anoti: ‘Ndichaita kuti ndizivikanwe pamberi pemarudzi mazhinji; uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’Ezek. 38:18-23.

‘Pakutambudzika kukuru,’ tichafanira kuramba tichiwadzana neungano yedu (Ona ndima 16-18)

17, 18. (a) Vanhu Jehovha vachapiwa mirayiridzo yakaita sei pavacharwiswa naGogi? (b) Kana tichida kuti Jehovha atidzivirire tinofanira kuitei?

17 Gogi paachatanga kurwisa vanhu vaMwari, Jehovha achaudza vashumiri vake kuti: “Vanhu vangu endai mupinde mudzimba dzenyu dzomukati, muvhare masuo. Vandai kwenguva duku kusvikira kutsamwa kwapfuura.” (Isa. 26:20) Panguva iyoyo, Jehovha achatipa mirayiridzo ichatibatsira kuti tipone, uye ‘dzimba dzomukati’ dzinotaurwa mundima iyi dzinogona kuva nechokuita neungano dzedu.

18 Saka kana tichida kuti Jehovha atidzivirire pakutambudzika kukuru, tinofanira kuziva kuti ane vanhu vake vari panyika vakarongwa kuva ungano. Tinofanira kuramba tiri pamwe chete navo uye kuramba tichiwadzana neungano yedu. Sezvakaitwa nomunyori wepisarema, ngatizivisei nemwoyo wose kuti: “Ruponeso ndorwaJehovha. Chikomborero chenyu chiri pavanhu venyu.Pis. 3:8.