Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Njere Dzomunhu Dzinodzora Kutsamwa Kwake”

“Njere Dzomunhu Dzinodzora Kutsamwa Kwake”

Mumwe murayiridzi webhora wekukoreji anodzingwa basa nekuti haagoni kudzora hasha dzake.

Kamwe kamwana kanoita hasha nekuti hakana kuitirwa zvakanoda.

Vamwe amai vanotanga kupopotedzana nemwanakomana wavo nekuti haana kurongedza mumba make.

TOSE zvedu takamboona vanhu vachitsamwa, uye hapana mubvunzo kuti isuwo takambogumbuka. Kunyange zvazvo tingafunga kuti hatitombofaniri kutsamwa, tinowanzoona sekuti hazvina kuipa kuti titsamwe, kunyanya paye patingaona sekuti mumwe munhu atitadzira. Imwe nyaya yakanyorwa nesangano rinoongorora nezvepfungwa rinonzi American Psychological Association inoti, “zviri muropa uye zvakanaka kuti munhu atsamwe.”

Pfungwa iyi ingaita seine musoro kana tikafunga mashoko akanyorwa nemuapostora Pauro afemerwa naMwari. Achiziva kuti dzimwe nguva vanhu vanombotsamwa, akati: “Tsamwai henyu, asi musatadza; zuva ngarirege kuvira makatsamwa.” (VaEfeso 4:26) Izvi zvinoreva here kuti tinofanira kuviruka nehasha, kana kuti tinofanira kuita zvose zvatinogona kuti tizvidzore?

UNOFANIRA KUTSAMWA HERE?

Pauro paakapa zano iri panyaya yekutsamwa, anofanira kunge aifunga mashoko emunyori wepisarema uyo akati: “Dederai, asi musatadza.” (Pisarema 4:4) Asi Pauro airevei nezano raakafemerwa kunyora? Anoenderera mberi achiti: “Pfini dzose nokutsamwa nehasha nokupopota nokutuka ngazvibviswe kwamuri pamwe chete nezvakaipa zvose.” (VaEfeso 4:31) Pauro akanga achikurudzira vaKristu kuti vadzore hasha dzavo. Pfungwa yezvaaireva inoenderana nenyaya yakanyorwa neAmerican Psychological Association iyo inoenderera mberi ichiti: “Tsvakurudzo yakaitwa inoratidza kuti kuviruka nehasha kunowanzoita kuti munhu awedzere kutsamwa uye hakuna zvakunobatsira pakugadzirisa zvinenge zvanetsa.”

Saka ‘tingabvisa’ sei kutsamwa uye zvakaipa zvakunozokonzera? Mambo akachenjera Soromoni wemuIsraeri akanyora kuti: “Njere dzomunhu dzinodzora kutsamwa kwake, uye zvakamunakira kuti aregerere kudarika.” (Zvirevo 19:11) “Njere dzomunhu” dzinomubatsira sei kana hasha dzava kuda kumukurira?

NJERE DZEMUNHU DZINODZORA SEI KUTSAMWA?

Munhu ane njere anokwanisa kunzwisisa mamiriro ezvinhu. Izvi zvinobatsira sei kana munhu atsamwiswa?

Kana tikaona zvakaipa zvichiitika, ichokwadi kuti tingagumbuka. Zvisinei, kana tikarega hasha dzichitikurira, tingaguma tazvikuvadza kana kuti takuvadza mumwe munhu. Kana imba ikatanga kutsva poshaya anodzima, yose inoparara. Saizvozvowo, kana tikatadza kuzvidzora tingaguma tisisazivikanwi sevanhu kwavo, tisisawirirani nevamwe, uye tisisiri shamwari dzaMwari. Saka kana tikanzwa kuti hasha dzava kuda kutikurira, tinofanira kuongorora mamiriro ezvinhu. Zvechokwadi kana tikanzwisisa zvese zviri kuitika zvinogona kutibatsira kuti tizvidzore.

Baba vaSoromoni, Mambo Dhavhidhi, vakapotsa vaita mhosva yeropa pane zvakaitika pakati pavo naNabhari, asi pane akapindira akabatsira Dhavhidhi kunzwisisa mamiriro acho ezvinhu. Dhavhidhi nevarume vaaiva navo vakadzivirira makwai aNabhari murenje reJudhiya. Nabhari paakanga ava kuveura makwai ake, Dhavhidhi akamukumbira zvokudya. Nabhari akapindura kuti: “Zvino nditore chingwa changu nemvura yangu nenyama yangu yandaurayira vaveuri vangu ndopa varume vandisingatombozivi kwavanobva here?” Uku kwaiva kutsvinya chaiko! Dhavhidhi paakazvinzwa, iye nevamwe varume vangasvika 400, vakaenda kuti vanoparadza Nabhari nevanhurume vose vemumhuri make.1 Samueri 25:4-13.

Mudzimai waNabhari, Abhigairi, akaudzwa zvainge zvaitika, ndokuenda kunoona Dhavhidhi. Paakaonana naDhavhidhi nevarume vaaiva navo, akapfugama pamberi paDhavhidhi ndokuti: “Murandasikana wenyu ngaataure muchinzwa, uye teererai mashoko omurandasikana wenyu.” Akabva atsanangurira Dhavhidhi kuti Nabhari aiva benzi, akataurawo kuti Dhavhidhi aizozvidemba kana akatsiva uye akadeura ropa.1 Samueri 25:24-31.

Dhavhidhi akanzwisisa chii pamashoko akataurwa naAbhigairi zvakamubatsira kuti adzore hasha? Chokutanga, akaona kuti Nabhari akanga agara aine upenzi, uye chechipiri, Dhavhidhi akaona kuti kutsiva kwaizoita kuti ave nemhosva yeropa. Dzimwe nguva pane zvingakutsamwisa sezvakaitika kuna Dhavhidhi. Unofanira kuitei? Imwe nyaya inotaura nezvekuzvidzora yakanyorwa neMayo Clinic inokurudzira kuti, “Chimbotura befu, woverenga kubva pa1 kusvika ku10.” Izvi zvinoratidza kuti unofanira kumbomira, woona kuti chii chakonzera dambudziko uye wofunga kuti zvauri kuda kuita zvingaguma nei. Njere ngadziite kuti udzore kutsamwa kwako kana kuti ngadzitoite kuti kupere.1 Samueri 25:32-35.

Izvi zvakabatsirawo vakawanda mazuva ano kuti vazvidzore kana vatsamwa. Sebastian, uyo aiva nemakore 23 paakapinda mujeri kuPoland, akatsanangura kuti akabatsirwa sei nekudzidza Bhaibheri kuti akwanise kuzvidzora kana atsamwa. Anoti: “Ndinotanga ndafunga kuti dambudziko riri papi. Zvadaro ndoedza kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri. Ndakaona kuti Bhaibheri rine mazano akanaka kupfuura mamwe mabhuku ose.”

Kushandisa mazano ari muBhaibheri kunogona kukubatsira kuzvidzora paunenge watsamwa

Izvi ndizvo zvakaitwawo naSetsuo. Anoti: “Ndaimbopopotera vamwe kana vanditsamwisa kubasa. Iye zvino ndava kuziva zvinotaura Bhaibheri, saka ndisati ndapopota ndinozvibvunza kuti: ‘Ndiani ane mhosva? Kuti handisirini here ndiri kukonzera dambudziko?’” Kufunga mibvunzo yakaita seiyi kwakamubatsira kuzvidzora kana atsamwa, uye zvakamubatsira kudzora hasha kana dzava kuda kumukurira.

Zvinogona kuoma kuti udzore kutsamwa, asi mazano ari muShoko raMwari ane simba rokukubatsira. Kana ukashandisa mazano euchenjeri ari muBhaibheri uye ukanyengetera kuti ubatsirwe naMwari, njere dzako dzichakudzorawo paunenge watsamwa.