Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Vakuru nevashumiri vanoshumira vanogadzwa sei muungano imwe neimwe?

Muapostora Pauro akaudza vakuru vaiva muungano yeEfeso kuti: “Zvichenjererei imi neboka rose, ramakagadzwa pariri nomudzimu mutsvene kuti muve vatariri varo, kuti mufudze ungano yaMwari, yaakatenga neropa roMwanakomana wake.” (Mab. 20:28) Mudzimu mutsvene unoshanda sei pakugadzwa kunoitwa vakuru nevashumiri vanoshumira mazuva ano?

Chokutanga, mudzimu mutsvene wakaita kuti vanyori veBhaibheri vanyore zvinodiwa kuti munhu ave mukuru kana kuti mushumiri anoshumira. Pana 1 Timoti 3:1-7 panotaurwa zvinhu 16 zvinotariswa pakugadzwa kwevakuru. Zvimwe zvacho zviri mumagwaro akadai saTito 1:5-9 uye Jakobho 3:17, 18. Pana 1 Timoti 3:8-10, 12, 13 panotaurwawo zvinotariswa pakugadza vashumiri vanoshumira. Chechipiri, vaya vanorumbidza uye vanogadza vakuru nevashumiri vanoshumira vanonyengeterera mudzimu waJehovha kuti uvatungamirire pavanenge vachiongorora kana hama ichiita zvinotaurwa muMagwaro nepainogona napo. Chechitatu, munhu wacho anenge achida kugadzwa anofanira kuratidza chibereko chomudzimu waMwari muupenyu hwake. (VaG. 5:22, 23) Saka mudzimu waMwari unoshanda pane zvose zvinoitwa pakugadzwa kwevakuru nevashumiri vanoshumira.

Asi ndiani anogadza hama idzodzo? Kare, pose paida kugadzwa vakuru uye vashumiri vanoshumira, dare revakuru rainyorera hofisi yebazi richirumbidza hama dzacho. Hama dzakagadzwa neDare Rinodzora dziri kuhofisi yebazi dzaiongorora kurumbidzwa ikoko uye dzaigadza kana zvakakodzera. Hofisi yebazi yaibva yazivisa dare revakuru. Vakuru vaizozivisa hama dzacho kuti dzagadzwa vodzibvunza kana dzaida kuita basa racho uye kana paine chaigona kudzitadzisa kuita basa racho. Ungano yaizoziviswa nezvokugadzwa kwacho.

Asi hama dzaigadzwa sei mumazuva evaapostora? Dzimwe nguva vaapostora vaigadza hama kuti dziite mamwe mabasa sezvakaitika pavakagadza varume vanomwe kuti vaite basa rokugovera zvokudya kuchirikadzi. (Mab. 6:1-6) Asi varume ivavo vanogona kunge vaitoshumira sevakuru vasati vapiwa basa iri rokugovera zvokudya.

Kunyange zvazvo Magwaro asingadonongodzi zvose zvaiitwa pakugadza munhu kuti ave mukuru kana kuti mushumiri anoshumira, tinokwanisa kuziva kuti zvaiitwa sei. Bhaibheri rinotaura  kuti Pauro naBhanabhasi pavainge vava kudzokera kumba parwendo rwavo rwokutanga rwoumishinari, “vakagadza varume vakuru nokuda kwavo muungano imwe neimwe uye, vachinyengetera pamwe chete nokutsanya, vakavaisa kuna Jehovha wavakanga vatenda.” (Mab. 14:23) Papera makore, Pauro akanyorera Tito waaifamba naye kuti: “Ndakakusiya muKrete nokuda kwechikonzero ichi, kuti ururamise zvinhu zvakanga zvisina kururama uye kuti ugadze varume vakuru muguta rimwe nerimwe, sezvandakakurayira.” (Tito 1:5) Zvinoitawo sokuti Timoti uyo aigara achifamba nomuapostora Pauro akapiwawo simba rokugadza vakuru. (1 Tim. 5:22) Saka zviri pachena kuti vakuru nevashumiri vanoshumira vaigadzwa nevatariri vaishanyira ungano kwete nevaapostora uye varume vakuru vaiva muJerusarema.

Nemhaka yeizvi, Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha rachinja zvaiitwa pakugadza vakuru nevashumiri vanoshumira. Kubva musi wa1 September 2014, kugadzwa kwacho kwava kuitwa sezvinotevera: Mutariri wedunhu ndiye ava kuongorora kurumbidzwa kunenge kwaitwa vakuru nevashumiri vanoshumira mudunhu rake. Paanoshanyira ungano, anoedza kuziva vaya vanenge varumbidzwa uye kana zvichiita, anoshanda navo muushumiri. Paanenge akurukura nedare revakuru nezvokurumbidzwa kwacho, anobva agadza vakuru uye vashumiri vanoshumira muungano dziri mudunhu rake. Izvi zvinoti fananei nezvaiitwa nevaKristu vepakutanga.

Vakuru nemutariri wedunhu vachiongorora kuti hama iri kuita zvinotaurwa neMagwaro here kuti igadzwe (Malawi)

Ndivanaani vanoita mabasa akasiyana-siyana pakugadzwa kunoitwa vakuru nevashumiri vanoshumira? Sezvazvagara zviri, “muranda akatendeka, akangwara,” ndiye ane basa rokugovera zvokudya kune veimba. (Mat. 24:45-47) Anoongorora Magwaro achibatsirwa nemudzimu mutsvene kuti akwanise kupa mirayiridzo inobva muMagwaro inofanira kushandiswa pamaitirwo ezvinhu muungano iri munyika yose. Muranda akatendeka anogadzawo vatariri vematunhu vose uye nhengo dzeDare Rebazi. Uye hofisi yebazi inozopa mazano anobatsira pakutevedzera mirayiridzo inenge yapiwa. Dare revakuru rine basa rokunyatsoongorora kuti hama dziri kuita here zvinotaurwa neMagwaro, rodzirumbidza kuti dzigadzwe muungano yaMwari. Mutariri wedunhu ndiye ane basa rokunyatsoongorora uye kufungisisa nezvokurumbidzwa kunenge kwaitwa nevakuru ozogadza hama dzinenge dzakakodzera.

Kana tikanzwisisa kuti vakuru nevashumiri vanoshumira vanogadzwa sei, tinobva tanyatsonzwisisa kushanda kunoita mudzimu mutsvene pakugadzwa kwacho. Izvozvo zvinoita kuti tivimbe nevanenge vagadzwa muungano yechiKristu uye tivaremekedze.—VaH. 13:7, 17.

 Zvapupu zviviri zvinotaurwa muchitsauko 11 chaZvakazarurwa ndivanaani?

Zvakazarurwa 11:3 inotaura nezvezvapupu zviviri zvaizoprofita kwemazuva 1 260. Nhoroondo yacho inobva yataura kuti chikara chaizorwa nazvo “chozvikunda uye chozviuraya.” Asi pashure “pemazuva matatu nehafu,” zvapupu zviviri izvi zvaizomutswa uye kumutswa ikoko kwaizoshamisa vose vaiona.Zvak. 11:7, 11.

Zvapupu zviviri izvi ndivanaani? Mashoko ari munyaya yacho anotibatsira kuzviziva. Kutanga, tinoudzwa kuti zvapupu izvi “zvinofananidzirwa nemiorivhi miviri nezvigadziko zvemarambi zviviri.” (Zvak. 11:4) Izvi zvinotiyeuchidza nezvechigadziko chemarambi uye miti miviri yemiorivhi zvinotaurwa muuprofita hwaZekariya. Miti yemiorivhi iyoyo inonzi inomirira “vakazodzwa vaviri,” kureva Gavhuna Zerubhabheri uye Mupristi Mukuru Joshua, “vakamira pedyo naIshe wenyika yose.” (Zek. 4:1-3, 14) Chechipiri, zvapupu zviviri izvi zvinonzi zvinoita mabasa akafanana neaiitwa naMosesi naEriya.—Enzanisa Zvakazarurwa 11:5, 6 naNumeri 16:1-7, 28-35 uye 1 Madzimambo 17:1; 18:41-45.

Nhoroondo iri muna Zekariya naZvakazarurwa dzakafanana papi? Imwe neimwe inotaura nezvevanhu vakazodzwa naMwari vaitungamirira panguva dzakaoma. Saka pakuzadziswa kunoitwa Zvakazarurwa chitsauko 11, hama dzakazodzwa dzaitungamirira pakagadzwa Umambo hwaMwari kudenga muna 1914 dzakaparidza ‘dzakapfeka masaga’ kwemakore matatu nehafu.

Vakazodzwa ava pavakapedza basa ravo rokuparidza vakapfeka masaga, vakaita sevaurayiwa pavakaiswa mujeri kwenguva pfupi iyo inofananidzirwa nemazuva matatu nehafu. Vavengi vevanhu vaMwari vaiona sokuti basa revakazodzwa ava rainge ramiswa, zvikaita kuti vafare chaizvo.Zvak. 11:8-10.

Asi sezvakataurwa neuprofita hwacho, zvapupu zviviri izvi zvakamutswa pakapera mazuva matatu nehafu. Vakazodzwa ava vakabudiswa mujeri muna 1919 uye mugore iroro, vaya vakaramba vakatendeka vaiva vamwe vevakapiwa basa rinokosha naMwari achishandisa Tenzi wavo Jesu Kristu. Vakagadzwa kuva “muranda akatendeka, akangwara,” vachiita basa rokupa zvokudya zvokunamata kuvanhu vaMwari mumazuva ekupedzisira.Mat. 24:45-47; Zvak. 11:11, 12.

Zvakazarurwa 11:1, 2 inoratidza kuti zviitiko izvi zvaizoitika panguva yaizoyerwa kana kuti yaizoongororwa temberi yomudzimu. Maraki chitsauko 3 inotaurawo nezvekuongororwa kwetemberi yemudzimu uye kucheneswa kwayaizoitwa. (Mar. 3:1-4) Basa rokuongorora uye rokuchenesa temberi rakatora nguva yakareba sei? Rakatanga muna 1914 kusvika 1919 achangotanga. Nguva iyi inosanganisira mazuva 1 260 (mwedzi 42) uye mazuva matatu nehafu okufananidzira anotaurwa muna Zvakazarurwa chitsauko 11.

Tinofara chaizvo kuti Jehovha akaita urongwa uhwu kuti achenese vanhu vake kuti vaite mabasa akanaka. (Tito 2:14) Takasiyirwawo muenzaniso wakanaka nevakazodzwa ivavo vakatendeka vaitungamirira panguva iyoyo yokuedzwa vachishanda sezvapupu zviviri. *